Kune Vanhu Vari Kubatana Munyika Yose—Sei?
CHII chinonzi kubatana? Vamwe vanoti zvinoreva kusarwisana kana kuti kusakakavadzana. Somuenzaniso kana nyika dzikanyorerana chibvumirano chorunyararo, zvinogona kunzi dzakabatana. Asi ndizvo zvazviri chaizvo here? Hatingadaro.
Chimbofunga: Kugara nokugara zvibvumirano zvorunyararo zvave zvichiitwa zvichizongotyorwa. Nei? Zvinowanzokonzerwa nokuti vatungamiriri venyika vanonyanyova nehanya nokutyiwa kupfuura runyararo nokubatana. Pozotiwo dzimwe nyika dzinotya kuti chii chingazoitika kwadziri kana dzikasaririra pakugadzirira zvehondo.
Saka kana nyika mbiri dzisiri kurwisana hazvirevi kuti dzinenge dzakabatana uye dziine runyararo. Varume vaviri vakanongedzerana pfuti vanganzi vari kuwirirana here nokuti havasati varidzirana? Upenzi kufunga saizvozvo! Asi ndiwo mamiriro akaita zvinhu munyika dzakawanda nhasi. Nyika imwe neimwe inongogara ichityira kuti pamwe dzimwe dzingangotanga kushandisa zvombo. Chii chakaitwa kuti izvozvo zvisaitika?
Kutya Nyukireya—Honzeri Yokusabatana
Vakawanda vanoisa tariro yavo pachibvumirano chakaitwa nezvezvombo zvenyukireya, Nuclear Non-Proliferation Treaty (NPT). Chibvumirano ichi chakaitwa muna 1975, chinorambidza kuti nyika dzisina zvombo zvenyukireya dzirege kuzvigadzira uye dzinazvo dzirege kuzviparadzira kune dzimwe. Chinangwa cheNTP, icho chakabvumiranwa nenyika dzinopfuura 180, ndechokuti papedzisire pasisina zvombo zvakadaro zvachose.
Kunyange zvazvo chinangwa ichocho chichiita sechakanaka, vamwe vanochitsoropodza vachiti ndechokungoedza kuti dzimwe nyika dzisagadzirewo zvombo zvenyukireya. Saka pari kutyirwa kuti vamwe vakasaina chibvumirano ichi vangangodzokera shure. Dzimwe nyika dzinototi kuitawo here ikoko kuti dzingarambidzwa kugadzira zvombo zvadzinofunga kuti zvingadzidzivirira.
Chimwe chinowedzera dambudziko racho kana kuti chiri kutotyisa ndechokuti hapana nyika inorambidzwa kushandisa simba renyukireya pakugadzira magetsi. Izvi zviri kuita kuti vamwe vatye kuti nyika dziri kunzi dziri kushandisa simba renyukireya kugadzira zvinhu zvisiri zvehondo dzinogona kunge dzichitogadzira zvombo zvenyukireya muchivande.
Kunyange nyika dzinotova nezvombo zvenyukireya dzingasaremekedza chibvumirano cheNPT. Vanotsoropodza vanoti ufuza kutarisira kuti nyika dzine zvombo zvakawanda zvenyukireya dzingazviparadza kana kuti kuzvideredza. Vamwe vakazoti, “izvozvo zvingatoitika kana nyika dzichinyatsowirirana uye dziya dzinovengana dzikatanga kusafungirana, asi hationi izvi zvichifa zvakaitika.”
Zvinoedza kuitwa nevanhu kuti vabatane zvaratidza kuti hazvina kwazvinosvika, kunyange vachizviita nomwoyo wose. Vanoziva Shoko raMwari hazvivashamisi nokuti rinoti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Bhaibheri rinotaurawo zvakajeka kuti: “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvirevo 16:25) Hurumende dzevanhu dzine padzinogumira pakuita kuti pave nokubatana. Asi hazvirevi kuti hatina tariro.
Kunobva Kubatana Kwechokwadi
Bhaibheri rine vimbiso yaMwari yokuti vanhu vose vachabatana, asi kwete vachizviita voga. Musiki ane chinangwa chokuti vanhu munyika yose vararame murunyararo, saka achaita zviri kutadzwa nevanhu. Vamwe vangafunga kuti aya madanha echembere kurota ichiyamwa. Asi chinangwa chaMwari kubvira pakutanga ndechokuti vanhu vose vararame murunyararo vachinzwanana.a Magwaro akawanda muBhaibheri anoratidza kuti Mwari achine chinangwa chokuita kuti vanhu vose vabatane. Heino mimwe mienzaniso mishomanana yemagwaro akadaro:
• “Uyai, onai mabasa aJehovha, maitiro aakaita zviitiko zvinokatyamadza panyika. Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”—PISAREMA 46:8, 9.
• “Hazvizombokuvadzi kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene; nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—ISAYA 11:9.
• “Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose. Achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yose, nokuti iye Jehovha azvitaura.”—ISAYA 25:8.
• “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.”—2 PETRO 3:13.
• “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—ZVAKAZARURWA 21:4.
Zvipikirwa izvi zvakavimbika. Nei? Nokuti sezvo ari iye Musiki, Jehovha Mwari ane simba uye anogona kuita kuti vanhu vose vabatane. (Ruka 18:27) Anotova nechido chokuzviita. Bhaibheri rinototi “zvakamufadza . . . kuti aunganidzezve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.”—VaEfeso 1:8-10.
Chipikirwa chaMwari che“nyika itsva” yakarurama hakusi kungoshuva zvinhu zvisingazoitiki. (2 Petro 3:13) Jehovha Mwari anoti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isaya 55:11.
Vakabatanidzwa neShoko raMwari
Sezvataurwa munyaya yapfuura, chitendero chakatobatsira kuparadzanisa vanhu pane kuti chivabatanidze. Pane nyaya apa, pakuti kana tichibvuma kuti kune Musiki, hatifaniri here kutarisira kuti vanomunamata vave norunyararo uye vabatane? Chokwadi tinofanira kudaro!
Jehovha Mwari haasi iye anoita kuti zvitendero zviparadzanise vanhu uye Shoko rake haridaro. Asi imhaka yokuti zvinotsigira zvirongwa zvevanhu zvokuedza kubatana pane kutsigira chinangwa chaMwari. Jesu akadana vatungamiriri vezvitendero vomunguva yake kuti “vanyengeri” uye akati kwavari: “Isaya akaprofita zvakakodzera pamusoro penyu, paakati, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’”—Mateu 15:7-9.
Kusiyana naizvozvo, kunamata kwechokwadi kunoita kuti vanhu vabatane. Isaya akafanotaura kuti: “Zvino nemazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richasimbiswa kwazvo kupfuura misoro yemakomo, richakwidziridzwa kupfuura zvikomo; uye marudzi ose achadirana achienda kwariri. Achatonga pakati pemarudzi, oruramisa zvinhu pamusoro pemarudzi mazhinji. Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.”—Isaya 2:2, 4.
Sezvakaprofitwa, munyika dzinopfuura 230, Zvapupu zvaJehovha zviri kuteerera mirayiridzo inopiwa naJehovha Mwari pamusoro pokubatana. Chii chinoita kuti vabatane? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Shoko rakashandiswa naPauro rokuti “chisungo” mumutauro wechiGiriki rinogona kureva marunda omuviri. Marunda akadaro akasimba setambo, uye ane mabasa maviri anokosha. Anoita kuti nhengo dzomuviri dzigare dzakabatana uye anobatanidza mapfupa.
Ndizvo zvinoitawo rudo. Rudo rwechiKristu runoita kuti vanhu vasaurayana uyewo runoita kuti vanhu vakasiyana-siyana vashande pamwe chete murunyararo. Somuenzaniso, runoita kuti vanhu vararame vachitevedzera dzidziso yaJesu yakakurumbira. Pana Mateu 7:12, Jesu Kristu akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” Kutevedzera mashoko aya kwakabatsira vakawanda kuti vakunde rusaruro.
“Rudo Pakati Penyu”
Zvapupu zvaJehovha zvine chido chokuratidza kuti ivo vadzidzi vaKristu nokutevedzera zvakataurwa naJesu kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Rudo rwakadaro rwave ruchiratidzwa nenzira inoshamisa panguva dzinenge dzichitsviriridza zvematongerwo enyika uye marudzi achirwisana. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza kudanana kwazvinoita pairwisana marudzi muRwanda muna 1994. Zvapupu zvechiHutu zvakaisa upenyu hwazvo pangozi zvichiedza kubatsira hama dzavo dzechiTutsi!
Zviri pachena kuti nyika hadzingambotarisirwi kudanana kusvika pakuti vanhu vose vabatane. Bhaibheri rinotaura kuti izvi zvichaitwa naMwari panguva yake yakakodzera. Zvisinei, kunyange iye zvino vanhu vanogona kupfeka rudo kuti vabatane.
Gore rapera, Zvapupu zvaJehovha zvakapedzera mabhiriyoni emaawa zvichishanyira vanhu nokutaura navo nezveBhaibheri uye kushanda kwarinoita muupenyu hwanhasi. Zivo yakarurama yeShoko raMwari yakaita kuti mamiriyoni evanhu abatane, vamwe vacho vaitombovengana. Ivava vanosanganisira vokuArmenia nevokuTurkey, vokuGermany nevokuRussia, maArabhu nemaJudha uye vamwewo vakawanda.
Ungada kudzidza zvakawanda nezvokubatanidzwa kunoitwa vanhu neShoko raMwari, Bhaibheri here? Kana zvakadaro, ona Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara, kana kuti vanyorere pakero yakakodzera pane dziri papeji 2.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko pamusoro pechinangwa chaMwari kuvanhu, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Zvibvumirano zvakawanda zvorunyararo zvave zvichiitwa zvichizongotyorwa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Kushandiswa kwedzidziso dzeBhaibheri kwaita kuti zvinhu zviri kutadzwa nehurumende dzevanhu zviitike
[Mufananidzo uri papeji 5]
Shoko raMwari rinotaura kunobva kubatana kwechokwadi
[Mufananidzo uri papeji 7]
Zvapupu zvaJehovha zvechiHutu nezvechiTutsi zvinovaka pamwe chete nzvimbo yokunamatira