Amagedhoni—Hondo yaMwari Yokupedza Hondo Dzose
“Vanoti chinhu chakaipa chaizvo kuuraya mumwe munhu; saka vanovenga uye havadi kunzwa nezvehondo, havatorina shoko racho mumutauro wavo.”—KUTSANANGURWA KWERUDZI RWEVAINUIT VOKUGREENLAND NAFRIDTJOF NANSEN MUTSVAKURUDZI WOKUNORWAY MUNA 1888.
NDIANI asingadi kugara munyika ine vanhu ‘vanovenga uye vasingadi kunzwa’ nezvehondo? Ndiani asingadi nyika isingatombotaurwi nezvehondo? Zvingaita sokuti hazviiti kuti nyika yakadaro ivepo, kunyanya kana tichitarisira kuti ingaunzwa nevanhu.
Zvisinei, muuprofita hwaIsaya, Mwari pachake anovimbisa kuunza nyika yakadaro: “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.”—Isaya 2:4.
Kuti izvi zviitike, zviri pachena kuti nyika inofanira kuchinja zvikuru sezvo iine mamiriyoni 20 emasoja ari pabasa uye hondo 20 dziri kurwiwa. Ndosaka Mwari wamasimba ose, Jehovha, achapindira pane zviri kuitwa nevanhu. Kupindira kuchaita Jehovha kuchaguma nechiitiko chinonzi neBhaibheri Amagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16.
Kunyange zvazvo shoko rokuti “Amagedhoni” rava kutaurwa richireva hondo yenyukireya inogona kutsvaira vanhu vose panyika, rimwe duramanzwi rinotsanangura zvinoreva shoko iri chaizvo richiti: “Inzvimbo yehondo huru yokupedzisira, icharwisana masimba ezvakanaka neezvakaipa.” Zvakanaka zvichakunda zvakaipa here, kana kuti kufunga zvakadaro kungorotawo?
Tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti Bhaibheri rinogara richitaura nezvokuguma kwezvakaipa. Munyori wepisarema akafanotaura kuti: “Vatadzi vachapedzwa chose panyika; vakaipa havazovipozve.” (Pisarema 104:35) Bhuku reZvirevo rinoti: “Nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”—Zvirevo 2:21, 22.
Bhaibheri rinojekesa kuti vakaipa havazobvumi kusiya zvigaro zvavo murugare; ndosaka Mwari achaita hondo yokupedza zvakaipa zvose kusanganisira zviya zvinokonzerwa nehondo. (Pisarema 2:2) Shoko rokuti Amagedhoni, rinoshandiswa neBhaibheri kureva hondo iyi yakasiyana nedzimwe hondo dzose, rine zvarinoreva.
Hondo Dzakamborwiwa Pedyo neMegidho
Shoko rokuti “Amagedhoni” rinoreva kuti “Gomo reMegidho.” Guta rekare reMegidho, kusanganisira Bani reJezreeri, rine nhoroondo yehondo dzakakurirwa vamwe zvisingasiyi mubvunzo. “Kubvira kare, paMegidho uye Bani reJezreeri dzaive nzvimbo dzairwiwa hondo dzichichinja tsika nemagariro evanhu,” akadaro munyori wezvakaitika kare Eric H. Cline mubhuku rinonzi The Battles of Armageddon. (Hondo dzeAmagedhoni)
Sezvakataurwa naCline, hondo dzairwiwa pedyo neMegidho dzaisasiya mubvunzo kuti akundwa ndiani. Mauto okuMongolia akapinda achikunda nyika dzakawanda dzomuAsia muzana remakore rechi13, akakundwa kekutanga mubani iri. Pedyo neMegidho, mauto eBritain achitungamirirwa naEdmund Allenby akakunda mauto okuTurkey muhondo yenyika yokutanga. Mumwe anonyora nezvehondo dzakaitika kare akatsanangura kukunda kwaAllenby achiti “ndeimwe yehondo dzisina kutora nguva uye yakakurirwa muvengi zvisingasiyi mubvunzo.”
Hondo dzomuBhaibheri dzokukunda zvine mutsindo dzakarwiwawo pedyo neMegidho. Panzvimbo iyoyo, Mutongi Bharaki akakunda mauto evaKenani aitungamirirwa naSisera. (Vatongi 4:14-16; 5:19-21) Gidhiyoni aine kachikwata kaduku kevarume 300, akarakasha uto guru revaMidhiani panzvimbo iyoyo. (Vatongi 7:19-22) Mambo Sauro nomwanakomana wake Jonatani vakafira paGomo reGiribhoa riri pedyo, mauto evaFiristiya paakakunda evaIsraeri.—1 Samueri 31:1-7.
Nemhaka yezvakaita nzvimbo yeMegidho nebani riri pedyo, hondo dzakawanda dzakarwiwa ipapo mumakore 4 000 apfuura. Mumwe anonyora zvakaitika kare akaverenga hondo dzakarwiwa ipapo dzikapfuura 34!
Hapana mubvunzo kuti nhoroondo yeMegidho uye zvakaita nzvimbo yacho zvine zvazvinoreva pane zvinofananidzirwa neshoko rokuti “Amagedhoni.” Kunyange zvazvo shoko iroro richiwanikwa kamwe chete muBhaibheri, zvarinoreva muna Zvakazarurwa zvinojekesa kuti Amagedhoni ichabata-bata upenyu hwevanhu vose vari panyika.
Amagedhoni Maererano neBhaibheri
Kunyange zvazvo paMegidho pakarwiwa hondo dzokukunda zvine mutsindo, hapana yakapedza zvakaipa. Hapana yakanga iri yokurwisana kwemasimba ezvakanaka neezvakaipa semataurirwo azvinoitwa muBhaibheri. Saka, zvine musoro kuti hondo yakadaro iitwe naMwari. Sezvakambotaurwa naJesu, “hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari.” (Ruka 18:19) Uyezve Bhaibheri rinotaura kuti Amagedhoni ihondo yaMwari.
Muna Zvakazarurwa Bhaibheri, rinoti “madzimambo enyika yose inogarwa” achaunganidzirwa “kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvakazarurwa 16:14) Uprofita hwacho hunowedzera kuti: “Iko kwakavaunganidzira kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru” kana kuti Amagedhoni.a (Zvakazarurwa 16:16) Mundima dziri mberi, bhuku raZvakazarurwa rinozotsanangura kuti “madzimambo enyika nemauto avo” vacha“ungana kuti varwe naiye akanga akatasva bhiza neuto rake.” (Zvakazarurwa 19:19) Mutasvi webhiza uyu haangambovi mumwe kunze kwaJesu Kristu.—1 Timoti 6:14, 15; Zvakazarurwa 19:11, 12, 16.
Saka toti ndima idzi dziri kurevei? Dziri kureva kuti Amagedhoni ihondo pakati paMwari nevanhu vasingateereri. Nei Jehovha neMwanakomana wake, Jesu Kristu, vachirwa hondo yakadaro? Chimwe chikonzero ndechokuti, Amagedhoni ‘ichaparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Uyezve, ichaunza nyika ine rugare, ‘nyika itsva yatakamirira maererano nezvakapikirwa naMwari, uye kururama kuchagara mairi.’—2 Petro 3:13.
Amagedhoni Ichabatsirei?
Unozviona zvakaoma here kufungidzira Jehovha, “Mwari worudo,” achituma Mwanakomana wake, “Muchinda woRugare” kuti arwe hondo? (2 VaKorinde 13:11; Isaya 9:6) Kunzwisisa zvavanozviitira kuchajekesa nyaya yose. Bhuku reMapisarema rinotsanangura Jesu somurwi akatsva bhiza. Nei achirwa? Munyori wepisarema anotsanangura kuti, Kristu anotasva bhiza “nokuda kwechokwadi nokuzvininipisa nokururama.” Anorwa nokuti anoda zvinhu zvakarurama uye anovenga zvinhu zvakaipa.—Pisarema 45:4, 7.
Saizvozvowo, Bhaibheri rinotsanangura kuti ndiwo manzwiro anoita Jehovha nezvokusaruramisira kwaanoona munyika nhasi. Isaya akanyora kuti: “Jehovha akazviona, uye zvakanga zvakaipa pamberi pake kuti kwakanga kusina kururamisira. Akabva apfeka kururama senguo yokuzvidzivirira nayo ine simbi, nengowani yoruponeso mumusoro make. Akapfekawo nguo dzokutsividza sezvinoitwa zvipfeko, akazviputira nokushingaira sokufukwa kunoitwa jasi risina maoko.”—Isaya 59:15, 17.
Chero bedzi vakaipa vachitonga, vanhu vakarurama havafi vakawana rugare uye vakachengeteka. (Zvirevo 29:2; Muparidzi 8:9) Kutaura zvazviri, hatigoni kutaura nezvouori uye zvinhu zvakaipa tichisiya vanhu vacho vanozviita. Saka, kuti rugare uye kururamisira zvivepo nokusingaperi, vakaipa vanofanira kubviswa. Soromoni akanyora kuti: “Munhu akaipa rudzikinuro rwomunhu akarurama.”—Zvirevo 21:18.
Sezvo Mwari ari iye Mutongi, tinogona kuva nechokwadi chokuti achatonga zvakarurama vakaipa. Abrahamu akabvunza kuti: “Mutongi wenyika yose haasi kuzoita zvakarurama here?” Mhinduro yaakawana ndeyokuti Jehovha akarurama nguva dzose! (Genesisi 18:25) Uyezve, Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha haafariri kuparadza vakaipa; anozongodaro chete kana pasisina imwe nzira yokuita nayo zvinhu.—Ezekieri 18:32; 2 Petro 3:9.
Kuziva Zvokuita nezveAmagedhoni
Uchave kudivi raani pachaitika hondo huru iyi? Vazhinji vedu tingangofunga kuti tiri kutsigira zvakanaka. Tingaziva sei patimire? Muprofita Zefaniya anokurudzira achiti: “Tsvakai kururama, tsvakai unyoro.” (Zefaniya 2:3) Muapostora Pauro anoti Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Timoti 2:4.
Danho rokutanga kuti uponeswe kudzidza chokwadi nezvaJehovha nechinangwa chake chokupedza zvakaipa panyika pano. Danho rechipiri rinoita kuti tifarirwe uye tidzivirirwe naMwari kuita zvinhu zvakarurama.
Kana tikatora matanho aya anokosha, tinogona kutoti dai Amagedhoni yasvika, hondo ichapedza zvachose hondo dzevanhu. Hondo iyoyo paichapera, vanhu vose vachange vava kuvenga hondo uye vasingadi kunzwa nezvayo. “Havazodzidzizve kurwa.”—Isaya 2:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mashoko anokurukura kuti Amagedhoni inzvimbo chaiyo here, ona nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti” iri papeji 31.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Kupindira kuchaita Mwari munyaya dzemagariro evanhu kunonzi Amagedhoni
[Mufananidzo uri papeji 6]
MEGIDHO
[Mufananidzo uri papeji 6]
Gidhiyoni nevarume vake vakakurira zvine mutsindo pedyo neMegidho
[Mufananidzo uri papeji 6, 7]
Hondo yeAmagedhoni paichapera, vanhu vose vachange vava kuvenga hondo uye vasingadi kunzwa nezvayo
[Mufananidzo uri papeji 8]
Kudzidza chokwadi nezvaJehovha nechinangwa chake ndiro danho rokutanga kuti uponeswe