“Rambai Makarinda”
“Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.”—MATEU 24:42.
1. Vashumiri vaJehovha venguva yakareba vanonzwa sei nezvemakore avo akawanda ebasa rokuzvitsaurira? Ipa muenzaniso.
VASHUMIRI vaJehovha vakawanda venguva yakareba vakadzidza chokwadi pavaiva majaya nemhandara. Kufanana nomushambadzi akawana parera raikosha kwazvo ndokutengesa zvose zvaaiva nazvo kuti aritenge, vadzidzi veBhaibheri vaya vanoda zvikuru vanozviramba ndokutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. (Mateu 13:45, 46; Mako 8:34) Vanonzwa sei nezvokuti vanofanira kumirira kwenguva yakareba pane yavangadai vaitarisira kuitira kuti vaone zvinangwa zvaMwari zvichizadzika pasi pano? Havazvidembi! Vanobvumirana naHama A. H. Macmillan, avo pashure pemakore anenge 60 ebasa rakatsaurirwa kuna Mwari, vakati: “Ndatonyanya kutsunga kupfuura kare kuramba ndine kutenda kwangu. Kwakaita kuti ndione zvakakodzera kurarama. Zvichiri kundibetsera kutarisana nenguva yemberi ndisingatyi.”
2. (a) Jesu akapa vateveri vake zanoi rinofambirana nenguva? (b) Mibvunzoi yatichakurukura munyaya ino?
2 Zvakadini newe? Pasinei zvapo nezera rako, funga nezvemashoko aJesu okuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” (Mateu 24:42) Uku kutaura kuri nyore kune chokwadi chinokosha. Hatizivi kuti Ishe achauya zuva ripi kuzotonga gadziriro ino yakaipa, uye hatifaniri hedu kuziva. Asi tinofanira kurarama munzira yokuti paanozouya, hatizozvidembi. Munhau iyi, mienzanisoi yatinowana muBhaibheri ichatibetsera kuramba takarinda? Jesu akaenzanisira sei kudiwa kwokurinda? Uye uchapupu hupi hwatinahwo nhasi hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino isingadi Mwari?
Muenzaniso Unonyevera
3. Vanhu vakawanda nhasi vanofanana sei nevaya vomuzuva raNoa?
3 Muzviitiko zvakawanda, vanhu nhasi vakaita sevarume nevakadzi vakararama muzuva raNoa. Panguva iyoyo pasi rakanga rakazara nechisimba, uye mafungiro emwoyo yavanhu akanga “akaipa bedzi nguva dzose.” (Genesi 6:5) Vakawanda vaiva vakanyura munhau dzezuva nezuva dzoupenyu. Kunyange zvakadaro, asati aunza Boporodzi guru Jehovha akapa vanhu mukana wokupfidza. Akapa Noa basa rokuparidza, uye Noa akateerera—achishanda so“muparidzi wokururama” zvichida kwemakore 40 kana kuti 50 kana kupfuura. (2 Petro 2:5) Zvisinei, vanhu havana kuteerera shoko raNoa rokunyevera. Vaiva vasina kurinda. Saka, pakupedzisira, Noa nemhuri yake ndivo bedzi vakapukunyuka kutonga kwaJehovha.—Mateu 24:37-39.
4. Ushumiri hwaNoa hunganzi hwakabudirira mupfungwai, uye zvakafanana zvingataurwa sei nezvebasa rako rokuparidza?
4 Ushumiri hwaNoa hwakabudirira here? Usateme nenhamba duku yakadavidza. Chaizvoizvo, kuparidza kwaNoa kwakaita chinangwa chakwo pasinei zvapo nokudavidza kwacho. Nei? Nokuti kwakapa vanhu mukana mukuru wokusarudza kana vaizoshumira Jehovha kana kuti kwete. Zvakadini nendima yako yokuparidza? Kunyange kana kune kudavidza kwakanaka kushoma, uri kubudirira zvikuru. Nei? Nokuti nokuparidza, uri kuzivisa nyevero yaMwari, uye nokudaro uri kuita basa rakapa Jesu vateveri vake.—Mateu 24:14; 28:19, 20.
Kurega Kuteerera Zviprofita zvaMwari
5. (a) Mamiriroi ezvinhu akanga akapararira muJudha muzuva raHabhakuki, uye vanhu vakadavidza sei kushoko rake rouprofita? (b) Vanhu veJudha vakaratidza sei utsinye kuvaprofita vaJehovha?
5 Mazana emakore Boporodzi rapera, umambo hweJudha hwakatarisana nenhau dzakakomba. Kunamata zvidhori, kusaruramisira, udzvinyiriri, uye kunyange kuponda zvakanga zvazara. Jehovha akaita kuti Habhakuki anyevere vanhu kuti kana vaisapfidza, njodzi yaizovawira pachishandiswa vaKardhea, kana kuti vaBhabhironi. (Habhakuki 1:5-7) Asi vanhu vacho vakaramba kuteerera. Zvichida vakafunga kuti ‘Nei, kwemakore anodarika zana apfuura, muprofita Isaya akazivisa nyevero yakafanana, asi hapana chati chaitika!’ (Isaya 39:6, 7) Vakuru vakuru vakawanda vechiJudha vaisangoshaya hanya neshoko racho bedzi asi vaiitirawo utsinye vaitumwa vacho. Pane imwe nguva, vakaedza kuuraya muprofita Jeremia, uye vangadai vakabudirira dai Ahikami asina kupindira. Atsamwiswa nerimwezve shoko rouprofita, Mambo Jehoiakimi akauraya muprofita Uria.—Jeremia 26:21-24.
6. Jehovha akasimbisa sei Habhakuki?
6 Shoko raHabhakuki raiva rakasimba zvakafanana, uye raiva risingadiwi sezvaingoitwa raJeremia, uyo akafuridzirwa naMwari kuti afanotaura kuitwa dongo kweJudha kwemakore 70. (Jeremia 25:8-11) Saka, tinogona kunzwisisa kurwadziwa kwaHabhakuki sezvaakadanidzira kuti: “Haiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.” (Habhakuki 1:2) Jehovha akapindura Habhakuki zvine nyasha nemashoko aya anosimbisa kutenda okuti: “Zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:3) Saka Jehovha aiva ne“nguva yakatarwa” yokugumisa kusaruramisira noudzvinyiriri. Kana zvaiita sezvinononoka, Habhakuki aisafanira kuora mwoyo, kana kuti kuderera. Asi, aifanira kuti a“zvimirire,” kurarama zuva nezuva nepfungwa yokukurumidzira. Zuva raJehovha haraizoita nguva huru!
7. Nei kumwe kuparadza kwakasarudzwa nokuda kweJerusarema muzana ramakore rokutanga C.E.?
7 Makore anenge 20 Jehovha ataura naHabhakuki, guta guru reJudha, Jerusarema, rakaparadzwa. Gare gare rakavakwazve, uye zvakawanda zvezvairwadza Habhakuki zvikuru zvakagadziriswa. Zvisinei, muzana ramakore rokutanga C.E., guta racho rakasarudzwazve kuti riparadzwe nemhaka yokusatendeseka kwevagari vemo. Nengoni, Jehovha akaronga kuti vane mwoyo yakanaka vapukunyuke. Nguva ino, akashandisa muprofita mukuru Jesu Kristu kuzivisa mashoko acho. Muna 33 C.E., Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, zvadaro zivai kuti kuitwa dongo kwaro kwaswedera pedyo. Zvadaro vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.”—Ruka 21:20, 21.
8. (a) Chii chingave chakaitika kune vamwe vaKristu sezvo nguva yakapfuura pashure porufu rwaJesu? (b) Mashoko aJesu ouprofita pamusoro peJerusarema akazadzika sei?
8 Sezvo makore akapfuura, vamwe vaKristu muJerusarema vangave vakashamisika kuti ndirini chaizvo paizozadzika uprofita hwaJesu. Pashure pezvose, funga nezvezvibayiro zvatisingarambi kuti zvakanga zvaitwa navamwe vavo. Zvichida vakanga varamba kupiwa mabhizimisi aikwezva nemhaka yokutsunga kwavo kuramba vakarinda. Sezvo nguva yakafamba, vakaneta here? Vakagumisa kuti vakanga vachitambisa nguva yavo here, vachifunga kuti mashoko aJesu aishanda kuchizvarwa chomunguva yemberi, kwete chavo pachavo? Muna 66 C.E., uprofita hwaJesu hwakatanga kuzadzika mauto eRoma paakakomba Jerusarema. Vaya vakaramba vakarinda vakaziva chiratidzo, vakatiza guta, uye zvakaita kuti vasaone Jerusarema richiparadzwa.
Kuenzanisira Kudiwa Kwokurinda
9, 10. (a) Ungapfupisa sei muenzaniso waJesu wevaranda vakamirira tenzi wavo kuti adzoke kumuchato wake? (b) Nei kumirira tenzi wavo kungave kwaiva kwakaomera varanda vacho? (c) Nei zvaibetsera kuti varanda vacho vashivirire?
9 Mukusimbisa kudiwa kwokurinda, Jesu akafananidza vadzidzi vake nevaranda vakamirira tenzi wavo kuti adzoke kumuchato wake. Vaiziva kuti aizodzoka humwe usiku—asi paawa ipi? Munguva yokurinda kwokutanga kwousiku here? Kwechipiri here? Kwechitatu here? Vakanga vasingazivi. Jesu akati: “Kana [tenzi wacho] akasvika pakurinda kwechipiri, kunyange kwechitatu, akavawana vakadaro [vakarinda], vanofara!” (Ruka 12:35-38) Chimbofungidzira kutarisira kwevaranda ava. Chose chaingoti chokoto, mumvuri wose waingoti nzvee zvechokwadi waizoita kuti vanyanyise kutarisira: ‘Angava tenzi wedu here?’
10 Zvakadini kana tenzi wacho aisvika mukurinda kwechipiri kwousiku, kwaitangira panguva inenge yechipfumbamwe kusvikira pakati pousiku? Varanda vose, kusanganisira vaya vakanga vashanda zvakaoma kubva mangwanani-ngwanani, vaizova vakagadzirira kumukwazisa here, kana kuti vamwe vaizova varara? Zvakadini kana tenzi wacho aidzoka mukurinda kwechitatu kwousiku—nguva inotangira pakati pousiku kusvikira inenge nguva yetatu mangwanani? Vamwe vevaranda vaizova vaora mwoyo here, kunyange kusagutsikana nokungaita sokuti kunonoka kwatenzi wavo?a Vaya vakawanikwa vakarinda bedzi pakasvika tenzi wavo ndivo vaizonzi vanofara. Kwavari mashoko aZvirevo 13:12 aizoshanda zvechokwadi okuti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo; asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.”
11. Munyengetero ungatibetsera sei kuramba takarinda?
11 Munguva yekwaiita sokuti kunonoka, chii chaizobetsera vateveri vaJesu kuramba vakarinda? Paaiva mubindu reGetsemane ava kuda kutosungwa, Jesu akaudza vatatu vevaapostora vake kuti: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mateu 26:41) Makore akazotevera, Petro, aivapo panguva iyoyo, akapa zano rakafanana kuvaKristu vaainamata navo. Akanyora kuti: “Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo. Naizvozvo, ivai nepfungwa dzakanaka, uye ivai vakasvinurira kuti munyengetere.” (1 Petro 4:7) Nenzira yakajeka, munyengetero wemwoyo wose unofanira kuva mumwe womuitiro wedu wechiKristu. Zvechokwadi, tinoda kuramba tichikumbira Jehovha kuti atibetsere kuramba takarinda.—VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17.
12. Kufungidzira nokurinda zvakasiyana papi?
12 Cherechedza kuti Petro akatiwo: “Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo.” Waswedera pedyo zvakadini? Hapana nzira yokuti vanhu vadome zuva chairo kana nguva chaiyo. (Mateu 24:36) Asi pane musiyano pakati pokunyura mukufungidzira, kusingakurudzirwi neBhaibheri, nokumirira mugumo, kwarinokurudzira. (Enzanisa na2 Timoti 4:3, 4; Tito 3:9.) Ndeipi imwe nzira yatingaramba takamirira mugumo nayo? Ndeyokunyatsoteerera uchapupu hwokuti mugumo wava pedyo. Naizvozvo ngatidzokororei uchapupu hutanhatu hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino isingadi Mwari.
Uchapupu Hutanhatu Hunoita Kuti Titende
13. Uprofita hwaPauro hwakanyorwa muna 2 Timoti chitsauko 3 hunoita sei kuti utende kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira”?
13 Hwokutanga, tinonyatsoona kuzadzika kwouprofita hwaPauro hune chokuita ne“mazuva okupedzisira.” Pauro akanyora kuti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo; usiyane naivava. Asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa nokutsauswa.” (2 Timoti 3:1-5, 13) Hationi uprofita uhwu huchizadzika muzuva redu here? Avo bedzi vanoita sevasingaoni chokwadi chacho ndivo vangazviramba!b
14. Mashoko aZvakazarurwa 12:9 maererano naDhiyabhorosi ari kuzadzika sei nhasi, uye chii chichaitika kwaari nokukurumidza?
14 Hwechipiri, tinoona migumisiro yokudzingwa kwaSatani nemadhimoni ake kudenga, mukuzadzika kwaZvakazarurwa 12:9. Ipapo, tinorava kuti: “Dhiragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe naye.” Izvi zvagumisira nenhamo huru yapasi. Zvechokwadi, kwave kune nhamo yavanhu yakanyanya, zvikurukuru kubvira muna 1914. Asi uprofita huri muna Zvakazarurwa hunowedzera kuti Dhiyabhorosi paanokandirwa pasi, anoziva kuti “ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:12) Munguva iyi, Satani anorwa nevateveri vaKristu vakazodzwa. (Zvakazarurwa 12:17) Zvechokwadi taona migumisiro yokurwisa kwake munguva yedu.c Zvisinei, nokukurumidza, Satani achapfigirwa mugomba rakadzika-dzika kuti “arege kutsausa marudzi.”—Zvakazarurwa 20:1-3.
15. Zvakazarurwa 17:9-11 inogovera sei uchapupu hwokuti tiri kurarama munguva yomugumo?
15 Hwechitatu, tiri kurarama munguva ya“mambo” wechisere uye wokupedzisira akataurwa muuprofita hwakanyorwa pana Zvakazarurwa 17:9-11. Pano muapostora Johani anodudza madzimambo manomwe, anomirira masimba enyika manomwe—Ijipiti, Asiria, Bhabhironi, Medhia nePersia, Girisi, Roma, uye masimba maviri enyika akabatana eAnglo-America. Anoonawo “mambo wechisere” a“nobva muvanomwe.” Mambo wechisere uyu—wokupedzisira wezvakaonekwa naJohani muzviratidzo—zvino anomirira Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Johani anotaura kuti mambo uyu wechisere a“noenda kunoparadzwa,” zvadaro hapazodudzwizve mamwe madzimambo epasi.d
16. Zvinhu zviri mukuzadzika kwechiroto chechifananidzo chaNebhukadhinezari zvinoratidza sei kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira?
16 Hwechina, tiri kurarama munguva inofananidzirwa nemakumbo echifananidzo chechiroto chaNebhukadhinezari. Muprofita Dhanieri akadudzira chiroto ichi chakavanzika chechifananidzo ichi chikuru chiri muchimiro chomunhu. (Dhanieri 2:36-43) Mativi mana esimbi echifananidzo chacho anomirira masimba enyika akasiyana-siyana, kutanga nomusoro (Umambo hweBhabhironi) uye zvichienda kumakumbo nezvigunwe (hurumende dziri kutonga nhasi). Masimba enyika ose anomirirwa muchifananidzo ichocho akaoneka. Tiri kurarama munguva inofananidzirwa nemakumbo echifananidzo chacho. Hazvimbotaurwi kuti pane mamwe masimba achauya.e
17. Basa redu rokuparidza Umambo rinopa sei humwe uchapupu hwokuti tiri kurarama munguva yomugumo?
17 Hwechishanu, tinoona basa rokuparidza romunyika yose riri kuitwa, rakanzi naJesu raizoitwa mugumo wegadziriro ino yezvinhu wava kuda kutosvika. Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Nhasi, uprofita ihwohwo huri kuzadzika zvisina mukare akamboona. Chokwadi, ndima dzisina kumboshandwa dzichiripo, uye zvingadaro kuti munguva yaJehovha yakafanira, musuo muhombe unotungamirira kubasa guru zvikuru uchazaruka. (1 VaKorinde 16:9) Kunyange zvakadaro, Bhaibheri haritauri kuti Jehovha achamirira kusvikira munhu wose ari pasi pano awana uchapupu hwomunhu oga. Asi, mashoko akanaka anofanira kuparidzwa zvinogutsa Jehovha. Zvadaro mugumo uchasvika.—Enzanisa naMateu 10:23.
18. Sezviri pachena, chii chichaitika kuvamwe vakazodzwa panotanga kutambudzika kukuru, uye izvi zvingazivikanwa sei?
18 Hwechitanhatu, nhamba yevadzidzi vaKristu vechokwadi vakazodzwa iri kuderera, kunyange vamwe sezviri pachena vachave vachiri pasi pano panotanga kutambudzika kukuru. Vazhinji vevasara vachembera, uye kwemakore nhamba yevaya vakazodzwa zvechokwadi yave ichiderera. Asi, achireva kutambudzika kukuru, Jesu akati: “Kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana nyama yaizoponeswa; asi nemhaka yevakasarudzwa mazuva iwayo achatapudzwa.” (Mateu 24:21, 22) Saka, sezviri pachena vamwe ve“vakasarudzwa” vachava vachiri pasi pano panotanga kutambudzika kukuru.f
Chii Chiri Mberi?
19, 20. Nei zviri zvokukurumidzira zvikuru kwatiri zvino kupfuura kare kuti tirambe takamuka uye kuramba takarinda?
19 Nguva yedu yemberi yakatichengeterei? Nguva inofadza ichati youya. Pauro akanyevera kuti “Zuva raJehovha riri kuuya chaizvoizvo sembavha usiku.” Achitaura nezvevanhu vanoratidzika kuva vakachenjera mune zvenyika, anoti: “Panguva ipi kana ipi yavanoti: ‘Rugare nokuchengeteka!’ ipapo kuparadzwa kwakamwe kamwe kuchava pavari nokukurumidza.” Saka, Pauro anokurudzira varavi vake kuti: “Ngatirege kuramba takarara sezvinoita vamwe vose, asi ngatirambei takamuka, takasvinura.” (1 VaTesaronika 5:2, 3, 6) Chokwadi, vaya vanotarira kumasangano evanhu kuti aunze rugare nokuchengeteka vari kuramba chokwadi. Vanhu vakadaro vakanyatsorara!
20 Kuparadzwa kwegadziriro ino yezvinhu kuchauya nokukurumidza kunoshamisa. Naizvozvo, ramba uchitarisira zuva raJehovha. Mwari pachake akataurira Habhakuki kuti: “Hazvingaiti nguva huru”! Zvechokwadi, hazvina kubvira zvambova zvokukurumidzira kuti tirambe takarinda sezvazvava zvino.
[Mashoko Omuzasi]
a Tenzi wacho akanga asina kurangana nevaranda vake. Nokudaro, aisafanira hake kuvatsanangurira zvose zvose zvaaizoita, uye aisasungirwa kutsanangurira varanda vake nezvekwaiita sokuti kunonoka chero kupi zvako.
b Nokuda kwokukurukurwa kwakazara kwouprofita uhwu, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c Nokuda kwemamwe mashoko, ona mapeji 180-6 ebhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
d Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 251-4.
e Ona chitsauko 4 chebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
f Mumufananidzo wemakwai nembudzi, Mwanakomana womunhu anosvika mumbiri yake munguva yokutambudzika kukuru ndokutonga. Anotonga vanhu pahwaro hwokuti vakatsigira hama dzakazodzwa dzaKristu here. Uku kutonga kwakadaro kwaisazoreva chinhu kana panguva yokutonga, vose vehama dzaKristu vakanga vatobva pasi.—Mateu 25:31-46.
Unoyeuka Here?
• Mienzanisoi yomuMagwaro ingatibetsera kuramba takarinda?
• Jesu akaenzanisira sei kudiwa kwokurinda?
• Uchapupu hupi hutanhatu hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira?
[Mifananidzo iri papeji 9]
A. H. Macmillan akashumira Jehovha nokutendeka kweanoda kusvika makore makumi matanhatu
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jesu akafananidza vadzidzi vake nevaranda vanoramba vakarinda