Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana musina iri, mungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. January: Bhuku ripi neripi rakabudiswa 1988 asati asvika iro ungano ingava naro. Kana musina mabhuku aya, tapota bvunzai kana ungano dziri pedyo dziine mamwe mabhuku ekare okuwedzera amungagona kushandisa. Ungano dzisina mabhuku ekare dzingagovera bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu. February: Swedera Pedyo naJehovha. Kana musina bhuku iri, mungagovera Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Kana vanhu vachitova nebhuku iri, bhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri! ringagoverwa.
◼ Sechiyeuchidzo kuhama dzinotarisira akaunzi dzeungano, mipiro inoiswa mubhokisi reBasa reNyika Yose uye reHomwe yeDzimba dzoUmambo inofanira kutumirwa mwedzi woga woga uye haifaniri kushandiswa kubhadhara chikwereti cheImba yoUmambo kana kuti imwe mari inoshandiswa neungano.
◼ Ungano dzinofanira kuodha masiripi Okukokera Chirangaridzo a2004 nokukurumidza. Ungano dzakawanda dzakaora mwoyo kutanga kwegore rino nokuti dzakanga dzisina kuodha masiripi adzo nenguva yakanaka kuti dziagamuchire Chirangaridzo chisati chasvika. Mutariri anotungamirira anofanira kukurukura nomunyori kuti ave nechokwadi chokuti odha yacho yaitwa. Masiripi acho anowanikwa muChirungu, Shona, Xhosa, neZulu. Anofanira kuodwa ari muuwandu hwe100, 200, 300, zvichingodaro pamutauro mumwe nomumwe. Tapota odhai nokuchenjera sezvo akagadzirirwa vanhu vanofarira chete, kwete kuti apiwe vanhu vose vose.
◼ Tapota onai kuti Chirangaridzo chegore ra2005 chichavako musi weChina, March 24, zuva ranyura. Ichi chiziviso chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dziite urongwa hunodiwa kana zvibvumirano nokuda kwedzimba dziripo, kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo zvimwe zvivako zvichafanira kutsvakwa. Muzviitiko zvakadaro, vakuru vanofanira kuva nechibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nezvimwe zvinenge zvichiitwa muchivako chacho zvinodzongonyedza kuitira kuti kuchengetwa kweChirangaridzo kuitwe norugare uye zvakarongeka. Nokuti nguva yacho inokosha, pakuronga mukurukuri weChirangaridzo, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru vanokwanisa zvikuru panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Kana paine mukuru anokwanisa akazodzwa anogona kupa hurukuro yacho, anofanira kusarudzwa.
◼ Ungano dzinoyeuchidzwa kuti dzinofanira kugara dzichitarira tsamba pakero yadzo. Kazhinji hofisi yebazi inogamuchira tsamba kana kuti pasuru dzinenge dzadzoswa nePosvo. Nguva yose inodzoswa zvinhu, bazi rinobhadhariswa imwe mari. Naizvozvo, vatariri vanotungamirira vanokurudzirwa nomutsa kuti vave nechokwadi chokuti mumwe munhu anotarira tsamba kana kuti pasuru vhiki imwe neimwe pakero yeungano. Ungano dziri muHarare dzinofanirawo kungwarira kutora mabhuku nemagazini adzo paDzimba dzoUmambo idzo dzaanoiswa nebazi. Izvi zvinofanira kugara zvichiitwa nokukurumidza.