Kuva Nomwero Mumupfekero
1 “Varume vose, kunyange vakomana vaduku, vakasunga matayi. Vakadzi vose uye vasikana vachiri kuyaruka nevaduku-duku vose vakapfeka madhirezi kana kuti masiketi. Hapana akapfeka majini kana kuti hembe isina tayi. Munhu wose ari pano akachena zvikuru.” Izvi ndizvo zvakataurwa nomumwe mushumo wenhau. Wakanga uchirondedzera boka revanhu vorudzii? Vanhu vakaungana pamusangano wezvematongerwe enyika here? Vari pamutambo here? Pakonzati here? Aiwa! Wakanga uchirondedzera boka rehama nehanzvadzi dzaiva pakokorodzano yoruwa huru gore rapera.
2 Mune rimwe guta rakaitirwa kokorodzano, mumwe mutori wenhau werimwe pepa akarondedzera boka reZvapupu achiti: “Varume vose vakachena uye vakapfeka masutu nematayi. Vakadzi vakapfeka zvine mwero uye zvakanaka.” Mumwe wechipiri akacherechedza ndigadhi, uyo akati: “Muri vanhu vane tsika, ruremekedzo, uye rucheno. Zvandaona zvakaisvonaka. Munyika ino yakasviba, makakwanisa kusiyana netsvina yacho!” Uchapupu hwakazonaka nokuda kwedu! Hationgi here kuti kuungana kwedu sehama kunogona kutaurwa zvakanaka nezvakwo? Chokwadi, vanhu vose vari muboka racho vanoita kuti pave nemishumo yakanaka nemhaka yechitarisiko chavo chakanaka.
3 Tinozivikanwa pasi pose nokuda kwomusiyano wakajeka muchitarisiko chedu. (Mar. 3:18) Nei? Nemhaka yokuti tinotevera zano reMagwaro rokuti ‘tishonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, tine mwero nokunaka kwepfungwa, munzira inokodzera vaya vanoti vanotya Mwari.’—1 Tim. 2:9, 10.
4 Unoratidzei Nomupfekero Wako? Mbatya dzatinopfeka uye mupfekero watinodziita unotaura chimwe chinhu pamusoro pedu—zvatinotenda, mafungiro edu, uye zvatinovavarira. Zvitayera zvatinosarudza zvinoratidza kuti tiri vanaani uye kuti tinomiririra chii. Hatitombofaniri kusimudzira mafungiro uye mufambiro wakashata unofarirwa zvikuru munyika. Hatina hanya nokuti chitayera chakati ndicho chiri mufashoni asi kuti chakakodzera here munhu anozviti mushumiri waMwari. (VaR. 12:2) Pane kusarudza chitarisiko chokunze chinoratidza kuzvimirira kana kuti mararamiro ounzenza, tinoda kuratidza kuti ‘tinopa mbiri kuna Mwari’ zvechokwadi.—1 Pet. 2:12.
5 Dzimwe nguva, munhu achiri mutsva, asati ava noruzivo, kana kuti asina kusimba mumudzimu angatora mupfekero wose unobudiswa nenyika asina kumbofunga kuti unopa pfungwa ipi pana Jehovha nesangano rake. Tose zvedu tingada kuzviongorora kuti tione kana tave tichipesvedzerwa nemafungiro enyika. Tinogona kuenda kune hama kana hanzvadzi yakakura mumudzimu, tobva taikumbira kuti itaure zvinobva pamwoyo nezvembatya uye kuzvigadzira kwedu uye zvadaro toyera zvakakomba mazano atinenge tapiwa.
6 Vamwe vanobvuma nyore nyore kuti vanofanira kungwarira pamusoro pomupfekero wavo pavanenge vachipinda kokorodzano. Asi vangabva varega kukoshesa mupfekero wavo panguva yokuzorora purogiramu yacho yapera. Ramba uchipfeka zvakanaka zvinokodzera vashumiri vechiKristu. (2 VaK. 6:3, 4) Kwose kwatinoenda kune vanhu, mabheji edu ekokorodzano uyewo mupfekero wakakodzera zvinotizivisa kuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Nokudaro, zvatinopfeka zvinofanira kuva zvakanaka nezvine mwero nguva dzose, zvichiratidza kuti hati“si rutivi rwenyika.”—Joh. 15:19.
7 Ngatiitei zvose zvatingagona kuratidza kuti tiri “rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari [wedu]” paKokorodzano Yoruwa yegore rino ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira.” Zvakanaka zvatichaita zvichawedzera ‘kurumbidzwa, mukurumbira, uye kukudzwa’ kunoitwa Jehovha.—Dheut. 26:19.
[Bhokisi riri papeji 6]
Kurumbidza Kwaungaita Jehovha:
■ Pfeka nenzira yakakodzera mushumiri waMwari.
■ Usapfeka zvitayera zvinoratidza mudzimu wenyika.
■ Iva nomwero mumupfekero, zvinoratidza kunaka kwepfungwa.