RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/03 pp. 3-6
  • Purogiramu Yechikoro Chamwari Choushumiri Ya2004

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yechikoro Chamwari Choushumiri Ya2004
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Misoro Midiki
  • Mirayiridzo
  • PUROGIRAMU
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 10/03 pp. 3-6

Purogiramu Yechikoro Chamwari Choushumiri Ya2004

Mirayiridzo

Muna 2004 zvinotevera ndizvo zvakarongwa pakuitisa Chikoro chaMwari Choushumiri.

MUNOBVA HURUKURO: Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona [bi53-CA], Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki [bi7-CA], Nharireyomurindi [w-CA], Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri [be-CA], “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera” (ra1997) [si-CA], uye Kurangarira muMagwaro (ra1996) [rs-CA]. Chiratidzo ichi (¶) chinomirira ndima.

Chikoro chinofanira kutanga PANGUVA norwiyo, munyengetero, uye mashoko okugamuchira mobva maenderera mberi sezvinotevera:

UNYANZVI HWOKUTAURA: Maminitsi 5. Mutariri wechikoro, mupi wezano wechipiri, kana kuti mumwe mukuru anokwanisa achakurukura unyanzvi hwokutaura kubva mubhuku reChikoro Choushumiri. (Muungano dzine vakuru vashoma, mushumiri anoshumira anokwanisa angashandiswa.) Kutoti zvaratidzwa, mabhokisi ari pamapeji akaratidzwa anofanira kukurukurwawo. Basa rokuita rinofanira kusiyiwa. Irori nderokuti munhu aite oga uye rinogona kushandiswa pakupa zano pasiri paruzhinji.

HURUKURO NHA. 1: Maminitsi 10. Iyi inofanira kupiwa nomukuru kana mushumiri anoshumira, uye ichabva muNharireyomurindi, mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, kana kuti ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Inokurukurwa sehurukuro yokurayira yemaminitsi gumi pasina mibvunzo yokudzokorora. Chinangwa chacho chinofanira kuva chokutaura pfungwa dzose dzemashoko acho panguva iyoyo uchisimbisa kushanda kunoita mashoko ari kukurukurwa, uchisimbisa zvichabatsira ungano zvikuru. Musoro wakaratidzwa unofanira kushandiswa. Zvinotarisirwa kuti hama dzinopiwa hurukuro iyi dzichangwarira kuchengeta nguva. Zano risiri reparuzhinji ringapiwa kana zvakakodzera.

PFUNGWA HURU DZINOBVA MUKUVERENGA BHAIBHERI: Maminitsi 10. Kwemaminitsi matanhatu okutanga, mukuru kana mushumiri anoshumira anokwanisa anofanira kunyatsoshandisa mashoko acho kuzvinodiwa muungano. Angataura chero pachikamu chipi nechipi chakapiwa mukuverenga Bhaibheri kwevhiki yacho. Iyi haifaniri kuva pfupiso chete yendima dzinofanira kuverengwa. Chinangwa chikuru ndechokubatsira vateereri kunzwisisa kuti nei uye sei mashoko acho achikosha. Mukurukuri anofanira kungwarira kusapfuudza maminitsi matanhatu aakapiwa pachikamu chokutanga. Anofanira kuva nechokwadi chokuti maminitsi mana atsaurwa kuti vateereri vataurewo. Vateereri vanofanira kukumbirwa kuti vataure mashoko mashoma (masekondi 30 kana kuti asingasviki) pamusoro pepfungwa dzakavanakidza pakuverenga Bhaibheri uye zvadzinobatsira. Ipapo mutariri wechikoro achakumbira vadzidzi vanofanira kuenda kumamwe makirasi kuti vabude.

HURUKURO NHA. 2: Maminitsi 4. Uku kuverenga kunoitwa nehama. Kakawanda kuverenga kwacho kuchabva muBhaibheri. Kamwe pamwedzi hurukuro iyi ichabva muNharireyomurindi. Mudzidzi wacho anofanira kuverenga mashoko akapiwa asingapi sumo kana mhedziso. Vhiki imwe neimwe, kuwanda kwemashoko anoverengwa kuchati siyanei asi inofanira kuita maminitsi mana kana mashoma. Mutariri wechikoro anofanira kutanga atarira mashoko acho asati apa hurukuro dzacho, oita kuti dzienderane nezera uye mano zvevadzidzi. Mutariri wechikoro achafarira zvikuru kubatsira vadzidzi kunzwisisa zvavanoverenga, kutsetsenura, kusimbisa pfungwa kwakakodzera, kusiyanisa inzwi, kumbomira kwakakodzera, uye kuva akasununguka.

HURUKURO NHA. 3: Maminitsi 5. Iyi ichapiwa hanzvadzi. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vachapiwa marongero avangaita kana kuti vachasarudza kubva pane ari papeji 82 yebhuku reChikoro Choushumiri. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro wakapiwa oushandisa zvinokodzera chimwe chikamu chebasa romumunda chinoshanda mundima yeungano yenyu. Kana panobva mashoko ehurukuro yacho pasina kuratidzwa, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku anopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Vadzidzi vatsva vanofanira kupiwa hurukuro dzakaratidzwa panobva mashoko acho. Mutariri wechikoro achanyanyofarira nzira iyo mudzidzi anokurukura nayo mashoko acho uye nzira yaanobatsira nayo saimba kufunga zviri muMagwaro uye kunzwisisa pfungwa huru dzehurukuro yacho. Vadzidzi vanopiwa hurukuro iyi vanofanira kugona kuverenga. Mutariri wechikoro acharonga mubatsiri mumwe chete.

HURUKURO NHA. 4: Maminitsi 5. Mudzidzi anofanira kukurukura musoro wakapiwa. Kana panobva mashoko ehurukuro yacho pasina kuratidzwa, mudzidzi achafanira kuwana mashoko ehurukuro iyi nokutsvakurudza mumabhuku anopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Painopiwa hama, inotaurwa sehurukuro pachifungwa nezvevateereri vari muImba yoUmambo. Apo hanzvadzi inopiwa hurukuro iyi, nguva dzose inofanira kukurukurwa sezvakarongwa paHurukuro Nha. 3. Mutariri wechikoro angapa hama hurukuro Nha. 4 pose paanoona kuti zvakakodzera kuita kudaro. Tapota onai kuti misoro ine tunyeredzi nguva dzose inofanira kupiwa hama kuti dzikurukure sehurukuro.

NGUVA: Hapana hurukuro inofanira kupfuudza nguva, ndizvozvowo nemashoko omupi wezano. Hurukuro Nha. 2 kusvika ku4 dzinofanira kumiswa nokungwarira kana nguva yakwana. Kana hama dzinopa hurukuro yokutanga younyanzvi hwokutaura, Hurukuro Nhamba 1, kana kuti pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri dzikapfuudza nguva, dzinofanira kupiwa zano pasiri paruzhinji. Vose vanofanira kungwarira nguva yavo. Purogiramu yose: Maminitsi 45, tisingatauri nguva yorwiyo nomunyengetero.

ZANO: Miniti imwe. Kana mudzidzi mumwe nomumwe apedza kupa hurukuro, mutariri wechikoro haafaniri kupfuudza miniti imwe achitaura zvakanaka zvaaona pahurukuro yanga yakanaka. Chinangwa chake hachisi chokungoti “maita zvakanaka,” asi ndechokuonesa zvikonzero chaizvo nei hurukuro yakadaro yanga ichibatsira. Maererano nezvinodiwa nomudzidzi mumwe nomumwe, zano rokuwedzera rinovaka ringapiwa pasiri paruzhinji musangano wacho wapera kana kuti pane imwe nguva.

MUPI WEZANO WECHIPIRI: Dare revakuru ringasarudza mukuru ane unyanzvi, kana paine aripo kuwedzera kumutariri wechikoro, kuti ashande somupi wezano wechipiri. Kana muungano muine vakuru vakawanda, ipapo vakuru vanokwanisa vakasiyana vangachinjana kuita basa iri gore rimwe nerimwe. Basa rake richava rokupa zano pasiri paruzhinji kuhama dzinopa Hurukuro Nha. 1 uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri, kana richidiwa. Hazvirevi kuti anofanira kupa zano vakuru kana kuti vashumiri vanoshumira pashure pokupa imwe neimwe yehurukuro idzodzo. Urongwa uhwu hucharamba huchishanda muna 2004 uye hungagadziridzwa gare gare.

FOMU ROUNYANZVI HWOKUTAURA: Riri mubhuku.

KUDZOKORORA: Maminitsi 30. Mwedzi miviri yoga yoga, mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora vateereri vachipindura. Kuchatangirwa nokukurukurwa kwounyanzvi hwokutaura uye pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri sezviri pamusoro. Kudzokorora kwacho kuchabva mune zvinenge zvadzidzwa muchikoro mumwedzi miviri yadarika, kusanganisira zvevhiki iyoyo.

PUROGIRAMU

Jan. 5 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 1-5 Rwiyo 154

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Kwacho Kwabuda Pachena (be-CA p. 157 ¶1-5)

Nha. 1: Kugadzira Pepa Rehurukuro (be-CA map. 39-42)

Nha. 2: Genesi 2:7-25

Nha. 3: “Testamende Itsva” Inotaura Nezveparadhiso Yepasi Pano Munguva Yemberi Here, Kana Kuti Inongotaurwa mu“Testamende Yekare”? (rs-CA p. 283 ¶1-3)

Nha. 4: aZvatingadzidza Mumienzaniso yeBhaibheri Yezvivi Zvinovapo Nokusaita Zvakarurama

Jan. 12 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 6-10 Rwiyo 215

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Mashoko Nenzira Inobatsira (be-CA p. 158 ¶1-3)

Nha. 1: Rucheno—Runombonyatsorevei? (w02-CA 2/1 map. 4-7)

Nha. 2: Genesi 8:1-17

Nha. 3: Zvakaipira Kureva Nhema

Nha. 4: Nei “Paradhiso” Inotaurwa Nezvayo Pana Ruka 23:43 Isingagoni Kuva Chikamu cheHadhesi Kana Kuti cheDenga (rs-CA p. 284 ¶1–p. 285 ¶1)

Jan. 19 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 11-16 Rwiyo 218

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Vamwe Kunzwisisa (be-CA p. 158 ¶4–p. 159 ¶3)

Nha. 1: Nheyo dzaMwari Dzinogona Kukubatsira (w02-CA 2/15 map. 4-7)

Nha. 2: Genesi 13:1-18

Nha. 3: Chii Chinoratidza Kuti Paradhiso Inotaurwa Pana Ruka 23:43 Ndeyepasi Pano? (rs-CA p. 285 ¶2–p. 286 ¶2)

Nha. 4: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiudza Vamwe Tariro Yazvo

Jan. 26 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 17-20 Rwiyo 106

Unyanzvi Hwokutaura: Kusarudza Mashoko (be-CA p. 160 ¶1-3)

Nha. 1: Tsitsi—Musimboti Womutsa Netsiye Nyoro (w02-CA 4/15 map. 24-7)

Nha. 2: w02-CA 1/1 map. 10-11 ¶9-11

Nha. 3: Zvinorehwa Nemashoko aJesu Akanyorwa Pana Ruka 13:24

Nha. 4: Upi Noupi Wedu Angawana Sei Zivo Yechokwadi Nouchenjeri? (rs-CA p. 402 ¶1-3)

Feb. 2 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 21-24 Rwiyo 64

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko ari Nyore Kunzwisisa (be-CA p. 161 ¶1-4)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzevadzidzi Dzechikoro (be-CA p. 43 ¶1–p. 44 ¶3)

Nha. 2: Genesi 21:1-21

Nha. 3: Chii Chiri Mavambo Ouzivi Hwevanhu? (rs-CA p. 403 ¶1-3)

Nha. 4: bNei Kuvimbisana Kuroorana Kuchifanira Kukosheswa Zvikuru

Feb. 9 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 25-28 Rwiyo 9

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Akasiyana-siyana uye Akarurama (be-CA p. 161 ¶5–p. 162 ¶4)

Nha. 1: Kugadzirira Musoro uye Kuronga (be-CA p. 44 ¶4–p. 46 ¶2)

Nha. 2: Genesi 28:1-15

Nha. 3: Kuwana Kwatingaita Rugare Rwomumwoyo Munyika ino Yatambudzika

Nha. 4: Nei Huri Uchapupu Hwokufunga Kwakanaka Kudzidza Dzidziso dzaJesu Kristu Pane Uzivi Hwevanhu? (rs-CA p. 404 ¶1–p. 405 ¶1)

Feb. 16 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 29-31 Rwiyo 160

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Anobudisa Simba, Manzwiro Ako, uye Anojekesa (be-CA p. 163 ¶1–p. 164 ¶2)

Nha. 1: Kuvimbika Kunotungamirira Vakarurama (w02-CA 5/15 map. 24-7)

Nha. 2: w02-CA 2/1 map. 15-16 ¶6-10

Nha. 3: Mwari Anoda Kuteerera Minyengetero Yavanaani? (rs-CA p. 256 ¶1–p. 257 ¶1)

Nha. 4: Nei Kunaka Kuri Unhu Hunokosha kuvaKristu

Feb. 23 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 32-35 Rwiyo 1

Unyanzvi Hwokutaura: Kutaura Kunoenderana Nemitemo Yomutauro (be-CA p. 164 ¶3–p. 165 ¶1)

Kudzokorora

Mar. 1 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 36-39 Rwiyo 49

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Pepa Rehurukuro (be-CA p. 166 ¶1–p. 167 ¶2)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzeungano (be-CA p. 47 ¶1–p. 49 ¶1)

Nha. 2: Genesi 37:12-28

Nha. 3: Nei Kutenda Kwedu Kuchifanira Kubatana Nokutsungirira?

Nha. 4: cChii Chingaita Kuti Minyengetero Yomunhu Isagamuchirike Kuna Mwari? (rs-CA p. 257 ¶2–p. 258 ¶2)

Mar. 8 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 40-42 Rwiyo 205

Unyanzvi Hwokutaura: Kuronga Pfungwa Dzako (be-CA p. 167 ¶3–p. 168 ¶1)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzepamusangano Webasa uye Dzimwe Hurukuro (be-CA p. 49 ¶2–p. 51 ¶1)

Nha. 2: Genesi 42:1-20

Nha. 3: Kukudziridza Kwatingaita Ukama Hwepedyo naJehovha

Nha. 4: dInhau dzipi Dzakakodzera Kunyengetera Pamusoro Padzo? (rs-CA p. 258 ¶3-10)

Mar. 15 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 43-46 Rwiyo 67

Unyanzvi Hwokutaura: Kuchengeta Pepa Rako Rehurukuro Riri Nyore (be-CA p. 168 ¶2–p. 169 ¶5)

Nha. 1: Kuita Zvinhu Nomwoyo Wose—Kunokomborerwa naJehovha Rini? (w02-CA 8/1 map. 29-31)

Nha. 2: Genesi 43:1-18

Nha. 3: eKana Mumwe Munhu Akati, ‘Tangai Kunyengetera Neni, Mozondiudza Shoko Renyu’ (rs-CA p. 259 ¶1-2)

Nha. 4: Tingaita Shamwari Nepfuma Isina Kururama Sei?

Mar. 22 Kuverenga Bhaibheri: Genesi 47-50 Rwiyo 187

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukurwa Kwemashoko Zvinotevedzana (be-CA p. 170 ¶1–p. 171 ¶2)

Nha. 1: Nei Jehovha Akagamuchira Chibayiro chaAbheri Kwete chaKaini? (w02-CA 8/1 p. 28)

Nha. 2: Genesi 47:1-17

Nha. 3: Ndezvipi Zvimwe Zvezviprofita Zvikuru zveBhaibheri Zvisati Zvazadzika? (rs-CA p. 53 ¶2–p. 54 ¶6)

Nha. 4: Nei Kutya Jehovha Kuri Kutanga Kwouchenjeri

Mar. 29 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 1-6 Rwiyo 52

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Mashoko Nenzira Yakarongeka (be-CA p. 171 ¶3–p. 172 ¶5)

Nha. 1: Mano Okufunga Angakuchengetedza Sei? (w02-CA 8/15 map. 21-4)

Nha. 2: w02-CA 2/15 map. 19-20 ¶7-11

Nha. 3: Maonero Anoita Jehovha Kudada

Nha. 4: Nei vaKristu Vachifanira Kufarira Zvikuru Zvinofanotaurwa neBhaibheri? (rs-CA p. 54 ¶7–p. 55 ¶3)

Apr. 5 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 7-10 Rwiyo 61

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Mashoko Akakodzera Chete (be-CA p. 173 ¶1-4)

Nha. 1: Kugadzirira Hurukuro Dzavose (be-CA p. 52 ¶1–p. 54 ¶1)

Nha. 2: Eksodho 8:1-19

Nha. 3: fKana Mumwe Munhu Akati, ‘Munonyanya Kusimbisa Uprofita’ (rs-CA p. 55 ¶4-5)

Nha. 4: Nei Tariro Yakaita Se“chinhu Chinobata Mweya”

Apr. 12 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 11-14 Rwiyo 87

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Usingaiti Zvokuverenga (be-CA p. 174 ¶1–p. 175 ¶5)

Nha. 1: Zvinosarudzwa Nomukurukuri (be-CA p. 54 ¶2-4; p. 55, bhokisi)

Nha. 2: Eksodho 12:1-16

Nha. 3: Nei Tichifanira Kugamuchira Chirango chaJehovha?

Nha. 4: Dzidziso Yepurigatori Yakavakirwa Pai? (rs-CA p. 291 ¶3–p. 292 ¶3)

Apr. 19 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 15-18 Rwiyo 171

Unyanzvi Hwokutaura: Kunzvenga Ngozi Dzinovapo Pakukurukura Usingaiti Zvokuverenga (be-CA p. 175 ¶6–p. 177 ¶2)

Nha. 1: Tinofanira Kuona Sei Miedzo? (w02-CA 9/1 map. 29-31)

Nha. 2: w02-CA 3/1 map. 15-16 ¶8-11

Nha. 3: Pashure Pokufa Kwomunhu, Acharamba Achirangirwa Chivi Chake Here? (rs-CA p. 292 ¶5–p. 293 ¶3)

Nha. 4: gNei Muchato Uchifanira Kuva Mubatanidzwa Woupenyu Hwose

Apr. 26 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 19-22 Rwiyo 59

Unyanzvi Hwokutaura: Vamwe Pavanoda Kutsanangurirwa (be-CA p. 177 ¶3–p. 178 ¶3)

Kudzokorora

May 3 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 23-26 Rwiyo 13

Unyanzvi Hwokutaura: Kuita Zvokukurukurirana (be-CA map. 179-80)

Nha. 1: Wedzera Mano Somudzidzisi (be-CA p. 56 ¶1–p. 57 ¶2)

Nha. 2: Eksodho 23:1-17

Nha. 3: Jehovha Angabatsira Sei Munhu Kukurira Tsika Dzakaipa?

Nha. 4: Madzinza Akasiyana-siyana Akabva Kupi? (rs-CA p. 187 ¶1-4)

May 10 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 27-29 Rwiyo 28

Unyanzvi Hwokutaura: Runako Rwenzwi (be-CA p. 181 ¶1-4)

Nha. 1: “Siyanisa” (be-CA p. 57 ¶3–p. 58 ¶2)

Nha. 2: Eksodho 28:29-43

Nha. 3: Kaini Akawana Kupi Mudzimai Wake Kana Kwakanga Kuchingova Nemhuri Imwe Chete? (rs-CA p. 187 ¶5–p. 188 ¶1)

Nha. 4: Zvakashatira Kufungira Mamwe Madzinza Zvakaipa

May 17 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 30-33 Rwiyo 93

Unyanzvi Hwokutaura: Kufema Zvakanaka (be-CA p. 181 ¶5–p. 184 ¶1; p. 182, bhokisi)

Nha. 1: Kurudzira Vateereri Kufunga (be-CA p. 58 ¶3–p. 59 ¶3)

Nha. 2: Eksodho 30:1-21

Nha. 3: Nei Tichifanira Kuva Vanyoro?

Nha. 4: Chii Chinotsanangura Unhu Hwakasiyana-siyana Hwemadzinza? (rs-CA p. 188 ¶2–p. 189 ¶2)

May 24 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 34-37 Rwiyo 86

Unyanzvi Hwokutaura: Kusunungura Tsandanyama Dzakasungika (be-CA p. 184 ¶2–p. 185 ¶2; p. 184, bhokisi)

Nha. 1: Ratidza Kushanda Kwacho uye Iva Muenzaniso Wakanaka (be-CA p. 60 ¶1–p. 61 ¶3)

Nha. 2: Eksodho 36:1-18

Nha. 3: Vanhu Vose Vana vaMwari Here? (rs-CA p. 189 ¶3–p. 190 ¶3)

Nha. 4: Nei Tichifanira Kuva Vakatendeka Muzvinhu Zviduku?

May 31 Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 38-40 Rwiyo 202

Unyanzvi Hwokutaura: Kufarira Munhu Wacho (be-CA p. 186 ¶1-4)

Nha. 1: Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana (be-CA p. 62 ¶1–p. 64 ¶1)

Nha. 2: w02-CA 5/1 map. 19-20 ¶3-6

Nha. 3: Kunzwisisa 1 Johani 3:19, 20 Kunganyaradza Munhu Sei?

Nha. 4: Vanhu Vemadzinza Ose Vachazombobatana Chaizvoizvo Sehama Nehanzvadzi Here? (rs-CA p. 190 ¶4–p. 191 ¶3)

June 7 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 1-5 Rwiyo 123

Unyanzvi Hwokutaura: Kunyatsoteerera (be-CA p. 187 ¶1-5)

Nha. 1: Mapfuuridzirwo Angaitwa Kurukurirano (be-CA p. 64 ¶2–p. 65 ¶4)

Nha. 2: Revhitiko 3:1-17

Nha. 3: Rufu rwaJesu Kristu Rwakanga Rwakasiyana Sei Norwevamwe Vave Vachifira Kutenda? (rs-CA p. 321 ¶1-4)

Nha. 4: Kufarira Kuita Zvemashiripiti Kwakaipirei?

June 14 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 6-9 Rwiyo 121

Unyanzvi Hwokutaura: Kubatsira Vamwe Kubudirira (be-CA p. 187 ¶6–p. 188 ¶3)

Nha. 1: Kunzwisisa Maonero Eabvunza (be-CA p. 66 ¶1–p. 68 ¶1)

Nha. 2: Revhitiko 7:1-19

Nha. 3: Tingadzidza Sei Kuvenga Zvakaipa?

Nha. 4: Nei Zvakanga Zvakakodzera Kuti Rudzikinuro Rupiwe Munzira Yarwakapiwa Nayo? (rs-CA p. 322 ¶2-4)

June 21 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 10-13 Rwiyo 183

Unyanzvi Hwokutaura: Kupa Ruyamuro Runobatsira (be-CA p. 188 ¶4–p. 189 ¶4)

Nha. 1: Ziva Mapinduriro Aunofanira Kuita (be-CA p. 68 ¶2–p. 70 ¶4)

Nha. 2: Revhitiko 11:1-25

Nha. 3: Nei Mwari Asina Kungotema Kuti Vose Vaizoteerera Vaigona Kurarama Nokusingaperi? (rs-CA p. 322 ¶5–p. 323 ¶2)

Nha. 4: Maonero Anoita Jehovha Kubiridzira

June 28 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 14-16 Rwiyo 216

Unyanzvi Hwokutaura: Vamwe Varemekedzwa (be-CA p. 190 ¶1–p. 191 ¶1)

Kudzokorora

July 5 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 17-20 Rwiyo 54

Unyanzvi Hwokutaura: Kubvuma Kwokuremekedza (be-CA p. 191 ¶2–p. 192 ¶1)

Nha. 1: Kunyorerana Tsamba (be-CA map. 71-3)

Nha. 2: Revhitiko 17:1-16

Nha. 3: Vimba Nesangano raJehovha

Nha. 4: Ukoshi Hwechibayiro chaJesu Hwakatanga Kushanda Kuna Vanaani, uye Nechinangwa Chei? (rs-CA p. 323 ¶3–p. 324¶1)

July 12 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 21-24 Rwiyo 138

Unyanzvi Hwokutaura: Kukurukura Zvine Ruremekedzo (be-CA p. 192 ¶2–p. 193 ¶2)

Nha. 1: Budirira—Fambira Mberi (be-CA p. 74 ¶1–p. 75 ¶3)

Nha. 2: Revhitiko 22:1-16

Nha. 3: Ndivanaanizve Muzuva Redu Vari Kubatsirwa Nechibayiro chaJesu? (rs-CA p. 324 ¶2-4)

Nha. 4: Jehovha Aiva Mwari wevaJudha Chete Here?

July 19 Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 25-27 Rwiyo 7

Unyanzvi Hwokutaura: Ataurwa Nechivimbo (be-CA p. 194 ¶1–p. 195 ¶2)

Nha. 1: Shandisa Chipo Chako (be-CA p. 75 ¶4–p. 77 ¶2)

Nha. 2: Revhitiko 25:1-19

Nha. 3: Kuguma Kuchaita Ugandanga

Nha. 4: Zvikomboreroi Zvomunguva Yemberi Zvichavapo Nemhaka Yorudzikinuro? (rs-CA p. 325 ¶1-4)

July 26 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 1-3 Rwiyo 30

Unyanzvi Hwokutaura: Kuratidzwa Kunoita Chivimbo (be-CA p. 195 ¶3–p. 196 ¶4)

Nha. 1: VaKristu Vanofanira Kuva Negodo Here? (w02-CA 10/15 map. 28-31)

Nha. 2: w02-CA 6/15 map. 18-19 ¶6-9

Nha. 3: Chii Chatinofanira Kuita Kuti Tibatsirwe Nechibayiro chaJesu? (rs-CA p. 326 ¶1-4)

Nha. 4: Zvakaipa Here Kuchema Rufu Rwomudiwa?

Aug. 2 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 4-6 Rwiyo 128

Unyanzvi Hwokutaura: Kuchenjerera asi Wakatsiga (be-CA p. 197 ¶1-3)

Nha. 1: Kuita Kuti Mazuva Edu Akoshe Kuna Jehovha (w02-CA 11/15 map. 20-3)

Nha. 2: Numeri 6:1-17

Nha. 3: Bhaibheri Ringabatsira Sei Vanhu Kuti Vasavengana?

Nha. 4: Rudzikinuro Runofanira Kuva Nomugumisiroi Pamashandisiro Atinoita Upenyu Hwedu? (rs-CA p. 326 ¶5-7)

Aug. 9 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 7-9 Rwiyo 35

Unyanzvi Hwokutaura: Kuchenjerera Pakupupurira (be-CA p. 197 ¶4–p. 199 ¶1)

Nha. 1: Zvinonyatsoita Here Kuti Vanhu Vagare Vasingasarurani? (w02-CA 1/1 map. 4-7)

Nha. 2: Numeri 8:1-19

Nha. 3: Muapostora Pauro Paakati vaKristu Vaizo“torwa” Kuti Vave naShe, Inyaya ipi Yakanga Ichikurukurwa? (rs-CA p. 122 ¶1-2)

Nha. 4: Ndiani Anopesana naKristu?

Aug. 16 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 10-13 Rwiyo 203

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Akakodzera Panguva Yakakodzera (be-CA p. 199 ¶2-5)

Nha. 1: Vimba naJehovha—Mwari Chaiye (w02-CA 1/15 map. 5-7)

Nha. 2: Numeri 12:1-16

Nha. 3: Kutsiva kwaMwari Kunoenderana Norudo Rwake Here?

Nha. 4: Kristu Achauya Achioneka Ari Pagore Obva Atora vaKristu Vakatendeka Oenda Navo Mumatenga Apo Nyika Inenge Yakatarira Here? (rs-CA p. 122 ¶3–p. 123 ¶2)

Aug. 23 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 14-16 Rwiyo 207

Unyanzvi Hwokutaura: Kuchenjerera Tiine Mhuri uye Vamwe (be-CA p. 200 ¶1-4)

Nha. 1: Mukoma Nomunun’una Vakava Nemafungiro Akasiyana (w02-CA 1/15 map. 21-3)

Nha. 2: w02-CA 7/15 map. 23-4 ¶15-19

Nha. 3: Zvinobvira Here Kuti vaKristu Vaendeswe Kudenga Vaine Miviri Yavo Yenyama? (rs-CA p. 123 ¶3-4)

Nha. 4: hNei Mitambo Yemavhidhiyo Ane Chisimba Isiri yevaKristu

Aug. 30 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 17-21 Rwiyo 150

Unyanzvi Hwokutaura: Zvinokurudzira uye Zvakanaka (be-CA p. 202 ¶1–p. 203 ¶2)

Kudzokorora

Sept. 6 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 22-25 Rwiyo 22

Unyanzvi Hwokutaura: Kuita Kuti Matauriro Ako Ave Anokurudzira (be-CA p. 203 ¶3–p. 204 ¶1)

Nha. 1: Nei Nyika Iyoyo Yekare Yakaparara? (w02-CA 3/1 map. 5-7)

Nha. 2: Numeri 22:1-19

Nha. 3: VaKristu Vakatendeka Vachaendeswa Kudenga Muchivande Vasina Kufa Here? (rs-CA p. 124 ¶1–p. 125 ¶1)

Nha. 4: iNei Vabereki vechiKristu Vachifanira Kuverengera Vana Vavo

Sept. 13 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 26-29 Rwiyo 71

Unyanzvi Hwokutaura: Pakutaura Nevaunonamata Navo (be-CA p. 204 ¶2–p. 205 ¶4)

Nha. 1: Maperero Achaita Kuremara (w02-CA 5/1 map. 4-7)

Nha. 2: Numeri 29:1-19

Nha. 3: VaKristu Vechokwadi Vachadzivirirwa Zvakadini Pakutambudzika Kukuru? (rs-CA p. 125 ¶2-6)

Nha. 4: Zvipikirwa zvaMwari Zvakava Zvechokwadi Sei Kuburikidza naJesu Kristu?

Sept. 20 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 30-32 Rwiyo 51

Unyanzvi Hwokutaura: Kudzokorora Kuti Usimbise (be-CA p. 206 ¶1-4)

Nha. 1: Dyara Kururama, Kohwa Mutsa waMwari Une Rudo (w02-CA 7/15 map. 28-31)

Nha. 2: Numeri 30:1-16

Nha. 3: Nei Vamwe vaKristu Vachiendeswa Kudenga Kuti Vave naKristu? (rs-CA p. 125 ¶8–p. 126 ¶3)

Nha. 4: jChikonzero Chokutiza Zvinonyadzisira

Sept. 27 Kuverenga Bhaibheri: Numeri 33-36 Rwiyo 100

Unyanzvi Hwokutaura: Kudzokorora Muushumiri Hwomumunda uye Muhurukuro (be-CA p. 207 ¶1–p. 208 ¶4)

Nha. 1: Vasande Vechokwadi Vanogona Kukubatsira Sei? (w02-CA 9/15 map. 4-7)

Nha. 2: w02-CA 8/1 map. 18-19 ¶15-19

Nha. 3: k‘Unodavira Mukutorwa Here?’ (rs-CA p. 126 ¶4-6)

Nha. 4: Chikonzero Chokurega Kutsvaka Mafaro

Oct. 4 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 1-3 Rwiyo 191

Unyanzvi Hwokutaura: Musoro Wanyatsokurukurwa (be-CA p. 209 ¶1-3)

Nha. 1: Kunyaradzwa neZivo Yakarurama yaMwari (w02-CA 10/1 map. 5-7)

Nha. 2: Dheuteronomio 1:1-18

Nha. 3: Zvazvinoreva Kuita Kuti Chokwadi Chive Chako

Nha. 4: Kunzwa Kusina Kujairika Kwokuva Akanyatsorovedzana Nevazivikanwi Vatsva uye Nzvimbo Kunoratidza Kuti Kuberekwazve Ndokwechokwadi Here? (rs-CA p. 111 ¶1–p. 112 ¶2)

Oct. 11 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 4-6 Rwiyo 181

Unyanzvi Hwokutaura: Kushandisa Musoro Wakafanira (be-CA p. 210 ¶1–p. 211 ¶1; p. 211, bhokisi)

Nha. 1: Kuverenga Tichidzoka Shure Kubva Muna 537 B.C.E. Kusvika Kuna 997 B.C.E. (si-CA p. 285 ¶5-7)

Nha. 2: Dheuteronomio 4:1-14

Nha. 3: Nei Nhoroondo iri Pana Johani 9:1, 2 Isingaratidzi Kuberekwazve? (rs-CA p. 112 ¶3–p. 113 ¶3)

Nha. 4: ‘Kufunga Zvomudzimu’ Kunosanganisirei?

Oct. 18 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 7-10 Rwiyo 78

Unyanzvi Hwokutaura: Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena (be-CA p. 212 ¶1–p. 213 ¶1)

Nha. 1: Kuverenga Tichidzokera Shure Kubvira Muna 997 B.C.E. Kusvika Kuna 2370 B.C.E. (si-CA map. 285-6 ¶8-11)

Nha. 2: w02-CA 8/15 map. 15-16 ¶3-6

Nha. 3: Pane Musiyano Wakadini Pakuberekwazve Netariro Inopiwa neBhaibheri? (rs-CA p. 113 ¶4–p. 114 ¶1)

Nha. 4: lMaonero Anoita Jehovha Vanoramba Kutenda

Oct. 25 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 11-13 Rwiyo 57

Unyanzvi Hwokutaura: Pfungwa Huru Dzisina Kuwandisa (be-CA p. 213 ¶2–p. 214 ¶5)

Kudzokorora

Nov. 1 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 14-18 Rwiyo 26

Unyanzvi Hwokutaura: Sumo Inoita Kuti Vanhu Vafarire (be-CA p. 215 ¶1–p. 216 ¶5)

Nha. 1: Kuverenga Tichidzoka Shure Kubvira Muna 2370 B.C.E. Kusvika Kuna 4026 B.C.E. (si-CA map. 286-7 ¶12-15)

Nha. 2: Dheuteronomio 14:1-23

Nha. 3: aKana Mumwe Munhu Akati, ‘Ndinodavira Kuberekwazve’ (rs-CA p. 114 ¶2-4)

Nha. 4: Chikonzero Chokuti vaKristu Vararame Upenyu Huri Nyore

Nov. 8 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 19-22 Rwiyo 182

Unyanzvi Hwokutaura: Kuteererwa Nevanhu Mubasa Romumunda (be-CA p. 217 ¶1-4)

Nha. 1: Kugara Pasi kwaJesu (si-CA p. 291 ¶16-17)

Nha. 2: Dheuteronomio 21:1-17

Nha. 3: Nei Kuine Zvitendero Zvakawanda Kudai? (rs-CA p. 309 ¶5–p. 310 ¶5)

Nha. 4: Mienzaniso yomuBhaibheri Ingatibatsira Sei Kurarama Nokuora Mwoyo?

Nov. 15 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 23-27 Rwiyo 162

Unyanzvi Hwokutaura: Kuzivisa Zvauri Kutaura Nezvazvo Musumo (be-CA p. 217 ¶5–p. 219 ¶3)

Nha. 1: Mativi Enguva Oushumiri hwaJesu (si-CA p. 291 ¶18-19)

Nha. 2: Dheuteronomio 24:1-16

Nha. 3: Kuzivikanwa Kungaitwa Vaya Vanotsigirwa naMwari

Nha. 4: Ichokwadi Here Kuti Zvitendero Zvose Zvakanaka? (rs-CA p. 311 ¶1-3)

Nov. 22 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 28-31 Rwiyo 32

Unyanzvi Hwokutaura: Mashoko Okupedzisira Anobudirira (be-CA p. 220 ¶1-3)

Nha. 1: Kuverenga Makore Munguva Dzevaapostora (si-CA map. 291-2 ¶20-3)

Nha. 2: Dheuteronomio 29:1-18

Nha. 3: Zvakakodzera Here Kusiya Chitendero Chevabereki Vako? (rs-CA p. 311 ¶4–p. 312 ¶2)

Nha. 4: Chikonzero Chokuti vaKristu Vave Nomwero

Nov. 29 Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 32-34 Rwiyo 41

Unyanzvi Hwokutaura: Zvinhu Zvokugara Uchiyeuka (be-CA p. 220 ¶4–p. 221 ¶4)

Nha. 1: Rwendo rwaPauro Rwechipiri Rwoumishinari (si-CA p. 292 ¶24-5)

Nha. 2: w02-CA 10/15 p. 11 ¶10-13

Nha. 3: Nzira Dzatingatsvenesa Nadzo Zita raMwari

Nha. 4: Bhaibheri Rinoti Kudini Nezvokubatana Mukutenda Nezvimwe Zvitendero? (rs-CA p. 312 ¶3–p. 313 ¶3)

Dec. 6 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 1-5 Rwiyo 40

Unyanzvi Hwokutaura: Muushumiri Hwomumunda (be-CA p. 221 ¶5–p. 222 ¶6)

Nha. 1: Rwendo rwaPauro Rwechitatu Rwoumishinari uye Makore Okupedzisira, 56-100 C.E. (si-CA p. 293 ¶26-30)

Nha. 2: Joshua 4:1-14

Nha. 3: Zvinokosha Here Kuva Muchitendero Chakarongwa? (rs-CA p. 313 ¶4–p. 314 ¶4)

Nha. 4: VaKristu Vanofanira Kupemberera Krisimasi Here?

Dec. 13 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 6-8 Rwiyo 213

Unyanzvi Hwokutaura: Kutaura Zvinhu Zvakarurama (be-CA p. 223 ¶1-5)

Nha. 1: Kukumbira Ruregerero—Kunokosha Kuti Pave Norugare (w02-CA 11/1 map. 4-7)

Nha. 2: Joshua 6:10-23

Nha. 3: Nei Tichiramba Tichiparidza Pamba Nemba?

Nha. 4: Kuda Mumwe Wako Ndiko Kunokosha Chaizvoizvo Here? (rs-CA p. 314 ¶6)

Dec. 20 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 9-11 Rwiyo 135

Unyanzvi Hwokutaura: “Anobatisisa Shoko Rakatendeka” (be-CA p. 224 ¶1-4)

Nha. 1: Simbisai Maoko Enyu (w02-CA 12/1 map. 30-1)

Nha. 2: w02-CA 11/15 map. 18-19 ¶19-23

Nha. 3: Kuva Noukama naMwari Iwe Pachako Chinhu Chinokosha Chaizvoizvo Here? (rs-CA p. 315 ¶1-2)

Nha. 4: bZvazvinoreva Kuva Norugare

Dec. 27 Kuverenga Bhaibheri: Joshua 12-15 Rwiyo 210

Unyanzvi Hwokutaura: Kuongorora Kururama Kwemashoko (be-CA p. 225 ¶1-3)

Kudzokorora

[Mashoko Omuzasi]

a Inopiwa hama bedzi.

b Inopiwa hama bedzi.

c Inopiwa hama bedzi.

d Inopiwa hama bedzi.

e Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo, zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

f Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo, zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

g Inopiwa hama bedzi.

h Inopiwa hama bedzi.

i Inopiwa hama bedzi.

j Inopiwa hama bedzi.

k Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo, zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

l Inopiwa hama bedzi.

a Kana nguva ichibvumira, taura mapindurirwo angaitwa zvinotaurwa, zvirambidzo, nezvimwewo, zvichanyatsokodzera ndima yenyu.

b Inopiwa hama bedzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe