Unofanira Kuvimbika Nguva Dzose Here?
MUNHU wose akavimbika pane dzimwe nguva; vamwe zvichida nguva dzose. Asi vanhu vangani vaunoziva vari kuedza kuratidza kuvimbika nguva dzose?
Mazuva ano, vanhu havana kuvimbika muzvinhu zvakawanda zvinoitwa muupenyu. Kunyange zvakadaro, maonero anoita Mwari nyaya yokuvimbika anonyatsozivikanwa. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanoziva shoko riri pamutemo wechisere uri paMirayiro Gumi rinoti: “Usaba.” (Eksodho 20:15) Zvisinei, vakawanda vanofunga kuti dzimwe nguva zvakakodzera kuba kana kuratidza kusavimbika mune zvimwe zvinhu. Ngatimbokurukura mienzaniso mitatu pazvinonzi zvakakodzera kuba.
Urombo Hunofanira Kuita Kuti Munhu Abe Here?
Rimwe gurukota rehurumende yekuRoma rakamboti: “Urombo ndihwo hunokonzera kuba.” Murombo angafunga kuti zvakarurama kuti abe. Vanoona murombo achiba vangabvumirana nazvo. Jesu akatii nezvenyaya iyi? Ainzwira tsitsi varombo. “Akasiririswa navo.” (Mateu 9:36) Asi haana kumbobvira ati kuba kwakarurama mune mamwe mamiriro ezvinhu. Saka munhu anofanira kuitei?
Mwari anoda vaya vanoedza nomwoyo wose kumuteerera, uye anokomborera zvavanoedza kuita kuti vawane zvavanenge vachida. (Pisarema 37:25) Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Jehovha haazoiti kuti mweya womunhu akarurama unzwe nzara, asi achasundira kure kupanga kwevakaipa.” (Zvirevo 10:3) Munhu ari murombo angavimba nemashoko aya here? Victorine ane chokwadi nemashoko iwayo.
Sezvo Victorine ari chirikadzi ine vana vashanu, zvinhu hazvinyatsomufambiri zvakanaka. Anogara munyika ichiri kusimukira uye hurumende hainyatsobatsiri vanhu nemari. Zvisinei, Victorine aafungi zvokuba. Pane kudaro anoedza kumira-mira achitengesa zvinhu pamisika yomumigwagwa. Nei achiramba akavimbika?
“Chokutanga, ndinodavira kuti Mwari akavimbika uye kuti anovimbika kwandiri kana ndikamutevedzera. Chechipiri vana vangu vanogona kudzidza kuvimbika kana vakaona kuti ini ndakavimbika.”
Zvinhu zvave zvichimufambira sei? “Tine zvokudya, zvokupfeka, nepokugara. Kunyange zvakadaro pane dzimwe nguva dzandaitofanira kukumbira shamwari kuti dzindibatsire kuti ndibhadhare mari yokurapwa yaidiwa nokukurumidza. Nguva dzose ndave ndichiwana zvandinenge ndichida. Nei? Nokuti shamwari dzangu dzinoziva kuti ndinenge ndanyatsovatsanangurira dambudziko rangu ndakavimbika uye ndinenge ndisingawedzeredzi.
“Vana vangu vari kukura vakavimbika. Mazuva mashoma apfuura muvakidzani wangu akaona mari yesirivha iri patafura ndokundibvunza kuti ndakanga ndisingatyi kuti yaizotorwa nevana here. Zvakamunetsa pandakamuudza kuti vana vangu havafi vakadaro. Pasina chandaiziva akada kuvaedza. Vasingaone akaisa makoini maviri e100-franc mumba medu paigona kutorwa mari iyi zviri nyore nevana. Paakadzoka musi waitevera, akashamisika paakaona kuti makoini acho akanga achiripo. Zvinokosha kuva nevana vakavimbika pane kuva nepfuma yakawanda.”
“Munhu Wose Anozviita”
Vanhu vakawanda vanoba pabasa. Saka vanhu vakawanda vanoti, “Munhu wose anozviita, saka ndinotadziswawo nei?” Kusiyana naizvozvo, Bhaibheri rinoti: “Usatevera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa.” (Eksodho 23:2) Victoire akateerera murayiro uyu. Zvakamubatsira here?
Paaiva nemakore 19, Victoire akawana basa pafekitari yaigadzira mafuta emhodzi dzomuti womupalm. Pasina nguva yakareba akazoona kuti vakadzi 40 vaishanda ipapo vaishandisa tswanda dzavo kuti vabe mhodzi dzemupalm kubva pafekitari yacho. Vhiki roga roga vaitengesa mhodzi dzacho vowana mari yaienzana nemari yavaishandira mazuva matatu kana mana. Victoire anorondedzera achiti: “Kutaura chokwadi munhu wose aizviita. Vaitarisira kuti ndaizobatana navo, asi ndakaramba, ndichivaudza kuti muupenyu hwangu ndinongogara ndakavimbika. Vakandiseka vachitaura kuti ndakanga ndichirasikirwa.
“Mumwe musi pataibuda pafekitari yacho, maneja wacho akabva angoti vhu-u. Akatarisa tswanda yomunhu wose ndokuwana mutswanda yoga yoga muine mhodzi kunze kwetswanda yangu. Vose vaibatwa vaifanira kudzingwa basa kana kuti kushanda mavhiki maviri vasingabhadharwi. Kwemavhiki maviri iwayo vakadzi vacho vakazoona kuti ndakanga ndisingarasikirwi.”
“Kunhonga Hakusi Kuba”
Unonzwa sei kana ukanhonga chinhu chinokosha chinenge charaswa nomumwe munhu? Kune vakawanda izvi zvinoita kuti vafunge kuti chinobva chava chavo, zvichiita kuti vasade kuchidzorera kumuridzi wacho. Vanowanzoshandisa mashoko anotaurwa nevakawanda okuti “kunhonga hakusi kuba.” Vamwe vangafunga kuti izvozvo hazvina kuipa. Vanototi muridzi wacho haachambotarisiri kuwana chinhu chacho. Vamwe vanoti harisi basa ravo rokutsvaga muridzi wacho nokuti zvingave zvakaoma kumutsvaga.
Mwari anoona sei nyaya iyi? Dheuteronomio 22:1-3 inoratidza kuti munhu ainhonga chinhu aisangofanira kugara nacho chete asi aifanira kugara nacho ‘kusvikira muridzi achitsvaga, ochidzosera kwaari.’ (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kana munhu ainge anhonga chinhu akasataura kuti ainge achinhonga, ainzi aba. (Eksodho 22:9) Mazuva ano izvi zvinoita here? Christine ane chokwadi chokuti zvinoita.
Christine anotungamirira chimwe chikoro chisiri chehurumende. Mumwe musi chiri Chitatu akatambira mari yake yaakanga ahora. Sezvinoitwa nevakawanda kuWest Africa, akaisa mari yacho mubhegi rake. Akabva asimudza ruoko achimisa mudhudhudhu unoshandiswa setekisi ndokubva aukwira achimhanyira kumusangano. Paakasvika akaisa ruoko rwake mubhegi achida kutora makoini kuti abhadhare mutyairi. Sezvo maiva murima chitsama chiya chemari chakabva chawira pasi asina kuzviona.
Papera maminitsi, Blaise ane makore 19 aisagara munzvimbo iyoyo akauya nemugwagwa iwoyo. Ainge aronga kusangana neshamwari yake pamusangano iwoyo wainge wapindwa naChristine. Akaona chitsama chiya chemari ndokuchiisa muhomwe yake. Pakapera musangano wacho akaudza shamwari yake kuti ainge anhonga chimwe chinhu panze uye kuti kana paiva neainge aine chaarasa amufonere kuti aone kana chaiva chake.
Christine paakasvika kumba manheru iwayo, akavhunduka paakaona kuti akanga asisina mari yake. Papera vhiki, paakaudza shamwari yake Josephine kuti ainge arasa mari, akaudzwa kuti mumwe munhu ainge ashanya pamusangano wacho ainge anhonga chimwe chinhu. Christine akafonera Blaise ndokutaura zvainge zvakaita mari yaainge arasa. Akafara zvokufara zviya Blaise paakamudzosera mari yacho. Ko Blaise akaitawo sei? Ainge achengeta mari yacho kwevhiki rose, asi akati, “Ndakafara zvikuru pandakadzosera mari yacho kupfuura pandainge ndakaichengeta.”
Nei Vachiedza Kuvimbika Nguva Dzose?
Victorine, Victoire, naBlaise vanogara munzvimbo dzakasiyana uye havazivani. Zvisinei vane chimwe chinhu chavakafanana. Ivo Zvapupu zvaJehovha, zvinotsigira kuvimbika kunotaurwa muBhaibheri. Vanomirira kuzadzika kwezvakavimbiswa naMwari kuti kuchava nenyika itsva. “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.” Vanhu vachange vachirarama panguva iyoyo vanenge vakarurama uye vakavimbika.—2 Petro 3:13.
Victorine haasi kunyanya kutarisira kuti mamiriro ake ezvinhu mune zvemari achava pari nani kutozosvikira Mwari achinja zvinhu. Kunyange zvakadaro, akapfuma mune zvokunamata, iri pfuma isingagoni kutengwa nemari. Vana vake vakavimbika uye vane unhu hwakanaka. Musi weSvondo woga woga “vanofara chaizvo” pavanenge vachiudza vavakidzani vavo nezvokunaka kwaMwari uye pavanenge vachitsanangura kuti achagutsa sei “vose vanodana kwaari zvechokwadi” uye kuchengetedza “vose vanomuda.”—Pisarema 145:7, 18, 20.
Nokufamba kwenguva, Victoire akazosiya basa pakambani iya yaigadzira mafuta emhodzi dzomuti womupalm. Akatanga bhizimisi rake rokutengesa garri (upfu hwaigadzirwa nomupfarinya) waaitengesa pamusika. Vatengi vakawanda vakakwezvwa nokuvimbika kwake. Kutaura zvazviri, akakwanisa kuzoshanda nguva shoma kumusika ndokupedza nguva yakawanda achiudza vamwe nezvetariro yokurarama munyika inenge iine vanhu vakavimbika chete. Akazoroorwa, uye iye nomurume wake vari mubasa rokuparidza nguva dzose.
Christine akarasa mari yake pamberi peImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Blaise aingoziva vashomanana vaiva pamusangano waiitwa panguva iyoyo, asi aiziva kuti vaiva hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu, dzaiedza kuvimbika nguva dzose.
Vanhu vangani vanoedza nomwoyo wose kuratidza kuvimbika nguva dzose? Chimbofungidzira uchirarama nevanhu 50, 100, kana kuti 200 vakavimbika. Ndizvo zvinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvigare zvichifara paDzimba dzoUmambo dzazvo. Wadii kuenda ikoko kuti uzivanewo nazvo?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
“Zvinokosha kuva nevana vakavimbika pane kuva nepfuma yakawanda.”—VICTORINE
[Bhokisi riri papeji 14]
Zvirevo 6:30 Inoita Kuti Zvikodzere Kuba Here?
Zvirevo 6:30 inoti: “Vanhu havazvidzi mbavha inoba kuti igutse mweya wayo kana iine nzara.” Mashoko aya anoita kuti zvikodzere kuba here? Kwete. Mashoko aitaurwa ipapo anoratidza kuti Mwari anoranga mbavha kana yaba. Ndima inozotevera inoti: “Asi kana ikabatwa, inofanira kudzorera zvava zvinomwe; ichapa zvinhu zvose zvinokosha zveimba yayo.” (Zvirevo 6:31) Kunyange zvazvo mbavha inoba pamusana penzara ingave isina kuita zvakaipa kwazvo sezvinoita iya inoba pamusana pemakaro kana kuti nechinangwa chokukuvadza munhu wainobira, inongofanirawo ‘kuzodzorera’ zvayakaba. Vaya vanoda kufarirwa naMwari havafaniri kunzwa vaine mhosva yokuba chero chii zvacho.