Vabereki Vedu Vakatidzidzisa Kuda Mwari
YAKATAURWA NAELIZABETH TRACY
Varume vaive nezvombo, vakanga vambotungamirira mhomho kwatiri zuva iroro, vakamanikidza Amai naBaba kubuda mumotokari. Mukoma wangu neni tasara toga kumashure, takanga tichishamisika kuti taizomboona vabereki vedu zvekare. Chii chakatungamirira kuchiitiko ichi chinotyisa pedyo neSelma, Alabama, U.S.A., muna 1941? Uye zvatakadzidziswa nevabereki vedu zvinei nezvakaitika izvi?
BABA vangu, Dewey Fountain, vakarerwa nehama yavo papurazi riri muTexas pashure pokunge vabereki vavo vafa ivo vachiri mucheche. Gare gare vakaenda kunoshanda mumigodhi yemafuta. Muna 1922, apo vaiva nemakore 23, vakaroora imwe tsvarakadenga yechidiki yokuTexas yainzi Winnie, uye vakatanga kuronga zvokuva nomusha ndokurera mhuri.
Vakavaka imba munzvimbo ine miti yemapuranga kumabvazuva kweTexas pedyo netaundi duku reGarrison. Ikoko vairima zvirimwa zvakasiyana-siyana kusanganisira donje negorosi. Vaichengetawo marudzi ose emhuka dzepapurazi. Nokufamba kwenguva, isu vana takazvarwa—Dewey muduku muna May 1924, Edwena muna December 1925, uye ndakazvarwa muna June 1929.
Kudzidza Chokwadi cheBhaibheri
Amai naBaba vaifunga kuti vainzwisisa Bhaibheri, sezvo vaipinda Church of Christ. Asi muna 1932, G. W. Cook akasiya mabhuku anonzi Deliverance uye Government, akabudiswa neWatch Tower Society, aina babamukuru vedu Monroe Fountain. Vachida kwazvo kugoverana nevabereki vangu zvavaidzidza, Babamukuru vaiwanzouya panguva dzekudya kwemangwanani, voverenga nyaya muNharireyomurindi, uye vachiita “sevakanganwa” vosiya magazini yacho. Pashure pacho, Amai naBaba vaizoirava.
Mamwe mangwanani emusi weSvondo Babamukuru Monroe vakakokera baba kuimba yomuvakidzani nokuda kwefundo yeBhaibheri. Vakavavimbisa kuti VaCook vaikwanisa kupindura mibvunzo yavo yose kubva muBhaibheri. Baba pavakadzoka kufundo yacho, vakataurira mhuri vachifara kuti: “Mibvunzo yangu yose yapindurwa ndikawana mamwe mashoko pamusoro! Ndaifunga kuti ndinozviziva zvose, asi VaCook pavatanga kutsanangura nezvehero, mweya, chinangwa chaMwari nokuda kwapasi, uye kuti Umambo hwaMwari huchazviita sei, ndatanga kunzwa kuti handina chaizvoizvo zvandinoziva nezveBhaibheri!”
Imba yedu yaiva nzvimbo yeruzhinji. Hama neshamwari dzaiuya dzichishanya, dzichigadzira masiwiti eshuga nemaputi ane shuga, uye dzichiimba pamwe chete Amai pavairidza piyano. Zvishoma nezvishoma, zviitiko izvi zvakatsiviwa nekukurukurirana zvinhu zvemuBhaibheri. Kunyange zvazvo isu vana takanga tisinganzwisisi zvinhu zvose zvaikurukurwa, kuda Mwari neBhaibheri zvikuru kwevabereki vedu kwakanga kuri pachena zvokuti mumwe nomumwe wedu isu vana akadawo Mwari neShoko rake zvakafanana.
Dzimwewo mhuri dzakabvumira misha yadzo nokuda kwekurukurirana Bhaibheri vhiki nevhiki, dzichiwanzovakira panyaya yomumagazini yeNharireyomurindi yaive ichangobuda. Apo mhuri dzaive mumataundi aive pedyo eAppleby neNacogdoches dzaiita kuti misangano iitirwe kumba kwadzo, taizara muModel A Ford yedu toenda ikoko, pasinei nokuti mamiriro okunze akadini.
Kuita Maererano Nezvavakadzidza
Hazvina kutora nguva refu kuti vabereki vedu vaone kudikanwa kwechiito. Kuda Mwari kwaitoda kuti zvainge zvadzidzwa zvigoveranwe nevamwe. (Mabasa 20:35) Asi iyi nhanho yokuenda pachena nokutenda kwako yaiva chinhu chakaoma, zvikurukuru sezvo vabereki vedu vaiva vanhu vakangozvarwa vachinyara, uye vachizvininipisa. Asi kuda kwavo Mwari kwakavakurudzira, uye izvi somugumisiro zvakavabatsira kuti vatidzidzise kuti tivimbe naJehovha zvikuru. Baba vakazvitsanangura nenzira iyi: “Jehovha ari kuita vaparidzi kubva muvarimi!” Muna 1933, Amai naBaba vakaratidzira kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nekubhabhatidzwa mumvura mudziva riri pedyo neHenderson, Texas.
Mukutanga kwa1935, Baba vakanyorera kuWatch Tower Society vachibvunza mibvunzo yakawanda ine chokuita netariro yevaKristu yeupenyu husingaperi. (Johani 14:2; 2 Timoti 2:11, 12; Zvakazarurwa 14:1, 3; 20:6) Vakagamuchira mhinduro zvakananga kubva kuna Joseph F. Rutherford, aiva purezidhendi weSosaiti panguva iyoyo. Panzvimbo pokupindura mibvunzo yavo, Hama Rutherford vakakoka Baba kuti vazopinda kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C., muna May 1935.
‘Hazviiti!’ Baba vakafunga kudaro. ‘Tiri varimi vane maeka 65 akadyarwa muriwo. Uchafanira kutombokohwewa wose ndokuendeswa kumusika panguva iyoyo.’ Zvisinei, nokukurumidza mafashamo akauya akabvisa zvikonzero zvavo—zvirimwa, fenzi, nemazambuko. Saka takabatana nezvimwe Zvapupu pabhazi rechikoro rakahayiwa iro rakatiendesa makiromita 1 600 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kukokorodzano.
Pakokorodzano Baba naAmai vakafara kuteerera kutsananguro yakajeka yekuzivikanwa kwe“vazhinji-zhinji” vaizopukunyuka “kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kwoupenyu hwavo hwose, tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi yakavakurudzira, uye vakakurudzira isu vana kuti ti“batisise upenyu chaihwo,” kwatiri hwaireva upenyu husingaperi pasi pano uhwo Jehovha anopa. (1 Timoti 6:19; Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kunyange ndaingova nemakore mashanu, zvechokwadi ndakafara nokuva nemhuri yedu pachiitiko ichi chinofadza.
Tadzoka kukokorodzano, mhuri yakadyara zvimwe zvirimwa, uye takazova negoho rakakura kupfuura kare kose. Zvechokwadi izvi zvakabatsira kutendisa Amai naBaba kuti kuisa chivimbo chakazara muna Jehovha hakungamboregi kuva nomubayiro. Vakatora fomu chairo rebasa rokuparidza umo vose vakabvuma kupedza maawa 52 pamwedzi muushumiri. Uye apo mwaka wokudyara waitevera wakasvika, vakatengesa zvose zvavaiva nazvo! Baba vakagadzirisa karavhani yakanga yakareba mamita 6 ne2,4 yakagadzirirwa vashanu vedu kuti tigare mairi, uye vakatenga Ford sedan itsva yemadhoo maviri yekuidhonzesa. Babamukuru Monroe vakadarowo, uye vakatangawo kugara mukaravhani nemhuri yavo.
Kutidzidzisa Chokwadi
Baba naAmai vakatanga kupayona, sekudanwa kunoitwa ushumiri hwenguva yakazara, muna October 1936. Semhuri, takatanga kuparidza kumaruwa ari kumabvazuva kweTexas ayo ainge asati anyatsoparidzirwa mashoko oUmambo. Kwerinoda kuva gore rose, takafamba panzvimbo nenzvimbo, asi tose zvedu zvechokwadi tainakidzwa noupenyu uhwu. Amai naBaba vakatidzidzisa neshoko ravo nemuenzaniso kuti tive sevaKristu vepakutanga avo vakazvipira kuti vapfuuridzire chokwadi cheBhaibheri kune vamwe.
Isu vana taiyemura amai vedu zvikuru nokuda kwokurega zvimwe zvinhu kwavakaita nokusiya kwavakaita musha wavo. Zvisinei, pane chimwe chinhu chavaisagona kusiyana nacho, ichi chaiva muchina wavo wokusonesa. Chaiva chisarudzo chakanaka. Nemano avo semusoni, vaitiita kuti tigare takapfeka zvakanaka. Pakokorodzano imwe neimwe, taiva nembatya dzokupfeka itsva uye dzakanaka.
Ndinonyatsoyeuka apo Herman G. Henschel paakauya nemhuri yake kunharaunda yedu nemotokari yeWatch Tower Society ine gudzanzwi. Vaipaka motokari yacho munzvimbo inogarwa nevanhu vakawanda, voridza hurukuro duku yakarekodwa, vozoshanyira vanhu ivo pachavo kuti vagovere mamwe mashoko. Dewey muduku ainakidzwa nokuva naMilton mwanakomana waHerman uyo aiva mumakore epakati pe13 ne19. Zvino Milton ndiye ava purezidhendi weWatch Tower Society.
Pakokorodzano muna 1937 muColumbus, Ohio, Edwena akabhabhatidzwa, uye Amai naBaba vakapiwa ropafadzo yokushanda samapiyona chaiwo. Panguva iyoyo, basa iroro raisanganisira kupedzera maawa anenge 200 pamwedzi mubasa rokuparidza. Sezvandinotarira shure, ndinogona kuona kuti muenzaniso waAmai wakaisvonaka wakandibetsera zvikuru sei pakutsigira murume wangu mumigove yake yechiKristu.
Apo Baba vaitanga kufunda Bhaibheri neimwe mhuri, vaienda nesu vana kuti tigovere muenzaniso wakanaka kuvana vemhuri iyoyo. Vaitiita kuti tivhure ndokurava magwaro emuBhaibheri uye kupindura mimwe yemibvunzo inokosha. Somugumisiro, vazhinji vevaduku vatakadzidza navo vari kushumira Jehovha vakatendeka kusvikira kuzuva ranhasi. Zvechokwadi, fandesheni yakasimba yakatangwa nokuda kwedu kuti tipfuurire kuda Mwari.
Sezvo Dewey muduku akakura, akaona zvakaoma kugara munzvimbo yakamanikidzika kudaro nehanzvadzi duku mbiri. Saka muna 1940 akasarudza kunopayona nechimwe Chapupu. Nokufamba kwenguva, akaroora Audrey Barron. Zvekare Audrey akadzidziswawo zvinhu zvizhinji nevabereki vedu, uye akasvika pakuda Amai naBaba zvikuru. Pashure pokunge Dewey muduku aenda kujeri muna 1944 nemhaka yokusava nedivi raakarerekera kwechiKristu, Audrey akauya kuzogara nesu kwenguva yakati mukaravhani yedu yakamanikidzika.
Pakokorodzano huru muSt. Louis, Missouri, muna 1941, Hama Rutherford vakataura zvakananga nevana vemakore 5 kusvika ku18, avo vakanga vakagara panzvimbo yavakasiyirwa pamberi. Edwena neni takateerera kuinzwi ravo rakadzikama uye rakajeka; vaiita sababa vane rudo vari kurayiridza vana vavo pamba. Vakakurudzira vabereki kuti: “Nhasi Jesu Kristu aunganidza vanhu vesungano yake pamberi pake, uye nenzira yakasimba kwazvo anovaudza kuti varayiridze vana vavo munzira yokururama.” Vakawedzera kuti: “Vachengetei pamba uye vadzidzisei chokwadi!” Zvinofadza kuti vabereki vedu vakadaro!
Pakokorodzano iyoyo, takagamuchira kabhuku katsva kanonzi Jehovah’s Servants Defended, kaitaura nezvemhosva dzokumatare idzo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakunda, kusanganisira dzomuDare Repamusorosoro romuUnited States. Baba vakarifunda nesu semhuri. Taisaziva kuti taitogadzirirwa nokuda kwezvakazoitika vhiki shomanana gare gare muSelma, Alabama.
Kuitirwa Chisimba Nemhomho Yaipesana muSelma
Mangwanani echiitiko ichocho chinotyisa, Baba vakanga vaendesa makopi etsamba kumukuru weruwa, meya, nemukuru wamapurisa muSelma ayo aitsanangura kodzero yedu yapamutemo kuti tipfuurire noushumiri hwedu takachengetedzwa nomutemo. Zvisinei, vakasarudza kutidzinga mutaundi.
Mukupera kwamasikati, varume vashanu vaiva nezvombo vakasvika pakaravhani yedu vakabata Amai, mukoma wangu, neni senhapwa. Vakabvanganyura zvinhu zvose zvaiva mukati, vachitsvaka chimwe chinhu chine chokuita nokupandukira. Baba vaive panze, saka vakavarayira kuti vakochekere karavhani pamotokari, vakanongedzera pfuti dzavo pavari nguva dzose. Panguva iyi handina kutya. Zvaishamisa kuti varume ava vaifunga kuti taive vanhu vane ngozi zvokuti ini nemukoma wangu takapfipfidza kuseka. Zvisinei, nokukurumidza takati zii Baba vatidzvokora.
Patakanga tave kuda kusimuka, varume vacho vaida kuti Edwena neni tifambe navo mumotokari yavo. Baba vakaramba. “Kana ndiri mupenyu hazviiti!” vakadaro. Pashure pekukurukurirana kwakati mhuri yedu yakabvumirwa kufamba pamwe chete, varume vaiva nezvombo vachititevera vari mumotokari yavo. Anoda kuva makiromita 25 kunze kwetaundi, vakaita chiratidzo chokuti timire parutivi pemugwagwa mukuru uye vakatora Amai naBaba ndokuenda navo. Varume ava vaiita zvokuchinjana vachiedza kuvanyengetedza: “Siyai chitendero ichi. Dzokerai kupurazi munorera vanasikana venyu zvakanaka!” Baba vakamboedza kutaura navo asi hazvina kubatsira.
Pakupedzisira, mumwe wacho akati: “Endai, asi kana mukadzoka kuRuwa rweDallas, tichakuurayai mose!”
Tanyevenuka uye tave pamwe zvekare, takafamba kwemaawa anoverengeka ndokuzomisa motokari kuti tirare. Tainge tatora nhamba dzemotokari yavo. Baba vakakurumidza kutaura zvose kuWatch Tower Society, uye mumwedzi yakazotevera varume vacho vakazivikanwa ndokusungwa.
Kuenda Kuchikoro cheGilead Chokurovedza Vafundisi
Edwena akakokwa kuzopinda kirasi yechinomwe yeWatchtower Bible School of Gilead muSouth Lansing, New York, muna 1946. Albert Schroeder, mumwe wevarayiridzi vacho, akataura unhu hwakanaka hwaEdwena kune waaichimbopayona naye Bill Elrod, panguva iyoyo aishanda paBheteri, dzimbahwe repasi pose reZvapupu zvaJehovha riri muBrooklyn, New York.a Edwena naBill vakaitwa kuti vazivane, uye kwerinoda kuva gore Edwena apedza chikoro cheGilead, vakaroorana. Kwemakore akawanda vakaramba vari muushumiri hwenguva yakazara, kusanganisira kushanda paBheteri pamwe chete kwemakore mashanu. Zvino rimwe zuva muna 1959, Hama Schroeder vakazivisa kukirasi yechi34 yeGilead kuti shamwari yavo yapamwoyo yainge yave baba vemapatya, mukomana nemusikana.
Apo ndaishanda nevabereki vangu muMeridian, Mississippi, mukupera kwa1947, tose tiri vatatu takakokwa kuti tinopinda kirasi yeGilead yechi11. Takashamiswa nokuti maererano nezvinodiwa zvacho ndaive muduku zvikuru, uye Amai naBaba vainge vave vakuru zvikuru. Asi apa isu takabvumirwa, uye takawana ropafadzo iyoyo isina kutifanira yemirayiridzo yeBhaibheri yakakwirira.
Basa Roufundisi Ndiine Vabereki Vangu
Mugove wedu woufundisi wainge uri wokuColombia, South America. Zvisinei, takatozosvika muBogotá pamusha wevafundisi apo vamwe vatatu vainge vave kutogara, matova muna December 1949, rinopfuura gore pashure pokupedza kwedu chikoro. Pakutanga, Baba vakagumisa kuti zvaizova nyore kudzidzisa vanhu chiNgezi pane kuti ivo vadzidze chiSpanish! Hungu, paive nemiedzo, asi zvikomborero zvakakura sei zvakavapo! Paive neZvapupu zvisingasviki zana muColombia muna 1949, asi zvino pane zvinodarika 100 000!
Pashure pokushandira muBogotá kwemakore mashanu, Amai naBaba vakatumirwa kuguta reCali. Panguva iyoyo, muna 1952, ndakaroorwa naRobert Tracy, mufundisi pamwe neni muColombia.b Takaramba tiri muColombia kusvikira muna 1982, apo takanzi tiende kuMexico, kwatave tichishanda kubvira ipapo. Nokufamba kwenguva, muna 1968, vabereki vangu vaifanira kudzokera kuUnited States nokuda kwokurapwa. Pashure pokunaya, vakapfuurira semapiyona chaiwo pedyo neMobile, Alabama.
Kutarisira Vabereki Vedu
Sezvo makore aiwanda, Amai naBaba vakatanga kuderera uye vaida kutsigirwa nokutarisirwa. Pashure pechikumbiro chavo, vakagoverwa kunoshanda pedyo naEdwena naBill muAthens, Alabama. Gare gare, hanzvadzi yedu Dewey muduku, akafunga kuti zvaizova zvakanaka kuti mhuri igare pedyo nepedyo muSouth Carolina. Naizvozvo Bill akachinjira mhuri yake kuGreenwood, pamwe chete naAmai naBaba. Iyi gadziridzo yorudo yakaita kuti ini naRobert tigone kupfuurira nebasa redu roufundisi muColombia, ndichiziva kuti vabereki vangu vaitarisirwa zvakanaka.
Zvisinei, muna 1985, Baba vakabatwa nesitiroko yakavasiya vasingagoni kutaura nekumuka. Takaungana semhuri kuti tisarudze machengetere akanakisisa ataigona kuita vabereki vedu. Zvakasarudzwa kuti Audrey ndiye aizopedza nguva huru achitarisira Baba uye Robert neni taizobatsira nokutumira tsamba vhiki yoga yoga ine zviitiko zvinokurudzira uye nokushanya kazhinji sezvaikwanisika.
Kushanya kwangu kwokupedzisira kuna Baba kuchiri kwakajeka mupfungwa dzangu. Vaisagona kunyatsoburitsa manzwi, asi pashure pokuvataurira kuti takanga tave kudzokera kuMexico, sezvineiwo, vakatamburira neshungu, kutaura shoko rimwe, “Adios!” Nokuita kudaro takaziva kuti mumwoyo mavo vaitsigira chisarudzo chedu chokupfuurira mubasa redu roufundisi. Vakafa muna July 1987, uye Amai vakazofa mwedzi mipfumbamwe gare gare.
Tsamba yandakagamuchira kubva kune mukoma wangu ave chirikadzi inonyatsopfupikisa kuonga kwatinonzwa tose nokuda kwavabereki vedu. “Ndinokoshesa nhaka yangu yakapfuma yechiKristu uye hapana nguva yandinombonzwa kuti ndaizombofara kupfuura izvi dai vabereki vedu vakasarudza kutirera nenzira yakasiyana. Muenzaniso wavo wokutenda kwakasimba, kuzvipira, nokuvimba zvakazara naJehovha wakandibatsira kuti ndikunde kuora mwoyo muupenyu hwangu.” Edwena akapedzisa achiti: “Ndinoonga Jehovha nokuda kwavabereki avo neshoko nemuenzaniso vakatiratidza mufaro uyo tinogona kuva nawo kana tikavakira upenyu hwedu pakushandira Mwari wedu ane rudo, Jehovha.”
[Mashoko Omuzasi]
b Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 15, 1960, mapeji 189-91.
[Mifananidzo iri papeji 22, 23]
Mhuri yekwaFountain: (kubva kuruboshwe kuenda kurudyi) Dewey, Edwena, Winnie, Elizabeth, Dewey muduku; kurudyi: Elizabeth naDewey muduku vari pamadhigadhi yemotokari yaHenschel ine gudzanzwi (1937); pazasi nechekurudyi: Elizabeth achiita basa rezvikwangwani pazera ramakore 16