Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi July 15
“Munofunga kuti tichazombova nehurumende inogadzirisa zvinetso zvevanhu here? [Rega apindure.] Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera hurumende yakadaro mumashoko ake akanyorwa pana Mateu 6:9, 10. [Verenga.] Magazini ino inotsanangura kuti nei Umambo hwaMwari huchipfuura hurumende dzevanhu uye inotsanangura zvikomborero zvahuchaunzira vanhu.”
Awake! July
Paunosangana nowechiduku, ungati: “Vakawanda vezera rako vari kufunga zvokuroora. Unofunga kuti ndokupi kwaungawana mashoko aungavimba nawo panyaya iyi? [Rega apindure.] Ona kuti ndiani akatanga mhuri. [Verenga Mateu 19:6.] Magazini ino ine mazano omuBhaibheri anotibatsira kuti tive nemhuri inofara.”
Nharireyomurindi Aug. 1
“Zvakajairika chaizvo mazuva ano kuona vanhu vachibata vamwe zvisina kunaka. Munofunga kuti zvinhu zvaizochinja here kudai vanhu vakawanda vaishandisa mashoko aya aJesu? [Verenga Mateu 7:12. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inoratidza kubva muBhaibheri kuti vanhu vachawana sei kodzero yavo yokuremekedzwa.”
Awake! Aug.
“Tose zvedu tinoda kutarisira utano hwedu zvakanaka. Munozviziva here kuti vanachiremba vakawanda mazuva ano vanozeza kuwedzera vanhu ropa? [Rega apindure.] Magazini ino inotsanangura kuti nei zvakadaro. Inotsanangurawo kubva muBhaibheri kuti nei Mwari achikoshesa ropa.” Verenga Revhitiko 17:11.