RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/02 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 6/02 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna June: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanasaimba vaine mabhuku aya, goverai bhurocha rakakodzera iro ungano inaro. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai!”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.

◼ Kokorodzano Dzoruwa dze“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” dzichatanga mumwedzi inenge miviri. Kana uchishanda, wakakumbira nguva yokusava pabasa here kuti upinde kokorodzano? Kana usati wadaro, tinokukurudzira kuita kudaro izvozvi. Vashandirwi vanowanzofarira kuudzwa pachine nguva mberi kuti mushandi anoda kutora nguva yokusava pabasa. Izvi zvinoita kuti waunoshandira aite zvirongwa zvokuti basa rake rirambe richiitwa.

◼ Dzimba dzoUmambo Dzakatsaurirwa: Muchafara kuziva kuti kubva panguva yakatanga basa iri muna May 2000 kusvika musi waMarch 31, 2002, Dzimba dzoUmambo 142 dzakapera uye dzakatsaurirwa.

◼ Nyika yatambura nokusanaya kwemvura zvekare. Hama dzedu dzakawanda dziri kurarama dzisina zvokudya. Hofisi yebazi yave ichitenga chibage kunze kwenyika kuti igovere hama dzinoshayiwa. Kana paine ungano kana kuti vanhu vanoda kubatsira, vanogona kuisa mipiro yavo mubhokisi remipiro yebasa renyika yose kana kuti kuitumira zvakananga kuhofisi yedu. Munogona kuva nechokwadi chokuti mipiro yenyu ichaongwa zvikuru.

◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:

The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 8—Mutauro wemasaini wokuAmerica

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe