Zvidzivirire Pamidzimu Yakaipa
JAMES akarerwa kumaruwa echitsuwa cheMalaita, kuSolomon Islands. Kubvira pauduku hwake akadzidziswa kukudza midzimu. Anoti, “Ndaisambofunga nezvokuteterera kumidzimu kuti ikuvadze vamwe vanhu, asi handinawo kumbofunga kuti ndaigona kurarama ndichifara muupenyu ndisingashandisi rarafono [tsika dzokuteterera kuvadzimu kuti vabatsire] kuti ndisakuvadzwe.”
Sezvinongoitawo vanhu vakawanda vari mune dzimwe nyika, vanhu vokuSolomon Islands vanotenda kuti midzimu inogona kubatsira kana kukuvadza munhu. Kutaura zvazviri, vanhu vakawanda vokuMelanesia vanoda midzimu iya inonzi inobatsira uye havaityi.
Vanhu vanoratidza kuti vanodavira midzimu munzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, James paaiva muduku, vakadzi vekwaaigara vaikurumidza kupinza vana vavo mudzimba pose pavainzwa kurira kweshiri inonzi korokoro (shiri inozivikanwa zvikuru inonzi koel). Nei? Vanodavira kuti kurira kweshiri iyi kunoratidza kuti pane munhu ava kuda kukuvadzwa.
Vamwe vanhu vokumamisha vanoisa dombo jena pamusoro pemasuo edzimba dzavo. Ndizvo zvaiita James achidavira kuti dombo iri raizomudzivirira pamidzimu inokuvadza. Uye paaiva kubasa, James aitora zvokudya zvaainge asiya pambuva yake ozvichengeta mubhegi kuti azozvirasa gare gare. Chaainyanya kutyira ndechokuti kana zvaizowanwa nomunhu anoita zvemishonga aizozvitora ozvigadzira nemishonga kuti arware.
Kunyange zvazvo tsika idzi dzisingaitwi kwaunogara, zvichida kufananawo naJames wakaona uchitofanira kuchengetedza tsika dzekwaunogara kuitira kuti udzivirirwe pamidzimu yakaipa. Ungave uchidavira kuti zvinokosha kuti uchengetedze tsika dzakadaro kuti ugarisike zvakanaka.
Kana uchiremekedza Bhaibheri, hapana mubvunzo kuti unoda kuziva kuti rinopindura mibvunzo inotevera richitii: (1) Midzimu yakaipa inogona kukukuvadza sei? (2) Kutevera dzimwe tsika dzekwaunogara kungaita kuti ukuvadzwe nemadhimoni here? (3) Unganyatsodzivirirwa sei pamidzimu yakaipa uye wova munhu anofara?
Kukuvadzwa Kwaunoitwa Nemidzimu Yakaipa
Bhaibheri rinoratidza kuti midzimu yakaipa haingambovi midzimu yevakafa. Nokuti Shoko raMwari rinoti, “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Kutaura chokwadi, midzimu yakaipa iyi ingirozi dzakapanduka dzikabatana naSatani kutsausa vanhu.—Zvakazarurwa 12:9.
Magwaro anotaura zvakajeka kuti tinoda kudzivirirwa pamidzimu yakaipa. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muEfeso kuti: “Hatirwi neropa nenyama asi . . . nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” Muapostora Petro akarondedzera mutongi wemidzimu yose yakaipa, Satani Dhiyabhorosi, achiti akafanana ‘neshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.’—VaEfeso 6:12; 1 Petro 5:8.
Satani anonyanya kukuvadza vanhu nokuvatsausa, achivanyengedza kana kuti nokuvaedza kuti vaite zvinhu zvisingafadzi Mwari. Bhaibheri rinoti Satani “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinde 11:14) Anonyepedzera kuita somudzimu unodzivirira asi kutaura zvazviri ane vavariro yakaipa. Satani anopofumadza pfungwa dzevanhu kuti dzisaziva chokwadi nezvake uyewo nezvaMwari. (2 VaKorinde 4:4) Chinangwa chake chokutsausa vanhu ndechei?
Satani anoda chaizvo kunamatwa uye anoda kuti vanhu vamunamate, vachiziva kana kuti vasingazivi. Mwanakomana waMwari, Jesu, paaiva pasi pano, Satani aida kuti ‘awire pasi omunamata.’ Jesu akati: “Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata.’” (Mateu 4:9, 10) Jesu akaramba kuita chero chii zvacho chaizoratidza kuti ainamata Satani.
Jehovha ane simba zvikuru kupfuura midzimu yose uye haazosiyi vaya vanomuteerera vachikuvadzwa. (Pisarema 83:18; VaRoma 16:20) Asi kana tichida kufadza Jehovha Mwari sezvakaita Jesu, hatifaniri kuita chero chii zvacho chinoratidza kuti tiri kuzviisa pasi paSatani kana madhimoni ake. Saka tinofanira kuziva tsika dzinokudza uye dzokunamata midzimu yakaipa. Tingazviita sei?
Ziva Tsika Dzisingafadzi Mwari
Jehovha Mwari akanyevera vanhu vake vekare, vaIsraeri kuti vasatevedzera dzimwe tsika dzaiitwa nemarudzi avainge vakavakidzana nawo. Akati: “Hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga.” Nezvevaya vanochengeta tsika idzi, Bhaibheri rinoti: “Vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.”—Dheuteronomio 18:10-12.
Saka paunenge uchifunga nezvetsika dzakakurumbira kwaunogara, zvibvunze mibvunzo inotevera: Tsika yacho inosimudzira zvokutenda mashura here? Inoti zvinhu zvisina upenyu zvine simba rokudzivirira vanhu here? Inosanganisira kutsinga vamwe kana kudzivirirwa pazvitsinga here? Inosanganisira kuzviisa pasi pechimwe chisikwa chomudzimu chisiri Jehovha here kana kuti mumiriri wake akagadzwa, Jesu?—VaRoma 14:11; VaFiripi 2:9, 10.
Zvinokosha kuti urambe tsika dzakadaro. Nei? Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Hamugoni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ uye patafura yemadhimoni.” Akanyevera kuti vaya vaiedza kufadza Mwari nemimwe midzimu ‘vaiita kuti Jehovha ave negodo.’ (1 VaKorinde 10:20-22) Jehovha Mwari anoda kuti tizvipire zvakazara kwaari oga.—Eksodho 20:4, 5.
Chimbofungawo mubvunzo uyu: Tsika yacho inosimudzira pfungwa yokuti munhu haafaniri kunzwa aine basa nezvaanenge aita here? Somuenzaniso, upombwe nokurara pabonde kunoitwa nevanhu vasati varoorana zvinoshorwa munzvimbo dzakawanda uye muBhaibheri. (1 VaKorinde 6:9, 10) Zvisinei, mune dzimwe tsika dzinoitwa kuPacific, zvingatambirwa nemaoko maviri kana musikana akati “ndakapiwa shizha regirini,”a kureva kuti anoti akatsingwa nomushonga kuti arare pabonde nomunhu.
Zvisinei, Bhaibheri rinodzidzisa kuti tinozvidavirira pane zvose zvatinoita. (VaRoma 14:12; VaGaratiya 6:7) Somuenzaniso, mukadzi wokutanga Evha, akafunga kuti Satani ndiye akanga amunyengedza kusateerera Mwari paakati: “Nyoka—yandinyengera saka ndadya.” Zvisinei, Jehovha akaudza Evha kuti aifanira kuzvidavirira pane zvaakanga aita. (Genesisi 3:13, 16, 19) Anotiwo isu tichazvidavirira pane zvatinoita.—VaHebheru 4:13.
Unofanira Kuitei?
Kana uchida kufadza Mwari uye kurarama nemitemo yake iri muBhaibheri, unofanira kuita zvose zvaunokwanisa kuti uzvidzivirire pana Satani nemadhimoni ake. Vanhu vaiva nemwoyo yakatendeseka vaiva muEfeso muzana remakore rokutanga vakaratidza muenzaniso wakanaka pakuita izvi. Kuti varege kutsauswa nemidzimu yakaipa, vakaunganidza mabhuku ose avaiva nawo aiva ezvemidzimu “vakaapisa pamberi pevanhu vose.”—Mabasa 19:19.
Vasati vapisa mabhuku acho, “vaiuya vachireurura uye vachitaura pachena mabasa avo.” (Mabasa 19:18) Vabayiwa mwoyo nezvaidzidziswa naPauro nezvaKristu, vakabva vaparadza mabhuku avo emidzimu. Vakachinjawo manzwiro avaiita nezvetsika dzavaimboita.
Chokwadi, kusiya tsika dzakadai hakusi nyore. Munhu ambotaurwa nezvake uya, James, akatarisanawo nedambudziko rakadaro. Akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye akanakidzwa nezvaaidzidza. Zvisinei, akaramba achiita tsika iya inonzi rarafono. Paakaongorora manzwiro ake nezvetsika idzi, akaona kuti aidavira zvakavimbiswa naJehovha kuti zvichaitika munguva yemberi asi ainzwa sokuti aifanira kuvimba netsika idzi kuti adzivirirwe.
Chii chakabatsira James kuti achinje maonero ake? Anoti: “Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andidzivirire uye kuti andibatsire kuvimba naye. Panguva iyoyo, ndakasiya tsika dzandaimboita.” Akambokuvadzwa here? James anoti, “Kwete. Ndakabva ndadzidza kuvimba naJehovha. Ndakaona kuti Jehovha anogona kuva shamwari yepamwoyo.” Kutaura chokwadi, kwemakore manomwe apfuura, James ave achiita basa rokuparidza mashoko akanaka, achibatsira vamwe kudzidza zvinodzidzisa Bhaibheri.
Wadii kutevedzera muenzaniso waJames? Ongorora tsika dzinoitwa kwaunogara, uye shandisa ‘simba rako rokufunga’ kuona kuti tsika dzacho ‘dzinodiwa naMwari here.’ (VaRoma 12:1, 2) Zvadaro iva noushingi hwokusiyana zvachose nezvemashiripiti. Kana ukadaro, unogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha ‘achakugamuchira’ okudzivirira. (2 VaKorinde 6:16-18) Kufanana naJames, uchaona kuti mashoko akavimbiswa neBhaibheri ndeechokwadi anoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.”—Zvirevo 18:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Iyi itsika inoitwa pachishandiswa shizha romumwe muti kana zvokudya. Musikana anopiwa shizha racho kana kuti zvokudya zvacho. Shizha racho kana kuti zvokudya zvacho zvinonzi zvinoita kuti musikana uyu anzwe achida murume. Tsika iyi yakasiyana neiya yokudhakisa musikana asingazivi obva amanikidzwa kurara pabonde nomunhu iye asingadi. Pakadai musikana anenge angoitirwa zvakaipa asi asina mhosva.
[Mufananidzo uri papeji 19]
“Korokoro”
[Kwazvakatorwa]
Courtesy of Dr. Bakshi Jehangir
[Mufananidzo uri papeji 19]
Musikana ari kuunganidza zvokudya zvinenge zvasara kuitira kuti zvisagadzirwa nomushonga