Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi July 15
“Munofunga kuti vakaipa vanorangwa muhero here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti chii chiri chirango chechivi. [Verenga VaRoma 6:23a.] Saka hero inzvimbo yokutambudzira vanhu nomoto here? Anongova mamiriro ezvinhu anoreva kuparadzana naMwari here? Magazini iyi inopa mhinduro dzeMagwaro dzemibvunzo iyi.”
Nharireyomurindi Aug. 1
“Vanhu vakawanda vanofunga kuti pfungwa dzokutenda mashura uye tsika dzacho kunongovawo zvako kutamba. [Muratidze chinhu chimwe kana zviviri zviri mubhokisi riri papeji 5.] Makambofunga chiri seri kwepfungwa dzakadaro here? [Apindura, verenga 2 VaKorinde 11:14.] Magazini iyi inoratidza zvinotaura Bhaibheri nezvokutenda mashura.”
Mukai! Aug. 8
“Vanhu vakawanda vanoona kubhejera senguva yokuzvifadza inogamuchirwa nevoruzhinji. Vamwe vanofunga kuti kunoparadza mhuri uye nzanga yose. Magazini iyi yeMukai! inotaura nezvokubhejera maererano nokuongorora kuchangobva kubudiswa. Mungafarawo kuverenga nezvokuti Bhaibheri rinoti chii nezvenhau iyi.” Somuenzaniso, verenga 1 Timoti 6:10.
Mukai! Aug. 8
“Vanhu vakawanda vanonetseka zvikuru nezvokuwedzera kwechisimba nougandanga. Zvichida munobvumirana nemashoko aMuparidzi 8:9. [Verenga uye rega ataure.] Magazini iyi yeMukai! inotaura nezvezvidzidzo zvomunguva yekare uye inoratidza kuguma kuchaita kudzora kwakadaro munguva pfupi iri kutevera.”