Vhidhiyo Inoratidza Kurapa Kunokosha Kwava Kufarirwa Nevoruzhinji
Nyanzvi dzepamutemo nedzokurapa dzava kufarira kufungisisa nezvemaonero akanaka uye kodzero dzevarwere. Izvi zvasimudzira marapiro matsva anogona kubatsira Zvapupu zvaJehovha. (Mab. 15:28, 29) Izvozvo ndizvo zvinonyanya kutaurwa muvhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights. Ionei, mozodzokorora zvamadzidza.—Onai kuti: Vabereki vanofanira kufungisisa kuti voona here vhidhiyo yacho nevana vaduku nokuti muvhidhiyo yacho mune zvikamu zviduku zvinoratidza kuvhiya.
(1) Nei vezvokurapa vari kuongororazve kuwedzerwa kweropa pakurapa? (2) Ipa mienzaniso mitatu yokuvhiya kusiri nyore kunoitwa pasina kuwedzera ropa. (3) Pasi pose pane vanachiremba uye vavhiyi vangani vakaratidza chido chavo chokurapa varwere vasingawedzeri ropa? Nei vachida kuita kudaro? (4) Kuongorora kuchangobva kuitwa muzvipatara kwakaratidzei nezvokushandiswa kweropa? (5) Ingozi dzipi dzokurapa dzakabatana nokuwedzerwa ropa? (6) Nyanzvi dzakawanda dzakati kudini nezvokubatsira kwenzira dzinotsiva kuwedzera ropa? (7) Chii chinokonzera kushomeka kweropa? Vanhu vanogona kurarama nechine- tso ichi zvakadini? Chii chinga- itwa kuti riwedzere? (8) Kugadzirwa kwemasero matsvuku kungakuchidzirwa sei mumuviri womurwere? (9) Inzira dzipi dziri kushandiswa kuderedza kurasika kweropa pakuvhiya? (10) Zvinotsiva kuwedzerwa kweropa zvingashanda here pavana vaduku uye patsaona dzinotyisidzira upenyu? (11) Ndeipi iri imwe yenzira dzakanaka dzokurapa kwakanaka? (12) Nei zvakakodzera kuti vaKristu vagare vasarudza kurapwa kwavanoda pasina ropa? Tingaita sei izvi?
Achishandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri, munhu anozvisarudzira kana achida mamwe emarapiro anoratidzwa muvhidhiyo yacho. Wakasarudza zvimwe zvingatsiva kuwedzera ropa zvaunoda iwe nevana vako here? Nhengo dzemhuri dzisiri Zvapupu dzinofanirawo kuudzwa zvakazara nezvezvisarudzo zvako uye zvikonzero zvacho.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri mumagazini eNharireyomurindi yaJune 15 naOctober 15, 2000.