Waizviziva Here?
Nei vaJudha vaitanga kuchengeta Sabata ravo manheru?
Jehovha paakapa vanhu vake mutemo waiva nechokuita neZuva Rokuyananisa, akati: “Musaita chero basa ripi zvaro pazuva iri . . . Isabata rokuzorora zvakakwana nokuda kwenyu . . . Muchengete sabata renyu kubvira manheru kusvikira manheru.” (Revhitiko 23:28, 32) Murayiro uyu wakaratidza kuti zuva rimwe nerimwe raitanga manheru, pashure pokudoka kwezuva, uye roguma pakudoka kwezuva rinotevera. Saka kuvaJudha, zuva ravo raitanga manheru roguma manheru.
Vaishandisa nzira iyi vachitevedzera maverengero aiita Mwari pachake. Nhoroondo inotaura nezvezuva rokutanga rokufananidzira rokusikwa kwezvinhu inoti: “Manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rokutanga.” “Mazuva” akazotevera anoverengwawo saizvozvo, achitangira “manheru.”—Genesisi 1:5, 8, 13, 19, 23, 31.
VaJudha vakanga vasiri ivo chete vanhu vaiverenga mazuva nenzira iyi. Vanhu vokuAtene, vokuNumidhiya, uye vokuFenikiya vaiverengawo mazuva avo saizvozvo. Ukuwo vaBhabhironi vaiverenga kutanga kwezuva rimwe nerimwe kutangira panobuda zuva, nepo vaIjipiti nevaRoma vaiverenga mazuva avo kubvira pakati pousiku kusvikira pakati pousiku, sezviri kuitwa mazuva ano. Zvisinei, vaJudha vemazuva ano, vachiri kutanga kuchengeta zuva ravo reSabata panodoka zuva.
Mashoko okuti “chinhambwe chingafambwa pazuva resabata” airevei?
Vaona Jesu achikwira kudenga vari paGomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakadzokera kuJerusarema, kwaiva “chinhambwe chingafambwa pazuva resabata.” (Mabasa 1:12) Munhu anenge achifamba zvake aigona kufamba makiromita anenge 30 kana kupfuura pazuva. Zvisinei, Gomo reMiorivhi riri pedyo neJerusarema. Saka, mashoko okuti “chinhambwe chingafambwa pazuva resabata” anorevei?
VaIsraeri vaifanira kuzorora pamabasa avo ezuva nezuva pazuva reSabata. Vakanga vasingatombofaniri kubatidza moto mudzimba dzavo pazuva iri. (Eksodho 20:10; 35:2, 3) Jehovha akarayira kuti, “Mumwe nomumwe ngaarambe agere munzvimbo yake. Ngaparege kuva nomunhu anobva munharaunda yake pazuva rechinomwe.” (Eksodho 16:29) Mutemo uyu waizoita kuti vaIsraeri vawane mukana wokuzorora pamabasa avo ezuva nezuva uye kuti vafungisise zvinhu zvine chokuita nokunamata muupenyu hwavo.
Vasina kugutsikana nezvakanga zvakanyorwa muMutemo waJehovha, vanarabhi vaiziva zvemitemo vakabva vadzika mutemo maererano nezvavaida ivo kuti munhu anofanira kufamba daro rakareba sei paSabata kuti aende kunonamata. Nezveizvi, Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature inoti: “Pamusana pemitemo yakaoma yokuchengetwa kweSabata . . . , pakadzikwa mutemo wokuti muIsraeri wose asafamba daro rakati nomusi weSabata, wainzi mutemo wechinhambwe chingafambwa pazuva reSabata.” Daro racho raiva rakareba makubiti 2 000, daro rakanga risingasviki kiromita imwe chete.
[Mufananidzo uri papeji 11]
Zvakaita Jerusarema uchiriona uri paGomo reMiorivhi