“Muduku” Wava “Chiuru”
“Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba.”—ISAYA 60:22.
1, 2. (a) Nei rima richifukidza nyika nhasi? (b) Chiedza chaJehovha chakapenya sei zvishoma nezvishoma pavanhu vake?
“RIMA richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha ucha[“penya,” NW] pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako.” (Isaya 60:2) Mashoko aya anonyatsorondedzera mamiriro ezvinhu ave ari panyika kubva muna 1919. ChiKristudhomu chakaramba chiratidzo chokuvapo kwoumambo kwaJesu Kristu, “chiedza chenyika.” (Johani 8:12; Mateu 24:3) Nemhaka yoku“tsamwa kwazvo” kwaSatani, mukuru we“vatongi venyika verima rino,” zana remakore rechi20 rakanga riri nguva youtsinye hwakanyanyisa, inoparadza zvakanyanya yenhau yomunhu. (Zvakazarurwa 12:12; VaEfeso 6:12) Vanhu vakawanda vanorarama murima romudzimu.
2 Asi, chiedza chinopenya nhasi. Jehovha ‘anopenyera’ vashumiri vake, vakazodzwa vasara, vari vamiririri vepasi vo“mukadzi,” (NW) wokudenga. (Isaya 60:1) Kunyanya kubva pavakasunungurwa muutapwa hweBhabhironi muna 1919, ivava vakaratidza mbiri yaMwari uye vaka‘ita kuti chiedza chavo chivheneke pamberi pevanhu.’ (Mateu 5:16) Kubva muna 1919 kusvika muna 1931, chiedza choUmambo chakaramba chichiwedzera kupenya sezvo ivava vakarega zvisungo zvakanga zvasarira zvemafungiro eBhabhironi. Vakawedzera kusvika kumakumi ezviuru sezvo Jehovha akazadzika mhiko yake yokuti: “Zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsraeri; ndichavaisa pamwe chete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.” (Mika 2:12) Muna 1931, mbiri yaJehovha pavanhu vake yakanyanya kuoneka pavakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha.—Isaya 43:10, 12.
3. Zvakava sei pachena kuti chiedza chaJehovha chaizopenyera pane vamwe kunze kwevakazodzwa?
3 Jehovha aizongopenyera vakasara ve“boka duku” chete here? (Ruka 12:32) Aiwa. Magazini yeThe Watch Tower yaSeptember 1, 1931, yakataura nezverimwe boka. Mukutsanangurwa kwakaisvonaka kwaEzekieri 9:1-11, yakaratidza kuti murume aiva norunyanga rweingi rwomunyori anodudzwa mundima idzodzo anomirira vakazodzwa vasara. Ndivanaani vanoiswa chiratidzo pahuma no“murume” iyeye? “Mamwe makwai,” vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. (Johani 10:16; Pisarema 37:29) Muna 1935 boka iri re“mamwe makwai” rakanzwisiswa kuva “boka guru . . . [ri]nobva kumarudzi ose” rakaonekwa nomuapostora Johani pane zvakaratidzwa. (Zvakazarurwa 7:9-14) Kubvira muna 1935 kusvikira zvino, pfungwa huru yave ichiiswa pakuunganidza boka guru.
4. “Madzimambo” ne“marudzi” anotaurwa nezvawo pana Isaya 60:3 ndivanaani?
4 Basa iri rokuunganidza rinotaurwa nezvaro muuprofita hwaIsaya pahunoti: “Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya [“kwokupenya kwako,” NW]. (Isaya 60:3) “Madzimambo” ari kutaurwa pano ndivanaani? Vasara ve144 000 avo, pamwe naJesu Kristu, vanobatanidzwa mukugara nhaka yoUmambo hwokudenga uye vari kutungamirira mubasa rokuparidza. (VaRoma 8:17; Zvakazarurwa 12:17; 14:1) Nhasi, zviuru zvishoma zvichiripo zvevakazodzwa vasara zvava zvishoma pane “marudzi,” vaya vane tariro yepasi vanouya kuna Jehovha nokuda kwomurayiridzo uye vanokoka vamwe kuti vaite izvozvo.—Isaya 2:3.
Vashumiri vaJehovha Vanoshingaira
5. (a) Zvii zvinoratidza kuti kushingaira kwevanhu vaJehovha hakuna kuderera? (b) Inyika dzipi dzakava nokuwedzera kwakakura muna 1999? (Ona chati iri pamapeji 17-20.)
5 Kushingaira kwakadini kwakaratidzwa neZvapupu zvaJehovha zvemazuva ano muzana rose remakore rechi20! Uye pasinei zvapo nokuoma kwezvinhu kunowedzera, kushingaira kwazvo hakuna kuderera sezvo gore ra2000 raisvika. Vakanga vachiri kukoshesa murayiro waJesu wokuti: “Muite vanhu vemarudzi ose vadzidzi.” (Mateu 28:19, 20) Vaparidzi vemashoko akanaka vaiita basa mugore rebasa rokupedzisira rezana remakore rechi20 vakasvika nhamba itsva yepamusoro ye5 912 492. Vakapedza maawa akawanda zvikuru anokwana 1 144 566 849 vachitaura nevamwe nezvaMwari nezvinangwa zvake. Vakaita shanyo dzedzokerero 420 047 796 pavanhu vanofarira uye vakaitisa fundo dzeBhaibheri dzepamusha dzepachena 4 433 884. Chinyorwa chakaisvonaka zvakadini chebasa rokushingaira!
6. Igadziriroi itsva yakaitirwa mapiyona, uye chii chakaitika?
6 January apfuura, Dare Rinodzora rakazivisa kuderedzwa kwemaawa anodiwa kumapiyona. Vakawanda vakashandisa mukana uyu kuti vapinde mumapoka emapiyona enguva dzose kana ebetsero. Somuenzaniso, mumwedzi mina yokutanga ya1999, hofisi yebazi reNetherlands yakagamuchira nhamba yevaikumbira kuita upiyona hwenguva dzose yakapeta nekana vakakumbira panguva yakafanana gore rakanga rapfuura racho. Ghana inoshuma kuti: “Kubva pakatanga kushanda maawa matsva anofanira kusvitswa nemapiyona, mapiyona edu enguva dzose ave achiwedzera zvishoma nezvishoma.” Mugore rebasa ra1999, nhamba yemapiyona munyika yose yakasvika 738 343—kuratidzwa kunoshamisa kwe“kushingairira mabasa akanaka kwazvo.”—Tito 2:14.
7. Jehovha akakomborera sei basa rokushingaira revashumiri vake?
7 Jehovha akakomborera here iri basa rokushingaira? Hungu. Achishandisa Isaya anoti: “Ringira kwose kwose nameso ako, uone: Vose vanoungana pamwe chete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu.” (Isaya 60:4) “Vanakomana” ne“vakunda” vakazodzwa vakaunganidzwa vachiri kushumira Mwari vachishingaira. Uye zvino, mamwe makwai aJesu ari kuunganidzwa kurutivi rwe“vanakomana” ne“vakunda” vaJehovha vakazodzwa vasara munyika 234 nezvitsuwa zvegungwa.
“Basa Rose Rakanaka”
8. Zvapupu zvaJehovha zviri kuita ‘mabasa akanaka’ api?
8 VaKristu vane mutoro wokuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kubatsira vanofarira kuti vave vadzidzi. Asi vaka“shongedzerwa . . . basa rose rakanaka.” (2 Timoti 3:17) Nokudaro, vanotarisira mhuri dzavo norudo, vanogamuchira vaeni, uye vanoshanyira vanorwara. (1 Timoti 5:8; VaHebheru 13:16) Uye vanozvipira vanobatanidzwa mumabasa akadai sokuvaka Horo dzoUmambo—basa rinopawo uchapupu. MuTogo, pashure pokuvakwa kweimwe horo, vanotarisira imwe chechi inoporesa yomunharaunda yacho vaida kuziva kuti nei Zvapupu zvaJehovha zvaikwanisa kuvaka zvivako zvazvo nepo chechi yacho yaifanira kuhaya vanhu nokuda kwechinangwa ichochi! Togo inoshuma kuti kuvakwa kweHoro dzoUmambo dzakanaka kunoshanda zvakanaka munharaunda zviya zvokuti vamwe vanhu vanoedza kuroja kana kuvaka dzimba munharaunda muchavakwa horo.
9. Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei pakaitika ngwavaira?
9 Dzimwe nguva, rumwe rudzi rwebasa rakanaka rinokumbirwa kunzi riitwe. Nyika dzakawanda mugore rebasa rapera dzakava nengwavaira, uye kakawanda vaitanga kusvika panzvimbo yacho kuti vayamure vaiva Zvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, chikamu chikuru cheHonduras chakaparadzwa neHurricane Mitch. Nokukurumidza, bazi rakatanga matare ezvinongoerekana zvaitika kuti aronge mabasa okuyamura. Zvapupu zviri muHonduras nedzimwe nyika dzakawanda zvakapa zvipfeko, zvokudya, mishonga, nezvimwe zvinhu zvinokosha. Matare Okuvaka Enharaunda akashandisa unyanzvi hwao kuvakazve dzimba. Nenguva isipi, hama dzedu dzakanga dzawirwa nengwavaira yacho dzakanga dzava kubatsirwa kudzokazve kumabasa adzo enguva dzose. MuEcuador, Zvapupu zvaJehovha zvakayamura hama dzazvo apo mafashamo makuru emvura akaparadza dzimwe dzimba. Pashure pokuona nzira yakanaka yavakanga vabata nayo mamiriro ezvinhu aya, mumwe mukuru mukuru wehurumende akati: “Dai ndaishandirwa neboka iri, ndaizoita zvishamiso! Vanhu vakafanana nemi vanofanira kuva mumativi ose enyika.” Mabasa akanaka akadaro anoita kuti Jehovha Mwari arumbidzwe uye uchapupu hwe“kuzvipira [kwedu] kuna Mwari kunobetsera muzvinhu zvose.”—1 Timoti 4:8.
“Vanobhururuka Segore”
10. Pasinei zvapo nenhamba yevakazodzwa iri kuderera, nei zita raJehovha riri kuziviswa kupfuura zvaraimboitwa kare?
10 Zvino Jehovha anobvunza kuti: “Ndianiko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo? Zvirokwazvo, zviwi zvichandimirira, nezvikepe zveTarshishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure . . . Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira.” (Isaya 60:8-10) Vakatanga kudavidza ku‘kupenya’ kwaJehovha vaiva “vanakomana” vake, vaKristu vakazodzwa. Uye kwakatevera “vatorwa,” boka guru, vanoshumira hama dzavo dzakazodzwa vakavimbika, zvichitevera kutungamirira kwavo mukuparidza mashoko akanaka. Nokudaro, kunyange zvazvo nhamba yevakazodzwa iri kuderera, zita raJehovha riri kuziviswa mupasi rose kupfuura zvaraimboitwa kare.
11. (a) Chii chichiri kuitika uye nemigumisiroi muna 1999? (b) Inyika dzipi dzine nhamba dzevakabhabhatidzwa dzakakura dzegore ra1999? (Ona chati iri pamapeji 17-20.)
11 Somugumisiro, mamiriyoni ari kuuya “senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo,” vachiwana kwokupotera muungano yechiKristu. Mazana ezviuru anowedzerwa gore roga roga, uye nzira yakazaruka nokuda kwevamwe vakawanda. Isaya anoti: “Masuo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri fuma yamarudzi avanhu.” (Isaya 60:11) Gore rapera 323 439 vakabhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha, uye haasati azarira masuo. “Zvose zvinodikanwa nendudzi dzose,” nhengo dzeboka guru, dzichiri kupinda nepaari. (Hagai 2:7) Hapana anoda kusiya rima anodzoswa. (Johani 12:46) Vose vakadaro ngavapfuurire kukoshesa chiedza!
Kusatya Mukutarisana Nokushorwa
12. Vaya vanoda rima vakaedza sei kudzima chiedza?
12 Vaya vanoda rima vanovenga chiedza chaJehovha. (Johani 3:19) Vamwe vanotoedza kudzima chiedza ichocho. Izvi zvinotarisirwa. Kunyange Jesu, “chiedza chechokwadi chinovhenekera munhu worudzi rwose,” akanyombwa, akashorwa, uye akapedzisira aurayiwa nevanhu vomunyika make. (Johani 1:9) Muzana rose remakore rechi20, Zvapupu zvaJehovha zvakasekwawo, zvakaiswa mujeri, zvakarambidzwa, kunyange kuurayiwa, sezvazvairatidza chiedza chaJehovha zvakatendeka. Mumakore achangobva kupfuura, vashori vakafunga zvokuparadzira nhema kune vanobudisa nhau nezvevaya vanopenyesa chiedza chaMwari. Vamwe vanoda kuita kuti vanhu vadavire kuti Zvapupu zvaJehovha zvine ngozi uye zvinofanira kupiwa miganhu kana kurambidzwa. Vashori vakadaro vakabudirira here?
13. Chii chakaguma chaitika pamusana pokutaura chokwadi nokuchenjera maererano nebasa redu kune vanobudisa nhau?
13 Aiwa. Pazvakanga zvakakodzera, Zvapupu zvaJehovha zvakaenda kune vanobudisa nhau ndokutsanangura chokwadi chacho. Somugumisiro, zita raJehovha rakabudiswa zvakanyanya mumapepanhau nemagazini uye paredhiyo nepaterevhizheni. Izvi zvakava nemigumisiro yakanaka mubasa rokuparidza. Somuenzaniso, muDenmark imwe purogiramu yepaTV yenyika yakataura nezvenhau yokuti “Nei kutenda kwevanhu vomuDenmark kuri kuderera.” Zvapupu zvaJehovha zvakabvunzurudzwa pamwe nevamwewo. Pashure pacho, mumwe mukadzi akanga aona purogiramu yacho akataura kuti: “Zvakanga zviri pachena chaizvo kuti ndiani aiva nomudzimu waMwari.” Akatanga kudzidziswa.
14. Kukunyadziswa kwavo, vashori vachakurumidza kumanikidzwa kuzivei?
14 Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti vakawanda munyika ino vachazvishora. (Johani 17:14) Asi, zvinosimbiswa nemashoko ouprofita hwaIsaya anoti: “Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsraeri.” (Isaya 60:14) Kukunyadziswa kwavo, vashori vachakurumidza kuziva kuti, chaizvoizvo, vave vachirwisana naMwari pachake. Ndiani angakunda muhondo yakadaro?
15. Zvapupu zvaJehovha zvino“mwawo mukaka wamarudzi” sei, uye izvi zvakaratidzwa sei mubasa ravo rokudzidzisa nokuparidza evhangeri?
15 Jehovha anopikirazve kuti: “Ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi . . . Uchamwawo mukaka wamarudzi, uchamwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako.” (Isaya 60:15, 16) Hungu, Jehovha ndiye Muponesi wevanhu vake. Kana vakavimba naye, vacharamba varipo “nokusingaperi.” Uye vacha“mwawo mukaka wamarudzi,” vachishandisa zvinhu zvakati zvinenge zvichiwanikwa kuti kunamata kwechokwadi kuenderere mberi. Somuenzaniso, kushandiswa kwokuchenjera kwemakombiyuta nounyanzvi hwezvekukurukurirana kunoita kuti kubudiswa kweNharireyomurindi panguva imwe chete mumitauro 121 neMukai! mumitauro 62 kuite. Imwe purogiramu chaiyo yekombiyuta yakagadzirwa kuti ibatsire kushandurira Shanduro Yenyika Itsva mumitauro mitsva, uye shanduro yakadaro inounza mufaro mukuru. Pakabudiswa shanduro yechiCroatia yeMagwaro echiKristu echiGiriki muna 1999, zviuru zvakachema misodzi yokufara. Imwe hama yachembera yakati: “Ndakamirira Bhaibheri iri kwenguva yakareba zvikuru. Zvino ndinogona kufa murugare!” Kuparadzirwa kweShanduro Yenyika Itsva, yose kana kuti chikamu chayo, kwapfuura mamiriyoni 100 mumitauro 34.
Tsika Dzakanaka Zvikuru
16, 17. (a) Kunyange hazvo zvakaoma, nei zvakakosha kuti tirambe tichiita zvinodiwa naJehovha zvakanaka zvikuru? (b) Chii chakaitika chinoratidza kuti vechiduku vanogona kudzivisa kusvibiswa nenyika?
16 Jesu akati: “Uyo ane tsika yokuita zvakaipa anovenga chiedza.” (Johani 3:20) Nepo, vaya vanorambira muchiedza vanoda zvakanaka zvikuru zvinodiwa naJehovha. Jehovha, achishandisa Isaya, anoti: “Vanhu vako vose vachava vakarurama.” (Isaya 60:21a) Rinogona kuva basa kuti tirambe tichiita zvinodiwa zvakarurama munyika umo unzenza, kureva nhema, kukara, uye kudada zvakapararira zvikuru. Somuenzaniso, mune dzimwe nyika, upfumi huri kuwedzera zvokuti uye zviri nyore kutsauswa wongova nepfungwa yokutsvaka upfumi. Zvisinei, Pauro akanyevera kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” (1 Timoti 6:9) Zvinorwadza sei apo mumwe munhu anobatanidzwa zvikuru chaizvo mumabasa ebhizimisi zvokuti anorega zvinhu zvinonyatsokosha, zvakadai sokusonganirana kwechiKristu, basa dzvene, nheyo dzetsika, uye mitoro yemhuri!
17 Kuramba uchiita zvinodiwa zvakarurama kunogona kuva kwakaoma kunyanya kune vechiduku, apo vakawanda zvikuru vezera ravo vanobatanidzwa mukushandisa zvisina kunaka zvinodhaka uye unzenza. MuSuriname, mumwe musikana aiva nemakore 14 akavingwa nomukomana aitaridzika zvakanaka pachikoro ndokukumbirwa kurara naye. Akaramba, achitsanangura kuti Bhaibheri rinorambidza kuita zvinhu zvakadaro pasina kuroorana. Vamwe vasikana pachikoro vakamuseka ndokuedza kumumanikidza kuti achinje pfungwa dzake, vachiti munhu wose aida kurara nomukomana iyeye. Kunyange zvakadaro, musikana wacho muduku akaramba akashinga. Kwapera mavhiki mashoma, mukomana wacho akaonekwa kuti aiva neutachiona hweHIV uye akarwara zvikuru. Musikana wacho akafara kuti akateerera murayiro waJehovha woku‘rega ufeve.’ (Mabasa 15:28, 29) Zvapupu zvaJehovha zvinodada zvikuru nevechiduku vari pakati pazvo vanoomerera pane chakarurama. Kutenda kwavo, nouko kwevabereki vavo, ‘kunokudza’—kunounza rukudzo—kuzita raJehovha Mwari.—Isaya 60:21b.
Jehovha Akawedzera
18. (a) Jehovha akaitira vanhu vake chinhui chikuru? (b) Uchapupui huripo hwokuti kukura kuchapfuurira, uye itarisiroi dzakaisvonaka dzakamirira vaya vanoramba vane chiedza?
18 Hungu, Jehovha anopenyesa chiedza pavanhu vake, kuvakomborera, kuvatungamirira, uye kuvasimbisa. Muzana remakore rechi20, vakaona kuzadzika kwemashoko aIsaya okuti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Kubva pavashomanana kare muna 1919, “muduku” wapfuura “chiuru.” Uye kukura kwakadaro hakusati kwapera! Gore rapera 14 088 751 vakapinda kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaJesu. Vakawanda veava vakanga vasiri Zvapupu zvinoita basa. Tinofara kuti vakapinda kuchengeta ikoko kunokosha, uye tinovakumbira kuti varambe vakananga kuchiedza. Jehovha achiri kupenyesa chiedza pavanhu vake. Suo rinoenda kusangano rake richakazaruka. Nokudaro, vose ngavatsunge kuramba vane chiedza chaJehovha. Izvozvo zvinozoguma nokukomborerwa kwedu kwakadini! Uye mufaro wakadini wazvichaunza munguva yemberi apo zvose zvakasikwa zvicharumbidza Jehovha ndokufarira kubwinya kwembiri yake!—Zvakazarurwa 5:13, 14.
Unogona Kutsanangura Here?
• Ndivanaani vakaratidza mbiri yaJehovha mumazuva ano okupedzisira?
• Chii chinoratidza kuti kushingaira kwevanhu vaJehovha hakuna kuderera?
• Ndeapi mamwe mabasa akanaka ayo Zvapupu zvaJehovha zvakabatikana kuita?
• Pasinei zvapo nokushorwa kunotyisa, tine chokwadi chei?
[Chati iri papeji 17-20]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA1999 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(Ona bhuku racho)
[Mufananidzo uri papeji 15]
Vanhu vachiri kuenda kusangano raJehovha
[Mufananidzo uri papeji 16]
Tinofara kuti Jehovha akasiya suo rakanyatsozarukira vanoda chiedza