Jehovha Anogadzirira Nzira
“Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa.”—MATEO 24:14.
1. Basa rokuparidza rakaitei muzana remakore rokutanga nerechi20?
NEMHOSVA yokuti Jehovha ndiMwari ane rudo, chido chake kuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:4) Izvi zvakarayira kuti paitwe basa rokuparidza nokudzidzisa munyika yose. Muzana remakore rokutanga, kuparidza uku kwakaita kuti ungano yechiKristu ive “mbiru nechitsigiro chezvokwadi.” (1 Timotio 3:15) Zvadaro pakauya nguva yakareba yokuramba kutenda chiedza chechokwadi pachakadzikatidzwa. Munguva pfupi yapfuura, “nguva yokupedzisira,” “zivo” yazovazve yakawanda, ichiunzira mamiriyoni tariro yomuBhaibheri yokuponeswa kusingagumi.—Dhanieri 12:4.
2. Jehovha akaitei zvine chokuita nebasa rokuparidza?
2 Pasinei zvapo nokutamburira zvakasimba kwaSatani kudzongonyedza chinangwa chaMwari, basa rokuparidza muzana remakore rokutanga nerechi20 rave richibudirira zvinoshamisa. Rinotiyeuchidza uprofita hwaIsaya. Nezvekudzoka kwenhapwa dzechiJudha muzana remakore rechitanhatu B.C.E., Isaya akanyora kuti: “Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pane makoronga pachaenzaniswa; pasakaenzana pachaitwa bani.” (Isaya 40:4) Jehovha akagadzirirawo mabasa makuru okuparidza uye akaita kuti ave nyore muzana remakore rokutanga nerechi20.
3. Jehovha anokwanisa kuita zvinangwa zvake munzira dzipi?
3 Izvi hazvirevi kuti Jehovha akapesvedzera zvakananga zvinhu zvose zviri kuitika panyika kuti aite kuti kuparidzwa kwemashoko akanaka kubudirire; uyewo hazvirevi kuti Jehovha akashandisa kufanoziva zvinhu kwake kuti anyatsoziva zvose zvaizoitika. Chokwadi, anokwanisa kufanoona nokuronga zviitiko zvomunguva yemberi. (Isaya 46:9-11) Asi anokwanisazve kuita chiito zvinhu pazvinenge zvava kuitika. Kufanana nomufudzi agara nebasa anoziva nzira yokutungamirira nayo nokudzora nayo boka rake, Jehovha anotungamirira vanhu vake. Anovatungamirira kuruponeso, achidzivirira umudzimu hwavo nokuvaita kuti vashandise mamiriro ezvinhu nokuitika kwezvinhu kunotsigira kubudirira kwokuparidzwa kwemashoko akanaka munyika yose.—Pisarema 23:1-4.
Basa Rakaoma
4, 5. Nei kuparidzwa kwemashoko akanaka kwave kuri basa rakaoma?
4 Sezvakanga zvakaita kuvaka areka muzuva raNoa, basa rokuparidza Umambo rave riri chirongwa chakakura—muzana remakore rokutanga nemazuva ano. Basa rokuenda kune vanhu neshoko chero ripi zvaro rakaoma, asi basa iri ndiro rakanga rakanyanya kuoma. Muzana remakore rokutanga, vadzidzi vakanga vari vashoma chaizvo. Mutungamiriri wavo, Jesu, akanga aurayiwa semunhu ainzi anomukira hurumende. Chitendero chechiJudha chakanga chanyatsodzika midzi. Temberi yakanga yakaisvonaka yaiva muJerusarema. Zvitendero zvisiri zvechiJudha zvaiva munharaunda yeMediterranean zvakanga zvadzikawo midzi, zvine temberi nevapristi. Zvakangofanana, “nguva yokupedzisira” zvayakavamba muna 1914, vaKristu vakazodzwa vakanga vari vashoma, uye vaitsigira zvimwe zvitendero zvaiti zvinoshumira Mwari vakanga vakawanda.—Dhanieri 12:9.
5 Jesu akanga anyevera vateveri vake kuti vaizotambudzwa. Akati: “Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.” (Mateo 24:9) Kuwedzera kumatambudziko akadaro, kunyanya mu“mazuva okupedzisira,” vaKristu vaizozviwana vari pakati pe“nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1) Kukura kwebasa racho, chokwadi chokuti kutambudzwa kwaizoitika, uye kuoma kwenguva yacho zvaita kuti basa rokuparidza rive rinonetsa uye rakaoma. Kutenda kukuru kwave kuchidiwa.
6. Jehovha akapa vanhu vake vimbiso ipi yokubudirira?
6 Nepo Jehovha aiziva kuti zvinhu zvaizooma, aizivazve kuti hapana chaizomisa basa racho. Kubudirira kwakafanotaurwa muuprofita hunonyatsozivikanwa hwakazadzikiswa zvinoshamisa muzana remakore rokutanga nerechi20 hunoti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose.”—Mateo 24:14, tisu tatsveyamisa mashoko.
7. Basa rokuparidza rakaitwa zvikuru sei muzana remakore rokutanga?
7 Vazadzwa nokutenda nomudzimu mutsvene, vashumiri vaMwari vomuzana remakore rokutanga vakaita basa ravakapiwa. Jehovha zvaakava navo, vakabudirira kupfuura zvavakanga vachitarisira nokure. Pakasvika nguva iyo Pauro akanyorera vaKorose, makore anenge 27 Jesu afa, aigona kutaura nezvemashoko akanaka kuti akanga “aparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Zvichienzaniswa, zana remakore rechi20 rava kunopera, mashoko akanaka ari kuparidzwa munyika 233.
8. Vakawanda vakagamuchira mashoko akanaka mumamiriro ezvinhu orudzii? Ipa mienzaniso.
8 Mamiriyoni akagamuchira mashoko akanaka mumakumi emakore achangobva kupfuura. Vakawanda vakaita kudaro mumamiriro ezvinhu asina kunaka—munguva yehondo, kurambidzwa, nokutambudzwa zvikuru. Izvozvo zvaivawo zvechokwadi muzana remakore rokutanga. Pane imwe nguva muzana remakore rokutanga, Pauro naSirasi vakazvamburwa neshamhu ndokukandirwa mujeri. Zvakaoma sei kuita vadzidzi mumamiriro ezvinhu akadai! Asi, Jehovha akashandisa mamiriro akanga akaita zvinhu zvacho kuti aite izvozvo chaizvo. Pauro naSirasi vakasunungurwa, uye murindiri wejeri pamwe nemhuri yake vakava vatendi. (Mabasa 16:19-33) Zviitiko zvakadaro zvinoratidza kuti mashoko akanaka haagoni kunyaradzwa nevaya vanoashora. (Isaya 54:17) Asi, nhau yechiKristu yave isiri iya yenhamo nokutambudzwa zvisina magumo. Zvino ngatitaurei nezvezvinhu zvakanaka zvakaitika zvakabatsira kuita kuti kuparidzwa kwemashoko akanaka kunobudirira kuite nyore muzana remakore rokutanga nerechi20.
Mune Zvechitendero
9, 10. Jehovha akaita sei kuti vanhu vatarisire kuparidzwa kwemashoko akanaka muzana remakore rokutanga nerechi20?
9 Funga nezvenguva yaizoitwa mabasa okuparidza pasi pose. Kana muri muzana remakore rokutanga uprofita hwemavhiki 70 emakore, hunowanikwa pana Dhanieri 9:24-27, hwakazivisa gore raizoonekwa Mesiya—29 C.E. Nyange zvazvo vaJudha vomuzana remakore rokutanga vasina kunzwisisa nguva chaiyo yaizoitika zvinhu, vakanga vachitarisira chimwe chinhu, vachimirira Mesiya. (Ruka 3:15) Manuel Biblique rechiFrench rinoti: “Vanhu vaiziva kuti mavhiki makumi manomwe emakore akatarwa naDhanieri akanga ava kuda kupera; hapana akashamiswa kunzwa Johane Mubhabhatidzi achizivisa kuti umambo hwaMwari hwakanga hwaswedera pedyo.”
10 Zvakadiniko nemazuva ano? Chiitiko chikuru kwaiva kugadzwa kwaJesu pachigaro mudenga, kwakaratidza kutanga kwokuvapo kwake musimba roUmambo. Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti izvi zvakaitika muna 1914. (Dhanieri 4:13-17) Kuda kuziva nezvechiitiko ichi kwakaitawo kuti vamwe vanhu vechitendero mazuva ano vatarisire chimwe chinhu. Kutarisira chimwe chinhu kwakaonekwawo muVadzidzi veBhaibheri vakatendeka avo vakatanga kubudisa magazini ino muna 1879 ichinzi Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence. Saka, muzana remakore rokutanga nemazuva ano, kutarisira chimwe chinhu kwechitendero kwakagadzirira mamiriro ezvinhu okuparidza mashoko akanaka.a
11. Inheyo dzipi dzechitendero dzakaiswa kubatsira kuparidzwa kwemashoko akanaka?
11 Chimwe chinhu chakabatsira basa rechiKristu munguva dzacho dzose ndechokuti vanhu vakawanda vakanga vakajairana neMagwaro Matsvene. Muzana remakore rokutanga, nzanga dzechiJudha dzakanga dzakapararira mumarudzi echiHedheni akanga akapoteredza. Nzanga idzodzo dzaiva nemasinagogi kwaigara kuchisangana vanhu kuti vanzwe Magwaro achiraviwa nokukurukurwa. Saka, vaKristu vokutanga vakanga vachikwanisa kuvakira paruzivo rwechitendero urwo vanhu vakanga vagara vanarwo. (Mabasa 8:28-36; 17:1, 2) Pakuvamba munguva yedu, vanhu vaJehovha vakava nemamiriro ezvinhu akafanana munyika dzakawanda. Bhaibheri rakanga richiwanikwa chaizvo muchiKristudhomu chose, kunyanya munyika dzechiPurotesitendi. Rairaviwa mumachechi akawanda; mamiriyoni aiva nerawo. Vanhu vakanga vatova neBhaibheri, asi vaida kubatsirwa kunzwisisa chavaiva nacho.
Kubatsira Kwomutemo
12. Mutemo weRoma waiwanzodzivirira sei muzana remakore rokutanga?
12 Kuparidza kwechiKristu kakawanda kwave kuchibatsirwa nomutemo wehurumende. Umambo hweRoma hwakatonga nyika yezana remakore rokutanga, uye mitemo yahwo yakanyorwa yakapesvedzera zvikuru upenyu hwezuva nezuva. Mitemo iyi yaidzivirira, uye vaKristu vokutanga vakabatsirwa nayo. Somuenzaniso, kutaura kwaPauro mutemo weRoma kwakaita kuti abudiswe mujeri uye kwakamuita kuti asarohwe. (Mabasa 16:37-39; 22:25, 29) Kutaura nezvegadziriro yapamutemo yeRoma kwakabatsira kudzikamisa boka raiva nehasha muEfeso. (Mabasa 19:35-41) Pane imwe nguva, Pauro akanunurwa muchisimba chaiva muJerusarema nokuti akanga ari mugari wokuRoma. (Mabasa 23:27) Gare gare, mutemo weRoma wakamubvumira kudzivira kutenda kwake zviri pamutemo pamberi paKesari. (Mabasa 25:11) Nyange zvazvo vanaKesari vakati kuti vaitonga sevadzvinyiriri, mitemo yomuzana remakore rokutanga kazhinji yaibvumira “kudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”—VaFiripi 1:7, NW.
13. Basa rokuparidza munguva yedu rinogara richibatsirwa sei nomutemo?
13 Izvozvo ndezvechokwadi munyika dzakawanda nhasi. Nyange zvazvo pave pane vaya vai“funga kuita zvakashata nemitemo,” mitemo yakanyorwa munyika dzakawanda inoti rusununguko rwechitendero ikodzero inokosha. (Pisarema 94:20) Dzichiziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvipandukiri gadziriro yenzanga, hurumende dzakawanda dzakaita kuti tizivikanwe zviri pamutemo. MuUnited States, kwave kuchidhindwa mabhuku akawanda eZvapupu, mitemo iripo yakaita kuti zviite kuti Nharireyomurindi irambe ichibudiswa kwemakore 120 uye kuti iraviwe munyika yose.
Nguva Dzorugare Nokushivirira
14, 15. Kuterama kwakati kwenharaunda kwakabatsira sei basa rokuparidza muzana remakore rokutanga?
14 Basa rokuparidza rakabatsirwawo nenguva dzorugare rwakati. Nyange zvazvo Jesu akafanotaura zvakarurama kuti munguva dziri kutaurwa nezvadzo ‘rudzi rwaizomukirana norudzi,’ paimbova nenguva dzokuterama dzaiita kuti zviite kuparidza Umambo zvakanyanya. (Mateo 24:7) VaKristu vomuzana remakore rokutanga vairarama muPax Romana, kana kuti Rugare rweRoma. Mumwe munyori wenhau akanyora kuti: “Roma yakanga yadzora zvakakwana vanhu venyika yeMediterranean zvokuti yakagumisa hondo yavo inenge yaigara ichirwiwa kwemakore nemakore.” Kuterama uku kwakaita kuti vaKristu vokutanga vafambe murugare rwakati munyika yose yeRoma.
15 Umambo hweRoma hwakarwa kuti hubatanidze vanhu vahwaidzora nesimba. Maitiro aya haana kungotsigira kufamba, kushivirira, uye kuchinjana pfungwa chete asiwo pfungwa youhama hwenyika yose. Bhuku rinonzi On the Road to Civilization rinoti: “Kubatana kwoUmambo [hweRoma] kwakaita kuti basa [rokuparidza kwechiKristu] rive rakanaka. Mipingo yaiparadzanisa marudzi yakanga yaputswa. Mugari womuRoma wakanga ari mugari womunyika. . . . Uyezve, chitendero chakanga chadzidzisa uhama hwomunhu chaigona kunzwisiswa mumugariro wakanga watanga pfungwa yokuva mugari womunyika yose.”—Enzanisa naMabasa 10:34, 35; 1 Petro 2:17.
16, 17. Chii chakakonzera kuedza kukurudzira rugare mazuva ano, uye vanhu vakawanda vakasvika pakutii?
16 Zvakadini nenguva yedu? Zana remakore rechi20 raona hondo dzinoparadza zvakanyanyisisa munhau, uye hondo dzomunharaunda dzinoramba dzichirura mudzimwe nyika. (Zvakazarurwa 6:4) Asi, kwave kunewo nguva dzorugare rwakati. Masimba makuru enyika ave asiri kurwisana muhondo dzakakura kwemakore anopfuura 50. Mamiriro ezvinhu aya akabatsira zvikuru mukuparidzwa kwemashoko akanaka munyika idzodzo.
17 Kutyisa kwehondo dzomuzana remakore rechi20 kwakaita kuti vanhu vakawanda vaone kudiwa kwehurumende yenyika yose. Kutya hondo yenyika kwakaita kuti paumbwe sangano reLeague of Nations nesangano reMubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. (Zvakazarurwa 13:14) Chinangwa chakaziviswa chemasangano acho ose kwave kuri kukurudzirwa kwokushandira pamwe kwenyika dzose norugare. Vanhu vachiziva kudiwa kworugare irworwo kazhinji vanogamuchira zvakanaka mashoko akanaka ehurumende yenyika yose ichaunza rugare rwechokwadi uye runogara kwenguva yakareba—Umambo hwaMwari.
18. Mafungiro api pamusoro pechitendero akatsigira basa rokuparidza?
18 Nyange zvazvo dzimwe nguva vaKristu vave vachitambudzwa zvinotyisa, zana remakore rokutanga nerechi20 rakaona nguva dzokushivirira zvitendero. (Johane 15:20; Mabasa 9:31) VaRoma vaibvuma nokunamatawo vanamwari nevanamwarikadzi vevanhu vavaikunda. Purofesa Rodney Stark akanyora kuti: “Muzvinhu zvakawanda Roma yakapa rusununguko rwechitendero rwakakura kupfuura rwakazoonekwazve pashure poKuchinja Zvinhu kweAmerica.” Mazuva ano, vanhu munyika dzakawanda vava kuda kunzwa mamwe mafungiro, zvokuti vave vachida kuteerera shoko reBhaibheri rinounzwa neZvapupu zvaJehovha.
Basa Rounyanzvi Hwokugadzira Zvinhu
19. VaKristu vokutanga vakashandisa sei kodhekisi?
19 Pakupedzisira, funga nezvokuti Jehovha akaita sei kuti vanhu vake vakwanise kubatsirwa nokuenderera mberi kwounyanzvi hwokugadzira zvinhu. Nyange zvazvo vaKristu vokutanga vasina kurarama munguva yokukurumidza kuenderera mberi kwounyanzvi hwokugadzira zvinhu, chinhu chimwe chavakashandisa chaiva kodhekisi, kana kuti bhuku rine mapeji. Kodhekisi yakatsiva mupumburu wairema. Bhuku rinonzi The Birth of the Codex rinoti: “Pamabhuku enyika, kodhekisi yakatsiva mupumburu zvishoma nezvishoma nepo kugamuchira kwevaKristu kodhekisi kunoita sekwakaitika pakarepo uye munyika yose.” Iri bhuku rinotiwo: “VaKristu vakashandisa kodhekisi munyika yose muzana remakore rechipiri zvokuti inofanira kuva yakavapo A.D. 100 asati atombosvika.” Kodhekisi yaiva nyore kushandisa kupfuura mupumburu. Magwaro aigona kukurumidza kuwanikwa. Chokwadi izvi zvakabatsira vaKristu vokutanga avo, kufanana naPauro, vakanga vasingangotsananguri Magwaro chete asiwo ‘vakatendisa nezvakanyorwa’ zvinhu zvavaidzidzisa.—Mabasa 17:2, 3.
20. Vanhu vaMwari vakashandisa sei unyanzvi hwokugadzira zvinhu hwemazuva ano mubasa rokuparidza pasi pose, uye nei?
20 Kuenderera mberi kwounyanzvi hwokugadzira zvinhu muzana redu remakore kwave kuchishamisa. Michina inodhinda ichikurumidza zvakabatsira kuita kuti zvibvire kubudisa mabhuku eBhaibheri mumitauro yakawanda panguva imwe. Unyanzvi hwokugadzira zvinhu hwemazuva ano hwakaita kuti kushandurwa kweBhaibheri kukurumidze. Marori, zvitima, zvikepe, uye ndege zvakaita kuti kutakurwa kwemabhuku eBhaibheri kuitwe nokukurumidza pasi pose. Foni nemichina yefax zvakaita kuti zviite kukurukurirana panguva yakare iyoyo. Achishandisa mudzimu wake, Jehovha akaita kuti vashumiri vake vashandise unyanzvi hwokugadzirwa kwezvinhu hwakadaro kuti vatsigire kuparadzirwa kwemashoko akanaka munyika yose. Havasi kushandisa kuenderera mberi kwakadaro nemhosva yokuda kuziva ndokushandisa chinhu chose chose chichangobva kuburwa munyika ino. Asi chinhu chokutanga uye chinonyanyokosha chavanofarira ndeicho chichavabatsira kuita basa ravo rokuparidza zvinobudirira zvikuru.
21. Tinogona kuva nechivimbo chei?
21 “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose,” Jesu akafanotaura kudaro. (Mateo 24:14) VaKristu vokutanga zvavakaona kuzadzika kwouprofita ihwohwo, isu nhasi tinohuona huchizadzika zvakanyanya. Pasinei zvapo nokukura nokuoma kwebasa racho, munguva yakafanira neisina kufanira, pakati pemitemo nemafungiro zviri kuchinja, muhondo nomurugare, uye pakati pokuenderera mberi kwose kweunyanzvi hwokugadzira zvinhu, mashoko akanaka ave achiparidzwa uye ari kuparidzwa. Izvi hazvikuiti kuti utye uchenjeri hwaJehovha nokufanoona kwake zvinhu kunoshamisa here? Tingava nechokwadi chakakwana chokuti basa rokuparidza richapedzwa maererano nenguva yaJehovha uye kuti chinangwa chake chorudo chichaitwa zvichiita kuti vakarurama vakomborerwe. Vachava varidzi vepasi ndokugara pariri nokusingaperi. (Pisarema 37:29; Habhakuki 2:3) Kana tikawiriranisa upenyu hwedu nechinangwa chaJehovha, tichava vamwe vacho.—1 Timotio 4:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti utsanangurirwe zvakakwana nezveuprofita huviri uhwu hwaMesiya, ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, mapeji 36, 97, uye 98-107, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Pfungwa Dzokudzokorora
◻ Nei kuparidzwa kwemashoko akanaka rave riri basa rakaoma?
◻ Basa rechiKristu rakabatsirwa negadziriro dzehurumende nokuterama kwakati kwenharaunda munzira dzipi?
◻ Kukomborera kwaJehovha basa rokuparidza kunotivimbisa nezvechii chichaitika munguva iri mberi?