Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Mwari ane rumwe rudzi rwaanoda kupfuura mamwe here?
▪ Aiwa. Bhaibheri rinojekesa kuti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
Maonero anoita Mwari nyaya iyi akasiyana chaizvo nemaonero evanhu vane zvivi. Vakawanda vanofunga kuti pane rudzi rwuri nani kupfuura mamwe ose uye kazhinji vanoona sokuti rwavo ndirwo ruri nani. Kufunga kwakadaro kwakatangwa naCharles Darwin, uyo akanyora kuti: “Pachasvika imwe nguva, . . . yokuti marudzi akabudirira achatsakatisa marudzi akasaririra kumashure neupenyu zvokuti ndiwo oga achasara avapo.” Zvinosuwisa kuti vakawanda vakatodzvinyirirwa nemamwe marudzi anozviona sokuti ari nani kupfuura mamwe.
Pane here chikonzero chokufunga kuti rumwe rudzi ruri nani kupfuura mamwe? Somuenzaniso, vezvesayenzi vane uchapupu hwokuti mamwe marudzi ari nani kupfuura mamwe pakusikwa here? Mumwe muzvinafundo anoongorora zvakaita masikirwo omunhu wepayunivhesiti inonzi Oxford anonzi Bryan Sykes akati: “Kuva munhu akaoma musoro kana kuti kuva werumwe rudzi hazvinei nemasikirwo ako. . . . Ndinogara ndichibvunzwa kuti pane DNA yemuGiriki kana kuti yemuTariyana here, asi chokwadi chiripo ndechokuti hakuna. . . . Tose takangofanana.”
Izvi zvinowirirana chaizvo nezvatinowana muMagwaro. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari akasika murume mumwe nomukadzi mumwe uye vamwe vanhu vose ndokwavakabva. (Genesisi 3:20; Mabasa 17:26) Saka kuna Mwari marudzi ose akaenzana.
Kuna Jehovha zvokuti munhu ane ruvara rwakadii kana kuti akanaka sei pameso hazvishandi. Asi chaanokoshesa mwoyo womunhu. Shoko rake rinoti: “Munhu anotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kuyeuka pfungwa iyi kunogona kutikurudzira. Sei?
Pasinei nokuti rudzi rwedu ndorwupi, vakawanda vedu havafari nezvavari asi hapana chikuru chavanogona kuita kuti vazvichinje. Asi pane chinhu chinokosha chatinogona kuchinja, mafungiro edu nemaonero edu. (VaKorose 3:9-11) Tisingarovi imbwa takaviga mupinyu, dzimwe nguva tinomboona sokuti tiri nani kupfuura verumwe rudzi kana kuti tinombozvitarisira pasi. Sezvo mafungiro ose aya asingapindirani nemafungiro aMwari, tinofanira kushanda nesimba kudzura mafungiro akadaro mumwoyo medu.—Pisarema 139:23, 24.
Kana tikaedza kuzviona uye kuona vamwe semaonero anoitwa naJehovha, zvechokwadi Jehovha achatibatsira. Shoko rake rinotiyeuchidza kuti: “Nokuti kana ari Jehovha, maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Izvi hazvinei nokuti tiri vorudzi rupi.