Zvatinodzidza Kuna Jesu
NezvoUmambo hwaMwari
Umambo hwaMwari Chii?
Umambo hwaMwari ihurumende ichatonga pasi rose. Jesu akati: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: . . . ‘Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’”—Mateu 6:9, 10; Dhanieri 2:44.
Ndivanaani vachatonga muUmambo hwaMwari?
Jesu akaberekerwa kuti ave Mutongi woUmambo hwaMwari. Imwe ngirozi yakaudza amai vaJesu kuti: “Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo.” (Ruka 1:30-33) Uyezve, Jesu akasarudza vamwe vateveri vake kuti vatonge naye. Akaudza vaapostora vake kuti: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:28, 29; Dhanieri 7:27) Vateveri vaJesu 144 000 vachatonga pamwe chete naye.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1.
Hurumende yacho ichange iri kupi?
Umambo hwaMwari huchatonga huri kudenga. Jesu akati kuvadzidzi vake: “Kana ndikaenda, ndikakugadzirirai nzvimbo [kudenga], ndichadzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo. . . . Ndiri kuenda kuna Baba.”—Johani 14:2, 3, 12; Dhanieri 7:13, 14.
Umambo hwaMwari huchaitei nezvezvakaipa?
Jesu achabvisa vanhu vakaipa pasi pano. Akati: “Mwanakomana womunhu [Jesu] paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe . . . Zvino ava [vakaipa] vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.”—Mateu 25:31-34, 46.
Ndivanaani vachararama pasi pano vachitongwa noUmambo hwacho?
Jesu akati: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5; Pisarema 37:29; 72:8) Nyika ichazadzwa nevanhu vanodzidza kudanana. Jesu akati kuvateveri vake: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:34, 35.
Umambo hwaMwari huchaitirei vanhu pasi pano?
Jesu acharapa zvirwere zvevanhu. Paaiva pasi pano, Jesu akataura nemapoka evanhu “nezvoumambo hwaMwari, uye akaporesa vaya vaida kurapwa.” (Ruka 9:11) Pashure pokunge muapostora Johani aratidzwa Jesu akanga amutswa, akati: “Ndakaona denga idzva nenyika itsva . . . Ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu . . . Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo.’”—Zvakazarurwa 21:1-4.
Umambo hwaMwari huchaita kuti pasi rino rive Paradhiso zvakare. Muiti wezvakaipa akaurayiwa pamwe chete naJesu akati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Uye Jesu akati kwaari: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:42, 43; Isaya 11:4-9.
Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 8 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha