Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuonekwe
“Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.”—1 TIMOTI 4:15.
1. Ungaziva sei kuti muchero waibva uye wava kudyika?
FUNGA nezvomuchero waunoda zvikuru—pichisi, peya, mango, kana mumwewo. Unogona here kuziva paunenge waibva uye wava kudyika? Chaizvo. Kunhuwirira kwawo, ruvara, kutebvenyeka kwaunoita, zvose zvinokuudza kuti uchanzwa machikichori chaiwo. Paunongoti nyechu muchero wacho, ungagutsurira musoro nokunakirwa. Machikichori chaiwo! Inhapitapi chaiyo! Kufara nokunakirwa kwaunoita, chitaurirwa.
2. Kukura kunoonekwa sei, uye kunoita sei paukama hwevanhu?
2 Chiitiko chakareruka ichi asi chinonakidza chinewo zvimwe zvinhu zvakafanana nacho muupenyu. Ngatitore somuenzaniso kukura mumudzimu kunoitika mumunhu kunoonekwawo munzira dzakasiyana-siyana sezvinongoita kuibva kunoita muchero. Tinoona kukura kwomunhu patinoona achiratidza nzwisiso, uchenjeri, nezvimwewo. (Jobho 32:7-9) Zvinofadza chaizvo kusonganira uye kushanda nevanhu vanoratidza unhu hwakadaro mumafungiro avo nezviito.—Zvirevo 13:20.
3. Kurondedzera kwakaita Jesu vanhu vomuzuva rake kwakaratidzei nezvokukura?
3 Kune rimwe divi mumwe munhu angakura mumhu, asi matauriro nemaitiro aanoita zvingaratidza kuti haasati akura mupfungwa nomumudzimu. Somuenzaniso, achitaura nezvechizvarwa chakanga chakatsauka chomuzuva rake, Jesu Kristu akati: “Johani akauya asingadyi kana kunwa, asi vanhu vanoti, ‘Ane dhimoni’; Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, asi vanhu vanoti, ‘Tarirai! Munhu anoruta uye anonwisa waini.’” Kunyange zvazvo vanhu ivavo vakanga vakakura mumhu, Jesu akati vaiita se“vana vaduku”—vakanga vasati vakura. Saka, akawedzera kuti: “Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.”—Mateu 11:16-19.
4. Kufambira mberi uye kukura kunoonekwa munzira dzipi?
4 Kubva mumashoko aJesu, tinogona kuona kuti chinoratidza kuti munhu ane uchenjeri—chiratidzo chiri pachena chokukura—mabasa aanoita uye zvibereko zvawo. Maererano neizvi, cherechedza zano rakapiwa Timoti nomuapostora Pauro. Ataura zvinhu zvaifanira kuteverwa naTimoti, Pauro akati: “Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Timoti 4:15) Chokwadi, kufambira mberi kwomuKristu kusvikira akura kuno‘onekwa,’ kana kuti kuri pachena. Kukura kwomuKristu, kufanana nechiedza chinopenya, hachisi chinhu chisingaonekwi, kana kuti chakavandika. (Mateu 5:14-16) Naizvozvo, tichakurukura nzira mbiri huru dzinoonekwa nadzo kufambira mberi uye kukura: (1) kukura muzivo, kunzwisisa, uye uchenjeri; (2) kuratidza zvibereko zvomudzimu.
Kuva Vamwe Mukutenda Nezivo
5. Kukura kungarondedzerwa sei?
5 Mamwe maduramanzwi anorondedzera kukura sokuyaruka zvakakwana, kusvika paunofanira kusvika. Muchero, sezvambotaurwa kwokutanga, unenge wakura, kana kuibva, paunenge wapedza matanho awo ose okukura uye chitarisiko chawo, ruvara, munhuwi, uye kunaka zvasvika pazvinofanira kusvika. Naizvozvo, kukura kwakafanana nokunaka, kuperera, kunyange kukwana.—Isaya 18:5; Mateu 5:45-48; Jakobho 1:4.
6, 7. (a) Chii chinoratidza kuti Jehovha anofarira kwazvo kuti vanamati vake vose vafambire mberi kusvikira vakura mumudzimu? (b) Kukura mumudzimu kwakabatana nei zvikuru?
6 Jehovha Mwari anoda kwazvo kuti vanamati vake vose vafambire mberi kusvikira vakura mumudzimu. Kuti izvozvo zviitike, akapa zvinhu zvakaisvonaka muungano yechiKristu. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vokuEfeso kuti: “Akapa vamwe sevaapostora, vamwe sevaprofita, vamwe sevaevhangeri, vamwe sevafudzi nevadzidzisi, kuti vatsvene varuramiswe, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu, kusvikira tose tasvika pakuva vamwe mukutenda nezivo yakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari, tava munhu akura zvakakwana, tava nemwero woukuru hwokuzara kwaKristu; kuti tirege kuvazve vacheche, tichikandirwa kwose kwose sezvinoita mafungu uye tichitakurwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.”—VaEfeso 4:11-14.
7 Mundima idzi, Pauro akatsanangura kuti zvimwe zvezvikonzero nei Mwari akaita zvinhu izvozvo zvomudzimu zvakakwanirana muungano ndezvokuti vose vanofanira “kuva vamwe mukutenda nezivo yakarurama,” kuva “munhu akura zvakakwana,” uye kuva no‘mwero woukuru hwaKristu.’ Ndipapo chete patinenge tisisazokandwi kwose kwose sevacheche vokumudzimu nepfungwa nedzidziso dzenhema. Saka tinoona kubatana zvikuru kwakaita kufambira mberi kusvikira takura nokuva “vamwe mukutenda nezivo yakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari.” Pane zvinhu zvinoverengeka muzano raPauro zvatingaita zvakanaka kuteerera.
8. “Kuva vamwe” mukutenda nezivo yakarurama kunodei?
8 Chokutanga, sezvo “kuva vamwe” kuchifanira kuonekwa, muKristu akakura anofanira kubatana uye kuwirirana zvakazara nevaanonamata navo mukutenda nomuzivo. Haatsigiri kana kuomerera papfungwa dzake kana kuda kuita zvaanoda iye kana yava nyaya yokunzwisisa Bhaibheri. Asi, anovimba zvakazara nechokwadi sezvachinojekeswa naJehovha Mwari achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, uye “muranda akatendeka, akangwara.” Nokugara tichidya zvokudya zvokumudzimu zvinogoverwa “panguva yakafanira”—nomumabhuku echiKristu, misangano, magungano nekokorodzano—tinogona kuva nechokwadi chokuti tinoramba tiri “vamwe” mukutenda nezivo nevaKristu vatinonamata navo.—Mateu 24:45.
9. Tsanangura zvinoreva shoko rokuti “kutenda” sokushandiswa kwarakaitwa naPauro mutsamba yake kuvaEfeso.
9 Chechipiri, shoko rokuti “kutenda” rinotaura nezvokutenda kwose kwatinako, “kufara nokureba nokukwirira nokudzika” kwakwo, kwete kutendiswa uko muKristu oga oga anoti anakwo. (VaEfeso 3:18; 4:5; VaKorose 1:23; 2:7) Iye muKristu angava sei mumwe nevaanonamata navo kana achingotenda kana kugamuchira chikamu chakati cho“kutenda”? Izvi zvinoreva kuti hatifaniri kugutsikana nokungoziva dzidziso huru dzeBhaibheri kana kungova nezivo isina kunyatsojeka kana kuti shoma yechokwadi. Asi, tinofanira kufarira kushandisa zvose zvatinopiwa naJehovha achishandisa sangano rake kuti tichere zvakadzama muShoko rake. Tinofanira kuedza kunzwisisa kuda kwaMwari nechinangwa chake zvakarurama uye zvakazara sezvingabvira. Izvi zvinosanganisira kuwana nguva yokuverenga nokudzidza Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri, kunyengetera kuna Mwari kuti atibatsire uye atitungamirire, kupinda misangano yechiKristu nguva dzose, uye kuita zvakazara basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi.—Zvirevo 2:1-5.
10. Mashoko akashandiswa pana VaEfeso 4:13 okuti “kusvikira isu tose tasvika” anorevei?
10 Chechitatu Pauro anoshandisa mashoko okuti “kusvikira tose tasvika pakuva” sesumo yokutsanangura zvinangwa zvitatu. Nezveshoko rokuti “tose,” rimwe bhuku reBhaibheri rinoti zvinoreva “kwete vose, mumwe nomumwe, vakaparadzana, asi vose pamwe chete.” Nemamwe mashoko, mumwe nomumwe wedu anofanira kuita zvaanogona kuti titevere vavariro yokukura sevaKristu pamwe chete nehama dzose. The Interpreter’s Bible rinoti: “Kukura mumudzimu hakuwaniki nomunhu pachake akaparadzana nevamwe, sezvo nhengo imwe yomuviri ichikura zvinoenderana nokukura zvakanaka kwomuviri wose.” Pauro akayeuchidza vaKristu vokuEfeso kuti vanofanira kuedza kwazvo kunzwisisa “nevatsvene vose” zvakaita kutenda.—VaEfeso 3:18a.
11. (a) Kufambira mberi mumudzimu hakurevi chii? (b) Chii chatinofanira kuita kuti tifambire mberi?
11 Zviri pachena kubva mumashoko aPauro kuti kufambira mberi mumudzimu hakurevi kungozadza pfungwa dzedu nezivo nokudzidza zvikuru. MuKristu akakura haasi munhu anotenderedza vamwe misoro noungwaru hwake. Asi, Bhaibheri rinoti: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” (Zvirevo 4:18) Chokwadi, i“gwara,” kwete munhu, rino‘ramba richiwedzera kubwinya.’ Kana tikaedza kuramba tichifambirana nokunzwisisa Shoko raMwari riri kuramba richijeka iro Jehovha ari kupa vanhu vake, tichange tichifambira mberi mumudzimu. Pano apa, kufambirana kunoreva kuenda mberi, uye ichocho chimwe chinhu chatinogona kuita tose.—Pisarema 97:11; 119:105.
Ratidza “Zvibereko Zvomudzimu”
12. Nei kuratidza zvibereko zvomudzimu kuchikosha pakutsvaka kwedu kufambira mberi mumudzimu?
12 Kuratidza zvibereko zvomudzimu waMwari muzvose zvatinoita muupenyu kwakakosha sezvakangoita kuva “vamwe mukutenda nezivo yakarurama.” Nei? Chikonzero ndechokuti kukura, sezvataona, hachisi chinhu chisingaonekwi kana kuti chakavandika, asi kunoratidzwa nezvinhu zvinonyatsoonekwa izvo zvinogona kubatsira nokuvaka vamwe. Chokwadi kutsvaka kwedu kufambira mberi mumudzimu hakusiri kungoedzawo hedu kuratidza tsika dzakanadziridzwa. Asi, sezvatinokura mumudzimu, tichitevera kutungamirira kwomudzimu waMwari, mafungiro edu nezviito zvedu zvichachinjwa zvinoshamisa. “Rambai muchifamba nomudzimu uye hamuzomboiti kuchiva kwenyama,” akadaro muapostora Pauro.—VaGaratiya 5:16.
13. Kuchinja kupi kunoratidza pachena kufambira mberi?
13 Pauro akazotaura “mabasa enyama,” ayo akawanda uye “anooneka.” Munhu asati asvika pakunzwisisa zvinodiwa naMwari, upenyu hwake hwakarongwa maererano nenzira dzenyika uye hungave hwakazadzwa nezvimwe zvezvinhu zvakataurwa naPauro zvokuti: “ufeve, kusachena, unzenza, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa, kukakavara, kupesana, mapoka, shanje, nguva dzokunwira kudhakwa, mitambo yokuzvifadza, nezvinhu zvakaita seizvi.” (VaGaratiya 5:19-21) Asi sezvo munhu anofambira mberi mumudzimu, zvishoma nezvishoma anokunda “mabasa enyama” aya asingadiwi opinza “zvibereko zvomudzimu.” Kuchinja uku kunoonekwa nechokunze chiratidzo chiri pachena chokuti munhu ari kufambira mberi kuti ave muKristu akakura.—VaGaratiya 5:22.
14. Tsanangura zvinoreva kutaura kuviri kwokuti “mabasa enyama” uye “zvibereko zvomudzimu.”
14 Tinofanira kucherechedza kutaura kuviri kunoti “mabasa enyama” uye “zvibereko zvomudzimu.” “Mabasa” migumisiro yezvinoitwa nomunhu, zvibereko zvezviito zvomunhu. Nemamwe mashoko, zvinhu zvinotaurwa naPauro semabasa enyama migumisiro yokuzvisarudzira kunoita munhu kana kuti zvinokonzerwa nokusakwana kwevanhu. (VaRoma 1:24, 28; 7:21-25) Kune rimwe divi “zvibereko zvomudzimu” zvinoreva kuti unhu hwakarongwa ipapo migumisiro yokushanda kwomudzimu waMwari pamunhu, kwete kuti anenge aedza kukudziridza zvaari pachake kana kuti kuvandudza unhu hwake sezvinowanzotaurwa. Muti zvaunobereka zvibereko paunotarisirwa zvakanaka, saka munhu acharatidzawo zvibereko zvomudzimu apo mudzimu mutsvene unoshanda zvakasununguka muupenyu hwake.—Pisarema 1:1-3.
15. Nei zvakakosha kufunga nezve“zvibereko zvomudzimu” zvose?
15 Chimwe chinhu chokufunga nezvacho kushandisa kwakaita Pauro shoko rokuti “zvibereko” kuti asanganisire unhu hwose hunodiwa hwaakadudza.a Mudzimu haubereki zvibereko zvakasiyana-siyana kuti isu tisarudze chatinofarira. Unhu hwose hwakataurwa naPauro—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda unyoro, kuzvidzora—hwakakosha zvakaenzana, uye hwose hunoita kuti munhu ave nounhu hutsva hwechiKristu. (VaEfeso 4:24; VaKorose 3:10) Naizvozvo, nepo tingawana kuti humwe hwounhu uhu hunoonekwa kupfuura humwe hwacho muupenyu hwedu nemhaka yezvatiri pachedu uye zvatakarerekera kuita, zvakakosha kuti tifunge nezvezvose zvakataurwa naPauro. Nokuita kudaro, tinogona kuratidza zvizere unhu hwakafanana nohwaKristu muupenyu hwedu.—1 Petro 2:12, 21.
16. Chinangwa chedu ndechei pakutsvaka kuva vaKristu vakakura, uye tingaita sei izvozvo?
16 Chidzidzo chinokosha chatingadzidza pane zvakataurwa naPauro ndechokuti pakutsvaka kwedu kuva vaKristu vakakura, chinangwa chedu hachisi chokuti tiwane ruzivo rwakakura nedzidzo kana kuti kuedza kuva nounhu hwakanadziridzwa. Ndechokuita kuti mudzimu waMwari ushande zvakasununguka muupenyu hwedu. Kukura kwedu mumudzimu kunoenderana nokuti kufunga kwedu nezviito zvedu zvinotungamirirwa nomudzimu waMwari zvakadini. Tingasvika sei pakuva vakadaro? Tinofanira kuzarura mwoyo wedu nepfungwa kuti zvidzorwe nomudzimu waMwari. Izvi zvinosanganisira kuramba kwedu tichipinda uye kuva nezvatinoita mumisangano. Tinofanirawo kudzidza nokufungisisa zviri muShoko raMwari nguva dzose, tichibvumira nheyo dzaro kutungamirira kubata kwatinoita nevamwe uye zvisarudzo zvatinoita. Ipapo ndipo pachanyatsoonekwa kufambira mberi kwedu.
Fambira Mberi Kuti Mwari Apiwe Mbiri
17. Kufambira mberi kunei chokuita nokupa mbiri Baba vedu vokudenga?
17 Pakupedzisira, kuita kuti kufambira mberi kwedu kuonekwe kunounza mbiri nokurumbidzwa, kwete kwatiri, asi kuna Baba vedu vokudenga, Jehovha, vanoita kuti zvibvire kuti tikure mumudzimu. Pausiku hwakatangira musi wakaurayiwa Jesu, akaudza vadzidzi vake kuti: “Baba vangu vanopiwa mbiri mune izvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye munozviratidza kuva vadzidzi vangu.” (Johani 15:8) Vadzidzi vakaunza mbiri kuna Jehovha nezvibereko zvomudzimu uye zvibereko zvoUmambo zvoushumiri hwavo.—Mabasa 11:4, 18; 13:48.
18. (a) Kukohwa kupi kunofadza kuri kuitika nhasi? (b) Chii chakaoma chinobva pakukohwa uku?
18 Nhasi, chikomborero chaJehovha chiri pavanhu vake sezvavanopinda mukukohwa kwomudzimu munyika yose. Kwemakore anoverengeka zvino, vanhu vatsva vanenge 300 000 gore negore vakazvitsaurira kuna Jehovha ndokuratidza kuzvitsaurira kwavo nokubhabhatidzwa mumvura. Izvi zvinoita kuti tifare uye pasina mubvunzo zvinoitawo kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Zvisinei, kuti izvi zvirambe zvichiunza mufaro nokurumbidza Jehovha, vatsva vose vakadaro vanofanira ku‘ramba vachifamba vari pamwe naKristu, vakadzika midzi uye vachivakwa maari uye vachidzikamiswa pakutenda.’ (VaKorose 2:6, 7) Izvi zvinoita kuti pave nezvinhu zviviri zvinoomera vanhu vaMwari. Kudivi rimwe, kana uchangobva kubhabhatidzwa, uchabvuma here basa rakaoma rokuzvishandisa kuitira kuti ‘kufambira mberi kwako kugone kuonekwa nevanhu vose’? Kune rimwe divi, kana wave uri muchokwadi kwenguva yakati, uchabvuma here basa rakaoma rokutakura mutoro wokutarisira kugara zvakanaka mumudzimu kwevatsva? Muzviitiko zvacho zvose, zviri pachena kuti tinofanira kupfuurira kuti tive vakuru.—VaFiripi 3:16; VaHebheru 6:1.
19. Iropafadzo dzipi nezvikomborero zvinogona kuva zvako kana ukaita kuti kufambira mberi kwako kuonekwe?
19 Zvikomborero zvinoshamisa zvakamirira vose vanoshanda nesimba kuti vaite kuti kufambira mberi kwavo kuonekwe. Yeuka mashoko aPauro anokurudzira pashure pokutaurira Timoti kuti afambire mberi, okuti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timoti 4:16) Nokushingairira kuti kufambira mberi kwako kuonekwe, newewo ungabatanidzwa muropafadzo yokupa mbiri zita raMwari uye kuwana zvikomborero zvake.
[Mashoko Omuzasi]
a Mumutauro wepakuvamba shoko rokuti “chibereko” rakangonzi “muchero.”—VaGaratiya 5:22, Kingdom Interlinear Translation.
Unoyeuka Here?
• Kukura mumudzimu kungaitwa sei kuti kuonekwe?
• Rudzii rwezivo nokunzwisisa zvinoratidza kukura?
• Kuratidza “chibereko chomudzimu” kunoratidza sei kufambira mberi mumudzimu?
• Chii chakaoma chatinofanira kubvuma sezvatinofambira mberi kuti tikure?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Kuibva, kana kukura, kunonyatsoonekwa
[Mufananidzo uri papeji 15]
Tinofambira mberi mumudzimu nokufambirana nechokwadi chakaziviswa
[Mufananidzo uri papeji 17]
Munyengetero unotibatsira kuratidza “zvibereko zvomudzimu”