Purogiramu Yevhiki yaJanuary 9
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 9
Rwiyo 53 Nomunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 15 ¶8-12, bhokisi riri pap. 118 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Isaya 29-33 (10 min.)
Nha. 1: Isaya 30:15-26 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Vanhu Vakasikwa Kuti Vangorarama Kwemakore Mashomanana Vobva Vafa Here?—rs-CA p. 358 ¶3–p. 359 ¶5 (5 min.)
Nha. 3: Vanhu Vane Zvitadzo Vangatsvenesa Sei Zita raJehovha?—Mat. 6:9 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Paridzira Vaya Vanotaura Mumwe Mutauro. Hurukuro inotsanangura kushandisa kwatingaita kabhuku kanonzi Good News for People of All Nations. Ivai nomuenzaniso.
10 min: Uchapupu Hwokuti Bhaibheri Rakafuridzirwa. Kukurukurirana kubva mubhuku raKukurukurirana, peji 39, ndima 2, kusvika kupeji 43, ndima 1.
10 min: “Kanda Zvibhakera Zvako Nokuchenjera.” Mibvunzo nemhinduro. Pakukurukura ndima 2, bvunzurudzai muchidimbu mutariri webasa kuti mundima menyu vanhu vanowanikwa kupi panguva dzakasiyana-siyana mukati mezuva uye mukati mevhiki.
Rwiyo 115 Nomunyengetero