RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 5/1 pp. 26-27
  • Ungasarudza Sei Ramangwana Rakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungasarudza Sei Ramangwana Rakanaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Unogona Sei Kuita Zvisarudzo Zvokuchenjera?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Vechiduku—Muri Kuronga Kuitei Noupenyu Hwenyu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kuzadzisa Kwaungaita Zvinangwa Zvako Zvokunamata
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 5/1 pp. 26-27

Ungasarudza Sei Ramangwana Rakanaka?

UNGAVA sei noupenyu hunonyatsobudirira? Chimwe chaungaita ndechokushandisa chipo chaunacho chokukwanisa kufungidzira kuti zvaunosarudza iye zvino zvichaguma nei mune remangwana.

Zvinonzwisisika kuti ungaomerwa nokusarudza zvinhu zvingazokubatsira kwoupenyu hwako hwose. Nei zvingadaro? Nokuti vanhu vakawanda mazuva ano vanoda kuti zvinhu zvavanoda zvibve zvangoitika ipapo-ipapo. Somuenzaniso, unogona kunge uchiziva kuti kushandisa zano reBhabheri kunokubatsira kuti ugarisane nemhuri yako zvakanaka. (VaEfeso 5:22–6:4) Asi kuti zvidaro unofanira kuwana nguva yakawanda yokuva nemhuri yako, kwete kugara uchingova kubasa, uchingotandara nevamwe kana kuti uchiita zvimwe zvinovaraidza. Pazvinhu zvakawanda zvaunoita zuva nezuva, unofanirawo kusarudza kuti woita zvinhu zvinongokufadza ipapo-ipapo chete here kana kuti zvinozokubatsira kwenguva refu. Ungava sei nesimba rokusarudza mararamiro anoratidza uchenjeri? Shandisa mazano mana anotevera.

1 Fungidzira Kuti Zvaunosarudza Zvichaguma Nei

Kana paine chaunofanira kusarudza, edza kufungidzira usingazvinyengeri kuti zvauchasarudza zvichaguma nei. Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Kana ukanyatsoongorora zvingazoguma zvaitika usingazvinyengeri, zvingaita kuti ungwaririre kusaita zvinhu zvingakupinza muna taisireva. Asi kana ukafungidzira zvakanaka zvingazovapo mune remangwana kana uchinge wasarudza zvakanaka, zvichaita kuti usarudze nokuchenjera.

Zvibvunze kuti: ‘Zvandinosarudza zvingazoita kuti zvinhu zvindimirire sei pashure pegore, makore 10 kana kuti 20? Izvi zvingazoita kuti ndigadzikane mupfungwa here kana kuti ndive noutano hwakanaka? Ko zvinhu zvingazomirira sei vomumhuri mangu kana kuti vamwewo vanhu vandinoda?’ Mubvunzo unonyanya kukosha waungazvibvunza ndewokuti, ‘Zvandichasarudza zvichafadza Mwari here? Ukama hwangu naye huchamira sei? Sezvo Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, rinogona kukubatsira kuti uzive zvinomufadza uye dzimwe ngozi dzaungasaona.—Zvirevo 14:12; 2 Timoti 3:16.

2 Ongorora Woga Zvaunofanira Kusarudza

Pane kuti vazvisarudzire zvokuita, vamwe vanongoita gundamusaira. Asi chinhu hachinganzi chakanaka nokungoti chiri kuitwa nevanhu vakawanda. Saka ongorora woga zvacho zvaunofanira kusarudza. Funga nezvemusikana anonzi Chiedza,a uyo akati: “Ndaida kuroorwa nomunhu wandaizogarisana naye tichifara. Asi ndakaona kuti mararamiro andaiita aisazoita kuti ndibudirire. Kukoreji ndaiva neshamwari dzechiduku dzaigona chaizvo muchikoro. Asi dzaiita zvoupenzi. Vaigara vachingodanana nevanhu vakasiyana-siyana. Ndakazopedzisirawo ndava kuchinjanisa vakomana. Izvi zvaiita kuti ndigare ndichishushikana.”

Chiedza akazotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akataura kuti: “Zvapupu zvechiduku zvinofara uye mhuri dzeZvapupu dzinogarisana zvakanaka. Zvishoma nezvishoma ndakachinja mararamiro angu netsika dzangu, kunyange zvazvo zvaisava nyore.” Izvi zvakaguma nei? “Ndakanga ndagara ndichida kuwanikwa nomunhu ane unhu hwandinonyatsoyemura,” anodaro Chiedza. “Ndakazoroorwa nomunhu anotenda zvandinotenda. Ndinonyatsoona kuti Mwari akaita kuti ndifare mumhuri mangu zvandisina kumbobvira ndafungira.”

3 Funga Kuti Ramangwana Rako Richange Rakamira Sei

Kuti usakanganiswa nepfungwa yokungoda kufambirwa nezvinhu ipapo-ipapo, unofanirawo kuziva zvaunoda mune remangwana woronga zvaungaita kuti zvizokufambira saizvozvo. (Zvirevo 21:5) Usangofunga zvingazoitika mumakore 70 kana 80 chete angararamwa nevanhu nhasi. Asi edza kuzviona uchinakidzwa nokurarama nokusingaperi mune remangwana rinotaurwa neBhaibheri.

Bhaibheri rinotsanangura kuti Mwari akaita kuti vanhu vakwanise kurarama nokusingaperi achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Mateu 20:28; VaRoma 6:23) Mwari ari kuvimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya, chinangwa chake chaakagara anacho nezvepasi rino uye nezvevanhu chichazadziswa. Vaya vanoda Mwari vachararama vachinakidzwa noupenyu pasi pano munyika inenge isisina zvinonetsa. (Pisarema 37:11; Zvakazarurwa 21:3-5) Unogona kuzoraramawo panguva iyi kana ukafunga iye zvino nezvemamiriro aunoda kuti remangwana rako riite.

4 Shandira Kuti Zvawakaronga Zvibudirire

Ungaitei kuti uzorarama mune remangwana iri ratiri kuvimbiswa? Tanga nokuwana zivo pamusoro paMwari. (Johani 17:3) Zivo yakarurama yeBhaibheri ichaita kuti uve nechokwadi chokuti zvakavimbiswa naMwari nezveramangwana zvichaitika. Izvi zvichaita kuti uite zvose zvinodiwa kuti ufarirwe naMwari.

Funga zvakaitika kuna Tinashe. Iye anoti: “Ndakatanga kudhakwa uye kushandisa madhiragi ndiine makore 12. Ndaiva muchikwata chedzimwe ndururani uye ndaisatarisira kusvitsa makore 30 ndichiri mupenyu. Ndaigara ndakatsamwa uye ndaishungurudzika zvokuti kakawanda ndaiedza kuzviuraya. Ndaizviziva kuti upenyu hunofanira kunge huine chinangwa, asi ndakanga ndisingachizivi.” Zvisinei, Tinashe paakanga achiri kuchikoro, mumwe waaishamwaridzana naye muchikwata chiya chendururani akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Saka Tinashe akatangawo kudzidza Bhaibheri.

Zvaakadzidza muBhaibheri zvakaita kuti achinje maonero aiita remangwana rake. Akataura kuti: “Ndakadzidza kuti munguva yemberi pasi redu richaitwa paradhiso uye vanhu vachagarisana zvakanaka murunyararo, vasina zvinovadya mwoyo. Ndakabva ndatanga kutarisira kuzoraramawo panguva iyi. Ndakatanga kuva nechinangwa chokuti ndive noushamwari naJehovha. Asi dzimwe nguva ndaitadza kuita zvinodiwa naJehovha. Kunyange pashure pokunge ndatotanga kudzidza Bhaibheri, ndakambodhakwa kanoverengeka. Ndakatomborara nemumwe musikana.”

Chii chakaita kuti Tinashe akurire havi yokuda mararamiro ekare uye aachinje? Anoti: “Mudzidzisi wangu weBhaibheri akandikurudzira kuti ndiverenge Bhaibheri zuva roga roga uye kuti ndishamwaridzane nevamwe vaida kufadza Mwari. Ndakazoonawo kuti ndakanga ndichiri kufurirwa neshamwari dzangu dzomuchikwata chiya. Saka ndakacheka ukama nadzo, kunyange zvazvo dzaiita sevana vaamai vangu.”

Tinashe akasarudza zvinhu zvinonyanya kukosha uye akaronga zvinhu zvaaida kuita munguva pfupi yaitevera izvo zvakazomubatsira kuti azadzise chinangwa chake chikuru chokurarama zvinoenderana nemitemo yaMwari. Iwewo unogona kuita saizvozvo. Nyora pasi chinangwa chako chikuru muupenyu uye zvaungaita iye zvino kuti uchizadzise. Udza vanhu vangakubatsira kuti uzadzise zvinangwa zvako, wovakumbira kuti vakubatsire kuona kuti uri kubudirira here.

Usaverengera kudzidza nezvaMwari uye kushandisa zano reBhaibheri muupenyu hwako. Chitoona zvokuita iye zvino kuti ukudziridze kuda kwako Mwari neShoko rake Bhaibheri. Nezvemunhu anoshandisa chokwadi cheBhaibheri muupenyu hwake, Shoko raMwari rinoti: “Zvose zvaanoita zvichabudirira.”—Pisarema 1:1-3.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe