PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 10-11
Mufananidzo wemuSamariya Akanaka
Jesu akataura mufananidzo uyu paakabvunzwa kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” (Ru 10:25-29) Aiziva kuti muungano yechiKristu maizova nevanhu vakasiyana-siyana kusanganisira vaSamariya nevanhu vemamwe marudzi. (Joh 12:32) Mufananidzo uyu wakadzidzisa vateveri vake kuti vanofanira kuda vanhu vese kunyange vaya vasiri verudzi rwavo.
ZVIBVUNZE KUTI:
‘Ndinoona sei hama nehanzvadzi dzine tsika dzakasiyana nedzangu?’
‘Ndinowanzotandara nevanhu vanofarira zvandinofarirawo here?’
‘Ndinokwanisa kushamwaridzana nevamwe vaKristu vane tsika dzakasiyana nedzangu here?’ (2VaK 6:13)
Ndinoda kukoka - kuti . . .
ndishande naye muushumiri
auye kuzodya kumba kwedu
auye patichaita Kunamata Kwemhuri