Zviri Mukati
VHIKI YASEPTEMBER 25, 2017–OCTOBER 1, 2017
3 Une Chido Chekumirira Nemwoyo Murefu Here?
VHIKI YAOCTOBER 2-8, 2017
8 “Rugare rwaMwari Runopfuura Kufunga Kwose”
Nyaya yekutanga inotsanangura kuti nei tichifanira kuva nechido chekumirira Jehovha. Tichaonawo kuti mienzaniso yevarume nevakadzi vakatendeka vekare ingatibatsira sei kuti tidzidze kumirira nemwoyo murefu. Nyaya yechipiri inoratidza kuti Jehovha anoita sei zvinenge zvisingatarisirwi kuburikidza nekuita zvatisingambofungidziri. Izvi zvichasimbisa chivimbo chedu maari sezvatinomirira nemwoyo murefu kuti agadzirise zvinhu.
13 Nyaya Youpenyu—Kutsungirira Matambudziko Kunounza Makomborero
VHIKI YAOCTOBER 9-15, 2017
17 Tinopfekenura Sei Unhu Hwekare Torega Kuhupfekazve?
VHIKI YAOCTOBER 16-22, 2017
22 Tinopfeka Sei Unhu Hutsva Torega Kuhupfekenura?
Nyaya yekutanga inotsanangura zvinorehwa nekupfekenura unhu hwekare uye kuti nei kuchifanira kukurumidza kuitwa. Inotaurawo zvatingaita kuti tisapfekazve unhu hwekare. Nyaya yechipiri inotaura nezvezvinhu zvakasiyana-siyana zvinoumba unhu hutsva uye inotsanangura kuti tingazviratidza sei muupenyu nemuushumiri hwedu.