Kuparadzira Mashoko Akanaka Munyika Yakanaka Pazvinhu Zvose yeHaiti
NYIKA yeHaiti neyeDominican Republic dziri pachitsuwa cheHispaniola, chine makomo marefu-refu muCaribbean. Dzimwe nhongonya dzemakomo aya dzinodarika mamita 2 400. Mumwedzi “inotonhora,” mazaya echando uye mvura shomanana yakaita chando inoita madziva maduku munzvimbo dzakakwirira.
Makomo nemipata zviri kumaodzanyemba kweHaiti zvakafukidzwa nesango rakasvibirira rinonaya mvura. Mune dzimwewo nzvimbo, makomo acho haana miti yakawanda, haakwezvi, kazhinji anonyatsooneka kuti akatemwa miti yawo—sango rawo riri kuparadzwa. Kudai waizoenda kuchamhembe kana kumaodzanyemba, waizoona kuti Haiti yakanaka chaizvo. Ukafamba mune tumwe tumigwagwa twomumakomo tunomonereka, unoona runako runokanga mate mukanwa, ziendanakuenda renyika negungwa. Kwose kwose unogona kuona maruva akasiyana-siyana akanaka chaizvo uye ane ruvara rwakajeka.
Pavanhu mamiriyoni 8,3 vomunyika iyi yakanaka, vakawanda vavo vanogara kumaruwa uye madzitateguru avo ndeokuAfrica. Kunyange zvazvo vakawanda vari varombo, vane mutsa uye vanogamuchira vaeni. Kwemakore anenge 60, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichifara kuvaendesera mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye zvave zvichigamuchirwa noushamwari.—Mateu 24:14.
Kuparidzira Mutaundi Rokumaruwa
Zvakaitika kune mumwe mumishinari paakatanga kushanya kune rimwe taundi rokumaruwa zvinogara zvichiitika. Akanyora kuti:
“Rimwe zuva muna March 2003, takaenda kunoparidza kuCasale, rimwe taundi duku, zvinotora inenge hafu yeawa kuti usvike ikoko uchibva kuCabaret, kune musha wedu wemamishinari iye zvino, makiromita 30 kuchamhembe kwePort-au-Prince, guta guru. Zvapupu zvakanga zvapedzisira kuparidza muCasale muna 1999, saka taitarisira nomwoyo wose, patakatanga rwendo rwedu nenguva dza7:00 mangwanani. Tiri makumi maviri nevaviri—inenge ungano yedu yose—takatutirana mumotokari mbiri dzinodhonza nemavhiri mana. Munhu wose akanga achitaura uye achiseka kuratidza kufara zvataifamba mumigwagwa isina tara ine materu ndokusvika kune mumwe mupata une miti mikuru yakawanda. Pane rwizi runoyerera nomumupata wacho, rwozopinda nepakati peCasale.
“Nhoroondo yetaundi iri rakanyarara inotangira kumavambo ema1800 apo mamwe masoja okuPoland ayo akauya kuHaiti kuzobatsira vaimbova varanda kuti vasununguke, akagara nemadzimai awo echiHaiti mumupata uyu wakaorera. Pakaguma pava nevanhu vakasiyana-siyana. Hazvishamisi kuona vanhu vokumaruwa vane ganda jena, vamwe vakaita vashava, vamwe vakaita sedeko renzviru, vamwe vane maziso egirini, vamwe vane maziso akasvibirira, zvichingodaro.
“Munhu akapindura pasuo ratakatanga kugogodza akanga asingafariri. Tava kubvapo, paiva nomumwe murume aifamba nomugwagwa achiuya kwatiri. Aida kuziva kana tichidavira kuti Jesu naMwari vakasiyana. Takamukumbira kuti atore Bhaibheri rake, uye kukurukurirana zviri muMagwaro kwatakazoita kwakaita kuti atende kuti Jesu Mwanakomana waMwari uye kuti Jehovha ndiye ‘Mwari wechokwadi chete.’ (Johani 17:3) Vanhu vakawanda vaitikumbira kuti tigare pasi kuti titaure navo. Vamwe vaibvunza kuti, ‘Muchadzoka rini kuzotidzidzisa Bhaibheri?’
“Masikati, takawana nzvimbo yaiva nomumvuri wakanga wakanaka chaizvo ndokugadzirira kudya kwemasikati. Pane hanzvadzi mbiri dzakanga dzabika poto hombe yehove. Dzainaka zvokuti dhu! Sezvatainge takagara tichidya uye tichitaura, taiparidzirawo vanhu vaipfuura. Zvadaro, takayambukira mhiri kworwizi kune rimwe divi retaundi racho. Takanakidzwa nokutaura nevanhu ava vane ushamwari vakanga vakagara pasi pemiti yaiva pedyo nemisha yavo. Zvaifadza chaizvo kunzwa ruzha rwevana vaitamba, vakadzi vaiwacha mbatya murwizi, uye vanaambuya vaikuya bhinzi dzinogadziriswa kofi!
“Nenguva isipi dzakanga dzatova 4:00 masikati, uye boka redu raifara rakadzokera kumotokari kuti tidzokere kuCabaret. Ini nomurume wangu zvechokwadi takanakidzwa nokushanya kwatakaita kokutanga kuCasale, kune vanhu vanogamuchira vaeni uye vane ushamwari.”
Kubvira pakasvika mamishinari eZvapupu okutanga muHaiti muna 1945, nhamba yevazivisi voUmambo munyika iyi yave ichiwedzera zvishoma nezvishoma, zvokuti iye zvino mune vaparidzi 14- 000 uye vanodzidzisa Bhaibheri vanhu vanodarika 22 000. Vakabaya mwoyo yevanhu 59 372 vakapinda Chirangaridzo muna March 2005 uye vanoramba vachiparidza pachena mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Chimbofunga kubatsirwa kwakaitwa vanhu munzira dzakawanda nebasa reZvapupu zvaJehovha.
Mashoko Akanaka Anobudiswa Mumifananidzo Yakajeka
Vanhu vakawanda vokuHaiti vanoda kuona zvinhu zvine mavara akajeka. Vanoratidza izvi pambatya dzavo, padzimba dzavo dzakapendwa, pamaruva akasiyana-siyana ari mumapindu avo, uye mumifananidzo yavo. Mumigwagwa yomuPort-au-Prince mose unoona matende anenge achitengeswa akapendwa zvakajeka semapendero avanoita ikoko anonzi L’Art Haitien. Vanoatenga vacho vanobva kunzvimbo dzakawanda dzenyika.
Mavara akajeka haangooneki bedzi pamatende. Migwagwa yePort-au-Prince yakazara nemotokari dzinotakura vanhu dzinonzi camionettes, kana kuti tap-taps, dzakapendwa zvinhu zvakasiyana-siyana. Kazhinji munhu anowanzoona mifananidzo yomuBhaibheri pazvinhu zvakapendwa izvozvo.
Paunenge uchifamba nemigwagwa yacho, ungangoerekana waona mufananidzo waunoziva—wakadai sewaAdhamu naEvha vari muEdheni. Chokwadi, unouona, wakapendwa pahwindo rokumashure recamionette inenge ichangobva kupfuura. Magwaro kana kuti mashoko anowanzotaurwa, ane zita rokuti Jehovha anogaroonekwa pamotokari idzi kana kuti pamazita ezvitoro.
Kuudza Vamwe Mashoko Akanaka Kuchikoro
Zvapupu zvechiduku muHaiti zvine mikana yakanaka kwazvo yokubatsira vazvinodzidza navo kudzidza nezveBhaibheri. Mumwe muenzaniso ndowemashoko anotevera omumwe musikana Chapupu ane makore 17.
“Rimwe zuva mumwe wandinodzidza naye akauya kwandiri ndokubvunza zvairehwa neshoko rokuti ‘ufeve.’ Ndichifunga kuti aida kuita zvokutamba neni, handina kumupindura. Asi paakabvunza mumwe mudzidzi wechikomana mubvunzo iwoyo, kirasi yose yakafarira. Saka vhiki yakatevera yacho, pashure pokunge ndatsvakurudza nyaya yacho, ndakakurukurira kirasi, ndichitsanangura chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichiedza kuva zvakachena mutsika, mune zvokunamata, uye mumuviri.
“Vadzidzi vakabvunza mibvunzo yakawanda uye vakabvuma mhinduro dzandakapa dzomuBhaibheri. Kunyange mukuru wechikoro, uyo akanga achizengurira pakutanga, akabvunza mibvunzo yakawanda uye akaronga kuti ndikurukure kune mamwe makirasi. Ndakavaratidza bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda,a uye vakawanda vakarifarira. Mangwana acho, ndakagovera mabhuku 45 kune vandinodzidza navo pachikoro apa. Vakawanda vakakurumidza kupedza kuverenga mabhuku avo, uye iye zvino vamwe vari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvinogara pedyo navo. Mumwe mudzidzi anogara kwandinogara iye zvino ari kupinda misangano yose.”
Kushandisa Mutauro weCreole
Nyika yacho nevanhu vacho vakanaka chaizvo uye vanonakidza, ndozvakaitawo mutauro wokuHaiti unonzi Creole, unosanganisira mashoko eFrench nomutauro wokuWest Africa. Uyu ndiwo mutauro waamai wevaHaiti, mutauro wepamwoyo pavo. Zvapupu zvaJehovha zvinonyanya kuita basa razvo roushumiri mumutauro uyu, uye urongwa huri kuitwa hwokubudisa mabhuku eBhaibheri akawanda mumutauro weCreole wokuHaiti.
Muna 1987 bhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! rakashandurirwa mumutauro weCreole wokuHaiti, richiteverwa nebhuku rino- nzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ndokuzouya bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Mabhuku aya ave achibatsira zvikuru vadzidzi veBhaibheri vatsva vanoda kuwana nzwisiso inokosha yeShoko raMwari. Kutanga musi waSeptember 1, 2002, Nharireyomurindi yavewo ichibudiswa mumutauro weCreole wokuHaiti. Mabhuku omutauro weFrench achiri kushandiswa, asi vakawanda vanosarudza kuverenga mabhuku acho mumutauro wavo.
Kuendesera Mashoko Akanaka Vaya Vari Mujeri
Nguva pfupi yapfuura, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuendesera mashoko akanaka varume nevakadzi vari mumajeri eNyika. Zvapupu zvinoita izvi zvinofara kuendesa mashoko okunyaradza vaya vari mumamiriro ezvinhu aya anosiririsa zvikuru. Mumwe mushumiri wechiKristu anoti:
“Patakashanya kokutanga kune rimwe jeri, vasungwa vakaunzwa mukamuri hombe kuti tionane navo. Takanga tisingazivi kuti vaizoita sei. Patakatsanangura kuti takanga tauya kuti tivabatsire kunzwisisa Bhaibheri, vose vari 50 vakatigamuchira. Takagovera mabhurocha omutauro weCreole anoti Apply Yourself to Reading and Writing uye Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! tichibva tatanga kudzidza Bhaibheri ne26 vavo. Gumi vaivapo vakanga vasingagoni kuverenga nokunyora, asi vakafarira patakaenzanisira mashandisirwo emifananidzo iri mumabhurocha acho kuyamura kunzwisisa mashoko acho.”
Zvapupu pazvakadzokerazve, mumwe murume akati: “Ndakaverenga ndaverengazve bhurocha iri. Ndinoramba ndichifunga zvarinotaura, uye ndave ndichitarisira kushanya kwenyu.” Mumwe murume akasungirwa kuba achishandisa zvombo akati aida kuchinja, uye akakumbira kuti mumwe munhu atumirwe kunodzidza Bhaibheri nomudzimai wake. Vamwe baba vaiva mujeri vane vana vaviri, vakakumbirawo kuti mudzimai wavo adzidziswe Bhaibheri kuitira kuti aone kusiyana kwechitendero chechokwadi nechenhema. Mufundisi wePurotesitendi aiva nemhosva yokubiridzira vaanonamata navo mari yakawanda akati zvino akanga awana chokwadi uye kuti pashure pokupika jeri, aizobatsira nhengo dzechechi yake kuti dzive Zvapupu zvaJehovha.
Mumwe musungwa, akanga asina bhurocha rinonzi Anodei, rake pachake mumutauro weCreole, akakopa mashoko acho ose mubhurocha rewaaigara naye muchitokisi ndokuadzidzira nomusoro. Mumwe musungwa wechikadzi akatanga kuudza vamwe vapfumbamwe vaaiva navo muchitokisi zvaakanga ari kudzidza, uye akatotanga kudzidza navo. Mumwe musungwa wechirume akanga apedza kudzidza bhurocha iroro, ndokuenda mubhuku rinonzi Zivo, akatanga kuparidzira vamwe vasungwa. Pasina nguva akanga ava kudzidza Bhaibheri nevasungwa vana.
Merconyb aimbodzidza Bhaibheri uye ane hama dziri Zvapupu zvaJehovha. Akakurudzira vamwe vasungwa kuti vaverenge mabhuku eBhaibheri aaiunzirwa nehama dzake. Anoti: “Pandinopa vasungwa mabhuku acho, vanonditi Chapupu chaJehovha. Ndinovaudza kuti handisi Chapupu nokuti ndinoziva zvazvinoreva. Ndinoda kutora nyaya iyi zvakasimba iye zvino, kudzidza ndobhabhatidzwa. Pandaiva muduku, kudai ndakatevera nzira yakatorwa nemadzikoma angu, ndingadai ndisiri mujeri muno.”
Mumwe wevasungwa akanga apiwa bhuku naMercony akaudza Chapupu chakamushanyira kuti: “Musati mauya musi woMuvhuro wapfuura, ndakanga ndakaora mwoyo uye ndaida kuzviuraya. Asi ndaverenga magazini, ndakanyengetera kuna Mwari kuti andikanganwire zvinhu zvakaipa zvandakaita uye kuti atumire mumwe munhu kuti azondiratidza nzira yakarurama. Ndakafara chaizvo pamakauya zuva rakatevera racho muchitaura nezvokudzidza Bhaibheri nevasungwa! Ndinoda kuti mundidzidzise kuti ndingashumira sei Jehovha.”
Awake! Inounzira Vanhu Vakawanda Mashoko Akanaka
Awake! yaNovember 8, 2000 yakataura nezvebasa roukoti. Mumwe mukadzi akatora magazini 2 000, uye akaapa vanamukoti vaipinda musangano muPort-au-Prince. Awake! yaJuly 8, 2002, ine nyaya dzine chokuita nemapurisa nebasa rawo yakaparadzirwa zvikuru kumapurisa muPort-au-Prince. Akaifarira, uye kunyange iye zvino, mamwe mapurisa anomisa Zvapupu mumugwagwa okumbira mamwe magazini acho.
Nguva pfupi yapfuura, mumwe mukuru mukuru weWorld Health Organization akaronga purogiramu yokudzidzisa vanhu nezvedambudziko reAIDS. Akakokwa kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha, kwaakaratidzwa mashoko akabudiswa muAwake! nezvenyaya yacho. Akafara chaizvo kuona nyaya dzinotaura kubva muBhaibheri nzira yakanakisisa yokudzivirira nayo AIDS uye yokubatsirwa kungaitwa vaya vanotova nayo kuti vangararama sei nemamiriro avo ezvinhu. Akati Awake! iri pamberi pakupa mashoko akadaro panyaya yacho.
Chokwadi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuparadzira mashoko akanaka oUmambo munzira dzakawanda muHaiti yakanaka pane zvose, sezvazviri kungoita mune dzimwe nyika 234 pasi pose. Vakawanda vari kugamuchira shoko iri retariro uye vari kubatsirwa kuti vasangoramba vachifunga matambudziko oupenyu aripo iye zvino asi kuti vatarire mberi kunyika itsva, uko vose vanonamata Mwari wechokwadi, Jehovha, vachava noupenyu hwakakwana mupfungwa yose zvayo.—Zvakazarurwa 21:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Mabhuku ane mazita ari munyaya ino anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.
b Zita rakachinjwa.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Background: ©Adalberto Rios Szalay/photodisc/age fotostock