RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 6/1 pp. 3-5
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVISINGAGONI KUITWA NESAYENZI
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
    Mukai!—2002
  • Kuwiriranisa Sayenzi Nechitendero
    Mukai!—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 6/1 pp. 3-5
Kufambira mberi kwesayenzi pakugadzira zvinhu zvinosanganisira motokari, GPS, setiraiti, ndege, pakuona zvakaita uropi

NYAYA IRI PAKAVHA | SAYENZI YAKATSIVA BHAIBHERI HERE?

Sayenzi Inokubatsira Sei?

Maererano nerimwe duramazwi, sayenzi “kuongorora kuti zvinhu zvose zviriko zvakaita sei uye mashandiro azvo, tichishandisa masvomhu nezvimwewo, uye zvichibva pane zvatinoona.” Iri ibasa rakaoma uye rinowanzotemesa musoro. Vesayenzi vanoita mavhiki, mwedzi yakawanda kana kutoti makore vachiongorora mashandiro anoita zvinhu. Kazhinji kacho zvavanowana zvinobatsira vanhu, kunyange zvazvo dzimwe nguva vachitadza kuwana zvavanenge vachitsvaga. Ona mienzaniso mishoma inotevera.

Imwe kambani yekuEurope yakashandisa purasitiki yakasimba nesefa dzemhando yepamusoro pakugadzira muchina unochenesa mvura kuti munhu arege kurwara nekunwa mvura ine utachiona. Michina yakadaro yakashandiswa munguva yenjodzi dzakadai sekudengenyeka kwenyika kwakaitika kuHaiti muna 2010.

Mudenga mune masetiraiti akawanda anoshanda pamwe chete achiita kuti pave neinonzi GPS (Global Positioning System). GPS yakagadzirwa kuti ishandiswe nemauto, asi iye zvino yava kubatsira vatyairi vemotokari, vendege, vezvikepe, uye vavhimi nevanenge vachifamba mumasango kuti vazive kwavari kuenda. Kudai masayendisiti asina kugadzira GPS zvaizooma kuti uzive nzira yekwaunenge uchida kuenda.

Unoshandisa foni yeserura, kombiyuta kana kuti Indaneti here? Utano hwako hwava nani here kana kuti wakapora pakurwara nekuti wakarapwa nemishonga yemhando yepamusoro here? Unofamba nendege here? Kana zvakadaro, uri kutoshandisa zvimwe zvinhu zvakagadzirwa nevesayenzi zvinoita kuti upenyu huve nyore. Sayenzi iri kukubatsira pazvinhu zvakawanda.

ZVISINGAGONI KUITWA NESAYENZI

Mazuva ano vesayenzi vari kuongorora zvimwe zvinhu zvakawanda kuti vawedzere pane zvavanoziva. Vaongorori vezvinhu zvinoshandisa simba renyukiriya vari kuongorora kushanda kunoita atomu. Vaongorori venyeredzi nemapuraneti vari kuongororawo vachidzoka shure mabhiriyoni emakore, vachiedza kuziva kuti zvinhu zvose zvakabva kupi. Sezvavanoongorora zvakadzama, kunyange kutosvika pakuziva zvinhu zvisingaoneki kana kubatika, vamwe vezvesayenzi vanofunga kuti dai Mwari anotaurwa muBhaibheri ariko, vangadai vava kuziva kwaari.

Vamwe vezvesayenzi nevazivi vane mukurumbira vanotoita zvinopfuura apa. Vanobvumirana naAmir D. Aczel, anonyora zvine chekuita nesayenzi, uyo akambonyora kuti “sayenzi inoratidza kuti Mwari haako.” Somuenzaniso, mumwe murume anoita zvesayenzi, anozivikanwa munyika yose akati, “sezvo pasina kana chinoratidza kuti kuna Mwari ari kuitawo chimwe chinhu pazvinhu zvose zviripo, chokwadi ndechekuti haako.” Vamwewo vanofunga kuti zvakaitwa naMwari anotaurwa muBhaibheri “ndezvemashiripiti” uye “hazvitsananguriki.”*

Asi mubvunzo unovapo ndewekuti: Vesayenzi vakatoongorora zvinhu zvakawanda here zvekuti vanokwanisa kunyatsobudisa kuti zvavari kufunga ndicho chokwadi? Mhinduro ndeyekuti kwete. Vesayenzi vafambira mberi zvinoshamisa, asi vakawanda vavo vanobvuma kuti pane zvakawanda zvisati zvava kuzivikanwa uye nezvimwe zvinogona kutadza kuzivikanwa zvachose. Steven Weinberg uyo akahwinha Nobel Prize nenyaya yekugona sayenzi akati, “Hatimbofi takakwanisa kuziva zvinhu zvose.” Muzvinafundo Martin Rees, mukuru mukuru wevanoongorora nyeredzi nemapuraneti kuBritain akanyora kuti: “Panogona kuva nezvimwe zvinhu zvisingafi zvakanzwisiswa nevanhu.” Chokwadi ndechekuti kune zvinhu zvakatowanda zvisati zvava kuzivikanwa nevesayenzi, zvinobvira pasero diki diki kusvika kuzvinhu zvakakura. Ona mienzaniso inotevera:

  • DNA

    Vanoongorora zvinhu zvipenyu havanyatsonzwisisa zvose zvinoitika mumasero ezvinhu zvipenyu. Vesayenzi havasati vava kukwanisa kunyatsotsanangura kuti masero anoshandisa sei simba, anogadzira sei mapuroteni, uye kuti anowanda sei.

  • Mukomana ari kubhambisa bhora

    Simba rinonzi giravhiti iro rinokwevera zvinhu pasi rinotibatsira siku nesikati. Asi vesayenzi havazivi kuti rinoshanda sei. Havanyatsonzwisisa kuti rinokukwevera sei pasi kana wasvetuka uye kuti rinoita sei kuti mwedzi urambe uchitenderera nyika usingabudi mugwara rawo.

  • Nyeredzi nezvimwe zvinhu zviriko

    Vanoongorora kwakabva zvinhu zvose vanofungidzira kuti zvinhu zvinosvika 95 muzana pazvinhu zvose zviriko hazvioneki uye hazvigoni kuongororwa nemichina yesayenzi. Vanoisa zvinhu izvi muzvikwata zviviri zvinoti, zvinhu zvisingaoneki uye simba risati rava kunzwisiswa.

Panewo zvimwe zvisingazivikanwi zvinotemesa vesayenzi musoro. Sei tichitaura kudaro? Mumwe murume anonyora nezvesayenzi ane mukurumbira akanyora kuti: “Zvatisingazivi zvakatowanda nekure pane zvatinoziva. Ndinoona sekuti sayenzi inofanira kuita kuti ude kudzidza zvimwe zvinhu pane kuti ungoti zvandinoziva ndizvozvo, hazvichinji.”

Saka kana uchifunga kuti zvimwe sayenzi ndiyo yava kushanda pane Bhaibheri uye kuti ine musoro pane kutenda muna Mwari, funga zvinotevera: Kana masayendisiti akangwara ane michina ine simba achingonzwisisa zvishomanana, zvine musoro here kubva tangoramba zvimwe zvose zvisingakwanisi kuongororwa nesayenzi? Pakupedzisa nyaya yakareba inotsanangura kwakatangira zvekuongorora nyeredzi nemapuraneti, Encyclopedia Britannica inotaura isingapotereri kuti: “Pashure pemakore anenge 4 000 ekuongorora nyeredzi nemapuraneti, zvinhu zviriko zvichiri kushamisa sezvazvingadaro zvaiita kuvanhu vekuBhabhironi.”

Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza kodzero yemunhu ega ega yekusarudza kuti obvuma zvipi panyaya iyi. Tinoedza kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri parinoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaFiripi 4:5) Tichifunga nezvepfungwa iyi, tinokukumbira kuti uongorore kuti sayenzi neBhaibheri zvinotsigirana uye zvinowirirana sei.

Vamwe vanoramba zviri muBhaibheri nemhaka yedzidziso dzemachechi dzekare uye dzemazuva ano, dzakadai seyekuti nyika ndiyo iri pakati pezvinhu zvese zviripo uye yekuti Mwari akasika nyika mumazuva 6, rimwe nerimwe riine maawa 24.​—Ona bhokisi rakanzi “Kuenzanisa Bhaibheri Nezvinhu Zvakaonekwa Kuti Ndezvechokwadi Nesayenzi.”

Kuenzanisa Bhaibheri Nezvinhu Zvakaonekwa Kuti Ndezvechokwadi Nesayenzi

MuBhaibheri hapana pakanyorwa kuti iro ibhuku rezvesayenzi. Asi vanyori varo vakataura zvinhu zvakarurama zvingafarirwawo nevesayenzi mazuva ano. Ngationei zvimwe zvacho.

  • Nyeredzi nezvimwe zvinhu zviriko

    Nyika nezvimwe zvinhu zvose zvava nenguva yakareba sei zviripo?

    Vesayenzi vanofungidzira kuti nyika yava nemakore anenge mabhiriyoni 4 iripo uye kuti zvimwe zvinhu zvose zvava nemakore anenge mabhiriyoni 13 kana kuti 14 zviripo. Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvose zvakasikwa riini. Hapana parinotaura kuti nyika yakasikwa zviuru zvishomanana zvemakore zvakapfuura. Vhesi yekutanga chaiyo muBhaibheri inoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Mashoko aya anoita kuti masayendisiti akwanise kutsvakurudza kuti zvinhu zvose zvakavapo riini vachishandisa mitemo inonyatsoshanda yesayenzi.

  • Makomo, miti, nemvura

    Zvii zvakaitwa kuti nyika izogarwa nevanhu?

    Muchitsauko 1 chaGenesisi munoshandiswa shoko rekuti “zuva” pachitsanangurwa zvaiitwa kuti nyika izokwanisa kugarwa nezvinhu zvipenyu zvose. Nyaya yacho iri nyore, uye inoratidza kuti vanhu ndivo vakapedzisira kusikwa. Bhaibheri haritauri kuti mazuva 6 ekusikwa kwezvinhu ainge akareba sei. Saka masayendisiti ariko mazuva ano anogona kuongorora kuti rimwe nerimwe rainge rakareba sei. Tinoziva kuti rimwe nerimwe remazuva acho rainge rakareba kupfuura maawa 24.

  • Nyika

    Nyika yakaturikwa pai?

    Bhaibheri rinotsanangura kuti nyika yakaturikwa “pasina chinhu.” (Jobho 26:7) Hapana parinombotaura kuti nyika yakagara pamapfudzi emhitsa kana kuti pamisana yenzou dzinenge dzakamira pamusana wekamba, sezvaitaurwa nengano dzenhema dzakakurumbira dzekare. Saka Bhaibheri rinopa vesayenzi mukana wekuti vaite ongororo dzavo. Nekufamba kwenguva, Nicolaus Copernicus naJohannes Kepler vakazotsanangura kufamba kunoita mapuraneti achitenderera zuva achishandisa simba risingaoneki. Isaac Newton akazoratidza kuti zvinhu zvose zviri muchadenga zvinoshandisa sei giravhiti pakufamba kwazvinoita.

  • bhakitiriya

    Mirayiro ipi yaibatsira pakuva neutsanana uye pakudzivirira zvirwere?

    Bhuku raRevhitiko rine mirayiro yakapiwa vaIsraeri pamusoro pekuti vaifanira kudzivirira sei kupararira kwezvirwere zvinotapukira. Mirayiro yacho yaisanganisira kuita kuti munhu airwara agare kwake oga. Mutemo waitaurawo nezveutsanana, sezvakanyorwa pana Dheuteronomio 23:12, 13 apo panotaura kuti vaIsraeri vaifanira kurasira tsvina yavo kunzvimbo yakavanda, iri kunze kwemisasa yavaigara ‘voifushira.’ Vesayenzi navanachiremba vakatozoona kuti izvi zvinoshanda makore 200 akapfuura.

Mashoko emuBhaibheri auchangobva kuverenga akanyorwa mazana emakore akapfuura. Chii chakaita kuti vanyori ava vanyore zvinhu zvakarurama kudai zvakanga zvisingazivikanwi kunyange nevanhu vakawanda vainge vakadzidza chaizvo vaivako mazuva iwayo? Munyori weBhaibheri anoti: “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvowo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, uye kufunga kwangu kupfuura kufunga kwenyu.”​—Isaya 55:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2021)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2021 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe