Kukurukura Nemuvakidzani—Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinonakidzwa nokukurukura Bhaibheri nevavakidzani vazvo. Pane mubvunzo weBhaibheri wakambokunetsa here? Pane zvaunoda kuziva here nezvezvinotendwa neZvapupu zvaJehovha kana kuti manamatiro avo? Kana zviripo, usazeza kubvunza pauchazoonana nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Achafara kukurukura newe nyaya dzakadaro.
Zvakanyorwa pasi apa ndizvo zvingaitwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha paanenge achikurukura nemuvakidzani wake. Ngatimbotii Chapupu chinonzi Marcus chasvika pamba pomurume anonzi Robert.
Vanhu Vanoenda Kudenga Vachanoitei?
Marcus:Munofunga kuti vanhu vakanaka vane tarisiro yei mune ramangwana?
Robert:Kunyange zvazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka panyika, ndinofunga kuti vanhu vakanaka vachapiwa mubayiro wokuenda kudenga.
Marcus:Mune tariro yakanaka chaizvo. Bhaibheri rinotaura kakawanda nezvezvakaita kudenga uye ropafadzo yokuenda ikoko. Makambonyatsofunga here kuti vaya vanoenda kudenga vanenge vachinoitei?
Robert: Tichange tiina Mwari tichimurumbidza nokusingaperi.
Marcus: Inga mune tariro inofadza. Asi mufunge Bhaibheri haringotauri nezvemakomborero achawanikwa nevaya vanoenda kudenga, asiwo basa rinokosha ravachanoita.
Robert: Ibasa rei?
Marcus:Rinotaurwa pano pana Zvakazarurwa 5:10. Ndima yacho inoti nezvaJesu: “Makaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” Maona here mukoma Robert kuti vaya vanoenda kudenga vachanoita basa rei?
Robert:Ndima yacho yati vanenge vachitonga nyika.
Marcus: Handizvo here kuti pfungwa iyoyo inokosha?
Vachange Vachitonga Ani?
Marcus: Saka hamufungi here kuti kana vaya vanoenda kudenga vachinotonga semadzimambo, panofanira kunge paine vamwe vanhu vavanenge vachitonga? Nokutika hazvina musoro kuti pave nehurumende asi pasina vanhu vainenge ichitonga?
Robert: Zvauri kutaura zvinenge zvine musoro.
Marcus: Saka mubvunzo ndewokuti, Vachange vachitonga ani?
Robert: Ndinofunga kuti tinenge tichitonga vanhu vari pasi pano vanenge vasati vafa kuti vaende kudenga.
Marcus: Izvozvo zvaizova nemusoro kudai kuri kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga. Asi ngatimbofungai izvi: Kuti pangava here nevamwe vanhu vakanaka vasingaendi kudenga?
Robert:Handisati ndambonzwa vaKristu vanotenda izvozvo.
Marcus: Chaita kuti ndikubvunzei mubvunzo iwoyo mashoko ari pana Pisarema 37:29. Ndokumbirawo kuti muverenge ndima yacho.
Robert: Rega ndiverenge. Panoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”
Marcus: Mazvita. Maona here kuti vanhu vakanaka vakawanda vachagara kupi?
Robert: Ndima yati vachagara panyika.
Marcus: Mabaya dede nemukanwa, uye havazogaripo kwenguva pfupi chete. Ndima yacho yati: “Vachagara mairi nokusingaperi.”
Robert:Saka ndinofunga kuti izvi zvinongoreva kuti panyika pacharamba pachingova nevanhu vakanaka. Patinofa toenda kudenga, panoberekwawo vamwe vanhu vakanaka vachasara varipo.
Marcus: Vakawanda vangafunga kuti ndizvo zvinorehwa nendima iyi. Asi munofunga kuti ndima iyi ingava iri kutoreva zvimwe zvakasiyana neizvi here? Ingadaro ichireva here kuti vanhu vakanaka vachagara panyika nokusingaperi?
Robert: Handisi kunyatsonzwisisa zvauri kureva.
Paradhiso Pasi Pano Mune Remangwana
Marcus: Chimboonai zvinotaurwa neimwe ndima yeBhaibheri nezvezvichange zvakaita upenyu pasi pano mune remangwana. Ngativerengei Zvakazarurwa 21:4. Ndima iyi iri kutaura zvichaitirwa vanhu vachararama panguva iyoyo ichiti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Iyi haisi tarisiro inofadza here?
Robert: Inofadza. Asi ndinofunga kuti ndima iyi iri kungotaura zvichange zvakaita upenyu kudenga.
Marcus: Ndizvo hazvo kuti vaya vanoenda kudenga vachawanawo makomborero akafanana neiwayo. Asi chimbotarisai ndima yacho zvekare. Inoti chii chichaitika kurufu?
Robert: Inoti “rufu haruchazovipo.”
Marcus: Ndizvozvo. Saka ndinofunga munobvumirana neni kuti chinhu chinozobviswa chinenge chagara chiripo.
Robert: Ya-a ndizvozvo.
Marcus: Asika kudenga hakusati kwambofiwa. Panyika chete ndipo panofiwa.
Robert: Ya-a. Zvinoda kuti ndizonyatsopafunga.
Marcus: Saka mukoma Robert Bhaibheri riri kutidzidzisa kuti vamwe vanhu vakanaka vachaenda kudenga asi vakawanda vachagara pasi pano nokusingaperi. Ndinofunga makatombonzwa mashoko aya akakurumbira okuti: “Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.”—Mateu 5:5, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Robert: Zvechokwadi, ndakambonzwa ndima iyoyo ichiverengwa kakawanda kuchechi.
Marcus: Kana zvichinzi vanyoro vachagara nhaka yenyika, hazvirevi here kuti vachange vari pasi pano? Makomborero ataurwa muna Zvakazarurwa achawanikwa nevanhu vachagara pasi pano. Vachaona kuchinja zvachose kuchaita zvinhu panyika pano nokuti Mwari achabvisa zvakaipa zvose zvinosanganisira rufu.
Robert: Ndinenge ndava kunzwisisa zvauri kutaura, asi handisi kunyatsogutsikana nendima shoma dzataverenga.
Marcus:Hadzisi idzodzo dzoga. Panotova nemagwaro akawanda anotaura zvichange zvakaita upenyu panyika munguva yemberi. Kana muchine nguva ndinogona kukuratidzai imwe yendima dzandinofarira.
Robert: Tinogona kukurukura zvedu kwemaminitsi mashoma.
“Munhu Akaipa Haazovipozve”
Marcus:Tamboverenga Pisarema 37:29. Ngatidzokerei kupisarema iroro. Iye zvino tichaverenga ndima 10 ne11. Mungaverenga here ndima dzacho?
Robert:Panoti: “Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; Uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”
Marcus:Mazvita. Ndima 11 iri kuti “vanyoro” kana kuti vanhu vakanaka vachagara kupi?
Robert: Iri kuti “vachagara nhaka yenyika.” Asi ndinofunga kuti ndima iyi iri kutotaura zviri kuitika iye zvino, nokuti panyika panotova nevanhu vakanaka.
Marcus: Ndizvozvo. Asi onai kuti ndima yacho iri kutiwo vanhu vakanaka vachange vaine “rugare rukuru.” Tingati iye zvino panyika pane rugare norunyararo here?
Robert: Kwete.
Marcus: Saka vimbiso iyi ichazadzikiswa sei? Regai ndimbokupai muenzaniso. Ngatitii mune vanhu vari kuroja pamba penyu. Vamwe vacho vanhu kwavo, vanotarisira makamuri avo zvakanaka uye vanogarisana nevamwe zvakanaka. Asi vamwe vacho vakaoma musoro uye vanogara vachiuraya zvinhu uye vachinetsana nevamwe. Hapana mubvunzo kuti maizoda kurojesa vaya vane unhu hwakanaka. Asi mungaita sei kana vaya vane unhu hwakaipa vakasachinja maitiro avo?
Robert: Ndinovabvisa.
Marcus:Ndizvo zvichaitwawo naMwari kuvanhu vakaipa. Ngativerenge zvekare ndima 10. Iri kuti: “Munhu akaipa haazovipozve.” Zviri kurehwa pano ndezvokuti Mwari “achabvisa” vanhu vanotambudza vamwe. Izvi zvichaita kuti vanhu vakanaka vanakidzwe noupenyu panyika vasina chokutya. Ndinozviziva kuti pfungwa yokuti vanhu vakanaka vachagara panyika nokusingaperi ingave yakati siyanei nezvamagara muchidzidziswa.
Robert: Zvechokwadi handina kumbobvira ndanzwa dzidziso yakadaro kuchechi kwedu.
Marcus:Uye sezvamambotaura, ndima imwe kana kuti mbiri chete dzingasajekesa nyaya zvakanaka. Saka tinofanira kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri rose nezveramangwana revanhu vakanaka. Zvisinei, kubva pamagwaro ataverenga nhasi, munofunga kuti zvinoita here kuti vamwe vanhu vashoma vaende kudenga, asi vamwe vose vakanaka vachigara pasi pano nokusingaperi?
Robert: Handizivi. Asi magwaro awaverenga anoratidza sokuti ndizvo zvichaitika. Ndinofanira kuongorora nyaya iyi zvakare.
Marcus: Pamuchaongorora nyaya iyi, mungava nemimwe mibvunzo. Somuenzaniso, mungabvunza kuti vanhu vose vakanaka vakararama kare vakaenda kudenga here? Kana vasina, saka vari kupi?
Robert: Mibvunzo iyoyo inokosha.
Marcus: Pane zvinhu zviviri zvandinogona kukuitirai. Chokutanga regai ndikunyorerei pasi magwaro anotaura nezvenyaya iyi.a Chechipiri ndinogona kudzoka tozokurukura magwaro acho kana mukawana nguva yokuaverenga nokufunga kuti ari kurevei. Zvinoita here?
Robert: Ya-a zvinoita. Waita basa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Jobho 14:13-15; Johani 3:13; uye Mabasa 2:34.