“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ndichakuzorodzai”
‘Kuparidza Shoko’ Kunozorodza
AIVA munhu akakwana ane basa rinokosha. Nzira dzake dzokurayiridza dzaibudirira zvokuti “mapoka evanhu akashamiswa nemadzidzisire ake.” (Mateu 7:28) Aivawo mudzidzisi aishanda nesimba. Nguva yake, simba, nezvaaiva nazvo zvaishandiswa zvikurukuru mukuparidza nezvoUmambo hwaMwari. Zvechokwadi Jesu akafamba nyika yaaigara yose somuparidzi nomudzidzisi asingaenzaniswi.—Mateu 9:35.
Basa raJesu rokukurumidzira raiva rokuparidza “mashoko akanaka oumambo” kuvanhu vakararama panguva yake uye kudzidzisa vadzidzi vake kuti vazoita basa rimwe chetero pasi pose. (Mateu 4:23; 24:14; 28:19, 20) Ko kukura kwomutoro wavo wokuparidza uye kukurumidzira kwawaida pamwe noukuru hwebasa racho zvakapedza simba vateveri vake vasina kukwana uye vaisagona zvose zvose here?
Kana nepaduku pose! Mushure mokurayira vadzidzi vake kuti vanyengeterere vamwe vashandi kuna Jehovha Mwari, “Tenzi wokukohwa,” Jesu akavatuma kunodzidzisa vanhu. (Mateu 9:38; 10:1) Akazovapa chivimbo chokuti mutoro wokuva muteveri wake—kusanganisira basa rokuparidza—waizozorodza nokunyaradza zvechokwadi. Jesu akati:“Uyai kwandiri, . . . uye ndichakuzorodzai.”—Mateu 11:28.
Kunounza Mufaro
Kukoka kwaJesu ndokwetsitsi, rudo uye mutsa zvechokwadi! Kunoratidza kuti Jesu ane hanya zvikuru nevateveri vake. Vadzidzi vake vanowana zororo mukuzadzika kwomutoro wavo wokuparidza “mashoko akanaka” oUmambo hwaMwari. Izvi zvinovaunzira mufaro wechokwadi uye kunyatsogutsikana.—Johani 4:36.
Nguva refu Jesu asati ava pasi pano, Magwaro akasimbisa kuti mufaro unofanira kuva rutivi rwebasa rinoyera kuna Mwari. Izvi zvakajekeswa nomunyori wepisarema paakaimba kuti: “Pururudzai Jehovha, imi nyika dzose. Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake muchiimba.” (Pisarema 100:1, 2) Nhasi, vanhu vemarudzi ose vanofara muna Jehovha, uye marumbidziro avo akafanana nokudanidzira kunoita mauto kana akunda. Vaya vakazvipira kuna Mwari zvechokwadi vanouya kwaari “nomufaro.” Uye izvozvo zvakanyatsokodzera nokuti Jehovha ndi“Mwari anofara,” uyo anoda kuti vashumiri vake vawane mufaro mukuzadzika kuzvitsaurira kwavo kwaari.—1 Timoti 1:11.
Vashumiri Vakazorodzwa
Zvinobvira sei kuti kushanda zvakaoma muushumiri hwomumunda hakutisakadzi asi kunototizorodza? Kuna Jesu kuita kuda kwaJehovha kwakanga kwakafanana nokudya kunopazve simba. Akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”—Johani 4:34.
Saizvozvowo, vaparidzi vechiKristu vanoshingaira vanowana mufaro sezvavano“paridza shoko.” (2 Timoti 4:2) Connie, mumwe mukadzi wechiKristu ane makore ari pakati pe40 ne60 anopedzera maawa anopfuura 70 pamwedzi mubasa rokuparidza, anoti: “Kana ndabva muushumiri, ndinonzwa kugutsikana uye ndinonzwa zvakanaka, kunyange kana ndakaneta pashure pezuva racho.”
Zvakadini kana shoko roUmambo risiri kugamuchirwa zvakanaka? Connie anoenderera mberi achiti: “Pasinei nokuti ndadavirwa sei, handisati ndambova nenguva yandakazvidemba kuti ndabudirei muushumiri. Kuwedzera pakuziva kuti ndiri kuita zvinofadza Jehovha, ndinoutora somufaro kutaura nezvechokwadi nokuti pandinenge ndichidaro, tariro yacho inoshamisa inobva muBhaibheri inobva yanyatsosimba mumwoyo mangu.”
Vamwe vanoona kuti kubatsira vanhu kuwana zivo yakarurama yaMwari kunoita kuti upenyu hwavo pachavo huve nechinangwa. Meloney, mumwe mukadzi wechiduku anogara achipedzera maawa 50 pamwedzi mubasa rokuparidza, anoti: “Ushumiri hunozorodza nokuti hunopa upenyu hwangu nhungamiro nechinangwa. Zvinetso zvangu nokunetseka mupfungwa kwezuva nezuva zvinombokanganwika pandinopinda mubasa racho.”
Millicent, mumwe mushumiri anoshingaira weZvapupu zvaJehovha, anotaura nezvazvo achiti: “Ushumiri hunowedzera ukoshi kuzuva rimwe nerimwe randinopedza ndichitaura nevamwe nezvaMwari nezvinangwa zvake nokuda kwevanhu uye ndichitsanangura madzorererwo achaitwa Paradhiso pasi pano. Hunoita kuti Jehovha ave chaiye kwandiri zuva nezuva uye hunondipa rugare nekamwe kamufaro komukati memwoyo kasingawaniki nedzimwe nzira.”
Vagamuchiri Vanozorodzwa
Zvechokwadi vaparidzi voUmambo vanozorodzwa noushumiri hwechiKristu, uye vaya vanobvuma shoko racho rinopa upenyu vanonyaradzwa naro. Mumwe mudzidzisi wechikoro muPortugal akafunga kuti zvaaida munyaya dzokunamata akanga asati azviwana kubva muChechi yake kunyange zvazvo akanga adzidziswa nemasisita nevapristi. Mibvunzo yake yeBhaibheri yakaramba isina kupindurwa. Chidzidzo cheBhaibheri chaaigara achiitiswa nomumwe weZvapupu zvaJehovha chakamuwedzera kunzwisisa Magwaro zvinofambira mberi. Mudzidzisi wacho wechikoro akafara. “Ndaimirira chidzidzo changu nechido musi weChitatu woga woga,” akadaro, “sezvo mibvunzo yangu yaipindurwa, mumwe pashure pomumwe, nouchapupu hunogutsa hweBhaibheri.” Nhasi uno, mukadzi uyu mushumiri waJehovha akazvitsaurira, uye iyewo ari kuzorodza vamwe nechokwadi cheBhaibheri.
Saka, zvakajeka kuti Zvapupu zvaJehovha hazvityiswi nokukura kwakaita basa razvo rokuparidza kana kukura kwakaita ndima yazvo yepasi pose. Kusakendenga kana kupikiswa hazvivaodzi mwoyo. Vave vachizvishandisa nesimba kuti vapedze basa ravo rokuparidza Umambo. Vanoudza vanhu mashoko akanaka kupi zvako kwavangawanikwa—panomirira marori muUnited States (1), paimwe nhandare yendege muKorea (2) muAndes (3), kana kuti pamumwe musika muLondon (4). Vateveri vaJesu vemazuva ano vanoita nomufaro basa ravo rine mubayiro munyika yose. Uye sezvaakavimbisa, ave achivazorodza uye achivashandisa kuzorodza vamwe vakawanda.—Zvakazarurwa 22:17.