RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 6/1 pp. 6-7
  • Vesayenzi Vane Zvavasingazivi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vesayenzi Vane Zvavasingazivi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
    Mukai!—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 6/1 pp. 6-7
Musayendisiti ari maanoshandira

NYAYA IRI PAKAVHA | SAYENZI YAKATSIVA BHAIBHERI HERE?

Vesayenzi Vane Zvavasingazivi

Munguva ichangopfuura, kune mabhuku akati kuti akabudiswa anotsanangura zvinotaurwa nechimwe chikwata chemazuva ano chevanhu vanoti hakuna Mwari. Mabhuku aya akafarirwa nevakawanda uye akaita kuti kwose kwose vanhu vataure nezvawo uye vapikisane zvakanyanya. Mumwe murume anoongorora kudyidzana kunoita muviri nepfungwa anonzi David Eagleman akanyora nezvemabhuku iwayo kuti: “Vamwe vaverengi vanofunga kuti . . . vesayenzi vanoziva zvese.” Akawedzera kuti: “Asi kana musayendisiti achigona basa, anofanira kubvuma zvinofungwa nevamwe, uye anotowana zvimwe zvinhu zvitsva kunyange zvaanga asingatarisiri.”

Musayendisiti ari kuongorora nyeredzi achishandisa teresikopu

Kubvira kare, vesayenzi vane unyanzvi vaitsvaga mhinduro dzemibvunzo yakaoma pamusoro pezvinhu zviriko. Patsvakurudzo dzavaiita, vakatoziva zvimwe zvinhu zvinoshamisa. Asi vamwe vavo vakambotaurawo zvisiri izvo. Isaac Newton aiva mumwe wenyanzvi dzesayenzi dzaiva nemukurumbira. Akaratidza kuti simba rinokwevera zvinhu pasi rinoita sei kuti mapuraneti, nyeredzi uye mapoka akakura enyeredzi zvisabve panzvimbo yazvo. Akatanga masvomhu akazoita kuti pakwanise kugadzirwa makombiyuta, uye anoshandiswa nevanotyaira ndege, uye vanoongorora zvinhu zvinoshanda nesimba renyukiriya. Newton akatangawo sayenzi yekuedza kuchinja simbi inonzi lead nedzimwewo kuti dzive goridhe pachishandiswa masimba asinganzwisisiki uye ruzivo rwekuongorora nyeredzi.

Makore anopfuura 1 500 Newton asati aberekwa, Ptolemy wekuGreece uyo aiongorora nyeredzi akaongorora matenga achishandisa maziso ake chete. Aiongorora mapuraneti usiku uye aiva nyanzvi pakugadzira mamepu. Asi aifunga kuti nyika ndiyo iri pakati pezvinhu zvese. Muongorori wenyeredzi nemapuraneti Carl Sagan akati nezvaPtolemy: “Tsanangudzo yake yekuti nyika ndiyo iri pakati pezvinhu zvose yakabvumwa nevakawanda kwemakore 1 500, uye izvi zvinoratidza kuti kunyange munhu akangwara chaizvo anogona kutaura zvisirizvo.”

Musayendisiti ari kuverenga Bhaibheri

Izvi ndizvo zviri kuitikawo kune vesayenzi mazuva ano. Vachazombosvika pakunyatsonzwisisa zvinhu zvose zviriko here? Kunyange zvazvo zvakanaka kuti tione kufambira mberi kwaita vesayenzi uye kubatsira kwairi kuita, zvakanakawo kuziva kuti pane zvavasingakwanisi kuita. Muongorori wenyeredzi nemapuraneti, Paul Davies, akati: “Hazvikwanisiki kuwana tsanangudzo yezvinhu zvose zviriko, isingachinji uye inoshanda nguva dzose.” Mashoko aya anoratidza chokwadi chisingarambiki chekuti: Vanhu havakwanisi kusvika pakunyatsonzwisisa zvinhu zvose zviriko. Saka kana vanhu vakati sayenzi ichakwanisa kutsanangura zvinhu zvose zviriko, zvakanaka kuti tisabva tangotenda izvozvo, tichiti ichocho ndicho chokwadi.

Zviri pachena kuti Bhabheri rinotiudza zvinhu zvatisingakwanisi kuwana kune vesayenzi

Bhaibheri rinotaura nezvezvinhu zvose zvinoshamisa zviriko richiti: “Tarirai! Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzake [Mwari], uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake!” (Jobho 26:14) Pane zvakawanda zvisingakwanisi kuzivikanwa uye kunzwisiswa nevanhu. Hapana mubvunzo kuti mashoko emuapostora Pauro, aakanyora makore anoda kusvika 2 000 akapfuura achiri kushanda anoti: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei!”—VaRoma 11:33.

Zvisingakwanisi Kuitwa Nesayenzi

Sayenzi inotibatsira kuziva zvinhu zviriko, asi Bhaibheri rinotidzidzisa uye rinotitungamirira kuti tigarisane zvakanaka nevamwe uye tifare nekugutsikana muupenyu. Ona mienzaniso inotevera.

  • Ruoko ruri kupa chiratidzo chekuti mhosva dzimire kuparwa

    Kuita Kuti Pasava Nekuparwa Kwemhosva

    Koshesa upenyu

    “Usaponda.”​—Eksodho 20:13.

    “Munhu wose anovenga hama yake muurayi.”​—1 Johani 3:⁠15.

    Garisana nevamwe zvakanaka, woramba wakadaro

    “Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; tsvaka rugare, urutevere.”​—Pisarema 34:14.

    “Mbeu yechibereko chokururama inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.”​—Jakobho 3:18.

    Usaita chisimba

    “Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa, mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.”​—Pisarema 11:5.

    “Usaitira shanje murume anoita zvechisimba, kana kusarudza imwe yenzira dzake. Nokuti munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha.”​—Zvirevo 3:31, 32.

  • Mhuri

    Kuva Nemhuri Inofara

    Teerera vabereki vako

    “Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nokuti izvi ndizvo zvakarurama: ‘Kudza baba vako naamai vako’; uyo uri murayiro wokutanga une chipikirwa chokuti: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’”​—VaEfeso 6:1-3.

    Dzidzisai vana venyu zvakanaka

    “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.”​—VaEfeso 6:4.

    “Musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”​—VaKorose 3:21.

    Ida uye remekedza wawakaroorana naye

    “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”​—VaEfeso 5:33.

  • Muti

    Kuchengetedzwa kwezvakatipoteredza

    Bhaibheri rakataura nezvevanhu vaisvibisa nyika nenzira dzakasiyana-siyana muIsraeri richiti: “Nyika yasvibiswa nevagari vayo . . . Ndokusaka . . . vaya vanogara mairi vachinzi vane mhosva.” (Isaya 24:5, 6) Mwari achatonga vanhu vanonakidzwa havo nekungoparadza zvakatipoteredza. Achaparadza “vaya vanoparadza nyika.” (Zvakazarurwa 11:18) Haasi kuzorega kuvaranga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2021)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2021 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe