Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai!”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira, goverai bhurocha raAnodei, muchiita nepamunogona napo kuti mutange zvidzidzo zveBhaibheri.
◼ Kutanga nevhiki yaSeptember 16, 2002, tichadzidza bhuku raUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II paChidzidzo Chebhuku Cheungano.
◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Chengeta Kuzivikanwa Kwako kwechiKristu!”
◼ Kana muchida kuti hofisi yebazi itumire tsamba kune imwe ungano kana kuti kune imwe hama kana hanzvadzi, tapota ivai nechokwadi chokuti ine chitambi chemari yakakwana. Tsamba dzose dzisina chitambi chine mari yakakwana hadzichazotumirwi.