Mushumo Wevazivisi voUmambo
Mwari Akamupukuta Misodzi
VANHU vanowiriranisa upenyu hwavo nemitemo yaJehovha nenheyo vanokomborerwa zvikuru. Kunyange zvazvo kuchinja sezvinodiwa kusiri nyore nguva dzose, rubatsiro uye kurudziro zvinowanikwa zviri nyore. (Pisarema 84:11) Zvakaitika kuAsia nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva zvinotevera zvinoenzanisira izvi.
Paaive pazororo, mumwe weZvapupu zvaJehovha aibva kuFrance akataura nomuridzi wechimwe chitoro ainzi Kima nezvechinangwa chaJehovha chaanoda kuzoita pasi pano. Akasiyawo bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano kuna Kim. Achivhura bhuku racho, Kim akasangana nemashoko anoti, “achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” (Zvakazarurwa 21:4) “Ndima iyi yakandikurudzira zvikuru,” anoyeuka kudaro Kim. “Vanhu pavaindiona ndichinyemwerera nokutaura zuva rose muchitoro, ndiani aiziva kuti pandaingosvika kumba manheru, ndaichema kusvikira ndarara?” Achitaura chaiita kuti acheme, anoti: “Ndave ndichigara nomurume kwemakore 18 uye ndave ndisingafari zvikuru nemhaka yokuti akaramba kundiroora. Ndaida kugumisa mararamiro akadai, asi nokunge ndagara naye kwenguva yakareba zvakadai, ndakanga ndichishaya ushingi hwokuita kudaro.”
Papera nguva pfupi, Kim akabvuma kudzidziswa Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha ainzi Linh. “Ndaida zvikuru kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri,” anodaro Kim. “Somuenzaniso, ndakarega kunamata madzitateguru angu, kunyange zvazvo izvi zvakaita kuti ndishorwe nevomumhuri mangu. Uyezve, ndakaedza kuita kuti kugara kwandaiita nomurume uyu kuve kwepamutemo, asi mumwe wangu akaramba kuita kudaro. Munguva iyi yakaoma, Chapupu chaibva kuFrance chakaramba chichinditumira mabhuku eBhaibheri, uye Linh aindikurudzira zvikuru. Kushivirira uye kutsigira kworudo kwehanzvadzi idzi kwakandibatsira kuti ndipfuurire kusvikira ndazoona zvakanga zvakaita mumwe wangu chaizvo. Ndakazoziva kuti akanga achitova ‘nevakadzi’ 5 nevana 25! Izvi zvakandipa ushingi hwokumusiya.
“Kusiya imba hombe yakanaka ndichienda kukakamuri kaduku kwakanga kusiri nyore. Kuwedzera pane izvozvi, aichimbova mumwe wangu uyu akandimanikidza kuti ndidzoke kuzogara naye zvekare, achitotyisidzira kuti aizondiremadza neacid kudai ndaizoramba. Ndichibatsirwa naJehovha, ndakakwanisa kuita zvakanga zvakarurama.” Kim akapfuurira kufambira mberi uye pakupedzisira akabhabhatidzwa muna April 1998. Uyewo, vakoma vake vaviri nemwanakomana wake achiri kuyaruka vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.
“Ndaigara ndichifunga kuti upenyu hwangu hwaizongova hwokugara ndisina tariro,” anodaro Kim. “Zvisinei, nhasi, ndinofara, uye handichachemi usiku. Jehovha akatopukuta misodzi pameso angu kare.”
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.