Swedera Pedyo naMwari
Anopa Mubayiro Vose Vanomushumira
“MAZVITA.” Pane munhu asingafariri kutendwa basa raanenge aita nomazvo kana kuti kana apa chipo nomwoyo wose here? Tose tinoda kuti vamwe vanhu varatidze kuti vari kukoshesa zvatinenge taita, kunyanya vaya vatinoda. Hapana mubvunzo kuti isu tinoda Jehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvose. Asi iye anokoshesa zvatinoedza kuita pakumunamata here? Ngatimboongororai zvaakaitira Ebhedhi-mereki, murume akaisa upenyu hwake pamutanhiko kuti anunure mumwe muprofita waMwari.—Verenga Jeremiya 38:7-13 uye 39:16-18.
Ndiani ainzi Ebhedhi-mereki? Zviri pachena kuti aiva mumwe wevakuru vakuru mumuzinda wamambo weJudha ainzi Zedhekiya. Ebhedhi-mereki akararama panguva imwe chete naJeremiya, uyo akatumwa naMwari kuti anyevere nyika yeJudha yakanga isina kutendeka nezvokuparadzwa kwayaizoitwa. Kunyange zvazvo akanga akapoteredzwa nemachinda aisatenda muna Mwari, Ebhedhi-mereki aitya Mwari uye airemekedza Jeremiya zvikuru. Unhu hwakanaka hwaEbhedhi-mereki hwakaedzwa apo machinda akaipa akapomera Jeremiya zvenhema achiti aipandukira, ndokumukanda mumugodhi waiva nematope vachida kuti afe. (Jeremiya 38:4-6) Ebhedhi-mereki aizotei nenyaya iyi?
Ebhedhi-mereki akaratidza ushingi asingambotyi kurangwa nemachinda amambo, ndokubva atoona zvokuita. Akaenda pamberi paZedhekiya zuva rakacheka nyika akamuudza kuti Jeremiya akanga aitirwa utsinye. Anogona kunge aitonongedzera machinda acho aiva noutsinye paakaudza mambo kuti: ‘Varume ava vaita zvakaipa kuna Jeremiya.’ (Jeremiya 38:9) Ebhedhi-mereki akaenda kunonunura Jeremiya nevarume 30 vaaiva navo sezvaakanga audzwa naZedhekiya.
Ebhedhi-mereki akabva azoratidza mutsa, hunova humwe unhu hwakanaka chaizvo. ‘Akatora mamvemve nemachira akasakara akazvidzikisira Jeremiya mumugodhi achishandisa tambo.’ Nei akamudzikisira mamvemve nemachira? Aida kuti aaise mumapindikiti maaizosungirira tambo kuitira kuti asakuvara paainge achiburitswa mumugodhi iwowo waiva nematope.—Jeremiya 38:11-13.
Zvose zvaiitwa naEbhedhi-mereki zvaiva mumaziso aJehovha. Akafadzwa nazvo here? Mwari akaudza Ebhedhi-mereki achishandisa Jeremiya kuti kuparadzwa kweJudha kwakanga kwava pedyo. Saka Jehovha akapa Ebhedhi-mereki vimbiso yokuti aizomuponesa iyo yakataurwa neimwe nyanzvi kuti yakanga “yakapetwa kashanu.” Akati: “Ndichakununura . . . Hauzoiswi mumaoko evarume . . . Chokwadi ndichakupukunyutsa . . . Hauzourayiwi nebakatwa . . . Uchava nomweya wako sezvakapambwa.” Nei Mwari akavimbisa kununura Ebhedhi-mereki? Jehovha akamuudza kuti: “Nokuti wakavimba neni.” (Jeremiya 39:16-18) Jehovha aiziva kuti zvakaitwa naEbhedhi-mereki kwaisangova kuda kubatsira Jeremiya chete asi zvairatidzawo kuti aivimba uye aitenda muna Mwari.
Apa pane chidzidzo chakajeka chokuti, Jehovha anokoshesa zvatinoedza kuita pakumunamata. Bhaibheri rinotivimbisa kuti haakanganwi kunyange zvinhu zviduku zvatinoita pakunamata zvinobva pamwoyo yedu izere nokutenda. (Mako 12:41-44) Haunzwi uchida kuva pedyo naMwari uyu anokoshesa zvaunoita pakumunamata here? Kana uchidaro, unogona kuva nechokwadi chokuti haazomboregi kuita zvinotaurwa muShoko rake zvokuti: “Anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.
Ndima dzeBhaibheri Dzamunogona Kuverenga Muna May: