“Zvinhu Zvose Zvine Nguva Yakatarwa”
“Zvinhu zvose zvine nguva yakatarwa, kunyange nguva yechinhu chimwe nechimwe pasi pedenga.”—MUPARIDZI 3:1, NW.
1. Vanhu vasina kukwana vanonetseka nei, uye dzimwe nguva izvi zvakakonzerei?
VANHU vanowanzoti, “Ndaifanira kudai ndakurumidza kuzviita.” Kana kuti zvimwe vachidemba, “Ndaifanira kunge ndambomira.” Kutaura kwakadai kunoratidza kunetseka kunoita vanhu vasina kukwana kuti vazive nguva yakarurama yokuti zvimwe zvinhu zviitwe. Kusaziva uku kwakakonzera kuti ukama huputsike. Kwakakonzera kuodzwa mwoyo nokuvhiringidzika. Uye zvakaipisisa, kwakaita kuti kutenda kwevamwe vanhu muna Jehovha nesangano rake kusave nesimba.
2, 3. (a) Nei kubvuma kusarudza kwaJehovha nguva yakatarwa iri nzira yokuchenjera? (b) Maoneroi ari pakati nepakati atinofanira kuva nawo pamusoro pokuzadzika kwouprofita hweBhaibheri?
2 Zvaane uchenjeri nokunzwisisa izvo vanhu vasina, Jehovha anokwanisa kufanoziva, kana achida kudaro, mugumisiro wechose chinoitwa. Anogona kuziva “kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira.” (Isaya 46:10) Saka, anogona kusarudza asingakanganisi nguva yakanyatsofanira yokuita chinhu chipi nechipi chaanoda kuita. Naizvozvo, pane kuvimba nepfungwa dzedu dzokusarudza nguva dzinokanganisa, kuchenjera kuti tibvume kusarudza kwaJehovha nguva yakatarwa!
3 Somuenzaniso, vaKristu vakakura mumudzimu vanomirira vakavimbika nguva yaJehovha yakatarwa kuti uprofita hweBhaibheri hwakati huzadzike. Vanogara vakabatikana mubasa rake, nguva dzose vachinyatsoyeuka nheyo yaMariro aJeremia 3:26, inoti: “Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere.” (Enzanisa naHabhakuki 3:16.) Panguva iyoyowo, vanotenda kuti kutonga kunoitwa naJehovha kwakaziviswa, “kunyange [ku]kanonoka, . . . [ku]chauya zvirokwazvo, ha[ku]ngaiti nguva huru.”—Habhakuki 2:3.
4. Amosi 3:7 naMateo 24:45 anofanira kutibatsira sei kumirira Jehovha tichishivirira?
4 Asiwo, kana tikasanzwisisa zvakakwana dzimwe ndima dzeBhaibheri kana kuti kutsanangurwa kwadzo kunopiwa mumabhuku eWatch Tower, tine chikonzero chokusashivirira here? Kumirira nguva yaJehovha yakatarwa yokujekesa zvinhu ndiyo nzira yokuchenjera. “Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.” (Amosi 3:7) Ivimbiso yakanaka zvakadini! Asi tinofanira kuziva kuti Jehovha anozivisa zvakavanzika zvake panguva yaanoona yakakodzera. Nechinangwa ichocho Mwari akapa simba “muranda wakatendeka, wakangwara” kuti ape vanhu vake “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45, tisu tatsveyamisa mabhii.) Naizvozvo, hapana chikonzero chokuti tinyanyonetseka, kana kuti kutovhiringidzwa, nokuti dzimwe nhau hadzinyatsotsanangurwi. Asi, tinogona kuvimba kuti kana tikamirira Jehovha tichishivirira, achapa zvinodiwa “nenguva yakafanira,” achishandisa muranda akatendeka.
5. Kudzidza Muparidzi 3:1-8 kunobatsirei?
5 Mambo akachenjera Soromoni akataura nezvezvinhu 28 zvakasiyana-siyana, chimwe nechimwe chazvo chine “nguva yakatarwa.” (Muparidzi 3:1-8) Kunzwisisa zvinoreva zvakataurwa naSoromoni kuchatibatsira kuziva nguva yakarurama nenguva isina kururama yezvimwe zviito, semaonere anoita Mwari. (VaHebheru 5:14) Izvozvowo zvichatibvumira kuronga upenyu hwedu maererano nazvo.
“Nguva Yokuchema, Nenguva Yokuseka”
6, 7. (a) Chii chinoita kuti vanhu vari kunetseka nhasi va“chem[e]”? (b) Nyika inoedza sei kurwisa mamiriro ezvinhu akaipa zvikuru ainozviwana iri maari?
6 Kunyange zvazvo pane “nguva yokuchema, nenguva yokuseka,” ndiani hake asingadi zvapedzisira kududzwa pane zvokutanga? (Muparidzi 3:4) Zvinosuruvarisa kutaura kuti, tinorarama munyika inonyanya kuita kuti ticheme. Mashoko anoodza mwoyo ndiwo akazara munhau. Tinovhunduka patinonzwa nezvevechiduku vanopfura vavanodzidza navo kuchikoro, nezvevabereki vanobata vana vavo zvisina kunaka, nezvemagandanga anouraya kana kukuvadza vanhu vasina mhosva, uye nezvedzinonzi njodzi dzinoitika dzoga dzinoparadza upenyu hwevanhu nezvinhu. Vana vanoziya nenzara, vakaondoroka uye vapoteri vakabviswa munyika dzavo dzavaigara vari kutiza, zvinobata pfungwa dzedu paterevhizheni. Mashoko aimbova asingazivikanwi akadai sookuti kuparadza dzinza, AIDS, hondo inoshandiswa zvombo zvoutachiona, uye El Niño zvino zvava kuita kuti tinetseke mupfungwa dzedu nemumwoyo—chimwe nechimwe munzira yacho choga.
7 Hapana mubvunzo nezvazvo, nyika yanhasi yakazara nenhamo nokudzimbwa mwoyo. Kunyange zvakadaro, sokunge kuti rinoda kuderedza maipire akaita zvinhu zvacho, bhizimisi rekuvaraidza rinogara richipa kakawanda zvinhu zvounzenza nezvechisimba zvisina musoro, zvisinganakidzi, zvakagadzirirwa kutitsausa kuti tiite setisingaoni nhamo iri kuona vamwe. Asi majee anoratidza kushaya hanya nokuseka kusina musoro kunokonzerwa nezvinovaraidza zvakadaro zvinofanira kusiyaniswa nomufaro wechokwadi. Mufaro uri chibereko chomudzimu waMwari ndechimwe chinhu icho nyika yaSatani isingambogoni kupa.—VaGaratia 5:22, 23; VaEfeso 5:3, 4.
8. VaKristu nhasi vanofanira kukoshesa kuchema kana kuseka here? Tsanangura.
8 Tichiziva kuipa kwakaita nyika, tinogona kunzwisisa kuti nhasi handiyo nguva yokunyanyokoshesa kuseka. Haisi nguva yokungoraramira kutandara nekuvaraidzwa kana kuti kubvumira kuti ku“ngoita [zvedu] jee” kutore nzvimbo yokutanga pane zvinhu zvomudzimu. (Enzanisa naMuparidzi 7:2-4.) “Vanobata nezvenyika” vanofanira kuva “savasingabatisisi nazvo,” akadaro muapostora Pauro. Nei? Nokuti “mugariro wenyika ino unopfuura.” (1 VaKorinte 7:31) VaKristu vechokwadi vanorarama zuva roga roga vachinyatsoziva kukosha kwakaita nguva yatiri kurarama mairi.—VaFiripi 4:8.
Pasinei Nokuchema, Vanofara Zvechokwadi!
9. Mamiriroi ezvinhu anosuruvarisa aivapo mumazuva akatangira Boporodzi, uye izvi zvinorevei kwatiri nhasi?
9 Vanhu vairarama panguva yeBoporodzi renyika yose vakanga vasingakoshesi upenyu. Vaiita havo zvinhu zvezuva nezuva ndokutadza kuchema nezve“kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika,” vachitarira vasingakendengi sezvo “nyika yakanga izere nokumanikidzana.” (Genesi 6:5, 11) Jesu akataura nezvemugariro iwowo waisuruvarisa, uye akafanotaura nezvemafungiro akafanana anowanikwa muvanhu muzuva redu. Akanyevera kuti: “Sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.”—Mateo 24:38, 39.
10. VaIsraeri vairarama mumazuva aHagai vakaratidza sei kuti vakanga vasingakoshesi nguva yaJehovha yakatarwa?
10 Makore anenge 1 850 pashure peMafashamo, mumazuva aHagai, vaIsraeri vakawanda vakaratidza kushaya hanya zvikuru nezvinhu zvomudzimu kwakafanana. Vakabatikana kutsvaka zvinhu zvavaida ivo, vakatadza kuziva kuti nguva yavairarama yaiva yokupa zvinhu zvinodiwa naJehovha nzvimbo yokutanga. Tinorava kuti: “Vanhu ava vanoti: Nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha. Ipapo shoko raJehovha rakasvika nomuprofita Hagai, richiti: Ko zvino inguva yamungagara imi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here? Zvino zvanzi naJehovha wehondo: Cherekedzai zvamakaita.”—Hagai 1:1-5.
11. Tingazvibvunza mibvunzo ipi nenzira yakakodzera?
11 SeZvapupu zvaJehovha nhasi, zvine mitoro neropafadzo pamberi paJehovha dzakafanana nedziya dzevaIsraeri vemunguva yaHagai, tingaitawo zvakanaka kucherekedza zvatinoita, tichizviita nomwoyo wose. Tino“chema” mamiriro ezvinhu enyika uye ruzvidzo rwaanounza pazita raMwari here? Tinorwadziwa here vanhu pavanoramba kuvapo kwaMwari kana kuti pavanoramba zvachose nheyo dzake dzakarurama? Tinoita sezvakaita vanhu vakaiswa chiratidzo vakaonekwa naEzekieri pane zvaakaratidzwa makore 2 500 akapfuura here? Nezvavo tinorava kuti: “Jehovha akati [kumurume aiva norunyanga rweingi rwomunyori]: Pfuura napakati peguta, napakati peJerusarema, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa mukati maro.”—Ezekieri 9:4.
12. Ezekieri 9:5, 6 inorevei kuvanhu nhasi?
12 Zvinoreva nyaya iyi kwatiri nhasi zvinova pachena patinorava mirayiridzo yakapiwa varume vatanhatu vaiva nezvombo zvokuparadzisa: “Pfuurai nomuguta muchimutevera, muuraye; ziso renyu ngarirege kupembedza, musava netsitsi; urayai chose vatana namajaya nemhandara navanana navakadzi; asi regai kuswedera kune mumwe une chiratidzo; mutange panzvimbo yangu tsvene.” (Ezekieri 9:5, 6) Kupukunyuka kwedu dambudziko iroro riri kukurumidza kuuya kunotsamira pakuziva kwedu kuti zvikurukuru nhasi inguva yokuchema.
13, 14. (a) Vanhu vorudzii vakanzi naJesu vanofara? (b) Tsanangura chikonzero nei uchifunga kuti rondedzero iyi inonyatsokodzera Zvapupu zvaJehovha.
13 Chokwadi, ku“chema” kwevabatiri vaJehovha nhau dzinosuruvarisa dzenyika hakudzivisi kufara kwavo. Zvakatosiyana neizvozvo! Kutaura chokwadi ndiro boka revanhu vanofara kwazvo panyika. Jesu akapa chinozivisa mufaro paakati: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, . . . avo vanochema, . . . vanyoro, . . . avo vane nzara nenyota yekururama, . . . vane ngoni, . . . vakachena mumwoyo, . . . vanoita rugare, . . . avo vakatambudzwa nokuda kwokururama.” (Mateo 5:3-10, NW) Pane uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti rondedzero iyi inokodzera Zvapupu zvaJehovha seboka, zviri nani kupfuura zvainoita rimwe sangano rechitendero ripi neripi.
14 Kunyanya kubva zvakadzorerwa kunamata kwechokwadi muna 1919, vanhu vaJehovha vanofara vane chikonzero cho“kuseka.” Vakawana zvinofadza zvakaitika kuvaya vakadzoka kubva kuBhabhironi muzana remakore rechitanhatu B.C.E. zvichiitikawo kwavari, mumudzimu zvokuti: “Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZioni, isu takanga takafanana navanorota hope. Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka, norurimi rwedu nokuimba. . . . Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; isu tinofara.” (Pisarema 126:1-3) Kunyange zvakadaro, kunyange pazvinenge zvichiseka mumudzimu, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichifunga nokuchenjera kukosha kwenguva. Kana nyika itsva yangouya chete uye vagari vepasi va“batisis[a] upenyu chaihwo,” ipapo nguva ichava yasvika apo kuseka kuchatsiva kuchema nokusingagumi.—1 Timotio 6:19; Zvakazarurwa 21:3, 4.
“Nguva Yokumbundikira, Nenguva Yokurega Kumbundikira”
15. Nei vaKristu vachiita shamwari dzokusarudza?
15 VaKristu vanosarudza vavanosanganisa muushamwari. Vanoramba vachifunga nezvenyevero yaPauro yokuti: “Musanyengerwa; ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33) Uye Mambo akachenjera Soromoni akati: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.
16, 17. Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei ushamwari, kudanana, uye kuroorana, uye nei?
16 Vashumiri vaJehovha vanosarudza vanhu vanodawo Jehovha nokururama kwake sezvavanoita kuti vave shamwari dzavo. Nepo vachionga uye vachifara kuwadzana neshamwari dzavo, vanodzivisa nokuchenjera kuona kudanana nenzira yokunyanyosununguka zvakazara mune dzimwe nyika nhasi. Pane kuzviita sokunakidzwa kusingakuvadzi, vanoona kudanana sedanho guru rokuda kuroorana rinofanira kutorwa chete kana munhu agadzirira mumuviri, mupfungwa, uye mumudzimu—uyezve akasununguka maerereno neMagwaro—kuti apinde muukama hwechigarire.—1 VaKorinte 7:36.
17 Vamwe vangafunga kuti chinyakare kuva nemaonero akadaro okudanana nokuroorana. Asi Zvapupu zvaJehovha hazvibvumiri kuda kufanana nevezera razvo kuti kupesvedzere kusarudza kwazvo shamwari kana kuti zvisarudzo zvazvo zvine chokuita nokudanana nokuroorana. Zvinoziva kuti “kuchenjera [kuno]ruramiswa namabasa akwo.” (Mateo 11:19) Jehovha anoziva zvakanakisisa nguva dzose, saka zvinokoshesa zano rake rokuroora bedzi “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39; 2 VaKorinte 6:14) Zvinodzivisa kumhanyira mukuroorana zvine pfungwa isina kururama yokuti kurambana kana kuparadzana zvisarudzo zvinogamuchirwa kana ukama hwacho hwakundikana. Zvinotora nguva yazvo kuti zvitsvake wokuroorana naye akakodzera, zvichiziva kuti kana mhiko dzomuchato dzangoitwa chete, mutemo uyu waJehovha unobva washanda: “Nokudaro havachiri vaviri, asi nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”—Mateo 19:6; Marko 10:9.
18. Chii chingashanda sepokutangira kuroorana kunofadza?
18 Kuroorana chibvumirano choupenyu hwose chakafanirwa nokuronga kwokungwarira. Murume angazvibvunza zvine musoro kuti, ‘Chaizvoizvo ndiye munhu akandikodzera here?’ Asi zvakakosha zvakafanana, anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Chaizvoizvo ndiri munhu akamukodzera here? Ndiri muKristu akakura anogona kutarisira zvaanoda mumudzimu here?’ Vari kuronga kuroorana vacho vose vanosungirwa naJehovha kuti vave vakasimba mumudzimu, vanokwanisa kuumba mubatanidzwa wemuchato wakasimba wakafanirwa nokutenderwa naye. Zviuru zvevaKristu vakaroorana zvinogona kupupurira kuti pamusana pokusimbisa kwahwo kupa panzvimbo pokugamuchira, ushumiri hwenguva yakazara ndipo pokutangira mhuri inofara pakanakisisa.
19. Nei vamwe vaKristu vachiramba vasina kuroora?
19 Vamwe vaKristu vano“rega kumbundikira” nokusarudza kuramba vasina kuroora nokuda kwemashoko akanaka. (Muparidzi 3:5) Vamwe vanoda kuzoroora vava kukwanisa kukwezva mumudzimu wokuroorana naye akakodzera. Asi ngatiyeukewo vaKristu vaya vasina kuroora vanoda kudiwa uye kubatsira kwekuroorana asi vachitadza kuwana wokuroorana naye. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anofarira kuramba kwavo kuputsa nheyo dzake pakutsvaka kwavo wokuroorana naye. Tinoitawo zvakanaka kuonga kuvimbika kwavo nokuvakurudzira zvakavafanira.
20. Nei kunyange vakaroorana dzimwe nguva vachi“rega kumbundikira”?
20 Kunyange vakaroorana vanofanira “kurega kumbundikira” pane dzimwe nguva here? Zvingadaro mupfungwa yakati, nokuti Pauro akati: “Ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vane vakadzi vave savasina.” (1 VaKorinte 7:29) Saka, mufaro nezvikomborero zvokuroorana zvinombofanira kuva zvechipiri kumabasa okutonga kunoitwa naMwari. Kuona nhau iyi zviri pakati nepakati hakushayisi imba simba asi kunoisimbisa nokuti zvinobatsira kuyeuchidza vose vari vaviri kuti Jehovha ndiye anofanira kugara achidzikamisa ukama hwavo.—Muparidzi 4:12.
21. Nei tisingafaniri kusarudzira vakaroorana panhau yokuva vabereki?
21 Uyezve, vamwe vakaroorana vakarega kuva nevana kuitira kuti vave vakati sunungukei kuita basa ravo kuna Mwari. Izvi zvakareva kurega kwavo zvimwe zvinhu, uye Jehovha achavapa mubayiro sezvakakodzera. Sezvineiwo, nepo Bhaibheri richikurudzira kusaroora nokuda kwemashoko akanaka, haritauri zvakananga nezvekugara usina mwana nokuda kwechikonzero ichocho. (Mateo 19:10-12; 1 VaKorinte 7:38; enzanisa Mateo 24:19 naRuka 23:28-30.) Saka, vakaroorana vanofanira kuzvisarudzira maererano nemamiriro ezvinhu avo pachavo nemanzwire ehana dzavo pachavo. Chero zvavachasarudza, vakaroorana havafaniri kutsoropodzwa.
22. Chii chakakosha kwatiri kuti tisarudze?
22 Hungu, “Zvinhu zvose zvine nguva yakatarwa, kunyange nguva yechinhu chimwe nechimwe pasi pedenga.” Kunotova ne“nguva yokurwa, nenguva yorugare.” (Muparidzi 3:1, 8) Nyaya inotevera ichatsanangura kuti nei zvakakosha kwatiri kuti tizive kuti yava nguva yechipi pazviviri zvacho.
Ungatsanangura Here?
◻ Nei zvichikosha kuti tizive kuti “zvinhu zvose zvine nguva yakatarwa”?
◻ Nei zvikurukuru nhasi iri “nguva yokuchema”?
◻ Nei vaKristu, kunyange vari “kuchema,” vachingofara zvechokwadi?
◻ Vamwe vaKristu vanoratidza sei kuti vanoona nguva ino se“nguva yokurega kumbundikira”?
[Mifananidzo iri papeji 6, 7]
Kunyange zvazvo vaKristu vachi“chema” pamusana pemamiriro ezvinhu enyika . . .
. . . chokwadi ndivo vanhu vanofara kwazvo munyika
[Mufananidzo uri papeji 8]
Ushumiri hwenguva yakazara ndihwo hwaro hwakanakisisa hwemhuri inofara