Mazano Okuti Mhuri Ifare
Kubatsira Vari Kuyaruka Kuti Vave Vanhu Vakuru
“Ndainakidzwa nokutaura nevanakomana vangu. Vainyatsoteerera zvandaitaura, uye vaiita nokukurumidza zvandaivaudza. Asi, iye zvino pavari kuyaruka, tinoitisana nharo pazvinhu zvakawanda. Havafariri zvinhu zvine chokuita nokunamata kwedu. Vanobvunza kuti, ‘Tinofanira kutaura nezveBhaibheri here?’ Vanakomana vangu pavakanga vasati vayaruka, ndaisambofungira kuti izvi zvaizoitika mumhuri yangu—kunyange pandaizviona zvichiitika kune vamwe.”—Reggie.a
UNE mwana ari kuyaruka here? Kana zvakadaro, uri kuona rimwe rematanho anonakidza okukura kwemwana wako. Rinogonawo kuva rimwe rematanho anonetsa zvikuru. Zvinotevera zvakamboitikawo kwauri here?
Mwana wako paaiva muduku, aida kugara ari pedyo newe. Iye zvino zvaava kuyaruka ava kuda kusununguka kupfuura zvaaiita kare, uye unobva waona sokuti haachakufariri.
Mwanasikana wako paaiva muduku, aikuudza zvose. Asi iye zvino zvaava kuyaruka ava nechikwata chake cheshamwari, uye unonzwa sokuti haubvumirwi kuva nhengo yeshamwari dzake.
Kana zvakadai zviri kuitika mumba mako, usakurumidza kugumisa kuti mwana wako ava mupanduki asingachinji. Saka chii chiri kuitika? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngatikurukurei kukosha kunoita kuyaruka panguva iya mwana wako yaanenge achikura.
Nguva Yokuyaruka Inokosha Pakukura Kwemwana
Kubvira pakuzvarwa zvichienda mberi, zvinhu zvose zvinenge zvichiitwa nemwana zvinenge zviri zvokutanga kwaari—kubvira pakutanga kwake kufamba, kutaura, zuva rake rokutanga kuenda kuchikoro, kungotaura zvishoma. Vabereki vanofara mwana wavo paanokwanisa kuita chimwe chinhu. Kugona kwemwana kuita zvimwe zvinhu kunovapa uchapupu hwokuti ari kukura, chiri chinhu chavanoda chaizvo kuona.
Kuyaruka kunokoshawo—kunyange zvazvo vamwe vabereki vachiona danho iri serakaoma. Kunetseka kwavanoita kunonzwisisika. Asi, ndibaba vapi kana kuti ndiamai vapi vangafara kuona mwana aiteerera achichinja kuva mwana ari kuyaruka ane zvinyamusi? Kunyange zvakadaro, kuyaruka idanho rinokosha pakukura kunoita munhu. Sei?
Bhaibheri rinotaura kuti nokufamba kwenguva “murume achasiya baba vake naamai vake.” (Genesisi 2:24) Chinonyanya kukoshera kuyaruka ndechokubatsira mwanakomana wako kana kuti mwanasikana wako kuti agadzirire zuva iroro rinofadza nerinosuwisa. Panguva iyoyo, mwana wako anofanira kutaura sezvakataurwa nomuapostora Pauro kuti: “Pandaiva mucheche, ndaitaura somucheche, ndaifunga somucheche, ndairangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.”—1 VaKorinde 13:11.
Kutaura zvazviri, ndizvo zvinenge zvichiitwa nemwanakomana kana kuti mwanasikana wako, kusiya uhwanana uye kudzidza kuva munhu mukuru anogona kuzvitarisira uye akura zvokukwanisa kugara oga. Kutaura chokwadi, rimwe bhuku rinotsanangura zvakananga kuyaruka richiti kwakafanana “nokuonekana asi muchiri kuda zvokuonana.”
Kutaura zvazviri, pfungwa yokuti kakomana kana kuti kasikana kako kachazvimiririra ingaita kuti ukatyire. Ungabvunza kuti:
“Kana mwanakomana wangu asingagoni kuchenesa imba yaanorara, angazotarisira sei imba yakakura?”
“Kana mwanasikana wangu asingakwanisi kudzoka kumba panguva yaanenge anzi adzoke, achachengetedza sei basa?”
Kana uchitambudzika nepfungwa dzakadaro, yeuka izvi: Kuti mwana akwanise kuzvimiririra hazvingoitiki nezuva rimwe chete asi zvinotora makore akawanda. Kusvikira iye zvino, kubva pane zvawakaona wava kuziva kuti “upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana”—kana kuti womusikana.—Zvirevo 22:15.
Zvisinei, kana mwana wako akarerwa zvakanaka, anogona kuzova munhu mukuru anogona kuzvitarisira aine ‘simba rokunzwisisa rakarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’—VaHebheru 5:14.
Zvinoita Kuti Ukwanise Kubudirira
Kuti ukwanise kubatsira mwana wako anenge achiyaruka kuva munhu mukuru, unofanira kumubatsira ‘simba rake rokufunga’ kuitira kuti azokwanisa kusarudza oga zvakanaka. (VaRoma 12:1, 2) Magwaro anotevera achakubatsira kuzviita.
VaFiripi 4:5: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.” Mwana wako anokumbira chimwe chinhu, zvichida kuti ati nonokei kudzoka kumba. Unobva wangoramba pakarepo. Mwana wako anotsutsumwa achiti, “Muri kundibata semwana muduku!” Usati wamupindura kuti, “Ehe, unoita somwana,” chimbofunga zvinotevera: Zvinoita sokuti vana vanenge vachiyaruka vanowanzokumbira rusununguko rwakati wandei kupfuura rwavanofanira kuwana, asiwo vabereki vanowanzonyima vana vavo rusununguko zvokubva vanyanyisa. Kuti haufaniri here kumbobvuma zvaanokumbira nguva nenguva? Unodii kumboona zvinhu semaonero anoita mwana wako ari kuyaruka?
EDZA IZVI: Nyora chinhu chimwe chete kana zviviri paungawedzera kupa mwana wako ari kuyaruka rusununguko. Mutsanangurire kuti uri kumupa rusununguko zvokumbomuedza. Kana akashandisa rusununguko rwacho zvakanaka, unogona kumuwedzerazve rumwe rusununguko. Asi akatadza kurwushandisa zvakanaka, unomutorera rusununguko rwawakambenge wamupa.—Mateu 25:21.
VaKorose 3:21: “Vanababa, musashusha vana venyu. Kana vachiomerwa nokukufadzai, vanganzwa vasingachadi kuita zvinokufadzai.”—International Children’s Bible. Vamwe vabereki vanoedza kutungamirira vana vavo vari kuyaruka pane twose twose. Kuti vazive kuti anaani uye kuti ari kuitei, vanogara vachimuteverera. Vanomusarudzira shamwari uye vanoteerera muchivande nyaya dzaanenge achitaura pafoni. Asi kuita izvi hakuna zvakunobatsira. Kusamupa rusununguko kunongomuita kuti ade kutiza; kugara muchishora shamwari dzake kungaita kuti atonyanya kudzifarira; kumuteerera pachivande kunogona kuita kuti atsvake dzimwe nzira dzamusingagoni kuziva dzokutaura neshamwari dzake. Pamunoramba muchiedza kumuudza zvokuita munogumisira musingachakwanisi kumutungamirira. Kana mwana wako ari kuyaruka asingagoni kuzvisarudzira paanenge achiri pamba, achazogona sei kuzvisarudzira kana abva pamba?
EDZA IZVI: Pauchazotaura nemwana wako ari kuyaruka pamusoro peimwe nyaya, mubatsire kufunga kuti zvaachasarudza zvichaita kuti aonekwe somunhu akaita sei. Somuenzaniso, pane kushora shamwari dzake, unogona kuti: “Ko [zita] akasungirwa kupara mhosva? Vanhu vachakuona sei?” Batsira mwana wako ari kuyaruka kuona kuti zvaanosarudza zvinogona kumupa zita rakanaka kana kuti kusvibisa zita rake.—Zvirevo 11:17, 22; 20:11.
VaEfeso 6:4: “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” Mashoko okuti “kutungamirira pfungwa” haangorevi kumuudza chokwadi. Zvinoreva kunyatsomubatsira kuti azive tsika dzake zvokuti zvaanoita zvinenge zvichibva pane zvaakadzidziswa. Izvi zvinonyanya kukosha kana mwana wako ava kuyaruka. Vamwe baba vanonzi Andre vanoti, “Vana vako pavanenge vachikura, ndipo paunofanira kuchinja matauriro aunoita navo uye paunofanira kuita kuti vafunge pane kuvaudza zvokuita.”—2 Timoti 3:14.
EDZA IZVI: Kana pakaita nyaya inoda kugadziriswa, wadii kuti iye aite somubereki uye iwe woita somwana. Bvunza mwana wako ari kuyaruka kuti kudai waiva mwana wake aizokupa mazano okuti kudii. Ita kuti atsvakurudze zvikonzero zvinotsigira kana kuti zvinopikisa zvaanofunga. Kurukurazve nyaya yacho pasati papera vhiki.
VaGaratiya 6:7: “Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” Mwana anogona kudzidziswa nokurangwa—zvimwe nokumurambidza kubva pamba kana kuti kumurambidza kuita chimwe chinhu chaanofarira zvikuru. Kana ari mwana ari kuyaruka, zvingava zvakanaka kufunga nezvemigumisiro inozovapo.—Zvirevo 6:27.
EDZA IZVI: Usamurerutsira zvinhu nokumubhadharira zvikwereti zvake kana kumureverera kumudzidzisi wake kana afoira kuchikoro. Ngaaone zvazvakaipira uye zvaachadzidza ipapo zvichamubatsira kwenguva yakareba.
Somubereki, zvimwe unoshuva kuti dai kuyaruka kwemwana wako kwaiita somutserendende zvokuti anova munhu mukuru pasina zvinonyanya kunetsa. Zvisinei, kakawanda hazviiti mutserendende. Kunyange zvakadaro, kuyaruka kwemwana wako kunokupa mukana wakanaka woku“rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera.” (Zvirevo 22:6) Mitemo yomuBhaibheri ndiyo inogona kutsigisa mhuri kuti inyatsofara.
a Zita rakachinjwa.
ZVIBVUNZE KUTI . . .
Paanozobva pamba, mwana wangu ari kuyaruka anenge ava kukwanisa kuita zvinotevera here?
kuramba aine purogiramu yenguva dzose yokuita zvokunamata
kusarudza zvakanaka
kunyatsokurukura nevamwe
kutarisira utano hwake
kushandisa mari yake noungwaru
kuchenesa uye kuchengetedza imba
kuita zvinhu asingaiti zvokutumwa