Waizviziva Here?
“Chigaro chokutonga” chakaendeswa muapostora Pauro chaiva chii?
▪ Nhoroondo iri pana Mabasa 18:12, 13 inoti vaJudha vaiva muKorinde vakapomera Pauro kuparidza zvisiri pamutemo, uye inotiwo “vakamuendesa kuchigaro chokutonga,” kana kuti kubeʹma, (shoko rechiGiriki rinoreva kuti “chikuva”). Guta rekare reKorinde raiva nechikuva chakakwirira, chaiva nechepakati pemisika ingadaro yaiva pedyo nesinagogi. Nzvimbo yaiva nechikuva chacho yainyatsokodzera kuti munhu amire achitaura zvinonzwika nevanhu vakawanda. Chikuva chacho chaivakwa nematombo machena neebhuruu anopenya, akavezwa zvakanaka chaizvo. Pachikuva chacho paiva nemakamuri maviri aiva nemabhenji ematombo anopenya aine uriri hwakagadzirwa nematombo akasiyana-siyana anopenya.
Nzvimbo iyi yaimira vanotaura inofanira kunge iri iyo chigaro chokutonga chakamiswa muapostora Pauro achitongwa naGariyo mutongi weRoma uyo aiva gavhuna weAkaya. Apa ndipo paigarwa nevakuru vakuru vachitonga nyaya uye vachizivisa mitongo yavo vanhu vose vainge varipo vachinzwa.
Mumaguta emuGirisi vanhu vakanga vakajaira kugara vachiungana pamberi pechigaro chokutonga (beʹma) apo paiitirwawo zvinhu zvakawanda zvomuguta. Mashoko emagwaro echiGiriki chakashandiswa pakunyora Bhaibheri ari pana Mateu 27:19 uye Johani 19:13, anoratidza kuti Pondiyo Pirato aitaura nevanhu akamira pachigaro chake chokutonga (beʹma).—Mabasa 12:21.
Nei mafiro akaita Jesu akatadzisa vamwe vaJudha kuva vaKristu?
▪ Muapostora Pauro akanyora nezvevaKristu vepakutanga, achiti: “Tinoparidza Kristu akarovererwa, izvo zviri chikonzero chokugumbuka kuvaJudha asi upenzi kune mamwe marudzi.” (1 VaKorinde 1:23) Sei vamwe vakagumburwa nemafiro akaita Jesu?
Mumwe muongorori weBhaibheri anonzi Ben Witherington III akataura nezvetsika dzevanhu vairarama muzana remakore rokutanga kuMiddle East uye mafiro akaita Jesu achiti, “mafiro aakaita anonyadzisa kupfuura akaita vamwe vose. Hapana nzira yokufira zvaunotenda yaizvidzwa kupfuura iyoyo.” Witherington akawedzera kuti: “Panguva iyoyo vanhu vaidavira kuti mafiro ako ndiwo airatidza kuti wanga uri munhu akaita sei. Saka mafiro aJesu aigona kumuita kuti aonekwe setsotsi, semunhu aipandukira hurumende kana kuti munhu anofanira kurangwa sezvaiitwa muranda anenge apanduka.” Kana tichitarisa tsika idzi dzomunguva iyoyo, hatingamboti vadzidzi vaJesu vakawedzeredza pavakanyora mafiro aakaita uye kumutswa kwake.