RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/04 p. 2
  • Purogiramu yoMusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu yoMusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naOctober 11
  • Vhiki Inotanga naOctober 18
  • Vhiki Inotanga naOctober 25
  • Vhiki Inotanga naNovember 1
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 10/04 p. 2

Purogiramu yoMusangano Webasa

Vhiki Inotanga naOctober 11

Rwiyo 219

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vose kuti vashandise mibvunzo iri papeji 1 kuti vadzokorore zvavakanyora vachigadzirira kukurukurirana nevateereri kwepurogiramu yeKokorodzano Yoruwa yaiti “Famba naMwari” ichaitwa paMusangano Webasa wevhiki inouya. Shandisa mazano ari papeji 8, (kana achikodzera ndima yenyu) kuti uenzanisire kuti ungagovera sei Nharireyomurindi yaOctober 1 uye Mukai! yaOctober 8. Kurudzira vaparidzi kuti vataurewo rugwaro mumharidzo dzavo. Dzimwe mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa.

20 min: “Basa Chairo Rokuparadzira Bhurocha Idzva.”aInofanira kupiwa nomutariri webasa. Ita kuti mharidzo dziripo dzienzanisirwe. Mune mumwe muenzaniso wacho, saimba haanyanyi kufarira mharidzo yomuMagwaro uye anogoverwa turakiti pane bhurocha.

15 min: Munyori anokurukura tsamba yakanzi SDF October 19, 2003, ine chokuita nokupinda magungano. Ratidza kuti mashoko acho anoshanda sei muungano yenyu.

Rwiyo 69 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 18

Rwiyo 127

5 min: Zviziviso zveungano. Kurukura kwenguva pfupi urongwa hwebasa chairo rokuparadzira bhurocha idzva.

40 min: “Kokorodzano Yoruwa Inotikurudzira Kufamba naMwari.” Inofanira kupiwa nomukuru. Pashure pokusuma kweminiti imwe kana kuti isingasviki, kurukurirana nevateereri purogiramu yekokorodzano uchishandisa mibvunzo iri munyaya yacho. Kamuranisa nguva yacho kuti mubvunzo mumwe nomumwe ukurukurwe zvakakwana, zvichida uchingoita kuti mimwe mibvunzo ive nemhinduro imwe chete. Magwaro ose haagoni kuverengwa panguva yawakapiwa; akaisirwa kuti zvive nyore kuwana mhinduro. Mhinduro dzacho dzinofanira kusimbisa kuti zvakanakirei kushandisa zvinhu zvatinenge tadzidza.

Rwiyo 165 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 25

Rwiyo 56

12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Enzanisira mharidzo yokugovera bhurocha idzva yave ichibudirira mundima yenyu.

18 min: Farira Kubatsira Vamwe. (Joh. 4:34) Kubvunzurudza. Zvinofadza kuona chiso chomumwe munhu chichinyevenuka paanodzidza chokwadi muShoko raMwari. (w94-CA 3/1 p. 29 ndima 5-6) Bvunzurudza vaparidzi vaviri kana vatatu kana kuti mapiyona anobudirira kushandisa Bhaibheri muushumiri uye kutanga nokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Vanoita sei kuti vanhu vavanenge vawana varambe vachifarira? Chii chinovafadza pakuita izvozvo? Ita kuti varondedzere zvakaitika vari muushumiri kana kuti vazvienzanisire semaitikiro azvakaita.

15 min: Zvakaitika zvomuungano. Rondedzera zvakaitika panguva yebasa chairo rokuparadzira bhurocha idzva. Zvakaitika zvakanaka zvingaenzanisirwa semaitikiro azvakaita. Taura zvakaitwa, uye rumbidza vose nokuedza kwavakaita. Musangano Webasa wevhiki inouya uchataura kuti tingaita sei kuti munhu arambe achifarira tichishandisa bhurocha idzva.

Rwiyo 62 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 1

Rwiyo 15

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda. Muna November tichagovera bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. Dzokorora kwenguva pfupi mazano okugovera bhuku racho ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 2004, papeji 3, uye enzanisira imwe yemharidzo dzacho. Kana pane imwe nzira yokusvika nayo ingava inobudirira zvikuru mundima yenyu, ingakurukurwa yoenzanisirwa. Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure kuti vakakwanisa sei kushandisa bhuku iri muushumiri.

15 min: Zvinodiwa muungano.

20 min: Ita Kuti Vanhu Varambe Vachifarira Uchishandisa Bhurocha Idzva. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunofanira kuitiswa nomutariri webasa. Taura zviri mumabhokisi anoverengeka ari mubhurocha raRambai Makarinda! uye kurukura kuti angashandiswa sei pakudzokerazve. Kumbira vateereri kuti vataure kuti mabhokisi api avanofunga kuti anganyanya kufarirwa mundima yenyu. Iva nomuenzaniso wokudzokerazve, uchishandisa rimwe remabhokisi acho. Muparidzi anogumisa mharidzo yacho nokuratidza saimba rimwe bhokisi richakurukurwa paanozoshanyazve. Musangano Webasa womunguva yemberi uchava nomuenzaniso wokushanya ikoko.

Rwiyo 175 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe