Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJune 10
15 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vaya vane mavideocassette recorder kuona vhidhiyo inonzi Our Whole Association of Brothers pakugadzirira kukurukurirana kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki inotanga naJune 24. Uchishandisa mazano ari papeji 4, iva nemienzaniso miviri yakasiyana yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 15 uye Mukai! yaJuly 8. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ratidza nzira yakasiyana yokukurukura nomunhu anodzivisa kukurukurirana achiti ‘Ini handifariri zvechechi.’—Ona bhuku raKurangarira, papeji 17.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Verenga nyaya yacho yose uye magwaro arimo. Zvadaro taura mashoko okuwedzera, uchikudziridza dzimwe dzepfungwa dziri muBhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1998.
20 min: “Kudyara Zvakawanda Kunounza Zvikomborero Zvakawanda.”a Taurawo mashoko ari muNharireyomurindi yaDecember 1, 1992, mapeji 15-16, ndima 14-17.
Rwiyo 220 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 17
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Gutsikana Nezvaunazvo.”b Simbisa Magwaro ane zano racho, uchiverenga nokukurukura magwaro akawanda seaunogona pane aripo kana nguva ichibvumira.
Rwiyo 197 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 24
8 min: Zviziviso zveungano. Murume nomudzimai wake vari kushanda pamwe muushumiri vanoenzanisira kushandiswa kungaitwa mazano ari papeji 4 pakugovera magazini yaJuly 1 neyaJuly 8. Mudzimai wacho anogovera Nharireyomurindi, uye murume wacho anogovera Mukai!
12 min: Ita kuti vaparidzi veungano varondedzere kana kuti kuenzanisira semaitikiro azvakaita zvavakasangana nazvo (1) pakuparidzira vanhu vorumwe rudzi kana kuti vanhu vanotaura mimwe mitauro kana kuti (2) pakupupurira kumwewo tisiri pamba nemba kana pamugwagwa. Pakugadzirira Musangano Webasa wevhiki inotevera, kurudzira munhu wose kugadzirira mharidzo yaachashandisa pane rimwe remabhurocha achagoverwa muna July naAugust.—Ona bhokisi rakanzi “Mamwe Mabhuku,” riri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002.
25 min: “Chinoita Kuti Tide Vhidhiyo Inonzi Our Whole Association of Brothers.” Tanga pakarepo kukurukurirana nevateereri vhidhiyo inonzi Whole Association, uchishandisa mibvunzo iripo. Kana vakawanda vasingakwanisi kuona vhidhiyo iyi, mukuru anopa hurukuro ine musoro unoti “Zvinorevei Kuva Akavimbika?” inobva muNharireyomurindi yaOctober 1, 2001, mapeji 20-22.
Rwiyo 95 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 1
15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yavo yebasa romumunda yaJune. Kumbira vaparidzi kuti vataure kuti ibhurocha ripi ravakaronga kugovera muna July uye kuti imharidzo ipi yavachashandisa.
15 min: Unogona Kuva Shamwari yaMwari! Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Taura zviri mubhurocha iri zvinoita kuti rive chishandiso chokudzidzisa chine simba pakubatsira vana nevamwe vasina kunyanya kudzidza kana kuti vasinganyatsogona kuverenga kuti vadzidze nezvaJehovha. Kurukura mienzaniso yetsanangudzo dzaro dziri nyore uye dzinonzwisisika. (Ona zvidzidzo 2, 8, ne12.) Ratidza kuti mifananidzo ingashandiswa sei kusvika pamwoyo pomudzidzi. Taura nzira dzingashandiswa nadzo bhurocha iri zvinobudirira. Vabereki vanofanira kuridzidza nevana vavo vaduku. Kurudzira munhu wose kurigovera muushumiri pose pazvakakodzera.
15 min: “Unoda’ Kubatsira Vamwe Here?”c Kurudzira munhu wose ari muungano kuti anzwe achida kubatsira.
Rwiyo 156 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.