Gutsikana Nezvaunazvo
1 Magwaro anotirayira kugovera mhuri dzedu zvinhu zvokunyama, asi izvi hazvifaniri kuva chinhu chikuru muupenyu hwedu. Zvinhu zvomudzimu zvinofanira kuuya pakutanga. (Mat. 6:33; 1 Tim. 5:8) Kuva pakati nepakati kwakaoma mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Chii chichatibatsira kuita kudaro?
2 Bvuma Zvinotaurwa neBhaibheri: Shoko raMwari rinotinyevera kuti kutsvaka pfuma kunogona kukuvadza mumudzimu. (Mup. 5:10; Mat. 13:22; 1 Tim. 6:9, 10) Panguva ino yakaoma, zvaizova zvakaipa kuti chero upi wedu abatikane zvikuru nebasa rokunyika kana kuti nokutsvaka mari zvokuti tinoisa mabasa okunamata—misangano, kudzidza tiri toga, uye kuparidza—panzvimbo yechipiri muupenyu hwedu. (Ruka 21:34-36) Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinotipa zano rinoti: “Kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Tim. 6:7, 8.
3 Izvi hazvirevi kuti vaKristu vanofanira kurarama muurombo hwokuzvidira. Asi zvinotibatsira kuziva kuti zvinhu zvipi zvokunyama zvinokosha—zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara pakakodzera. Kana tiine zvinhu zvakakosha muupenyu, hatifaniri kuramba tichingotsvaka upenyu hwepamusoro. Patinofunga nezvokutenga chimwe chinhu kana kuti kushanda basa rokuwedzera, tingaita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Izvi zvinokosha chaizvoizvo here?’ Kuita kudaro kuchatibatsira kuteerera zano rakafuridzirwa rinoti: “Mararamire enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo.”—VaH. 13:5.
4 Kana tichivimba naJehovha, achatikomborera. (Zvir. 3:5, 6) Kunyange tichifanira kushanda zvakaoma kuti tiwane zvinhu zvinokosha zvezuva nezuva, upenyu hwedu hahutsamiri pazvinhu izvozvo. Tingava tiine zvishoma kana zvakawanda, tinovimba kuti Jehovha achatipa zvinhu zvatinoda zvinokosha. (VaF. 4:11-13) Nemhaka yaizvozvo, tinowana kugutsikana kunobva kuna Mwari uyewo zvimwe zvikomborero zvakawanda.
5 Tevedzera Kutenda Kwevamwe: Mumwe mubereki ari oga akanga achirera mwanasikana wake muchokwadi akaita kuti upenyu hwake hureruke zvishoma nezvishoma. Kunyange zvazvo akanga ari mumutambarakede mumusha make, akatamira kuimba duku uye gare gare kufurati. Izvi zvakaita kuti nguva yake yokuita basa iderere kuitira kuti agopedzera nguva yakawanda muushumiri. Mwanasikana wavo paakanga akura uye aroorwa, amai ava vakarega basa makore avo omudyandigere asati asvika, kunyange zvazvo kuita izvi kwaizoreva kuti vaizowana mari shoma. Zvino hanzvadzi yedu yava mugore rayo rechinomwe iri piyona wenguva dzose uye haizvidembi nokuda kwokurega zvimwe zvinhu zvokunyama kuti iise zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwayo.
6 Mumwe mukuru nomudzimai wake vakapayona kwemakore akawanda uku vachirera vana vatatu. Semhuri, vakadzidza kugutsikana nezvinhu zvinokosha pane kugutsa zvavanoda. Hama iyi inoti: “Taifanira kurarama upenyu huri nyore zvikuru. Kunyange zvazvo taimbova nenguva dzakaoma, Jehovha aitigovera zvinokosha nguva dzose. . . . Pandinoona mhuri yangu ichiisa zvinhu zvomudzimu pakutanga seizvi, ndinoona kuti zvinhu zvose zviri sezvazvinofanira kuva, uye ndinogutsikana.” Mudzimai wake anowedzera kuti: “Pandinoona [murume wangu] akabatikana nezvinhu zvomudzimu, ndinonzwa kugutsikana zvikuru mumwoyo.” Vana vavowo vanofara kuti vabereki vavo vakasarudza kushumira Jehovha nguva yakazara.
7 Kune vose vakasarudza upenyu hwakadaro hwokuzvipira kuna Mwari pane kutsvaka zvinhu zvokunyama, Bhaibheri rinovapikira zvikomborero zvakawanda iye zvino uye muupenyu huchauya.—1 Tim. 4:8.