Zviri Mukati
February 15, 2014
© 2014 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
YOKUDZIDZA
APRIL 7-13, 2014
Rumbidzai Kristu, Mambo Anokudzwa!
PEJI 3 • NZIYO: 99, 107
APRIL 14-20, 2014
Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!
PEJI 8 • NZIYO: 109, 100
APRIL 21-27, 2014
Jehovha Anotipa Zvatinoda Uye Anotidzivirira
PEJI 16 • NZIYO: 60, 51
APRIL 28, 2014–MAY 4, 2014
Jehovha iShamwari Yedu Yepamwoyo
PEJI 21 • NZIYO: 91, 63
NYAYA DZOKUDZIDZA
▪ Rumbidzai Kristu, Mambo Anokudzwa!
▪ Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!
Mambo Mesiya, Jesu Kristu, anosungira bakatwa rake uye anotasva bhiza kuti akunde vavengi vake. Paanenge apedza kukunda kwake, anoroora mwenga akanaka chaizvo, uye mwenga wacho ane mhandara dzinomutevera seshamwari. Zviitiko izvi zvinofadza zviri muPisarema rechi45. Ona kuti zvinokubatsira sei.
▪ Jehovha Anotipa Zvatinoda Uye Anotidzivirira
▪ Jehovha iShamwari Yedu Yepamwoyo
Chii chingatibatsira kuti tiwedzere kuda kwatinoita Baba vedu vokudenga Jehovha? Nyaya idzi dzichatibatsira kuti tisimbise ukama hwedu naJehovha uyo anotipa zvatinoda, anotidzivirira uye Shamwari yedu yepamwoyo. Dzichatikurudzirawo kubatsira vamwe kuti vamukudze.
DZIMWEWO NYAYA
13 Chirikadzi yeZarefati Yakapiwa Mubayiro Nokuti Yaiva Nokutenda
KAVHA: Nzvimbo iyi inoungana vanhu vakawanda (Michaelerplatz) kuVienna yakanakira kukurukura nevanhu Bhaibheri. Hanzvadzi yedu iri kuparidza muchiChinese uye iri kugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
AUSTRIA
VAPARIDZI
20 923
MAPIYONA
2 201
VANODZIDZA BHAIBHERI
10 987
MuVienna, mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzwa mumitauro 25