RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/02 p. 1
  • ‘Unoda’ Kubatsira Vamwe Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Unoda’ Kubatsira Vamwe Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Ungabatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Tevedzera Jesu Nekushumira Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Vabereki, Goverai Zvinodiwa Nemhuri Yenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 6/02 p. 1

‘Unoda’ Kubatsira Vamwe Here?

1 Jesu aiva nehanya nevanhu zvechokwadi. Mumwe munhu aiva nemaperembudzi paakateterera kubatsirwa, Jesu akatambanudza ruoko rwake, ndokubata murume wacho achibva ati: “Ndinoda. Cheneswa.” (Mako 1:40-42) Tingatevedzera sei zvaiitwa naJesu pakubatsira vamwe?

2 Vanhu Vanofarira: Nhengo imwe neimwe yeungano ine zvainoita kuti ibatsire vanofarira kuti vave vanamati vaJehovha. Vatsva pavanouya kumisangano, vakwazise uye zivana navo. Tsvaka nzira dzokuvakurudzira nadzo. Varumbidze nokuda kwemhinduro dzavanopa. Vaonge nemhaka yokuedza kwavanoita kushandisa nhungamiro yeBhaibheri muupenyu hwavo. Vabatsire kuona kuti zvinobvira kuti vave neshamwari dzechokwadi muungano.

3 Vatinonamata Navo: “Vaya vane ukama nesu mukutenda” vanonyanya kuda kubatsirwa nesu munzira dzakasiyana-siyana. (VaG. 6:10) Vakawanda vanotambura nezvinetso zvoutano. Unogona kuvaratidza ushamwari hunodiwa uye zvimwe wovabatsirawo munzira dzinoshanda, kuburikidza nokuvashanyira kuti uvakurudzire. Vamwe vangava vari kutarisana nezvimwe zvinetso muupenyu hwavo. Ratidza kuti une hanya navo kuburikidza nokuva nenguva yokuteerera uye kuvavaka. (1 VaT. 5:14) Vakuru vanodawo kuti tishandire pamwe navo sezvavanoita mabasa avo. (VaH. 13:17) Tikaratidza kuti tinoda kubatsira, tinogona kuva “yamuro inosimbisa” kune vatinonamata navo.—VaK. 4:11.

4 Nhengo Dzemhuri: Sezvaiita Jesu, tinofanirawo kuvavarira kuva nehanya nevomumhuri yedu pachedu. Kuva nehanya kukuru kunoita kuti vabereki ‘varambe vachirera vana vavo mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.’ (VaEf. 6:4) Vana vangaita zvavanofanira kuita nokukurumidza kugadzirira painenge iri nguva yechidzidzo chemhuri, misangano yeungano, kana kuti basa romumunda. Vana vakura vangaratidza tsitsi dzakafanana nedzaJesu nokubatsira norudo vabereki vavo kutarisana nezvinetso zvinokonzerwa nokukwegura. Munzira idzi uye dzimwe, tose zvedu tinogona “kuva netsika yokuzvipira kuna Mwari mumba [medu].”—1 Tim. 5:4.

5 Patinotevedzera Jesu pakubatsira vamwe, zvimwe tingagona kuderedza zvinetso uye tinoita kuti mhuri yedu neungano zvive pedyo nepedyo. Zvinokosha zvikuru pane zvose, tinounza rukudzo kuna Jehovha, “Baba vengoni huru kwazvo.”—2 VaK. 1:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe