Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
1 Tenzi wedu akafanotaura kuti vadzidzi vake vaizova nematambudziko. (Mat. 24:9) Tinofanira kuona sei miedzo? Chii chichaita kuti tikwanise kutsungirira kutambudzika? Purogiramu yegungano redunhu yegore rebasa ra2004 ichapindura mibvunzo iyi. Musoro wacho unoti “Farai Patariro. Tsungirirai Pakutambudzika.”—VaR. 12:12.
2 Hurukuro Dzokusiyirana Mbiri: Hurukuro yokusiyirana yokutanga, ine musoro unoti “Berekai Zvibereko Nokutsungirira,” ichataura nezvenzira dzatinobereka nadzo zvibereko. Vaparidzi vanoverengeka vachabvunzurudzwa nezvokuti vanoparidza uye vanodzidzisa sei nepfungwa yokukurumidzira. Vabereki vachada zvikuru kuteerera hurukuro ine musoro unoti “Patinorangwa naJehovha,” iyo ichataura kuti vabereki vangakurukura sei nevana vavo. Mukurukuri wokupedzisira pahurukuro yacho yokusiyirana achasimbisa zvatinofanira kuita kuti nyika isatikanganisa ndokutiita kuti tisava nezvibereko.—Mako 4:19.
3 “Mhanyai Mumujaho Nokutsungirira” ndiwo musoro wehurukuro yokusiyirana yechipiri. Ichajekesa kuti mararamiro edu akaita somujaho sei. Nei tichifanira kumhanya maererano nemirau yacho? Tingabudirira sei kubvisa zvinorema zvose tisinganeti mumujaho woupenyu? Zano reMagwaro rinoenderana nenguva iro richapiwa richatibatsira tose kuramba tichimhanya nokutsungirira.
4 Kutsungirira Kunoita Kuti Titenderwe naMwari: Hurukuro dzinopiwa nevatariri vanofambira dzichasimbisa vaya vanoteerera voshandisa mazano acho. Imwe yehurukuro dzomutariri woruwa ine musoro unoti “Kutsungirira Kunobereka Kutenderwa.” Hurukuro yavose ichapindura mibvunzo inoti: Marudzi anofanira kuva netariro muzita raani, uye chii chinobatanidzwa muna izvozvo? Hurukuro yokugumisa ine musoro unoti, “Muchawana Mweya Yenyu Nokutsungirira,” icharatidza kuti Jesu akakwanisa sei kutsungirira kusaruramisira asingatsamwi.
5 Yeuka kuuya nebhuku rako reChikoro Choushumiri uye Nharireyomurindi yevhiki yacho. Nyora pfungwa huru kuti zvikubatsire kuteerera uye kuti uzozvishandisa munguva yemberi. Purogiramu yacho ichadzokororwa gare gare muungano.
6 Jehovha ndiye akagadzira zvokudya zvomudzimu izvi. Uyai! Idyai! Tichashevedzera tichifara kana tiripo kuti tibatsirwe nepurogiramu yacho yose.—Isa. 65:14.