Unogona Kumirira Here?
UNGAFUNGIDZIRA here kuti vanhu vanopedza nguva yakawanda zvakadini makore ose vakangomirira? Vanomirira mumutsetse pachitoro kana kuti panotengeswa peturu. Vanomirira kuti vapiwe zvokudya muresitorendi. Vanomirira kuti vaone chiremba kana kuti chiremba wamazino. Vanomirira mabhazi nezvitima. Hungu, nguva yakawanda zvinoshamisa muupenyu hwomunhu inopedzerwa pakumirira kuti zvinhu zviitike. Maererano nokumwe kufungidzira, vanhu vokuGermany voga vanorasikirwa namaawa mabhiriyoni 4,7 pagore vakangomirira mumigwagwa yakawandisa motokari! Mumwe munhu akaverenga akaona kuti maawa iwayo akaenzana noupenyu hwose hunotarisira kuraramwa navanhu vanenge 7 000.
Kumirira kungava kunoodza mwoyo kwazvo. Mazuva ano, hakumboiti sokune nguva yakaringana yokuita zvinhu zvose, uye kufunga nezvezvimwe zvinhu izvozvo zvatinofanira kunge tichiita kungaita kuti kumirira kuve muedzo chaiwoiwo. Munyori anonzi Alexander Rose akamboti: “Chimwe chinhu chinorwadza zvikuru muupenyu kumirira.”
Mutungamiriri wezvenhau dzenyika yeAmerica Benjamin Franklin akaziva kuti kumirira kungavawo kunodhura. Anodarika makore 250 apfuura, akati: “Nguva imari.” Ndicho chikonzero nei mabhizimisi achitsvaka nzira dzokudzivisa kunonoka kusina kufanira pakuitwa kwebasa. Zvinhu zvakawanda zvinogadzirwa munguva shoma zvingareva mhindu yakakura. Mabhizimisi anobatsira vanhu zvakananga anoedza kuvaitira basa nokukurumidza—zvokudya zvinogara zvakagadzirwa, kubhanga mari uri mumotokari yako [drive-through banking], nezvimwewo—nokuti anoziva kuti kufadza mutengi kunosanganisira kuita kuti nguva yokumirira ive shoma.
Kutambisa Upenyu Hwedu
Mumwe mudetembi wokuAmerica womuzana remakore rechigumi nepfumbamwe Ralph Waldo Emerson akambonyunyuta kuti: “Upenyu hwavanhu hwakareba zvakadini hunorasika mukumirira!” Munguva ichangopfuura, munyori Lance Morrow akanyunyuta nezvokufinhwa uye kusanzwa zvakanaka nokumirira. Asi ipapo akataura nezve“nhamo isinganzwisisiki yokumirira.” Chii ichocho? “Zivo yokuti chinhu chomunhu chinokosha kupfuura zvimwe, nguva, chikamu choupenyu hwomunhu, chiri kubiwa, kurasika zvachose.” Zvinosuruvarisa, asi ndezvechokwadi. Nguva inorasika nemhaka yokumirira inorasika zvachose.
Chokwadi, kudai upenyu husiri hupfupi kwazvo, kumirira kwaisazonyanyova chikonzero chokushushikana. Asi upenyu hupfupi. Zviuru zvemakore zvakapfuura, munyori wepisarema romuBhaibheri akati: “Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, kana tine simba makore makumi masere; asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare gare aenda, nesu tabhururuka taenda.” (Pisarema 90:10) Chero kwatinogara uye zvisinei nokuti tingava vanaani, upenyu hwedu—anova mazuva, maawa, maminiti anenge ari mberi kwedu patinoberekwa—hunopera. Asi, hatigoni kudzivisa mamiriro ezvinhu atinomanikidzwa kupambadza imwe yenguva iyoyo inokosha tichimirira zvimwe zviitiko kana kuti vanhu.
Kudzidza Kumirira
Vakawanda vedu takambova mumotokari inenge ine mutyairi anoramba achiedza kupindira motokari inenge iri mberi kwake. Kazhinji kacho, hapana chaanenge achimhanyira—mutyairi wacho haana waari kukurumidza kuda kunoona. Kunyange zvakadaro, haangamiriri kuti kufamba kwake kudzorwe nomumwe mutyairi. Kusashivirira kwake kunoratidza kuti haana kudzidza kumirira. Kudzidza? Hungu, kuziva kumirira chidzidzo chinofanira kudzidzwa. Hapana munhu anoberekwa anakwo. Vacheche vanochemera kutarisirwa pakarepo pavanenge vava nenzara kana kuti vasinganzwi zvakanaka. Pavanokura ndipo pavanongozonzwisisa kuti dzimwe nguva vanofanira kumirira zvavanoda. Zvechokwadi, sezvo kumirira chiri chinhu chisingadzivisiki muupenyu, kuziva kumirira kwaungaita nokushivirira pazvinenge zvakafanira chiratidzo chomunhu akura.
Chokwadi, pane mamiriro ezvinhu okukurumidzira pazvinonzwisisika kana ukatadza kushivirira. Zvinonzwisisika kuti murume wechiduku anomhanya nomudzimai wake kuchipatara nemhaka yokuti mucheche wavo mutsva ava kuda kuberekwa angasashivirira zvinononotsa. Ngirozi dzaikurudzira Roti kuti abude muSodhomu dzakanga dzisina kugadzirira kumirira apo Roti ainonoka. Kuparadzwa kwakanga kwava kuda kuitika, uye upenyu hwaRoti nemhuri yake hwakanga hwava mungozi. (Genesi 19:15, 16) Zvisinei, muzviitiko zvakawanda, upenyu hunenge husiri mungozi apo vanhu vanomanikidzwa kumirira. Pazvinenge zvakadaro, zvinhu zvaizova zvakanaka zvikuru kana munhu wose aidzidza kushivirira—kunyange kana kumirira kwacho kwaikonzerwa nokunonoka kwomumwe munhu kana kuti kusafarira. Uyezve, zvaizova nyore kushivirira kana munhu wose akadzidza kuti angashandisa sei nguva inopedzwa akamirira nenzira inobatsira. Bhokisi riri papeji 5 rine mazano okuita kuti kumirira kusangokwanisa kutsungirirwa chete asi kuti kutobatsira.
Hazvingarerutswi kuti kusashivirira kungaratidza kudada zvikuru, kunzwa kwokuti munhu anokosha kwazvo zvokusafanira kumirira. Nokuda kwaani naani ane maitiro akadaro, mashoko anotevera omuBhaibheri anofanira kufungwa nezvawo, anoti: “Ane mwoyo murefu anopfuura ane mwoyo unozvikudza.” (Muparidzi 7:8) Kuzvikudza, kana kuti kudada, kusakwana kwounhu kwakakomba, uye chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mumwe nomumwe, unomwoyo unozvikudza, unonyangadza Jehovha.” (Zvirevo 16:5) Naizvozvo, kudzidza kushivirira—kudzidza kumirira kwatingaita—kungada kuti tinyatsozviongorora noukama hwedu navanhu vakatipoteredza.
Kushivirira Kuchapiwa Mubayiro
Tinowanzoona kumirira kuri nyore kana tichigutsikana kuti chatiri kumirira chacho chinokosha zvokuti kana chikanonoka hachinei uye kuti pakupedzisira chichauya chaizvoizvo. Nezveizvi, zvakanaka kufunga kuti vanamati vaMwari vose vechokwadi vari kumirira kuzadzika kwezvipikirwa zvake zvakaisvonaka zvinowanikwa muBhaibheri. Somuenzaniso, tinoudzwa mupisarema rakafuridzirwa naMwari kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Chipikirwa ichi chakadzokororwa nomuapostora Johani paakati: “Uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29; 1 Johani 2:17) Zvakajeka kuti kudai taigona kurarama nokusingaperi, kumirira hakwaizova chinetso chikuru. Asi iye zvino hatisi kurarama nokusingaperi. Asi zvinomboita chaizvoizvo here kutaura nezvoupenyu husingaperi?
Usati wapindura, funga kuti Mwari akasika vabereki vedu vokutanga vane tarisiro yokurarama nokusingaperi. Yaingova bedzi mhaka yokuti vakatadza yakaita kuti varasikirwe netarisiro iyoyo, yavo zvose neyavana vavo—kusanganisira isu. Zvisinei, vachangoita chivi, Mwari akazivisa chinangwa chake chokuchinja migumisiro yokusateerera kwavo. Akapikira kuuya kwe“mbeu,” yakazova Jesu Kristu.—Genesi 3:15, NW; VaRoma 5:18.
Kana isu somunhu oga tichizobatsirwa nokuzadzika kwezvipikirwa zvake tisu tinosarudza. Kudaro kuchada kushivirira. Kuti ritibatsire kudzidza kushivirira kwakadai, Bhaibheri rinotikurudzira kufungisisa muenzaniso womurimi. Anodyara mbeu yake uye anofanira kumirira achishivirira—achiita zvaangagona kuti adzivirire chirimwa chake—kusvikira yava nguva yokukohwa. Ipapo kushivirira kwake kunopiwa mubayiro, uye anoona zvibereko zvebasa rake. (Jakobho 5:7) Muapostora Pauro anodudza mumwe muenzaniso wokushivirira. Anotiyeuchidza nezvevarume navakadzi vakare vakatendeka. Vakanga vachitarisira kuitwa kwezvinangwa zvaMwari, asi vaifanira kumirira nguva yaMwari yakatemwa. Pauro anotikurudzira kutevedzera ava, “vanogara nhaka yezvipikirwa nokutenda nokushivirira.”—VaHebheru 6:11, 12.
Hungu, kumirira chinhu chisingadzivisiki muupenyu. Asi hakufaniri kuramba kuchikonzera kushushikana. Nokuda kwavaya vari kumirira kuitwa kwezvipikirwa zvaMwari, kunogona kukonzera mufaro. Vanogona kushandisa nguva inopedzwa vakamirira nokukudziridza ukama hwapedyo naMwari uye kuita mabasa anoratidza kutenda kwavo. Uye nomunyengetero, kudzidza, uye kufungisisa, vangakudziridza chivimbo chisingazununguki chokuti zvose zvakapikirwa naMwari zvichaitika munguva yake yakafanira.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 5]
DEREDZA KURWADZA KWOKUMIRIRA!
Fanoronga! Kana uchiziva kuti uchafanira kumirira, iva akagadzirira kuverenga, kunyora, kuruka, kukirosha, kana kuti batikana mune mamwe mabasa anobatsira.
Shandisa nguva yacho kufungisisa, chimwe chinhu chinoramba chichiwedzera kuoma munyika inoita zvinhu zvokukurumidzira.
Iva nezvinhu zvokuverenga pedyo norunhare kuti ushandise kana wambomiswa; mumaminiti mashanu kana kuti gumi, unogona kuverenga mapeji anoverengeka.
Paunenge wakamirira uri muboka ravanhu, shandisa mukana wacho, kana zvakakodzera, kutanga kukurukurirana navamwe uye kutaurirana navo pfungwa dzinovaka.
Iva nebhuku rokunyorera kana kuti chimwe chinhu chokuverenga mumotokari yako nokuda kwenguva dzaunozomirira zvawanga usingatarisiri.
Tsinzinya, zorora, kana kuti nyengetera.
KUMIRIRA KUNOBUDIRIRA ZVIKURUKURU INHAU YAMAITIRO UYE YOKUFANOFUNGA.