Kusimbiswa Kuti Urambe Kuita Zvakaipa
“PANDAKANGA ndichiri nemakore 15 uye ndichishanda muchitoro,” anotsanangura kudaro Timothy, “wandaishanda naye akandikoka kuti ndiuye kumba kwake. Akati vabereki vake vaizove vasipo, paizova nevasikana, uye paizova nemukana wokurara nevasikana.” Vanhu vaduku vakawanda nhasi vangakurumidza kubvuma pavanokokwa seizvi. Asi Timothy akapindura sei? “Ndakabva ndamuudza ipapo kuti ndakanga ndisiri kuzouya uye kuti nemhaka yehana yangu yechiKristu, ndakanga ndisingadi kurara nomumwe munhu wandisina kuroorana naye.”
Paaitsanangura kusada kwake, Timothy haana kuziva kuti mumwe mushandi wechiduku wechikadzi ainge akateerera. Kusada kwaTimothy kuita zvakaipa kwakamushamisa, uye nokukurumidza aitofanira kurambawo zvaaitaura—panguva dzinoverengeka, sezvatichaona gare gare.
Zvechokwadi, kuwirwa nemiedzo hakuna kutanga nhasi. Makore anenge 3 000 apfuura, Mambo Soromoni akanyora kuti: “Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, usatenda iwe. . . . Dzora rutsoka rwako panzira yavo.” (Zvirevo 1:10, 15) Jehovha pachake akarayira rudzi rwaIsraeri kuti: “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa.” (Eksodho 23:2) Hungu, padzimwe nguva tinofanira kuramba, tichidzivisa muedzo wekuita zvakaipa, kunyange zvazvo zvingava zvinhu zvisingaitwi nevakawanda.
Kuramba Kunonyanya Kukosha Nhasi
Kuramba kuita chakaipa hakuna kumbova nyore, uye mazuva ano kunogona kuva kwakanyanya kuoma, nokuti tiri kurarama muanonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu. Maererano nouprofita hweBhaibheri, vanhu vazhinji vava kuda zvinofadza uye chisimba, vasina umudzimu netsika. (2 Timotio 3:1-5) Purezidhendi weyunivhesiti yevaJesuit akati: “Tine tsika dzakagara dziripo dzakaongororwa dzikaonekwa kuti hadzina kukwana kana kuti hadzichafambirani nenguva. Zvino panenge pasisina miganhu yetsika zvachose.” Achiwedzerawo, mutongi mukuru mudare redzimhosva akati: “Zvinhu hazvisisina kusiyana zvakajeka. Chinhu chose chakadzikatidzwa. . . . Vanhu vashoma vachiri kugona kuona kusiyana kwechakanaka nechakaipa. Nhasi chivi ndicho chava kubatwa, kwete kuputsa mutemo.”
Muapostora Pauro akanyora nezvevanhu vane mafungiro akadaro kuti: “Vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo; vakazvipa vasina hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.” (VaEfeso 4:18, 19) Asi nhamo yakavamirira. Isaya akazivisa kuti: “Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima.” (Isaya 5:20) Ava vanokohwa kwete bedzi zvavanodyara iye zvino asiwo nokukurumidza vachaona “nhamo” huru kupinda dzose—kutongwa zvakaipa naJehovha.—VaGaratia 6:7.
“Kana vakaipa vachimera souswa, uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi,” rinodaro Pisarema 92:7. Nemamwe mashoko, zvakaipa zvakawanda zviri kuitwa hazvirambi zviripo nokusingaperi, zvichiomesera vanhu vakawanda upenyu zvikuru. Chokwadika, Jesu akati “rudzi” runotsigira uipi uhwu ndirwo urwo Mwari achaparadza mu“kutambudzika kukuru.” (Mateo 24:3, 21, 34) Saka kana tichida kuponeswa mukutambudzika uku, tinofanira kuziva chakanaka nechakaipa maererano nezvinotaurwa naMwari; uye, chokwadika, tinoda simba retsika rokuramba kuita zvakaipa zvose. Kunyange zvazvo izvi zvisiri nyore, Jehovha akatipa mienzaniso inokurudzira munguva dzainyorwa Bhaibheri uye nhasi.
Kudzidza Kujaya Rakaramba
Kuramba kuita ufeve noupombwe zvinoita sezvakanyanya kuoma, kunyange kuvamwe vari muungano yechiKristu. Timothy, adudzwa mundima yokutanga, akarangarira muenzaniso waJosefa muduku, wakanyorwa muMagwaro pana Genesi 39:1-12. Josefa akaratidza simba retsika paakakokwa kazhinji nomukadzi wemukuru mukuru weEgipita Potifari kuti arare naye. Nhau yacho inoti Josefa ‘wairamba uye aiti . . . Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?’
Josefa akawana sei simba retsika rokuramba zvaida mukadzi waPotifari zuva nezuva? Chokutanga, aikoshesa ukama hwake naJehovha zvikuru kupfuura kukoshesa kwaaiita kufara kwechinguva chiduku. Mukuwedzera, kunyange zvazvo akanga asiri pasi pomutemo waMwari (Mutemo waMosesi wakanga usati wavapo), Josefa ainzwisisa zvakajeka nheyo dzetsika; aiziva kuti kuita ufeve nomukadzi waPotifari aiva norudo rworuchiva chaiva chivi kwete kumurume wake bedzi asiwo kuna Mwari.—Genesi 39:8, 9.
Zviri pachena kuti Josefa ainzwisisa kukosha kwekusatombotanga kamoto kamberevere kechido kaigona kuzopisa matanda mberi ekutsva kusingadzoreki. MuKristu angaita zvakanaka kutevedzera muenzaniso waJosefa. Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1957 yakati: “Anofanira kuziva utera hwenyama yake orega kufunga kuti anogona kuita zvido zvisina kunaka kusvika pamuganhu unoiswa neMagwaro obva arega. Kunyange kana akakwanisa kuita izvi kwenguva yakati, pakupedzisira achayambuka muganhu iwowo oita chivi. Izvi zvinotoitika, sezvo kuchiva kunorerwa kuchiwedzera musimba ndokudzora munhu zvikuru. Zvinobva zvanyanya kumuomera kubvisa pfungwa dzake pazviri. Chaangatoita chakanaka kuzvidzivisa kubva pakutanga.”
Kudzivisa kubva pakutanga kunova nyore zvikuru sezvatinotanga kuda zvakanaka uye kuvenga zvakaipa. (Pisarema 37:27) Asi tinofanira kuramba tichizvishandira, kuramba tichizviita. Kana tikadaro, tichibetserwa naJehovha kuda kwedu chakanaka uye kusema chakaipa kuchasimba. Zvakadai, ichokwadi kuti tinofanira kuramba takangwarira, sezvakarayirwa naJesu, tichiramba tichinyengetera kuti tidzivirirwe pamiedzo uye kununurwa pane wakaipa.—Mateo 6:13; 1 VaTesaronika 5:17.
Kuramba Kumanikidzwa Kuti Ufanane Nevezera Rako
Chimwe chinoita kuti uite zvakaipa kumanikidzwa kuti ufanane nevezera rako. Mumwe wechiduku akati: “Ndiri kurarama upenyu huviri—humwe hwekuchikoro uye humwe hwekumba. Kuchikoro ndinopedza nguva ndiine vana vanotaura mutauro wakasviba panenge pose pavanotaura. Uye ndava kutofanana navo. Ndinofanira kuitei?” Chinodiwa ushingi hwokuva akasiyana, uye imwe nzira yokuita izvozvo ndeyokurava nokufungisisa nhau dzemuBhaibheri dzinotiudza nezvevabatiri vaMwari vakanga vakatendeka saJosefa. Mimwe mienzaniso yakaisvonaka ndiDhanieri, Shadraki, Meshaki naAbedhi-nego—majaya mana aiva akashinga kuva akasiyana nevezera rawo.
Pavakanga vachidzidziswa pamwe chete nemamwe majaya muimba youmambo yeBhabhironi, ava vaIsraeri vaduku vana vaifanira kudya “mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe.” Vasingadi kuputsa zvaitaurwa pamusoro pezvokudya muMutemo waMosesi, vakaramba zvokudya izvi. Zvaida kushinga—uye kunyanya nokuti zvokudya zvacho, zvazvaiva “zvamambo,” zvingava zvaikwezva zvikuru. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wakagadzwa nemajaya aya nokuda kwevaKristu nhasi vangaedzwa, kunyange kumanikidzwa, kuti vanyanye kunwa doro kana kuti vashandise zvinodhaka uye kushandisa fodya!—Dhanieri 1:3-17.
Shadraki, Meshaki naAbedhi-nego vakaratidzawo chokwadi chezvakataurwa naJesu gare gare kuti: “Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendekawo pazvikuru.” (Ruka 16:10) Kushinga kwavo panhau yaiva duku pane dzimwe yezvokudya uye migumisiro yakaisvonaka iyo Jehovha akapa pasina mubvunzo yakavasimbisa nokuda kwomuedzo wakatokura, wakazouya gare gare. (Dhanieri 1:18-20) Uyu muedzo wakauya apo vakarayirwa, pamutongo wokuurayiwa nomwoto, kuti vabatanidzwe mukunamata chidhori. Akashinga, majaya matatu akaramba akatsunga kunamata Jehovha bedzi, achivimba naye zvakakwana pasinei nechaizoitika. Jehovha akaakomborera zvakare nokuda kwokutenda kwao nokushinga—panguva ino achiachengeta nenzira yenenji pamarimi paakakandwa muchoto chaipisa kwazvo.—Dhanieri 3:1-30.
Shoko raMwari rine mimwe mienzaniso yakawanda yevakaramba kuita zvakaipa. Mosesi akaramba kunzi “mwanakomana womukunda waFarao,” kunyange zvazvo izvi zvaizodai zvakamupa mukana mukuru wekubatikana mu“kufarira zvivi nguva duku” muEgipita. (VaHebheru 11:24-26) Muprofita Samueri akaramba kushandisa zvisina kunaka simba rake nokuramba kugamuchira chioko muhomwe. (1 Samueri 12:3, 4) Vaapostora vaJesu Kristu vakaramba noushingi pavakarayirwa kurega kuparidza. (Mabasa 5:27-29) Jesu pachake akaramba zvakasimba kuita zvakaipa—kusvikira pakupedzisira poupenyu hwake apo varwi vakamupa “waini yakavhenganiswa nemura.” Kuigamuchira kungadai kwakaderedza zvaaive akatsunga kuita panguva iyoyo inokosha.—Marko 15:23; Mateo 4:1-10.
Kuramba—Inhau Youpenyu Norufu
Jesu akati: “Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suwo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”—Mateo 7:13, 14.
Nzira yakapamhamha inofarirwa nevakawanda nokuti iri nyore kufamba. Vanofamba nayo vanoita madiro, vanoda kufunga nenzira yenyama, uye vanoda, kwete kuva vakasiyana, asi kufanana nenyika yaSatani. Vanonzwa vachimanikidzwa nemitemo nenheyo zvaMwari. (VaEfeso 4:17-19) Asi, Jesu akataura zvakajeka kuti nzira yakapamhamha “inoenda kukuparadzwa.”
Asi nei Jesu akati vashoma bedzi vanosarudza nzira nhete? Kunyanya nemhaka yokuti vashoma chete ndivo vanoda mitemo nenheyo zvaMwari kuti zvidzore upenyu hwavo nokuvabetsera kudzivisa zvinokwezva zvakawanda uye mikana yakavapoteredza yokuita zvakaipa. Uyezve, vashoma chaizvo vakagadzirira kurwisa kuda zvakaipa, kumanikidzwa kuti vafanane nevezera ravo, uye kutya kushora kungauya pavari nemhaka yenzira yavakasarudza.—1 Petro 3:16; 4:4.
Ava vanonzwisisa zvakakwana kunzwa kwaiita muapostora Pauro paakatsanangura kurwa kwaaiita kuti arambe kuita chivi. Kufanana nenyika yanhasi, nyika yevaRoma nevaGiriki vemunguva yaPauro yaipa nzira yakapamhamha yomukana wekubatikana mukuita zvakaipa. Pauro akatsanangura kuti pfungwa dzake, idzo dzaiziva zvakanaka, dzairwa ‘hondo’ yaipfuurira nenyama yake, yaida kuita zvakaipa. (VaRoma 7:21-24) Hungu, Pauro aiziva kuti muviri wake waiva muranda akanaka asi tenzi akaipa, saka akadzidza kuurambira. “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda,” akanyora kudaro. (1 VaKorinte 9:27) Akawana sei simba rakadaro? Kwete nesimba rake pachake, raisakwanisa kuita zvaidiwa, asi nokubetsera kwomudzimu waMwari.—VaRoma 8:9-11.
Somugumisiro, Pauro, nepo akanga asina kukwana, akaramba akaperera kuna Jehovha kusvika kumagumo chaiko. Nguva pfupi asati afa, aigona kunyora kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama.”—2 Timotio 4:7, 8.
Sezvatinorwisa kusakwana kwedu, tine mienzaniso inokurudzira zvakadini, kwete Pauro bedzi, asiwo avo vakava mienzaniso kwaari—Josefa, Mosesi, Dhanieri, Shadraki, Meshaki, Abedhi-nego, uye vamwe vakawanda. Kunyange zvazvo vaiva vanhu vasina kukwana, mumwe nemumwe wevarume ava vokutenda akaramba kuita zvakaipa, haisi mhaka yokuti vaiva vakaoma musoro kana kuti vasinganzwi, asi nemhaka yesimba retsika rinoberekwa nemudzimu waJehovha. (VaGaratia 5:22, 23) Vaiva varume vomudzimu. Vaipanga mashoko ose omumuromo maJehovha. (Dheuteronomio 8:3) Shoko Rake raireva upenyu kwavari. (Dheuteronomio 32:47) Kupfuura zvose, vaida Jehovha uye vaimutya, uye vachibetserwa naye, vakavenga kuita zvakaipa vachishivirira.—Pisarema 97:10; Zvirevo 1:7.
Ngatiitei saivo. Zvechokwadi, kuti tipfuurire kuramba kuita zvakaipa zvose, tinoda mudzimu waJehovha sezvavakaita ivo. Jehovha norupo anotipa mudzimu wake kana tikaukumbira nomwoyo wose, kudzidza Shoko rake, uye kupinda nguva dzose misangano yechiKristu.—Pisarema 119:105; Ruka 11:13; VaHebheru 10:24, 25.
Timothy, adudzwa pakutanga, akafara kuti haana kurega zvinodiwa zvake zvomudzimu. Mushandi wechiduku wechikadzi, akanzwa achitaura newaanoshanda naye uye nenzira isiriyo akakwezvwa nokusada kuita zvakaipa kwaTimothy, gare gare akakoka Timothy kumba kwake chinyararire apo murume wake ainge asipo. Timothy akaramba. Asingarasi mwoyo nyore nyore, akaramba achimukoka kakawanda, semukadzi waPotifari. Timothy nesimba asi nounyoro akaramba nguva imwe neimwe. Akatotaura uchapupu hwakanaka hunobva muShoko raMwari kuuyu mukadzi. Achionga Jehovha zvikuru nokumusimbisa patsika kuti arambe, Timothy pari zvino akaroora muKristu waanonamata naye uye vari kufara. Zvechokwadi, Jehovha achakomborera uye achasimbisa vose vanoda kuramba vakaperera sevaKristu nokuramba kuita zvakaipa.—Pisarema 1:1-3.