Bhokisi Remibvunzo
◼ Tinofanira kupfeka sei pakushanyira misha yeBheteri uye zvivako zvebazi?
Patinoshanyira Bheteri, kungava kuzoona zvivako kana kuti kuzoshanyira nhengo dzemhuri yeBheteri, ‘mupfekero wedu, kushambidzika nomufambiro zvinofanira kuva zvakafanana nezvatinotarisirwa kuita patinopinda misangano yokunamata paImba yoUmambo.’ (om 131) Zvisinei, zvakacherechedzwa kuti pakushanyira hofisi dzemapazi, dzimwe hama nehanzvadzi dzinopfeka zvachero. Izvozvo hazvina kukodzera pakushanyira zvivako izvi. Chitarisiko chedu chinofanira kuva chomuenzaniso wakanaka, chakanaka nechine mwero, chichiratidza mufambiro wakanaka noruremekedzo zvinokodzera vashumiri vaJehovha Mwari.—1 Tim. 2:9, 10.
Izvi zvinokosha zvikuru pakushanyira misha yeBheteri uye zvivako zvebazi nokuti tinocherechedzwa nevanhu vakawanda vasiri Zvapupu. Vacherechedzi ivavo vanogona kuva nezvavanofunga pamusoro pevanhu vaMwari nesangano rake zvichibva pane zvavanoona. Zvaizova zvakanaka kuyeuchidza vanodzidza Bhaibheri uye vamwe vangava vachishanya nezvokukosha kwokunyatsopfeka zvakanaka. Mhuri yeBheteri ichafara kana tikaita kudaro.
Sevashumiri vechiKristu, tinofanira kungwarira kuti chitarisiko chedu hachipi chisakiso chokugumbura munzira ipi neipi. (2 VaK. 6:3, 4) Asi, nokuzvibata kwakafanira, ngati“shongedze dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose” nguva dzose.—Tito 2:10.