RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/02 p. 5
  • Gutsa Chinodiwa Chako Chomudzimu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gutsa Chinodiwa Chako Chomudzimu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Teerera uye Wedzera Kudzidza’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Teerera Udzidze
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Kokorodzano Dzeruwa dze“Shoko raMwari Rouprofita” dza1999
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Kokorodzano Yoruwa ya1996 Ye“Nhume Dzorugare rwaMwari”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 7/02 p. 5

Gutsa Chinodiwa Chako Chomudzimu

1 Kokorodzano yedu Yoruwa iri kuuya ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” inotipa mukana wakaisvonaka wokugutsa chinodiwa chedu chomudzimu. Sezvinongoita zvokudya zvokunyama zvakanaka, purogiramu yacho inovimbisa kutigutsa mumudzimu “nemashoko okutenda.” (1 Tim. 4:6) Ichatiita kuti tiswedere pedyo zvikuru naJehovha. Uye tinogona kutarisira kupiwa mazano nekurudziro zvingatibatsira kutsungirira miedzo yatinosangana nayo muupenyu hwedu. Jehovha anotivimbisa kuti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.” (Pis. 32:8) Takakomborerwa zvikuru kuti tine nhungamiro yake ine rudo muupenyu hwedu! Funga nhanho dzinoshanda dzatingatora kuti tibatsirwe zvikuru nepurogiramu yekokorodzano.

2 Tinoda Kugadzirira Mwoyo Wedu: Mumwe nomumwe wedu ane mutoro wokuchengetedza mwoyo wake wokufananidzira. (Zvir. 4:23) Izvi zvinoda kuti tizvirange uye kuti isu pachedu tive vakatendeseka. Kokorodzano inguva yokufungisisa ukama hwedu naJehovha, nguva ‘yokutarisisa mutemo wakakwana worusununguko.’ Kuti tigadzirire mwoyo wedu ‘kugamuchira kusimwa kweshoko,’ tinofanira kukumbira Jehovha kuti ationgorore, aone matiri “nzira [ipi neipi] yakaipa” inoda kururamiswa, uye ati“fambise munzira isingaperi.”—Jak. 1:21, 25; Pis. 139:23, 24.

3 Teerera uye Fungisisa: Jesu akarumbidza Mariya nemhaka yokunyatsoteerera mashoko ake, achiti: “Mariya asarudza mugove wakanaka, uye haangautorerwi.” (Ruka 10:39, 42) Kana tichifunga saizvozvo, hatizobvumiri zvinhu zvisingakoshi kutitsausa. Tichava nechokwadi chokuti tinenge takagara uye tichiteerera nguva yepurogiramu yacho yose. Ticharega kungotaura-taura kana kufamba-famba uye tichangwarira kusatsausa vamwe nenhare dzeserura, mapeja, makamera, uye makamera evhidhiyo.

4 Patinoteerera hurukuro, zvakanaka kunyora mashoko mashoma anotibatsira kunzwisisa kutsanangurwa kuri kuitwa hurukuro yacho. Tinofanira kubatanidza zvatinonzwa nezvatagara tichiziva nechekare. Izvi zvichatibatsira kunzwisisa ndokuramba tichiyeuka nyaya yacho. Patinodzokorora zvatinenge tanyora, tinoda kuita kudaro nechinangwa chokuzvishandisa. Mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Izvi zvinokudziridza sei ukama hwangu naJehovha? Ndinofanira kuchinja chii muupenyu hwangu? Ndingazvishandisa sei pakubata nevamwe? Ndingazvishandisa sei muushumiri hwangu?’ Kurukura nevamwe pfungwa dzinonyanya kutifadza. Kuita zvinhu izvi kuchatibatsira kuchengeta mashoko aJehovha ‘mukati momwoyo wedu.’—Zvir. 4:20, 21.

5 Ngatishandisei Zvatinodzidza: Pashure pokupinda imwe kokorodzano yoruwa, imwe hama yakati: “Purogiramu yacho yakanga ichibatsira zvikuru munhu mumwe nomumwe, ichimukurudzira kuti aongorore zvakaita mwoyo wake newemhuri yake, uye kuti ape rubatsiro rworudo rweMagwaro runodiwa. Yakaita kuti ndiwedzere kuziva mutoro wangu wokubatsira ungano.” Zvimwe vakawanda vedu takanzwa saizvozvo. Asi hazvina kukwana kuti tibve tichingonzwa takurudzirwa uye tazorodzwa chete. Jesu akati: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.” (Joh. 13:17) Tinofanira kushingaira kushandisa pfungwa dzinoshanda kwatiri isu pachedu. (VaF. 4:9) Izvi ndizvo zvinokosha kuti tigutse zvizere zvinodiwa zvedu zvomudzimu.

[Bhokisi riri papeji 5]

Fungisisa Zvaunonzwa:

■ Zvinokudziridza sei ukama hwangu naJehovha?

■ Zvinoshandura sei mabatiro andinoita nevamwe?

■ Ndingazvishandisa sei muupenyu hwangu nomuushumiri hwangu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe