Kutsvaka Pfuma Yokunamata muGuinea
KWEMAZANA emakore, vaifamba vachitsvaka nzvimbo dzisingazivikanwi vakaisa upenyu hwavo mungozi vachitsvaka pfuma. Vakanga vakashinga vakasvika kuGuinea, muWest Africa, vakawana pfuma yakasiyana kwazvo yemhando mbiri—yezvinhu uye yokunamata. Nyika yacho yakapfuma nematombo anokosha anonzi madhaimani, ndarama, simbi, uye bauxite yakanaka chaizvo (munozotorwa aluminum), ine vanhu vanodarika mamiriyoni mapfumbamwe.
Kunyange zvazvo zvitendero zvechiKristudhomu zvisina kunyanya kuwanda munyika yacho, kunamata kunokosha uye vakawanda vanokoshesa pfuma yokunamata. Pfuma iyi inombova chii chaizvo? Vashumiri vakatendeka vaJehovha, vanorondedzerwa pana Hagai 2:7 kuti “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose.”
Pfuma Yokunamata
Zvinoda kushanda nesimba kuchera muivhu nechinangwa chokutsvaka pfuma yakavanzwa. Saizvozvowo, muushumiri hwechiKristu, zvinoda kushanda nemwoyo wose kuti munhu awane pfuma yokunamata. MuGuinea, basa rokuparidza Umambo rakatanga nechomukati-kati menyika yacho pakutanga kwema1950 uye rakazosvika muguta guru rinonzi Conakry mukutanga kwema1960. Iye zvino munyika yacho yose mava neZvapupu zvaJehovha zvinenge 900 zviri mumapoka neungano 21.
Mamishinari akasvika muna 1987 uye akashanda neungano imwe chete bedzi yaiva muConakry. Iye zvino mava nemamishinari anodarika 20 muguta guru racho uye munyika yacho yose. Vanokurudzira ungano nokushingaira uye vanoshanda nehama dzomuungano dzacho pakuita ushumiri.
Luc, anogara muConakry, akawana mufaro paaidzidza Bhaibheri naAlbert, chiremba wechiduku. Albert akanga atsvaka chokwadi chokunamata mumachechi akasiyana-siyana, uye aiita zvemidzimu. Aipfeka rin’i yaakanga apiwa nesvikiro avimbiswa kuti yaizoita kuti ave nerombo rakanaka. Aodzwa mwoyo zvikuru paaitsvaka chitendero chechokwadi, Albert akarasa rin’i yake ndokunyengetera kuti: “Mwari, kana muripo, itai kuti ndikuzivei uye ndikushumirei. Nokuti mukasadaro, ndichararama ndichingoita zvandinoda.” Nguva pfupi adaro, Albert akanga ashanya zvake kumba kwehanzvadzi yake paakanzwa mumwe weZvapupu zvaJehovha achidzidza Bhaibheri nomuzukuru wake. Nokukurumidza pakaitwa urongwa hwokuti Albert adzidziswe Bhaibheri naLuc.
Vhiki nevhiki, Luc aifara kufamba makiromita anodarika gumi kuenda nokudzoka achinodzidza naye. Kunyange zvazvo Luc akanga akadzidza zvishoma, Albert, uyo akanga apedza kudzidza payunivhesiti, akashamiswa chaizvo nokutenda kwake kwakasimba muMagwaro nokushandisa kwake zvaakadzidza. Albert akafara chaizvo kuziva kuti Mwari haasi iye anokonzera kutambura kwevanhu asi kuti Jehovha ane chinangwa chokugumisa kutambura kwose uye chokuita kuti pasi rino rive paradhiso. (Pisarema 37:9-11) Chokwadi cheBhaibheri pamwe chete nomufambiro wakanaka chaizvo waakaona uchiitwa nenhengo dzeungano yacho zvakabaya mwoyo waAlbert.
Zvisinei, kungofanana nedhaimani rinenge risina kunatsiridzwa rinenge richifanira kuzonatsiridzwa nomunhu ane unyanzvi kuti ripenye, saizvozvowo Albert aifanira kubvisa unhu hwenyika hwakawanda kuti upenyu hwake huenderane nezvakarurama zvaidiwa naMwari. Akarega kubvunza masvikiro, akarega kunwa doro zvisina mwero, uye akarega kubhejera. Albert akaomerwa chaizvo nokurega kusvuta. Pakupedzisira, paakazonyengetera zvikuru kuna Jehovha kuti amubatsire, akabudirira. Mwedzi mitanhatu gare gare, akanyoresa muchato wake. Mudzimai wake akatanga kudzidza Bhaibheri. Iye zvino vose vashumiri vaJehovha vakabhabhatidzwa.
Martin ndomumwe akafanana nedhaimani pane zvokunamata. Akatanga kudzidza Bhaibheri muGuéckédou paaiva nemakore 15. Vabereki vake vaiva vaKaturike vakashora kupinda kwake misangano yeZvapupu zvaJehovha. Vakaparadza mabhuku eBhaibheri aMartin, vakamurova, uye vakamudzinga pamusha wavo. Sezvinongoitawo dhaimani rinovapo kana kabhoni iri pakamanikana zvikuru, saizvozvowo Martin akawedzera kuda chokwadi cheBhaibheri pamusana pokushorwa. Nokufamba kwenguva, vabereki vake vakadzora mwoyo wavo, uye akadzokera kumba. Chii chakaita kuti vabereki vake vachinje mwoyo? Vakaona kusiyana kukuru pamufambiro waMartin nowevanun’una vake, vakanga vapanduka uye vava kuita zvounzenza. Vagutsikana kuti chitendero chitsva chaMartin chakanga chakamunakira, baba vake vakabvumira nhengo dzeungano kuti dzisvike mumusha mavo. Amai vaMartin vanogara vachitenda hama dzacho nokuda kwezvose zvadzakaita kuti dzibatsire mwanakomana wavo. Martin akabhabhatidzwa aine makore 18, akazopinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri uye iye zvino ndipiyona chaiye.
Pfuma Yokunamata Yakabva Kune Dzimwe Nyika
Kunyange zvazvo Guinea ichitengesa pfuma yezviwanikwa zvemo yakawanda kunze kwenyika, imwe yepfuma yayo mune zvokunamata yakaita “zvokubva kune dzimwe nyika.” Vanhu vakawanda vakabva mune dzimwe nyika dzomuAfrica, kazhinji kacho nokuda kwezvikonzero zvoupfumi. Vamwe vakauya munyika iyi vachitiza hondo dzine utsinye dzave dzichirwiwa kwemakore akawanda.
Ernestine, wokuCameroon, akauya kuGuinea makore 12 apfuura. Akadzidza neZvapupu zvaJehovha uye akapinda misangano kwemakore akawanda, asingabhabhatidzwi. Muna 2003, misodzi yakayangarara mumaziso ake paakaona vamwe vachibhabhatidzwa pane rimwe gungano redunhu reZvapupu zvaJehovha. Akurirwa nemanzwiro okuva nemhosva, akanyengetera kuna Jehovha kuti: “Iye zvino ndava nemakore 51, uye handina zvakanaka zvandakakuitirai. Ndinoda kukushumirai.” Adaro, Ernestine akaita maererano nomunyengetero wake wokuzvininipisa. Akatsanangurira murume waaigara naye kuti vaizogona kugara vose bedzi kana varoorana zviri pamutemo. Murume wacho akabvuma, uye Ernestine akazosvimhawo misodzi yomufaro paakabhabhatidzwa muna November 2004.
Kubvira mukutanga kwema1990, Guinea yakagamuchira zviuru zvevapoteri vaibva kuLiberia neSierra Leone, kusanganisira mazana evashumiri vaJehovha. Dzichangosvika mumusasa wevapoteri, hama dzakaronga kuti misangano iitwe nguva dzose, dzakaronga basa rokuparidza, uye dzakavaka Imba yoUmambo. Vamwe vanhu vakava vashumiri vaJehovha pavaiva mumisasa yevapoteri. Isaac ndomumwe wevanhu ava. Pashure pokunge abhabhatidzwa, mukana wakavapo wokuti Isaac adzokere pachinzvimbo chaaimbova nacho pane imwe kambani huru yokuLiberia. Pane kudzokera, akasarudza kuramba ari mumusasa wevapoteri waiva muLainé achishanda sapiyona wenguva dzose. Anotsanangura kuti: “Iye zvino handifaniri kukumbira mvumo kune mukuru webasa kuti ndipinde misangano kana gungano. Ndakasununguka kushumira Jehovha.” Muna December 2003, gungano reruwa rakaitwa mumusasa uyu uri kure nokuda kweZvapupu 150 zvinogara panogara vapoteri 30 000. Zvinofadza kuti 591 vaivapo, kusanganisira matsi pfumbamwe dzainzwawo purogiramu yacho nomutauro wemasaini. Vanhu gumi nevaviri vakabhabhatidzwa. Hama dzacho dzakaonga kwazvo zvose zvakaitwa kuti dziitirwe mutambo uyu wokunamata.
“Zvinhu Zvinokosha” Zvinochinja Sezvinodiwa
Vaya vanotsvaka ndarama nemadhaimani havavhiringidzwi nechipingamupinyi chero chipi zvacho kunyange chingaita sechakakura chaizvo. Zvisinei, zvinonyevenutsa mwoyo kuona zvinoitwa nevatsva kuti vakurire zvipingamupinyi zvose kuitira kuti vashumire Jehovha. Chimbofunga nezvezvakaitika kuna Zainab.
Achiri mwanana, aine makore 13, Zainab akamanikidzwa kuva muranda. Akaendeswa kuGuinea achibva mumusha wake waiva mune imwe nyika yokuWest Africa. Ava nemakore 20, akanzwa nezvemashoko eBhaibheri. Akada chaizvo kushandisa zvaaidzidza.
Zvakanga zvakaomera Zainab kuti apinde misangano yechiKristu. Asi aikoshesa chaizvo misangano uye akanga akatsunga kuti aipinde. (VaHebheru 10:24, 25) Aiviga mabhuku ake kunze kuitira kuti azoatora paanenge ava kuenda kumisangano. Kakawanda airohwa noutsinye “navanatenzi” vake pamusana pokupinda misangano iyi.
Mamiriro ezvinhu akazochinja, uye Zainab akasunungurwa. Nenguva isipi akatanga kupinda misangano yose, yakamubatsira kufambira mberi nokukurumidza pakunamata. Akaramba basa raibhadhara mari yakawanda ringadai rakamutadzisa kupinda misangano inopa mirayiridzo yechiKristu. Akanyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri, ndokuva muparidzi woUmambo asina kubhabhatidzwa, uye akazoratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Angoita izvozvo, akava piyona webetsero. Mwedzi mitanhatu gare gare, akakumbira kuti ave piyona wenguva dzose.
Apinda misangano mishomanana, mumwe munhu anofarira akati: “Handinzwi sokuti ndiri murombo kana ndiri pano.” Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachingofarira upfumi hweGuinea, vaya vanoda Jehovha vari kutsvaka nomwoyo wose pfuma yokunamata. Chokwadi, “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” zviri kuuya kuzonamata Jehovha nenzira yakachena nhasi!
[Bhokisi riri papeji 8]
GUINEA-2005
Nhamba yepamusoro yeZvapupu: 883
Vanodzidziswa Bhaibheri: 1 710
Nhamba yevakapinda Chirangaridzo: 3 255
[Mepu dziri papeji 8]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
GUINEA
Conakry
SIERRA LEONE
LIBERIA
[Mufananidzo uri papeji 9]
Albert naLuc
[Mufananidzo uri papeji 9]
Imba yoUmambo iri muConakry
[Mufananidzo uri papeji 10]
Ernestine
[Mufananidzo uri papeji 10]
Martin
[Mufananidzo uri papeji 10]
Zainab
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]
USAID