Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
NOVEMBER 6-12
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | AMOSI 1-9
“Tsvakai Jehovha Kuti Murambe Muchirarama”
Tsvaka Jehovha, Muongorori Wemwoyo
20 Zvinofanira kunge zvaisava nyore kuti munhu upi noupi aigara muna Israeri mazuva iwayo arambe akatendeka kuna Jehovha. Hazvisi nyore kuita zvakasiyana nevamwe, sokuziva kunoita vaKristu nhasi, vangava vechiduku kana kuti vakura. Asi kuda Mwari uye chido chokumufadza zvakakurudzira vamwe vaIsraeri kuti vanamate nenzira yechokwadi. Jehovha akavakoka noushamwari sezvakanyorwa pana Amosi 5:4, achiti: “Nditsvakei, murarame.” Nhasi, Mwari anonzwirawo ngoni vaya vanopfidza vomutsvaka nokupinza zivo yakarurama yeShoko rake vobva vaita zvaanoda. Hazvisi nyore kutevera nzira iyi, asi kuita izvozvo kunoita kuti tizowana upenyu husingaperi.—Johani 17:3.
Shumira Jehovha Maererano Nezvaanoda Zvakanaka Chaizvo
16 Munhu wokutanga, Adhamu, akasarudza noupenzi pakuti zvinhu zvinodiwa zvaani panyaya yezvakanaka nezvakaipa zvakanga zvakanyanya kunaka? Isu tichanyatsosarudza nokuchenjera here? Amosi akatirayira kuva nemanzwiro akasimba ane chokuita neizvi, achikurudzira kuti: “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka.” (Amosi 5:15) William Rainey Harper, purofesa akashaya wemitauro nemabhuku zvekare zvechiJudha aiva paUniversity of Chicago, akati nezvendima iyi: “Zvinodiwa panyaya yezvakanaka nezvakaipa, mupfungwa dza[Amosi], kuita zvinoenderana nezvinoda Yahwe.” Iyi ipfungwa huru yatinogona kudzidza kubva muvaprofita 12. Tinoda here kubvuma zvinodiwa naJehovha panyaya yezvakanaka nezvakaipa? Bhaibheri rinotizivisa zvinodiwa izvozvo zvakanaka chaizvo uye zvinotsanangurwa nevaKristu vakura uye vane ruzivo, vanoumba “muranda akatendeka, akangwara.”—Mateu 24:45-47.
17 Kuvenga kwedu zvakaipa kunotibatsira kurega zvinhu zvisingafadzi Mwari. Somuenzaniso, munhu angava achiziva nezvengozi dzeIndaneti oedza kusaona zviripo. Asi, ‘munhu waari nechomukati’ anonzwa sei nezvezvinonyadzisira zvinoratidzwa paIndaneti pacho? (VaEfeso 3:16) Kana akashandisa zvinorayirwa naMwari zviri pana Amosi 5:15, achaona zviri nyore zvikuru kushandira kuvenga zvakaipa. Izvozvo zvingaita kuti akunde pakurwisa kwake kurega zvisingadiwi naMwari.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi
2:12. Hatifaniri kuodza mwoyo mapiyona, vatariri vanofambira, mamishinari, kana kuti vemhuri yeBheteri vanoshanda nesimba tichivakurudzira kuti varege basa ravo renguva yakazara kuti vararame hunonzi nevakawanda upenyu chaihwo. Asi tinofanira kuvakurudzira kuti varambe vachiita basa ravo rakanaka.
Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi
8:1, 2—“Tswanda yemichero yezhizha” yairevei? Yaireva kuti zuva raJehovha rakanga rava pedyo. Michero yezhizha inounganidzwa mwaka wokukohwa wava kunopera, kureva kuti nechokunopera kwegore rokurima. Jehovha paakaita kuti Amosi aone “tswanda yemichero yezhizha,” zvaireva kuti kuguma kwakanga kwava pedyo nokuda kwaIsraeri. Naizvozvo Mwari akaudza Amosi kuti: “Kuguma kwasvika kuvanhu vangu vaIsraeri. Handichazovaregererizve.”
NOVEMBER 13-19
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | OBHADHIYA 1–JONA 4
“Dzidza Kubva Pazvikanganiso Zvako”
Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake
22 Zvakadini naJona? Akadzidza kuratidza kuonga kwake kuna Jehovha here kuburikidza nekuteerera? Hongu. Pashure pemazuva matatu neusiku hutatu, hove yacho yakaendesa Jona pamhenderekedzo chaipo “ikarutsira Jona panyika yakaoma.” (Jona 2:10) Fungidzira—pashure pezvose izvozvo, Jona akanga asingatombofaniri kushambira kuti aende panyika yakaoma! Ichokwadi kuti aifanira kutsvaka kwokuenda achibva pamhenderekedzo iyoyo, chero kwayainge iri. Zvisinei, pasina nguva refu, kuonga kwake kwakaedzwa. Jona 3:1, 2, inoti: “Zvino shoko raJehovha rakauya kuna Jona kechipiri, richiti: ‘Simuka, uende kuNinivhi guta guru, unorizivisa mashoko andichakuudza.’” Jona aizoitei?
23 Jona haana kuzengurira. Tinoverenga kuti: “Jona akabva asimuka, akaenda kuNinivhi maererano neshoko raJehovha.” (Jona 3:3) Hongu, akateerera. Zviri pachena kuti akanga adzidza kubva pazvikanganiso zvake. Panyaya iyiwo tinofanira kutevedzera kutenda kwaJona. Tose tinotadza; tose tinokanganisa. (VaR. 3:23) Asi tinokanda mapfumo pasi here, kana kuti tinodzidza kubva pazvikanganiso zvedu tobva tashumira Mwari tichimuteerera?
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzatinowana Muna Obhadhiya, Jona, naMika
10—Edhomu ‘yakaparadzwa sei nokusingagumi’? Edhomu inyika yakatombovapo ichitovawo nehurumende yayo yaiva nenharaunda yayaitonga, asi sezvakanga zvafanotaurwa, yakazotsakatika. Mambo weBhabhironi Nabhonidhasi akakunda Edhomu panenge pakati pezana remakore rechitanhatu B.C.E. Pakazosvika zana remakore rechina B.C.E., muEdhomu makanga mava kugara vaNabataea, uye vaEdhomu vaifanira kunogara kumaodzanyemba kweJudhiya, nzvimbo yeNegebhu yakazonzi Idhumeya. VaRoma vaparadza Jerusarema muna 70 C.E., vaEdhomu havana kuzoonekwazve.
Kuitira Vamwe Zvinodiwa naMwari
4 Ungawana chidzidzo mukushora kwakaita Mwari Edhomu, nyika yaiva pedyo neIsraeri achiti: “Waisafanira kutarira uchifara muzuva romunun’una wako, muzuva renhamo yake; uye waisafanira kufara pamusoro pevanakomana vaJudha pazuva rokuparara kwavo.” (Obhadhiya 12) VaTire vangave vaiva “hama” pane zvokutengeserana, asi vaEdhomu vaiva “hama” chaidzo dzevaIsraeri, nokuti vakanga vabva kuna Isau, mukoma waJakobho. Kunyange Jehovha akadana vaEdhomu kuti “hama” dzevaIsraeri. (Dheuteronomio 2:1-4) Saka zvechokwadi rwaiva ruvengo kuti vaEdhomu vafare vaJudha pavakawirwa nedambudziko rakaunzwa nevaBhabhironi.—Ezekieri 25:12-14.
5 Zviri pachena kuti Mwari haana kufarira mabatiro akaita vaEdhomu hama dzavo dzechiJudha. Zvisinei, tingabvunza kuti, ‘Mwari angati chii nezvemabatiro andinoita hama dzangu?’ Chimwe chinhu chokuva nehanya nacho inyaya yemaonero uye mabatiro atinoita hama zvinhu pazvinenge zvisina kufamba zvakanaka. Somuenzaniso, fungidzira kuti muKristu akakugumbura kana kuti akava nechinetso neimwe yehama dzako. Kana uine ‘chikonzero chokunyunyuta,’ ucharamba uine chigumbu, usingakanganwi nyaya yacho kana kuti usingaedzi kuigadzirisa here? (VaKorose 3:13; Joshua 22:9-30; Mateu 5:23, 24) Kuita saizvozvo kungakanganisa zvaunoitira hama yacho; ungasava noushamwari, uchidzivisa kushamwaridzana nayo kana kuti ungataura zvakaipa nezvayo. Tichiwedzerazve pamuenzaniso wacho, fungidzira kuti hama iyi inokanganisa gare gare, zvichida ichitofanira kupiwa zano kana kuti kururamiswa nevakuru veungano. (VaGaratiya 6:1) Waizoratidza mafungiro evaEdhomu wofarira dambudziko rehama yako here? Mwari aizoda kuti uite sei?
NOVEMBER 20-26
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MIKA 1-7
“Jehovha Anodei Kwatiri?”
Tinofanira Kubata Sei Vamwe?
20 Mukuona kwaMwari, ukama hwedu nehama dzedu hunokosha pakunamata kwechokwadi. Jehovha akanga asingakoshesi zvibayiro zvemhuka zvaipiwa nevaya vakanga vasingabati hama dzavo zvakanaka. (Mika 6:6-8) Saka Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti ‘vakurumidze kugadzirisa nyaya.’ (Mat. 5:25) Pauro akanyora zvakafanana achiti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEf. 4:26, 27) Kana tikatsamwa nechikonzero chinonzwisisika, tinofanira kukurumidza kugadzirisa nyaya yacho kuitira kuti tisarambe takatsamwa zvoita kuti Dhiyabhorosi atibatire ipapo.—Ruka 17:3, 4.
“Jehovha Anodei Kwauri?”
“Kuti ururamisire.” Rimwe duramanzwi rinoti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘kururamisira’ rinoreva “zvinosanganisira kugarisana nevamwe uye kuvabata zvakanaka.” Mwari anoda kuti tibate vamwe zvakanaka, zvinoenderana nemitemo yake. Tinoratidza kuti tinoruramisira kana tisingasaruri vamwe, tichivaitira zvakarurama uye tichiita zvinhu takatendeseka. (Revhitiko 19:15; Isaya 1:17; VaHebheru 13:18) Kana tikabata vamwe zvakanaka, vanganzwawo vachida kutibata zvakanaka.—Mateu 7:12.
‘Kuti ude mutsa.’ Mwari haangodi kuti tiratidze mutsa chete asiwo anoda kuti tiude. Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “mutsa” (cheʹsedh) rinogonawo kushandurwa richinzi “mutsa worudo” kana kuti “rudo rwakavimbika.” Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Kushandura shoko rokuti [cheʹsedh] tichishandisa mashoko okuti rudo, ngoni kana kuti mutsa hazvina kukwana nokuti shoko racho rinoreva unhu hwacho hwose, kwete hwakazvimirira.” Kana tichida mutsa, tinouratidza nemwoyo wose uye tinofara kubatsira vanoshayiwa. Izvi zvinoita kuti tiwane mufaro unobva pakupa.—Mabasa 20:35.
“Uve nomwero pakufamba naMwari wako.” MuBhaibheri shoko rokuti “kufamba” rinoreva “kuramba uchiita chimwe chinhu.” Tinofamba naMwari patinoramba tichiita zvaanotiudza muBhaibheri. Tinofanira ‘kuva nomwero’ patinenge tichiita izvozvo. Nei zvakadaro? Kana tiine mwero pamberi paMwari, tichazvininipisa tobvuma kuti tiri vanhu vanotadza uye vane nzvimbo yepasi pasi kana tichizvienzanisa naye, uye tobvumawo kuti pane zvatisingakwanisi kuita. Saka, kuva “nomwero pakufamba” naMwari kunoreva kuziva zvaanoda uye zvatinokwanisa kuita.
Zvinofadza kuti Jehovha haambotitarisiri kuita zvatisingakwanisi. Anofadzwa nezvatinoedza kuita nomwoyo wose kuti timushumire. (VaKorose 3:23) Anoziva zvatisingakwanisi kuita. (Pisarema 103:14) Kana tikava nemwero, tichibvuma kuti pane zvatisingakwanisi, tinogona kufara pakufamba naMwari. Wadii kudzidza kuti ungatanga sei kufamba naMwari? Achakupa makomborero akawanda kana ukafamba naye.—Zvirevo 10:22.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzatinowana Muna Obhadhiya, Jona, naMika
2:12—Uprofita ‘hwokuunganidza vakasara vaIsraeri’ hwakazadzika rini? Hwakatanga kuzadzika muna 537 B.C.E. pakadzokera vaJudha vakanga vasara kumusha kwavo vachibva kuBhabhironi kwavakanga vatapwa. Mazuva ano, uprofita hwacho huri kuzadzika “pana Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Kubvira muna 1919, vaKristu vakazodzwa vave vachiunganidzwa ‘mudanga seboka rezvipfuwo.’ Zvavava kubatsirwa ‘neboka guru revanhu’ ‘remamwe makwai,’ kunyanya kubvira muna 1935, vava ‘kuita ruzha nevanhu.’ (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Pamwe chete, vanoshingaira kutsigira kunamata kwechokwadi.
Jehovha Anodei Kwatiri?
20 Kuwana chikomborero chaJehovha kunotiita kuti titevedzere zvakaitwa naMika. Anoti: “Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.” (Mika 7:7) Mashoko aya anowirirana sei nokufamba kwedu naMwari tichizvininipisa? Kumirira, kana kuti kushivirira, kunotibatsira kuti tisaora mwoyo nokuti zuva raJehovha harisati rauya. (Zvirevo 13:12) Kutaura chokwadi, tose zvedu tinoshuva kuti dai nyika ino yakaipa yaguma. Zvisinei, vhiki yoga yoga kune zviuru zvevanhu vachangotanga kufamba naMwari. Kuziva izvozvo kunotipa chikonzero chokumirira. Mumwe ave ari Chapupu kwenguva refu akati “Pandinotarira shure kumakore anopfuura 55 ndiri mubasa rokuparidza, ndine chokwadi chokuti handina chandakarasikirwa nacho nokumirira Jehovha. Asi kutoti zvakatondidzivirira pamatambudziko akawanda.” Unonzwawo saizvozvo here?
NOVEMBER 27–DECEMBER 3
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NAHUMI 1–HABHAKUKI 3
“Ramba Wakamuka Pakunamata Uye Uchishingaira”
Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aNahumi, Habhakuki naZefaniya
2:1. Isu tinofanira kuita saHabhakuki, kuramba takamuka pakunamata uye tichishingaira mubasa raMwari. Tinofanirawo kugara takagadzirira kugadzirisa mafungiro edu kana ‘tikatsiurwa’ kana kuti kururamiswa.
2:3; 3:16. Ngatiregei kurivara sezvatinomirira kuuya kwezuva raJehovha nokutenda.
2:4. Tinofanira kutsungirira takatendeka kuti tipone pazuva raJehovha rokutonga riri kuuya.—VaHebheru 10:36-38.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aNahumi, Habhakuki naZefaniya
2:6—“Magedhi enzizi” akavhurwa ndeapi? Magedhi aya aireva kutsemurwa kwakaitwa masvingo eguta reNinivhi nemvura yorwizi rwaTigirisi. Muna 632 B.C.E. pakabatana mauto eBhabhironi neeMedhiya achirwisa Ninivhi, iro harina kutomborota kuti kunze kunei. Raitozviona risingapindiki nokuti rakanga rakadzivirirwa nemasvingo aro akakwirira. Zvisinei madzvotsvotsvo emvura akazoita kuti Tigirisi rwufashukire. Maererano nomumwe munyori wezvakaitika kare, Diodorus, “mvura iyi yakazara guta racho rose uye yakaputsa chikamu chikuru chemasvingo aro.” Saka magedhi orwizi akazarurwa, uye sezvakanga zvambotaurwa, Ninivhi rakabva rangokurirwa sokutsva kunoita uswa hwakaoma.—Nahumi 1:8-10.
Pfungwa Huru Dzatinowana Mumabhuku aNahumi, Habhakuki naZefaniya
3:17-19. Kunyange zvazvo tingawirwa nenhamo Amagedhoni isati yasvika uye painenge ichitoitika, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatipa “simba” sezvatinoramba tichimushumira nomufaro.