RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 4/1 pp. 3-4
  • “Hondo Ichapedza Hondo Dzose”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Hondo Ichapedza Hondo Dzose”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvehondo Yenyukireya?
    Dzimwe Nyaya
  • Hondo Yenyukireya—Ichiri Chinhu Chinotyisa Here?
    Mukai!—2004
  • Hondo Yenyukireya—Ndivanaani Vangangoimutsa?
    Mukai!—2004
  • Mwari Anoona Sei Hondo Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 4/1 pp. 3-4

“Hondo Ichapedza Hondo Dzose”

‘Ndinokuvimbisai kuti iyi ichava hondo yokupedzisira—hondo ichapedza hondo dzose.’—WOODROW WILSON, PUREZIDHENDI WOKUUNITED STATES (kubva muna 1913 kusvika 1921).

IZVI ndizvo zvaitarisirwa nomutungamiriri weimwe nyika pakapera Hondo Yenyika I, anenge makore 90 apfuura. Hondo iyoyo yaiparadza zvokuti vakakunda vacho vaifunga uye vaida kuti kuzvipira kwavo kuite kuti zvinhu zvizonaka zvachose. Asi hondo dzevanhu hadziwanzogadzirisa zvinhu, uye hadzigoni kuita kuti dambudziko rehondo ripere zvachose.

Anenge makore 20 Purezidhendi Wilson ataura vimbiso iyoyo isina kunyatsofungwa, hondo yenyika yechipiri yakatanga. Yakauraya vanhu nokuparadza zvinhu kupfuura yokutanga. Makore makumi maviri vanhu vachibudirira muruzivo rwokugadzira zvinhu akaita kuti vagadzire zvinhu zvinouraya vanhu vakawanda zvikuru panguva imwe chete. Pakapera hondo yenyika yechipiri, vatungamiriri venyika pasi pose vakaona kuti paiva nomukana wakakura wokuva neimwe hondo.

Muna 1945, Mukuru mukuru wemauto okuUnited States, Douglas MacArthur akazivisa kuti: “Uyu ndiwo wanga uri mukana wokupedza hondo. Kana tikasava nemitemo yatinobvumirana tose, Amagedhoni ichati gogogoi.”

Mukuru wemauto MacArthur aiziva zvakanga zvaitwa Nagasaki uye Hiroshima nemabhomba maviri eatomu hondo yenyika yechipiri yava kunopera. Kuparadza kunotyisa kwakaitwa maguta maviri iwayo eJapan kwakaita kuti ape imwe tsanangudzo yeshoko rokuti “Amagedhoni,” achiti ihondo yenyukireya inogona kutsvaira vanhu vose panyika.

Vanhu vakabatira ura mumaoko nokutya kutsvairwa nehondo yenyukireya. Pakazosvika ma1960, nyika dzine masimba okutonga dzimwe dzakanga dzarimirana uye dzava kutyanana. Saka nyika imwe neimwe yakava nechinangwa chokuva nezvombo zvakakwana kana kuti nzira dzokukanda nadzo zvombo zvichiparadza 25 muzana yevanhu vanogara munyika yomuvengi uye 50 muzana yemaindasitiri acho, pasinei nokuti ndiani anenge adenha. Vakawanda havana kuva nechivimbo chokuti nzira iyi yaizochengetedza runyararo panyika.

Iye zvino zvombo zvenyukireya zviri kuwanda uye vanhu vasingaverengeki vari kufira muhondo dziri kurwiwa. Vanhu vari kuramba vachitya kuti hondo yenyukireya ingangoitika. Kunyange zvazvo vanhu vachiti dai hondo dzapera, havasi vakawanda vanodavira kuti hondo kana kuti humwe urongwa hunogona kuita izvi.

Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotsanangura imwe hondo ichapedza hondo dzose. Rinoti hondo iyi i“Amagedhoni”—shoko rinonzi nevanhu rinoreva hondo inoparadza yenyukireya. Amagedhoni ingapedza sei hondo zvachose? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo uyu.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

DTRA Photo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Nagasaki, Japan, 1945: USAF photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe