Zvipfeko Zvakagadzirwa Zvakanaka Zvinoratidza Kuremekedza Mwari
1. Tingaratidza sei kuonga kokorodzano yedu yoruwa iri kuuya?
1 Munguva pfupi iri kutevera tichava neropafadzo yokuva vaeni vaJehovha paKokorodzano Yoruwa ya2003 inoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari.” Tinoonga Jehovha zvikuru nokutikoka kumutambo mukuru wakadaro wokunamata! Tinogona kuratidza kumuremekedza kwedu uye kuonga kwatinoita urongwa hwake hune chokuita nokunamata nenzira yatinopfeka nokuzvitarisira nayo.—Pis. 116:12, 17.
2. Nei zvichikosha kuti isu tive vakachena uye vane chitarisiko chakanaka?
2 Kuchena uye Kurongeka: Chitarisiko chedu chinofanira kuratidza zvinodiwa naMwari wedu, uyo akachena uye akarongeka. (1 VaK. 14:33; 2 VaK. 7:1) Muviri wedu, bvudzi, nenzara zvinofanira kuva zvakachena, uye tinofanira kuva vane chitarisiko chakanaka. Vanhu vazhinji mazuva ano vane uyanga. Zvisinei, kungoti nyangarara kweshasha yemabhaisikopo, kana gamba remitambo hachisi chikonzero chokuti muKristu adarowo. Kana tichitevedzera fashoni, vanhu vangaomerwa nokusiyanisa vaya vari kushumira Mwari wechokwadi nevaya vasiri kumushumira.—Mar. 3:18.
3. Tingava sei nechokwadi chokuti chitarisiko chedu chichaenderana nezano rinowanikwa pana 1 Timoti 2:9, 10?
3 Zvipfeko Zvinokodzera Vashumiri vechiKristu: Muapostora Pauro paakanyorera mutariri wechiKristu Timoti, akakurudzira “vakadzi [kuti] vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vane mwero nokunaka kwepfungwa, . . . nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” (1 Tim. 2:9, 10) Kuti tive nechokwadi chokuti zvipfeko zvedu zvakagadzirwa zvakanaka zvinoda kufungisisa. Zvipfeko zvinofanira kuva zvinotaridzika zvakanaka, zvakachena, uye zvine mwero—kwete zvinoshamisira, zvokuonererwa, kana kuti zvinokanganisa mafungiro evamwe.—1 Pet. 3:3.
4, 5. Inyevero dzipi dzinofanira kuteererwa nevarume nevakadzi vechiKristu?
4 Pauro akanyeverawo nezvokunyanyisa mu“magadzirirwe okuruka bvudzi nendarama kana nemaparera kana nguo dzinodhura kwazvo.” (1 Tim. 2:9) Kuva pakati nepakati mukushandisa mabwe anokosha, zvokupoda poda, uye zvimwe zvishongo inzira yokuchenjera yokuti vakadzi vechiKristu vatevere.—Zvir. 11:2.
5 Zano rakapa Pauro vakadzi vechiKristu rinoshandawo kuvarume vechiKristu. Hama dzinofanira kusiyana nezvitayera zvinoratidza kufunga kwenyika. (1 Joh. 2:16) Somuenzaniso, mune dzimwe nyika zvipfeko zvakakurisa, zvinorembera zvinodiwa zvikuru, asi chitayera ichi hachipi chimiro chakakodzera kumushumiri waMwari.
6. Nei tichifanira kuramba tine mwero wakakwirira pamupfekero wedu nokuzvitarisira kwedu pakuenda nokudzoka kukokorodzano, patinenge tiri pakokorodzano, uye pashure pepurogiramu zuva rimwe nerimwe?
6 Panguva Yokuzorora: Pakupinda purogiramu, hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoratidza muenzaniso wakanakisisa pakupfeka uye pachitarisiko. Zvisinei, mishumo inoratidza kuti vamwe vanoregeredza pakufamba kuenda nokudzoka kukokorodzano kana kuti pakuzorora purogiramu yapera. Chaizvoizvo, chitarisiko chedu—pangava panguva yepurogiramu kana kuti imwe nguva—chine chokuita nemaonero anoitwa vanhu vaMwari nevamwe. Sezvo tichipfeka mabheji edu ekokorodzano, nguva dzose tinofanira kupfeka nenzira inokodzera vashumiri vechiKristu. Izvi zvinowanzoita kuti vamwe vatirumbidze ndokuzarura nzira yokuti tivapupurire.—1 VaK. 10:31-33.
7. Zvipfeko zvedu zvakagadzirwa zvakanaka uye kutsvinda kwedu zvingava nomugumisiroi pane vamwe?
7 Sezvo kunyemwerera kwoushamwari kuchinatsa chitarisiko chechiso chedu, naizvozvo zvipfeko zvakagadzirwa zvakanaka uye kuzvitarisira kwakanaka kunoita kuti shoko ratinaro uye sangano ratinomiririra zvive nechiremera. Vamwe vanoticherechedza paKokorodzano Yoruwa inoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari” gore rino vanganzwa vachida kuziva nei takasiyana uye pakupedzisira vangati: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa [uye takaona] kuti Mwari unemi.” (Zek. 8:23) Tose zvedu ngatiratidze kuremekedza kwedu Jehovha nezvipfeko uye nechitarisiko chedu.
[Bhokisi riri papeji 5]
Iva Nechitarisiko Chine Ruremekedzo
▪ Pakufamba
▪ Pakokorodzano
▪ Panguva yokuzorora