Chinoita Kuti Tide Vhidhiyo Inonzi Our Whole Association of Brothers
Munyika yanhasi ine vanhu vasingadanani, tingaita sei kuti rudo nokuda kwehama dzedu dzatinonamata nadzo rurambe ruripo? (1 Pet. 2:17) Tingaratidza vamwe sei kuti ukama hwedu hwechokwadi, hwenyika yose huripo chaizvoizvo? (Mat. 23:8) Nokushandisa vhidhiyo inonzi Our Whole Association of Brothers. Inoratidza zvikonzero zvinoita kuti tidanane. Ona kana ungagona kupindura mibvunzo iyi:
(1) Zvinhu zvipi zvitatu zvatinoita tose sehama dzechiKristu pasi pose? (2) Hama dzedu dziri kuratidza sei kutsunga kuparidza (a)murenje reAlaska, (b) pazviteshi zvikuru zvezvikepe zveEurope, uye (c) mumasango makuru ePeru? (3) Chishandiso chipi chokupupurira nacho chinobudirira zvikuru? (4) Nei tisingambofaniri kufunga kuti kuparidza kunongovawo zvako basa rachero? (5) Ipa mienzaniso yokunyaradzana uye kutsigirana kwakaitwa neZvapupu zvaJehovha munguva dzokutambura—kudengenyeka kwepasi, mvura zhinji ine mhepo, uye hondo dzevagari vomunyika imwe chete. (Ona zvakataurwa naTakao papeji 23 muMukai! yechiRungu yaAugust 22, 1995, uye naKotoyo papeji 18 muMukai! yaNovember 8, 1996) (6) Tose zvedu tingaratidza chiratidzo chikuru chinozivisa ukama hwedu hwechiKristu munzira dzipi dzinobatsira? (Joh. 13:35) (7) Tinofanira kukoshesa misangano yedu yechiKristu zvakadini? (8) Kuva neImba yoUmambo yokuunganira kunobatsira sei vaya vakambenge vasina? (9) Hama dzedu dzokuEastern Europe neRussia dzakaramba dzakasimba mumudzimu sei basa radzo paraiva rarambidzwa? (10) Kunyange zvino, Zvapupu zvakawanda zvinoshingaira zvakadini kuti zvipinde kokorodzano, uye nei? Izvi zvakakukurudzira sei? (11) Nei makatsunga kunamata makabatana, kubatsira vamwe munguva dzokushayiwa, uye kuparidza nokutendeka chero nguva kana munzira ipi neipi yamunogona? (12) Nei zvaizova zvakanaka kuva nevhidhiyo iyi pachako wobva wairatidza vanhu vakawanda vanofarira vaungagona?