RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 7/1 pp. 10-12
  • Unogona Here Kuwana Rugare Munyika Ino Ine Zvinetso?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Here Kuwana Rugare Munyika Ino Ine Zvinetso?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Rugare rwaMwari”
  • Kudzivirira Mwoyo Wako Nepfungwa
  • Kuwana Kwaungaita Rugare rwaMwari
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Rugare Kwamuri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Rugare—Ungaruwana Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Johani 14:27—“Ndinokusiyirai Rugare”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 7/1 pp. 10-12

Unogona Here Kuwana Rugare Munyika Ino Ine Zvinetso?

URI kugara murugare here? Kune vakawanda, mhinduro ndeyokuti kwete. Vanorarama munyika dzine hondo, dzisina kugadzikana mune zvematongerwo enyika, dzine madzinza anorwisana, kana kuti dzine ugandanga. Kunyange usiri mumatambudziko akadai, rugare rwako runogona kukanganiswa nokuparwa kwemhosva, kubatwa zvisina kunaka, uye kukakavadzana nevanhu vaunoita navo zvebhizimisi kana kuti nevavakidzani vako. Mumhuri munowanzovawo nokurwisana pane kuva norugare.

Vanhu vakawanda vanoda chaizvo kuva norugare mumwoyo. Vangarutsvaka mumachechi, mumakirasi avanodzidziswa kufungisisa, kana mumapoka avanoita yoga (kurovedza muviri kunoitwa munhu akapfunya chisero kunoitwa nevaHindu kunosanganisira mashiripiti). Vamwe vanotarisira kuwana rugare nokuona zvinhu zvakasikwa—vanotora mazororo okumboshanya, kukwira makomo nokufamba mumagwenga, kana kushanyira zvitubu zvinobudisa mvura inopisa. Kunyange zvazvo vaya vanotsvaka rugare vachiita sevanoruwana, vanogona kuzoona kuti rugare rwacho harugutsi uye nderwenguva pfupi chete.

Saka ndokupi kwaunogona kuwana rugare rwechokwadi? Jehovha Mwari, Musiki wedu ndiye anopa rugare. Nei? Ndiye “Mwari anopa rugare.” (VaRoma 15:33) Umambo hwake pahuchange hwava kutonga munguva pfupi iri kuuya, kuchava no“rugare rukuru.” (Pisarema 72:7; Mateu 6:9, 10) Rugare urwu rwunopfuura nokure ruya runounzwa panoita vanhu zvibvumirano. Zvibvumirano zvakadaro zvinongomisa kwekanguva kadiki kuitirana utsinye. Asi rugare rwaMwari ruchapedza zvose zvinokonzera hondo nokuvengana. Chokwadi, hapana achazombodzidza kurwa. (Pisarema 46:8, 9) Vanhu vachava norugare rwechokwadi!

Iyi itariro yakanaka, asi zvimwe unoda chaizvo kuva norugare iye zvino. Pane zvingaita here kuti uwane rugare mumwoyo zvingakubatsira munguva dzino dzine zvinetso? Zvinofadza kuti Bhaibheri rinotiratidza kuti tingawana sei rugare rwakadaro. Chimbofunga mazano ari muchitsauko 4 chetsamba yaPauro kuVaFiripi. Tinokukumbira kuti uverenge ndima 4 kusvika ku13 muBhaibheri rako.

“Rugare rwaMwari”

Mundima 7 tinoverenga kuti: “Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” Rugare urwu harungouyi nokungofungisisa kana nokuedza kunatsiridza unhu hwako. Asi runobva kuna Mwari. Rugare irworwo rune simba zvokuti “runopfuura kufunga kwose.” Chokwadi, runopfuura kunetseka kwedu kwose, ruzivo rwedu, uye kufunga kwedu. Tinogona kutadza kukurira zvinetso zvedu, asi rugare rwaMwari runogona kutipa tariro yokuti rimwe zuva matambudziko edu ose achapera.

Izvi hazvibviri here? Kuvanhu, hungu hazvibviri, asi “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:27) Kutenda uye kuvimba naMwari kunotibatsira kukurira kunetseka kwatinoita. Funga nezvemwana mudiki anorasika ari muchitoro chikuru. Anonyatsoziva kuti akangowana kuna Amai vake chete zvinhu zvinenge zvanaka. Kungofanana nemwana iyeye kana awanikwa, tinogona kuvimba kuti Mwari achatitakura mumaoko ake nenzira yokufananidzira. Achatinyaradza uye achatibatsira kupedza kunetseka kwedu.

Vanhu vakawanda vanonamata Jehovha vakawana rugare rwaMwari pavaitarisana nemiedzo yakaoma. Somuenzaniso, funga nezvaNadine, uyo akapfupfudzika pamuviri. Anotaura kuti: “Ndinoomerwa nokutaura manzwiro angu, uye ndinoedza kungoita sepasina chiri kundinetsa. Asi mumwoyo ndairwadziwa. Anenge mazuva ose, ndaitaura zviri mumwoyo wangu kuna Jehovha ndichinyengetera uye ndaimukumbira kuti andibatsire. Ndakaona kubatsira kwokunyengetera, nokuti pandainzwa ndakaora mwoyo zvikuru zvokuti ndaifunga kuti, ‘Handichagoni kutsungirira,’ ndaiwana rugare uye kugadzikana mumwoyo. Ndainzwa ndakachengeteka.”

Kudzivirira Mwoyo Wako Nepfungwa

Ngatimbodzokerai pana VaFiripi 4:7. Inotaura kuti rugare rwaMwari rucharinda mwoyo yedu nesimba redu rokufunga. Kungofanana nomurindi anoramba akamira panzvimbo yake, rugare rwaMwari runorinda mwoyo yedu zvokuti hatizotsauswi nepfungwa dzokuda pfuma, nokuzvidya mwoyo kwatinogona kudzivisa, uye nokukoshesa zvinhu zvisinei nokunamata. Chimbofunga muenzaniso.

Munyika ino ine zvinetso zvakawanda, vanhu vakawanda vanodavira kuti vanofanira kuva nezvinhu nemari yakawanda kuti vafare. Vangaita zvavanenge vakurudzirwa nenyanzvi zvokuisa mari yavo pamisika yemari. Vanonyatsowana rugare here? Kwete. Vanogona kungogara vachida kuziva mutengo wezvinhu zvavo zuva nezuva, vachizvidya mwoyo uye vachifunga kuti votengesa here, votenga here, kana kuti vombozvichengeta. Misika yemari painorasikirwa nemari, vanotya. Chokwadi, Bhaibheri harishori kuita zvakadaro asi rinopa zano iri rouchenjeri: “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa. Izviwo hazvina zvazvinobatsira. Hope dzomunhu anoshanda dzakanaka, pasinei nokuti anodya zvishoma here kana kuti zvizhinji; asi zvinhu zvizhinji zvomupfumi hazvimubvumiri kurara.”—Muparidzi 5:10, 12.

VaFiripi 4:7 inopera ichitaura kuti rugare rwaMwari runorinda mwoyo yedu nesimba redu rokufunga “pachishandiswa Kristu Jesu.” Jesu Kristu norugare rwaMwari zvinobatana papi? Jesu ane basa rinokosha pakuzadzika kwezvinangwa zvaMwari. Jesu akapa upenyu hwake kuitira kuti tinunurwe pachivi norufu. (Johani 3:16) Ndiye Mambo akagadzwa woUmambo hwaMwari. Kuziva basa raJesu kunogona kutibatsira kuwana rugare mupfungwa nomumwoyo. Sei?

Kana tikapfidza zvivi zvedu zvechokwadi tokumbira kukanganwirwa kuburikidza nechibayiro chaJesu, Mwari anotikanganwira, zvoita kuti tive norugare rwepfungwa nemwoyo. (Mabasa 3:19) Patinoziva kuti hatigoni kunyatsofara muupenyu kutozosvikira Umambo hwaKristu hwauya, tinorega kungorarama zvachero sokuti huno ndihwo upenyu hwoga. (1 Timoti 6:19) Chokwadi, hatigoni kurarama upenyu husina kana zvinetso, asi tinogona kunyaradzwa netariro yokuti munguva pfupi iri kuuya tichararama upenyu hwakanaka.

Kuwana Kwaungaita Rugare rwaMwari

Saka ungawana sei rugare rwaMwari? Pana VaFiripi 4:4, 5 pane mazano anoti: “Garai muchifara munaShe. Ndinotizve, Farai! Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose. Ishe ari pedyo.” Muapostora Pauro akanga asungwa zvisina kururamisira muRoma paakanyora mashoko iwayo. (VaFiripi 1:13) Pane kuchema-chema nokusaruramisirwa kwaakanga aitwa, akatokurudzira vaKristu vaainamata navo kuti vagare vachifara munaShe. Zviri pachena kuti mufaro wake waibva paukama hwake naMwari, kwete pamamiriro ake ezvinhu. Isuwo tinofanira kudzidza kunakidzwa nokushumira Mwari pasinei nemamiriro edu ezvinhu. Patinowedzera kuziva Jehovha uye kuita kuda kwake, tichawedzera kunakidzwa nokumushumira. Izvozvo zvichaita kuti tigutsikane uye tive norugare mumwoyo.

Tinokurudzirwawo kuva vanonzwisisa. Kana tikashandira kuva vanhu vanonzwisisa, hatizotarisiri kuita zvatisingagoni. Tinoziva kuti hatina kukwana, uye hatigoni zvose. Saka tingashayirei hope tichifunga kuti tingava sei vakakwana, kana kuti vari nani kupfuura vamwe vose? Hatizotarisiriwo vamwe kuti vasakanganisa. Naizvozvo kana vanhu vakaita zvinotigumbura hatirambi tichingozvidya mwoyo nezvazvo. Rimwe shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kunzwisisa” rinoreva “kubvuma mafungiro evamwe.” Kana tichibvuma mafungiro evamwe panyaya dzokuti munhu anongosarudza zvaanoda, hatizoitisani nharo, dzisina kwadzinotisvitsa asi dzinongoita kuti tisave norugare nevamwe uye tisava norugare mumwoyo kwekanguva.

Mashoko anotevera ari pana VaFiripi 4:5 anoti, “Ishe ari pedyo,” angaita seasingabatani nemamwe mashoko ari mundima yacho. Munguva pfupi, Mwari achaunza Umambo hwake achitsiva mamiriro ezvinhu epanguva ino. Asi kunyange iye zvino Mwari anogona kuva pedyo nevose vanoswedera pedyo naye. (Mabasa 17:27; Jakobho 4:8) Kuziva kuti Mwari ari pedyo nesu kunotibatsira kuti tifare, tive vanhu vanonzwisisa, uye tisazvidya mwoyo nezvinetso zvanhasi nezvomunguva yemberi, sezvinoratidzwa pandima 6.

Tikaverenga ndima 6 ne7, tinoziva kuti kana tikanyengetera tinowana rugare rwaMwari. Vamwe vanofunga kuti munyengetero ingori nzira inotibatsira kufungisisa, uye vanofunga kuti chero munyengetero unogona kuwedzera rugare rwavo rwomumwoyo. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti tinogona kunyatsotaura naJehovha sezvinoita mwana anoudza mubereki wake ane rudo zvinomufadza uye zvinomunetsa. Zvinonyaradza kuziva kuti tinogona kuudza Mwari “zvinhu zvose.” Tinogona kuudza Baba vedu vokudenga zvose zvinenge zviri mupfungwa dzedu kana mumwoyo yedu.

Ndima 8 inotikurudzira kufunga zvinhu zvinovaka. Zvisinei, hazvina kukwana kungofunga nezvezvinhu zvinovaka chete. Sezvinotsanangurwa pandima 9, tinofanirawo kushandisa mazano akanaka omuBhaibheri. Tikadaro zvichaita kuti tive nehana yakachena. Ichokwadi kuti hana yakanaka inoita kuti tive norugare mupfungwa!

Chokwadi unogona kuwana rugare mupfungwa. Runobva kuna Jehovha Mwari, uye anorwupa kune vaya vanoswedera pedyo naye uye vanoda kutevedzera zvaanotaura. Unogona kuziva zvaanotaura nokuongorora Shoko rake, Bhaibheri. Hazvisi nyore kushandisa zvaanotaura. Asi zvinobatsira zvikuru nokuti “Mwari worugare achava nemi.”—VaFiripi 4:9.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

“Rugare rwaMwari . . . rucharinda mwoyo yenyu”—VAFIRIPI 4:7

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Zvinonyaradza kuziva kuti tinogona kuudza Mwari “zvinhu zvose”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe